CHIDZIDZO 18
Kushandisa Bhaibheri Pakupindura
PATINOBVUNZWA nezvezvatinotenda, mararamiro edu, maoenero edu zviri kuitika iye zvino, tariro yedu yenguva yemberi, tinoedza kushandisa Bhaibheri pakupindura. Pamusana pei? Nokuti iShoko raMwari. Tinotora zvitendero zvedu muBhaibheri. Tinovakira mararamiro edu pane zviri muBhaibheri. Rinoumba maonero edu zviitiko zvenyika. Tariro yedu yenguva yemberi yakadzika midzi zvakasimba muzvipikirwa zveBhaibheri zvakafuridzirwa.—2 Tim. 3:16, 17.
Tinonyatsoziva mutoro unofambidzana nezita redu. Tiri Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:12) Saka hatipinduri mibvunzo maererano noruzivo rwevanhu, asi maererano nezvinotaura Jehovha muShoko rake rakafuridzirwa. Ichokwadi kuti somunhu mumwe nomumwe tine zvatinofungawo pane dzimwe nhau, asi tinobvumira Shoko raMwari kuti riumbe mafungiro edu nokuti tinotendiswa zvakakwana kuti ndiro chokwadi. Hapana mubvunzo kuti Bhaibheri rinotipa rusununguko rwokuzvisarudzira zvatinoda muzvinhu zvakawanda. Pane kumanikidzira zvatinoda pane vamwe, tinofanira kudzidzisa nhungamiro inopiwa neMagwaro, izvozvo zvoita kuti vanenge vachititeerera vavewo norusununguko rwokuzvisarudzira sezvatinoita. Somuapostora Pauro, tinoda kuti “kuteerera kusimudzirwe nokutenda.”—VaR. 16:26.
Jesu Kristu anorondedzerwa pana Zvakazarurwa 3:14 se“chapupu chakatendeka nechechokwadi.” Aipindura sei mibvunzo nokubata nezvinhu zvaaitarisana nazvo? Pamwe aishandisa mifananidzo yaiita kuti vanhu vafunge. Pane dzimwe nguva aibvunza ainge abvunza wacho manzwisisiro ake rugwaro. Aigara achitaura mashoko omumagwaro, achiataura neimwe nzira, kana kuti kutaura nezvawo zvisina kunanga. (Mat. 4:3-10; 12:1-8; Ruka 10:25-28; 17:32) Muzana remakore rokutanga, mipumburu yeMagwaro yaiwanzochengeterwa musinagogi. Hapana uchapupu hunoratidza kuti Jesu aiva nemipumburu yake oga, asi ainyatsoziva Magwaro uye aiataura kakawanda paaidzidzisa vamwe. (Ruka 24:27, 44-47) Aigona kutaura zvechokwadi kuti zvaaidzidzisa zvaisava zvake oga. Aitaura zvaakanga anzwa kuna Baba vake.—Joh. 8:26.
Chido chedu ndechokutevedzera muenzaniso waJesu Kristu. Isu pachedu hatina kumbonzwa Mwari achitaura sezvakaita Jesu. Asi Bhaibheri iShoko raMwari. Patinorishandisa sepokutora mhinduro dzedu, zvinoita kuti tisazviwanire mbiri. Tinoratidza kuti pane kutaura zvinofungwa nomunhu asina kukwana, takatsunga kuti Mwari atiudze chokwadi.—Joh. 7:18; VaR. 3:4.
Chokwadi, chido chedu hachisi chokungoshandisa Bhaibheri asi kuita kudaro nenzira ichabatsira kwazvo anotinzwa. Tinoda kuti ateerere akasununguka. Zvichienderana nepfungwa dzomunhu wacho, ungasuma zviri muBhaibheri nokutaura kuti: “Hamubvumi here kuti chinokosha chaizvoizvo ndechokuti Mwari anotii?” Kana kuti ungati: “Maiziva here kuti Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo?” Kana uri kutaura nomumwe munhu asingaremekedzi Bhaibheri, ungafanira kushandisa sumo yakati siyanei. Ungati: “Regai tikurukure pamwe chete uhwu uprofita hwekare.” Kana kuti ungati: “Bhuku rinoparadzirwa kupfuura mamwe ose pakurarama kwevanhu rinoti . . . ”
Muzvimwe zviitiko, ungasarudza kungotaura mamwe emashoko orugwaro. Zvisinei, pazvinenge zvichiita, zvakanakisisa kuvhura Bhaibheri racho ndokuverenga zvarinotaura. Muratidze rugwaro rwacho muBhaibheri rake pose pazvinenge zvichiita. Uku kushandisa Bhaibheri zvakananga kune simba guru pavanhu.—VaH. 4:12.
Vakuru vechiKristu vane mutoro chaiwo wokushandisa Bhaibheri pavanopindura mibvunzo. Chimwe chezvinoita kuti munhu akwanise kuva mukuru ndechokuti hama yacho i“nobatisisa shoko rakatendeka pamusoro pounyanzvi hwa[yo] hwokudzidzisa.” (Tito 1:9) Munhu ari muungano angatora danho rakakomba muupenyu abva kubatsirwa nomukuru. Zvinokosha kwazvo kuti uku kubatsira kubve muMagwaro! Muenzaniso wakanaka womukuru mukuita izvi unogona kubatsira vamwe vakawanda mumadzidzisiro avo.