RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 1 pp. 10-11
  • Ungawana Sei Shamwari Dzechokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungawana Sei Shamwari Dzechokwadi?
  • Mukai!—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • ZVAUNOFANIRA KUZIVA
  • ZVAUNGAITA
  • Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Ushamwari Hwako Nevamwe?
    Mukai!—2021
  • Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Nei Ndisingagoni Kuchengeta Shamwari?
    Mukai!—1996
  • Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 1 pp. 10-11
Vakomana vaviri vari kutaura vose

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VECHIDUKU

Ungawana Sei Shamwari Dzechokwadi?

DAMBUDZIKO

Vakomana vaviri vakamira vakatarisana vari pabhiriji

Kufambira mberi kuri kuita zvinhu zvinoshandiswa pakukurukura kuri kuita kuti ukwanise kutaura nevanhu vakawanda kupfuura zvaiitwa kare. Kunyange zvakadaro, unganzwa sekuti ushamwari hwauinahwo hahuna kunyatsosimba. Mumwe mukomana akataura nezvazvo achiti: “Ndinonzwa sekuti ndinogona kungomuka ndisisina wekushamwaridzana naye. Asi baba vangu vachiri kushamwaridzana nevanhu vavakatanga kushamwaridzana navo kare kare!”

Mazuva ano, chii chiri kuita kuti zviomere vanhu kuramba vaine ushamwari hwakasimba nevamwe?

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Zvinhu zvinoshandiswa pakukurukura ndizvo zvimwe zviri kukonzera kuti zvidaro. Kutumirana mameseji uye kukurukura paIndaneti kwava kuita kuti zvive nyore kuti vanhu vashamwaridzane vasingaonani. Vanhu havachanyatsokurukuri nyaya dzine musoro asi vava kungoswera vachitumirana-tumirana tumameseji. Bhuku rinonzi Artificial Maturity rinoti: “Vanhu havachagari pasi vachikurukura. Vana vechikoro vava kuitawo nguva yakareba vari pamafoni nepamakombiyuta zvokuti havasisina nguva yekuti vakurukure nevamwe.”

Dzimwe nguva kukurukura paIndaneti kunogona kuita kuti uone sekuti une ushamwari hwakasimba nemumwe munhu. Brian,a ane makore 22, anoti: “Mazuva achangopfuura ndakaona kuti ndini ndaingogara ndichitanga kutumira shamwari dzangu mameseji. Ndakazorega kuvatumira mameseji ndichida kuona kuti vangani vaizotangawo kutaura neni. Zvakandishamisa kuti vashomanana chete ndivo vakadaro. Ndakatozoona kuti vamwe vandaiti ishamwari dzangu vakanga vasiri shamwari dzepedyo.”

Asi kutumira mameseji uye kukurukura paIndaneti hakubatsiri here kuti ugare uchiziva zviri kuitika kune vamwe kuitira kuti musimbise ushamwari hwenyu? Kunobatsira, kunyanya kana muchiwanawo mukana wekukurukura muchionana kwete zvemameseji chete. Asi nzvimbo dzekukurukura paIndaneti dzinowanzoita kuti vanhu vangozivana asi hadziiti kuti vanhu vave neushamwari hwakasimba.

ZVAUNGAITA

Ziva kuti ushamwari hwechokwadi hwakaita sei. Bhaibheri rinotsanangura kuti “shamwari inonamatira kupfuura mukoma.” (Zvirevo 18:24) Ndiyo shamwari yaunoda here? Ko iwe uri shamwari yakadaro here? Kuti ukwanise kupindura mibvunzo iyi, nyora zvinhu zvitatu zvaunotarisira kuti zviitwe neshamwari yako. Chinyora zvinhu zvitatu zvaungaitawo seshamwari. Zvibvunze kuti: ‘Pavanhu vandinotaura navo paIndaneti, ndevapi vanoita zvinhu zvandinotarisira kuti zviitwe neshamwari? Ko ini ndine zvandiri kuitawo here pakusimbisa ushamwari hwedu?’—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaFiripi 2:4.

Ziva zvinhu zvinokosha. Vanhu vanowanzoshamwaridzana paIndaneti kana vakaona kuti pane zvinhu zvakafanana zvinovanakidza zvakadai semitambo. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti vafarire zvinhu zvinobatsira kwete zvinhu zvinongovanakidza chete. Leanne, ane makore 21, anoti: “Handina hangu shamwari dzakawanda, asi shamwari dzandiinadzo dzinondibatsira kuti ndive munhu kwaye.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 13:20.

Tsvaga shamwari dzokuti munokurukura muchionana. Hapana chinokunda kutaura neshamwari dzako makatarisana, uchikwanisa kunyatsonzwa matauriro aari kuita, zvaanoita pachiso uye muviri wake.—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 VaTesaronika 2:17.

Nyora tsamba. Kunyange zvazvo kunyora tsamba kuchiita kunge kwechinyakare, kunoratidza kuti uri kunyatsofunga nezvemunhu wauri kunyorera. Izvi hazvichanyanyi kuitika mazuva ano sezvo vanhu vava kugara vakabatikana. Somuenzaniso, mubhuku rinonzi Alone Together, Sherry Turkle akanyora nezvemumwe mukomana akataura kuti haatomboyeuki achinyorerwa tsamba. Achitaura nezvemakore ainyorwa tsamba, mukomana wacho anoti: “Kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndazvarwa, ndinoshuva kuti dai ndakararama makore iwayo.” Wadii kushandisawo nzira iyi pakukurukura neshamwari dzako?

Zvinonyanya kukosha: Kungogara muchitaura mese handiko chete kunoratidza kuti munhu ishamwari yechokwadi. Munofanira kuva nerudo, kunzwirana tsitsi, kuva nemwoyo murefu, uye kukanganwirana. Zvinhu izvi ndizvo zvinoita kuti muve neushamwari hwakasimba. Asi haukwanisi kuita izvi neshamwari dzako kana muchingokurukura paIndaneti chete.

a Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

MAGWARO ANOKOSHA

  • “Musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.”​—VaFiripi 2:4.

  • “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”​—Zvirevo 13:20.

  • “Takavavarira kwazvo kuona zviso zvenyu.”​—1 VaTesaronika 2:17.

Alisabel

ALISABEL

“Kana takasurukirwa tinoda kutaura nemumwe munhu. Shamwari ndidzo dzinonyatsotinzwisisa uye dzinotibatsira kuti tinzwe zviri nani. Dzinofara nesu uye dzinotibatsira kana tiri mumatambudziko.”

Jordan

JORDAN

“Pandaiva muduku, ndaisada zvekutaura-taura uye ndaisava nechido chekutsvaga shamwari. Izvi zvakaita kuti ndisanakidzwe neupenyu. Ndakazoshanda nesimba kuti ndive neushamwari nevamwe. Zvinokosha kuti uve neshamwari dzinokwanisa kukubatsira mukufara nemukusuwa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe