RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 43 p. 234-p. 235 ndim. 3
  • Kushandisa Mashoko Akapiwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Mashoko Akapiwa
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kugadzirira Hurukuro Dzevadzidzi Dzechikoro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ukoshi Hwegadziriro
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kugadzirira Hurukuro Dzeungano
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kugadzira Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 43 p. 234-p. 235 ndim. 3

CHIDZIDZO 43

Kushandisa Mashoko Akapiwa

Unofanira kuitei?

Vakira hurukuro yako pamusoro wawakapiwa, uye kana wakaudzwa paunotora mashoko, tora magwaro nepfungwa huru ipapo.

Nei zvichikosha?

Patinoshandisa mashoko atakapiwa kukurukura hurukuro yedu, tinoratidza kuremekedza urongwa hwezvokudya zvinopiwa neboka romuranda akatendeka, akangwara.

BHAIBHERI rinoenzanisa ungano yechiKristu nomuviri womunhu. Nhengo imwe neimwe inokosha, asi ‘dzose hadzina basa rakafanana.’ Maererano neizvozvo, tinofanira kuita chero ropafadzo yatinenge tapiwa. Izvi zvinoda kuti tinzwisise uye titarisire zvakanaka chero hurukuro yatinenge tanzi titaure pane kuderedza kukosha kwedzimwe hurukuro nokuti tinenge tichifunga kuti dzimwe hurukuro dzinonakidza kupfuura dzimwe. (VaR. 12:4-8) Boka romuranda akatendeka, akangwara rine mutoro wokupa zvokudya zvinodiwa pakunamata “panguva yakafanira.” (Mat. 24:45) Patinoshandisa mano edu kugadzirira hurukuro maererano nemirayiridzo yatakapiwa, tinoratidza kuremekedza urongwa ihwohwo. Izvi zvinoita kuti ungano yose zvayo ishande zvakanaka.

Zvokukurukura. Kana wapiwa musoro muchikoro, iva nechokwadi chokuti unokurukura musoro wacho kwete zvimwe zvakasiyana. Muzviitiko zvizhinji, uchapiwa mashoko akananga. Kana usina kuudzwa mashoko akadhindwa aunofanira kushandisa, ungasarudza mashoko kumwewo kwaunoda. Zvisinei, sezvaunogadzirira hurukuro yako, iva nechokwadi chokuti hurukuro yose inovakirwa pamusoro wawakapiwa. Pakusarudza zvokutora, unofanira kufunga nezvevateereri vako.

Nyatsodzidza mashoko awakanzi uverenge, uchiongorora magwaro arimo. Zvadaro wosarudza mashandisiro aungazviita zvinonyatsobudirira kuti vateereri vako vabatsirwe. Sarudza pfungwa mbiri kana zvimwe nhatu pamashoko akadhindwa wodzishandisa sepfungwa huru muhurukuro yako. Saizvozvowo pamashoko awakapiwa sarudza magwaro aunoda kuzoverenga nokukurukura.

Unofanira kukurukura mashoko akawanda sei? Aunogona kutaura zvakanyatsonaka. Usaregera madzidzisiro akanaka pamusana pokuti unoda kutaura zvakawanda. Kana mamwe emashoko asingakodzeri chinangwa chehurukuro yako, omerera pazvikamu zvichaita kuti ubudise chinangwa chako. Pane mashoko awakapiwa, shandisa achanyatsodzidzisa chimwe chinhu uye achabatsira vateereri vako. Chinangwa chako paunyanzvi huno hwokutaura, hachisi chokuona kuti unogona kutaura zvakawanda zvakadini, asi kuti uri kutora hurukuro yako pane zvawakapiwa.

Hurukuro yako haifaniri kungova kupfupiswa kwemashoko awakapiwa. Unofanira kuronga kutsanangura dzimwe pfungwa dzezvauri kukurukura, kudzikudziridza, kudzifananidzira, uye kana zvichiita kupa muenzaniso wokushanda kwadzo. Mashoko okuwedzera anofanira kushandiswa kukurukura pfungwa dzinokosha pamashoko awakapiwa pane kutsiva mashoko iwayo.

Hama dzine zvinodiwa pakudzidzisa nokufamba kwenguva dzingakumbirwa kuzodzidzisa paMusangano Webasa. Dzinonzwisisa kudiwa kwokushandisa zvakanaka mashoko anenge akapiwa pane kuatsiva nemamwe. Saizvozvowo, hama dzinopa hurukuro dzavose dzinopiwa pepa rehurukuro rokutevera. Iri rinogona kuita kuti uchinje-chinje, asi rinoratidza zvakajeka pfungwa huru dzinofanira kukurukurwa, mashoko anotsigira okushandisa, uye magwaro anoratidza pakavakirwa hurukuro yacho. Kudzidzira kudzidzisa uchishandisa mashoko awakapiwa chinhu chinokosha pakugadzirira dzimwe ropafadzo dzokukurukura.

Kudzidzira uku kunogona kukubatsirawo kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinobudirira. Uchadzidza kuisa pfungwa dzako pamashoko ari kudzidzwa pane kusiya hurukuro uchitaura zvimwe zvinhu zvingave zvichinakidza asi zvisina basa pakunzwisiswa kwehurukuro yako. Asi kana wanyatsonzwisisa zviri kurehwa nechidzidzo chino, hauzonyanyi kuomerera pamashoko ari kudzidzwa zvokuti unotadza kupa tsanangudzo yokuwedzera ingadiwa nomudzidzi.

MAITIRWO AZVO

  • Shandisa mashoko ane chokuita nehurukuro yako yawakapiwa chete.

  • Kana hurukuro yako ichisanganisira kushandisa mamwe mashoko akadhindwa, sarudza pfungwa dzako huru dzezvauri kukurukura nemagwaro anokosha pamashoko acho, pane kuatora kumwewo zvakwo.

BASA ROKUITA: Kwemazuva matatu paunoverenga rugwaro rwezuva, tenderedza shoko kana mashoko anoratidza nyaya iri kukurukurwa. Tara mutsetse mumwe kana miviri ine chokuita nenyaya iyoyo. Zvadaro, taura nemashoko ako nezvenyaya yacho uchishandisa magwaro nepfungwa dzawamaka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe