Zvatinodzidza Kuna Jesu
Zvinoitwa Nengirozi Kwatiri
“Nyika isati yavapo” Jesu aigara kudenga naBaba vake. (Johani 17:5) Saka ndiye akakodzera kupindura mibvunzo iri kutevera.
Ngirozi dzinotifarira here?
▪ Kubva pane zvakataurwa naJesu tinogona kuona kuti ngirozi dzinoda vanhu chaizvo. Akati: “Mufaro unovapo pakati pengirozi dzaMwari pamusoro pomutadzi mumwe chete anopfidza.”—Ruka 15:10.
Jesu akaratidza kuti ngirozi dzakapiwa basa rokuona kuti vashumiri vaMwari vari kufambirwa zvakanaka here nenyaya dzokunamata. Ndosaka Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti vasagumbura vamwe achiti: “Chenjerai kuti hamuzvidzi mumwe wevaduku ava; nokuti ndinokuudzai kuti ngirozi dzavo dziri kudenga dzinogara dzichiona chiso chaBaba vangu vari kudenga.” (Mateu 18:10) Jesu paakataura izvi akanga asiri kureva hake kuti muteveri wake mumwe nomumwe ane ngirozi yake inomuchengeta. Asi aireva kuti ngirozi dzinoshanda pamwe naMwari dzinoda chaizvo kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano yechiKristu.
Dhiyabhorosi angatikuvadza sei?
▪ Jesu akanyevera vateveri vake kuti Satani anoedza kuita kuti vanhu vasaziva chokwadi pamusoro paMwari. Akati: “Chero munhu upi zvake paanonzwa shoko roumambo asi akasarinzwisisa, akaipa anouya obvuta chakadyarwa mumwoyo make.”—Mateu 13:19.
Jesu akabudisa pachena nzira inoshandiswa naSatani kunyengera vanhu paakataura mufananidzo wemurume akadyara gorosi mumunda wake. Murume wacho aifananidzira Jesu, uye gorosi raifananidzira vaKristu vechokwadi avo vachazotonga naJesu kudenga. Asi Jesu akati muvengi akauya “akadyarawo masora pakati pegorosi.” Masora anofananidzira vaKristu vokunyepedzera. “Muvengi akaadyara ndiDhiyabhorosi.” (Mateu 13:25, 39) Sezvo masora achingoitawo segorosi, vaya vanozviti vaKristu vanoita sokunge vanamati vechokwadi. Zvitendero zvinodzidzisa dzidziso dzenhema zvinonyengera vanhu kuti vapedzisire vasingachateereri Mwari. Satani anoshandisa chitendero chenhema kuitira kuti vanhu vasava noushamwari naJehovha.
Tingaita sei kuti Dhiyabhorosi asatikuvadza?
▪ Jesu akati Satani “mutongi wenyika.” (Johani 14:30) Paainyengetera kuna Mwari akaratidza kuti tingadzivirirwa sei kubva kuna Satani. Jesu akanyengetera nezvevadzidzi vake kuna Baba vake vokudenga achiti: “Muvatarisire nokuda kweakaipa. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. Vatsvenesei nechokwadi; shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:15-17) Kuva nezivo yeShoko raMwari kunogona kutidzivirira kuti tisavhiringwa nenyika inotongwa naSatani.
Ngirozi dzinotibatsira sei mazuva ano?
▪ Jesu akati: “Pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho: ngirozi dzichabuda dzoparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama.” (Mateu 13:49) Tava kurarama munguva ‘yokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino’ uye mamiriyoni ari kuteerera mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateu 24:3, 14.
Asi havasi vose vanotanga kudzidza Shoko raMwari vanobva vatogamuchirwa naye. Ngirozi ndidzo dzinotungamirira basa revashumiri vaJehovha, uye vanhu vanonyatsoda Mwari nomwoyo wose vanoparadzaniswa nevaya vasingadi kuita zvavanodzidza. Achirondedzera vaya vanogamuchirwa naMwari, Jesu akati: “Ndivo vaya vanoti, pashure pokunzwa shoko nomwoyo wakarurama uye wakanaka, vanorichengeta, vobereka zvibereko nokutsungirira.”—Ruka 8:15.
Kana uchida kuona kutsanangurwa kwenyaya iyi, ona chitsauko 10 chebhuku rino, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Ngirozi dzinobatsira pakuunganidza vanhu vanoda Mwari nemwoyo wose muungano yechiKristu