CHIDZIDZO 6
Tichazomboona Vakafa Here?
1. Ndeapi mashoko akanaka pamusoro pevakafa?
Jesu paakasvika muBhetani, pedyo neJerusarema, akawana shamwari yake Razaro yatova nemazuva mana yafa. Jesu akaenda kuguva racho naMarita naMariya, avo vaiva hanzvadzi dzemufi. Vanhu vakabva vaungana. Ungafungidzira here kuti Marita naMariya vakafara zvakadini Jesu paakamutsa Razaro?—Verenga Johani 11:21-24, 38-44.
Marita ainge agara achiziva mashoko akanaka pamusoro pevakafa. Aiziva kuti Jehovha achamutsa vakafa, voraramazve panyika.—Verenga Jobho 14:14, 15.
2. Chii chinoitika kumunhu paanofa?
Mwari akaudza Adhamu kuti: “Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”—GENESISI 3:19.
Vanhu vakasikwa neguruva. (Genesisi 2:7; 3:19) Tiri vanhu venyama neropa. Hatina mweya unoramba uchirarama kana tafa. Patinofa, pfungwa dzedu dzinofawo, uye zvinhu zvinenge zviri mupfungwa dzedu zvinobva zvangopararawo. Razaro haana zvaakataura kuti ndizvo zvaiitika kwaari paainge akafa nekuti vakafa havana chavanoziva.—Verenga Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 6, 10.
Mwari anotambudza vanhu mumoto kana vafa here? Sezvo Bhaibheri richiratidza kuti vakafa havana chavanoziva, dzidziso yekuti Mwari anopisa vanhu mumoto ndeyenhema uye inoita kuti Mwari ashorwe. Haatombodi kunzwa nezvenyaya yekupisa vanhu mumoto.—Verenga Jeremiya 7:31.
Ona vhidhiyo inonzi Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?
3. Vakafa vanogona kutaura nesu here?
Vakafa havatauri uye havanzwi. (Pisarema 115:17) Asi pane ngirozi dzakaipa dzinogona kutaura nevanhu dzichiita kunge ndidzo vanhu vacho vakafa. (2 Petro 2:4) Jehovha haadi kuti tiedze kutaura nevakafa.—Verenga Dheuteronomi 18:10, 11.
4. Ndivanaani vachamutswa?
Mamiriyoni evanhu vakafa achamutswa kuti ararame panyika pano. Pachatomutswawo vamwe vaiita zvakaipa vasingazivi Mwari.—Verenga Ruka 23:43; Mabasa 24:15.
Vanhu vanenge vamutswa vachadzidza chokwadi pamusoro paMwari vowana mukana wekutenda muna Jesu kuburikidza nekumuteerera. (Zvakazarurwa 20:11-13) Pavanhu vanenge vamutswa, vaya vachaita zvakanaka vachararama nekusingaperi vachifara.—Verenga Johani 5:28, 29.
5. Kumutswa kuchaitwa vanhu kunotidzidzisei nezvaJehovha?
Mwari akatuma Mwanakomana wake kuti atifire. Kudai asina kudaro zvaisazokwanisika kuti vakafa vamutswe. Saka tariro yekumutswa kwevakafa inotidzidzisa kuti Jehovha anoda vanhu uye ane nyasha. Ndiani waunoda kuzoona pachamutswa vakafa?—Verenga Johani 3:16; VaRoma 6:23.