RWIYO 96
Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo
1. Pane bhuku remapeji mazhinji,
Rinopa tariro nemufaro.
Zvarinazvo zvinhu zvinopa simba;
‘Vafi’ vom’tswa “mapofu” oona.
Bhuku iri iBhaibheri Dzvene.
Mashoko aro ndeaJehovha.
Rakanyorwa nevanhu vaimuda,
Achivafuridzira nemweya.
2. Vakanyora nezvesimba raMwari,
Kusika kwaakaita zvese;
Kuti munhu aisava nechivi,
Nekurasika kweParadhiso.
Vakataura zveimwe ngirozi
Yakaramba kutongwa naMwari,
Zvikaguma nechivi uye nhamo;
Asi Jehovha a’kuzokunda.
3. Nhasi uno tava kufara kwazvo:
Kristu ava kutonga saMambo.
Tinoparidza shoko reUmambo,
Zvikomborero zvahuchaunza.
Ibhuku rine shoko rinofadza;
Shoko ririmo rinotapira.
Mune rugare rusingafungiki;
Vanhu verengai bhuku iri.
(Onawo 2 Tim. 3:16; 2 Pet. 1:21.)