Rwiyo 123
Vafudzi—Zvipo Zviri Varume
Rakaprindwa
1. Jehovha anotibatsira
Nevafudzi vake.
Ivo vanotungamirira
Nomuenzaniso.
(KORASI)
Mwari anotipa vafudzi
Vatinovimba navo.
Vane hanya neboka rake;
Vadei zvakanyanya.
2. Vafudzi vanotida kwazvo;
Vanyoro zvikuru.
Vanozorodza pamarwadzo,
Neshoko romutsa.
(KORASI)
Mwari anotipa vafudzi
Vatinovimba navo.
Vane hanya neboka rake;
Vadei zvakanyanya.
3. Vanotipa zano rokuti
Tisambotsauke.
Vanobatsira kushumira
Mwari nguva dzose.
(KORASI)
Mwari anotipa vafudzi
Vatinovimba navo.
Vane hanya neboka rake;
Vadei zvakanyanya.
(Onawo Isa. 32:1, 2; Jer. 3:15; Joh. 21:15-17; Mab. 20:28.)