RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 6 p. 9
  • Kuratidza Kushanda Kunoita Rugwaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuratidza Kushanda Kunoita Rugwaro
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Kusuma Magwaro Zvakanaka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Magwaro Ashandiswa Zvakarurama
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mhedziso Yakanaka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 6 p. 9

CHIDZIDZO 6

Kuratidza Kushanda Kunoita Rugwaro

Rugwaro

Johani 10:33-36

PFUPISO YECHIDZIDZO: Usangoverenga rugwaro wobva waenda pane imwe pfungwa. Iva nechokwadi chekuti vateereri vanyatsoona kuti rugwaro rwawaverenga ruri kubatana sei nepfungwa yauri kutaura.

MAITIRWO AZVO:

  • Ita kuti vanhu vaone mashoko anokosha. Kana waverenga rugwaro, ita kuti vateereri vaone mashoko anonyatsotsigira pfungwa yauri kutaura. Unogona kuita izvi kuburikidza nekudzokorora mashoko acho kana kuti kubvunza mubvunzo unoita kuti vateereri vaone pane mashoko anokosha.

    Zano

    Kana ukataura pfungwa iri murugwaro uchishandisa mamwe mashoko, iva nechokwadi chekuti vateereri vanyatsoona kuti mashoko ari muBhaibheri pacharo ari kubatana sei nepfungwa huru yauri kutaura.

  • Simbisa pfungwa yauri kuda kuti vateereri vanzwe. Kana ukataura chinangwa chauri kuda kuverengera rugwaro, tsanangura kuti mashoko ari murugwaro rwacho anobudisa sei chinangwa chacho.

    Zano

    Paunenge uchitsanangura rugwaro, ramba wakavhura Bhaibheri. Izvi zvichaita kuti vateereri vako vaone kuti mashoko ako ari kubatana sei nevhesi yawaverenga.

  • Ita kuti zvirambe zviri nyore. Usatsanangura zvinhu zvisinei nepfungwa huru yauri kutaura nezvayo. Zvichienderana nezvinotozivikanwa nevateereri vako panyaya yacho, funga kuti unofanira kutsanangura zvakawanda sei kuti ujekese pfungwa yauri kukurukura.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe