RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ll chikamu 8 pp. 18-19
  • Kufa kwaJesu Kunotibatsira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufa kwaJesu Kunotibatsira Sei?
  • Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Mashoko Akafanana
  • Chikamu 8
    Teerera Mwari
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • NezvoUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
ll chikamu 8 pp. 18-19

CHIKAMU 8

Kufa kwaJesu Kunotibatsira Sei?

Jesu akafa kuti isu tirarame. Johani 3:16

Vakadzi vari kutarisa guva raJesu risina munhu

Papera mazuva matatu Jesu afa, vamwe vakadzi vakaenda kuguva rake vakawana musina munhu. Jehovha ainge amutsa Jesu.

Jesu anoenda kuvaapostora vake kuti vamuone, obva azoenda kudenga

Jesu akazoita kuti vaapostora vake vamuone.

Jehovha ainge amutsa Jesu aine muviri wemweya usingafi uye aine simba. Vadzidzi vaJesu vakamuona achikwira kudenga.

  • “Mubayiro” wechivi chii?​—VaRoma 6:23.

  • Zvakaitwa naJesu zvinoita kuti tizowana upenyu husingaperi.​—VaRoma 5:21.

Mwari akamutsa Jesu akamuita Mambo weUmambo hwaMwari. Dhanieri 7:13, 14

Jesu ari pachigaro chake cheUmambo achitonga vanhu vari muparadhiso panyika

Jesu akafa kuti adzikinure vanhu. (Mateu 20:28) Mwari anoita kuti tikwanise kurarama nekusingaperi achishandisa rudzikinuro irworwo.

Jehovha akagadza Jesu kuva Mambo achatonga nyika yese. Achatonga nevanhu 144 000 vakatendeka avo vanomutswa kuti vararame kudenga. Jesu nevanhu ivavo 144 000 vanoumba hurumende yekudenga yakarurama inonzi Umambo hwaMwari.​—Zvakazarurwa 14:1-3.

Umambo hwaMwari huchaita kuti nyika ive paradhiso. Hondo, kuparwa kwemhosva nenzara zvichange zvisisipo. Vanhu vachanyatsofara.​—Pisarema 145:16.

  • Umambo hwaMwari huchaunza makomborero api?​—Pisarema 72.

  • Tinofanira kunyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye.​—Mateu 6:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe