RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb14 p. 169
  • Ndakada Sierra Leone

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakada Sierra Leone
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Mashoko Akafanana
  • Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi Rakaita Kuti Upenyu Hwangu Huve Zvahuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Tainge Takatsunga Kushumira Jehovha
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Madhayamondi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Kuvimba naJehovha Kunoita Kuti Ndisava Nechandinotya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
yb14 p. 169

SIERRA LEONE NEGUINEA

Ndakada Sierra Leone

Cindy McIntire

  • AKABEREKWA MUNA 1960

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1974

  • NHOROONDO Mumishinari kubva muna 1992. Akashumira muGuinea neSenegal uye iye zvino ari kushumira ari muSierra Leone.

Mufananidzo uri papeji 169

PANDAKATANGA kusvika, zvakangonditorera vhiki mbiri chete kuti ndide Sierra Leone. Ndaishamiswa kuona vanhu vakadengezera zvinhu zvinorema. Vanhu vainge vakawanda. Vana vaitamba mumigwagwa, vachiombera nokutsika pasi zvine mutinhimira. Nyika yacho ine vanhu vakachangamuka, vanofarira mimhanzi vachinyatsogona kuitamba. Vanofarirawo kupfeka mbatya dzine mavara anoyevedza.

Kuparidzira kuno ndiko kunonyanya kundinakidza. Vanhu vemuSierra Leone vanofarira kugamuchira vanhu vavasingazivi. Vanoremekedza Bhaibheri uye vanoteerera zvarinotaura. Vanowanzonditi ndipinde mudzimba dzavo. Pandinobva, vamwe vanomboti fambei neni vachindiperekedza. Unhu uhwu hunoyemurika hunondibatsira kutsungirira zvinhu zvidiki zvisingafadzi, zvakadai sokushomeka kwemvura uye kudzimwa-dzimwa kwemagetsi.

Dzimwe nguva vanhu vanondibvunza kana ndichimbosurukirwa nemhaka yokuti handina murume. Kutaura zvazviri, ndine zvakawanda zvokuita zvokuti handina kumbova nenguva yokusurukirwa. Ndinorarama upenyu hune chinangwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe