Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
SEPTEMBER 2-8
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAHEBHERU 7-8
“Mupristi Nekusingaperi Sezvakanga Zvakaita Merekizedheki”
it-2-E 366
Merekizedheki
Aiva mambo weguta rekare rainzi Sarema uye aiva “mupristi waMwari Wekumusorosoro,” Jehovha. (Ge 14:18, 22) Ndiye mupristi wekutanga kutaurwa nezvake muBhaibheri; uye anofanira kunge aiita basa iri gore ra1933 B.C.E risati rasvika. Sezvo aiva mambo weSarema, izvo zvinoreva kuti “Rugare,” Pauro anotaura nezvaMerekizedheki achimuti “Mambo Werugare,” uye “Mambo Wekururama” zvichibva pane zvinorehwa nezita rekuti Merekizedheki. (VaH 7:1, 2) Nekufamba kwenguva Sarema ndiro rakazova guta reJerusarema. Zita rekuti Sarema chikamu chezita rekuti Jerusarema uye dzimwe nguva Jerusarema raitomboshevedzwa kuti “Sarema.”—Pis 76:2.
Abramu (Abrahamu) paakakunda Kedhoraomeri nemadzimambo aainge akabatana nawo, akasangana naMerekizedheki muBani reShavhe kana kuti “Bani raMambo.” Merekizedheki akaunzira Abrahamu “chingwa newaini” achibva amukomborera, achiti: “Abramu ngaakomborerwe naMwari Wekumusorosoro, Musiki wedenga nenyika; Mwari Wekumusorosoro ngaarumbidzwe, aisa vadzvinyiriri vako muruoko rwako!” Abrahamu akabva “amupa chegumi chezvinhu zvese,” zvaakanga apamba.—Ge 14:17-20; VaH 7:4.
it-2-E 367 ¶4
Merekizedheki
Sei zvichinzi Merekizedheki akanga ‘asina paanotangira kana kuti paanogumira’?
Pauro akataura chimwe chinhu chinokosha nezvaMerekizedheki paakati: “Sezvo akanga asina baba, asina amai, asina dzinza, asina panotangira mazuva ake kana panogumira upenyu hwake, asi akaita seMwanakomana waMwari, iye anoramba ari mupristi nekusingaperi.” (VaH 7:3) Merekizedheki akaberekwa achibva azofa sezvinongoita vanhu vese. Asi Bhaibheri haritauri zita rababa kana raamai vake kana dzinza rake. Haritauriwo kuti akaberekwa riini kana kuti akafa riini. Saka Merekizedheki akanga akaita saJesu Kristu, uyo anoramba ari mupristi nekusingaperi. Merekizedheki akanga asina munhu waakatsiva pakuva mupristi uye hapanawo munhu anotaurwa kuti akazomutsiva pakuva mupristi. Ndizvowo zvakanga zvakaita Kristu, uye Bhaibheri rinoratidza kuti hapana munhu achazombomutsiva pakuva mupristi mukuru. Kunyange zvazvo Jesu aiva wedzinza raJudha uye akaberekwa muimba yaDhavhidhi yeumambo, dzinza rake harisi iro rakaita kuti azova mupristi uye mambo. Mhiko yakaitwa naJehovha ndiyo yakaita kuti ave mambo uye mupristi.
it-2-E 366
Merekizedheki
Upristi Hwainge Hwakafanana nehwaKristu. Muuprofita hwaitaura nezvaMesiya, Jehovha akaita mhiko kuna “Ishe” waDhavhidhi achiti: “Iwe uri mupristi nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki!” (Pis 110:1, 4) Mashoko ari mupisarema iri akaita kuti vaHebheru vave nechikonzero chekufunga kuti Mesiya akapikirwa ndiye aizova muprisiti uye mambo. Muapostora Pauro akabva anyatsojekesa kuti ndiani aitaurwa muuprofita uhwu mutsamba yaakanyorera vaHebheru paakataura nezvaJesu, “uyo ava mupristi mukuru nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.”—VaH 6:20; 5:10.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Zvibayiro Zvaifadza Mwari
“Mupristi mukuru wose anogadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro,” anodaro muapostora Pauro. (VaHebheru 8:3) Cherechedza kuti Pauro anokamura zvinopiwa zvaiitwa nomupristi mukuru womuIsraeri yakare kuva marudzi maviri, kureva kuti, “zvipo” ne“zvibayiro,” kana kuti “zvibayiro zvezvivi.” (VaHebheru 5:1) Vanhu vanowanzopa zvipo kuti varatidze rudo nokuonga, uyewo kuti vakudziridze ushamwari, nyasha, kana kuti vagamuchirwe. (Genesisi 32:20; Zvirevo 18:16) Saizvozvowo, zvakawanda zvezvinopiwa zvairayirwa noMutemo zvinogona kunzi “zvipo” kuna Mwari zvokutsvaka kugamuchirwa naye uye nyasha dzake. Kudarika Mutemo kwaida kugadziriswa, uye kuti kudarika kwacho kugadziriswe, “zvibayiro zvezvivi” zvaipirwa. Mabhuku Mashanu Okutanga eBhaibheri, kunyanya Eksodho, Revhitiko, naNumeri, anogovera mashoko akawanda pamusoro pezvibayiro nezvinopiwa zvakasiyana-siyana. Kunyange zvazvo zvingava zvakatiomera chaizvo kunzwisisa ndokuyeuka mashoko ose, tinofanira kuongorora zvimwe zvinhu zvinokosha zvine chokuita nezvibayiro zvakasiyana-siyana.
it-1-E 523 ¶5
Sungano
Sungano yeMutemo yakapedzisira kushanda riini?
Zvisinei, sungano yeMutemo yakaita seisisashandi Mwari paakataura achishandisa muprofita Jeremiya kuti paizova nesungano itsva. (Jer 31:31-34; VaH 8:13) Muna 33 C.E. sungano yeMutemo yakagumiswa pachishandiswa chibayiro cherufu rwaJesu chaakapa padanda rekutambudzirwa (VaK 2:14), ichibva yatsiviwa nesungano itsva.—VaH 7:12; 9:15; Mab 2:1-4.
Muchava “Umambo hweVapristi”
Makore akawanda sungano yoMutemo isati yabviswa, Jehovha akataura achishandisa muprofita Jeremiya kuti aizoita “sungano itsva” nerudzi rwaIsraeri. (Verenga Jeremiya 31:31-33.) Sungano iyi yaizosiyana nesungano yeMutemo pakuti yaizoita kuti vanhu vakwanise kuregererwa zvivi vasingashandisi zvibayiro zvemhuka. Izvi zvaizoitika sei?
Pashure pemazana emakore, Jesu akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru musi waNisani 14, 33 C.E. Achitaura nezvekapu yewaini, akaudza vadzidzi vake 11 vakatendeka kuti: “Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu, ramuchadururirwa.” (Ruka 22:20) Nhoroondo yaMateu ine mashoko aJesu aakataura nezvewaini achiti: “Iyi inomirira ‘ropa rangu resungano,’ richadururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.”—Mat. 26:27, 28.
Ropa raJesu rakadeurwa rinoita kuti sungano itsva itange kushanda. Ropa iroro rinoitawo kuti tiregererwe zvivi zvachose. Jesu pachake haamo musungano itsva. Haana chaanoda kuregererwa nokuti haana chivi. Asi Mwari aigona kuita kuti ropa raJesu rakadeurwa rishande kuvazukuru vaAdhamu. Aigonawo kuita kuti vamwe vanhu vakazvipira kwaari vave “vanakomana” nokuvazodza nemudzimu mutsvene. (Verenga VaRoma 8:14-17.) Sezvo vanenge vava kuonekwa naMwari sekuti havana chivi, vanenge vaita saJesu, Mwanakomana wake asina chivi. Vakazodzwa ava vanova “vagari venhaka pamwe chete naKristu” uye vanova nemukana wekuva “umambo hwevapristi.” Ichi chaiva chikomborero chingadai chakawanikwa nevaIsraeri vaiva pasi poMutemo. Achitaura nezvevachagara “nhaka pamwe chete naKristu,” muapostora Petro akataura kuti: “Imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.” (1 Pet. 2:9) Sungano itsva inokosha zvechokwadi. Inoita kuti vadzidzi vaJesu vanziwo vana vaAbrahamu.
SEPTEMBER 9-15
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAHEBHERU 9-10
“Mumvuri Wezvinhu Zvakanaka Zvichauya”
it-1-E 862 ¶1
Kukanganwira
Mutemo waMwari waakapa vaIsraeri waiti kana munhu akatadzira Mwari kana kuti akatadzira mumwe munhu, pane zvinhu zvaaifanira kutanga aita kuti azokanganwirwa. Kazhinji kacho aifanira kupa chibayiro chemhuka kuna Jehovha. (Re 5:5–6:7) Saka Pauro akataura kuti: “Maererano neMutemo zvinhu zvizhinji zvinocheneswa neropa, uye kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunovapo.” (VaH 9:22) Ropa remhuka raisakwanisa kubvisa zvivi uye kuita kuti munhu ave nehana yakanyatsochena. (VaH 10:1-4; 9:9, 13, 14) Asi sungano itsva yaiita kuti munhu anyatsokanganwirwa zvizere pachishandiswa chibayiro chaJesu Kristu. (Jer 31:33, 34; Mt 26:28; 1VaK 11:25; VaE 1:7) Kunyange paaiva panyika, Jesu akaratidza kuti ane simba rekuregerera zvivi paakaporesa munhu ainge akaoma mutezo.—Mt 9:2-7.
cf 183 ¶4
“Ramba Uchinditevera”
Magwaro haatauri nezvokusvika kwaJesu kudenga, kugamuchirwa kwaakaitwa uye kubatanazve nomufaro naBaba vake. Zvisinei, Bhaibheri rakafanotaura zvaizoitika kudenga Jesu achangodzokerako. Kubvira munguva yaMosesi, vaJudha vakanga vagara vachiita mutambo mutsvene. Zuva rimwe gore roga roga, mupristi mukuru aipinda munzvimbo Tsvenetsvene yetemberi kuti anosasa ropa rezvibayiro zveZuva Rokuyananisa pamberi peareka yesungano. Musi iwoyo, mupristi mukuru aimiririra Mesiya. Jesu akazadzisa zvairehwa nouprofita maererano nomutambo iwoyo kamwe chete uye zvachose paakadzokera kudenga. Akaenda pamberi paJehovha—panzvimbo tsvenetsvene iri kudenga—ndokupa Baba vake kukosha kwechibayiro chake chorudzikinuro. (VaHebheru 9:11, 12, 24) Jehovha akachigamuchira here?
it-2-E 602-603
Kukwana
Mutemo waMozisi Wainge Wakakwana. Mutemo wakapiwa vaIsraeri achishandisa Mozisi waiti paifanira kuva nevapristi uye kuti paifanira kupiwa zvibayiro zvemhuka dzakasiyana-siyana. Asi muapostora Pauro akafemerwa kuti anyore kuti Mutemo waMozisi, urongwa hwevapristi hwaivapo uye zvibayiro zvaipiwa, zvese zvakanga zvisingagoni kuita kuti vanhu vabvisirwe zvivi zvavo zvachose vopedzisira vanzi havana chivi. (VaH 7:11, 19; 10:1) Pane kubvisa chivi nerufu, Mutemo wakatoita kuti chivi chibude pachena. (VaR 3:20; 7:7-13) Asi zvinhu izvi zvaitaurwa muMutemo zvakazadzisa chinangwa chaMwari. Mutemo waiva “muperekedzi” waitungamirira vanhu kuna Kristu uye waiva ‘mumvuri wezvinhu zvakanaka zvaizouya.’ (VaG 3:19-25; VaH 10:1) Saka Pauro paakataura mashoko ari pana VaRoma 8:3 ekuti: “Zvakakundikana kuitwa neMutemo nekuti wakanga usina simba munyama,” zvinoratidza sekuti ari kureva kuti mupristi mukuru wechiJudha (uyo aigadzwa maererano neMutemo kuti atungamirire urongwa hwekupa zvibayiro uye aipinda muNzvimbo Tsvenetsvene neropa rezvibayiro) aisakwanisa “kuponesa zvakakwana” vanhu vaaishumira sezvinotaurwa pana VaHebheru 7:11, 18-28. Zvibayiro zvaipiwa nevanhu pachishandiswa vapristi vedzinza raAroni zvaiita kuti vanhu vagamuchirwe naMwari, asi zvaisanyatsobvisa zvivi zvavaiva nazvo. Ndizvo zvairehwa naPauro paaitaura kuti zvibayiro zvemhuka hazvikwanisi kuita “kuti vaya vanoswedera pedyo vave vakakwana.” (VaH 10:1-4; enzanisa naVaH 9:9.) Mupristi mukuru akanga asingakwanisi kupa chibayiro chekuti vanhu vabvisirwe chivi zvachose. Kristu chete ndiye mupristi aikwanisa kuita izvi pachishandiswa chibayiro chake.—VaH 9:14; 10:12-22.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Pauro akadudza kuti rufu rwaidikanwa kusimbisa sungano pakati paMwari navanhu. Sungano yoMutemo muenzaniso. Mosesi akanga ari murevereri wayo, uyo aizoparira ichi chibvumirano pakati paMwari naIsraeri wokunyama. Mosesi nokudaro akaita rutivi runokosha uye akanga ari munhu uyo akabata navaIsraeri apo vakanga vachipinda musungano yacho. Mosesi nokudaro aigona kurangarirwa somuiti wohunhu wesungano yoMutemo iyo yakabva kuna Jehovha. Asi Mosesi aifanira kudeura ropa rake roupenyu kuti sungano yoMutemo ishande here? Aiwa. Panzvimbo pezvo mhuka dzaibairwa, ropa radzo richitsiva ropa raMosesi.—VaHebheru 9:18-22.
Zvakadiniko nesungano itsva pakati paJehovha norudzi rwaIsraeri wemweya? Jesu Kristu akanga ane nzvimbo ine mbiri yokuva munyai, Murevereri pakati paJehovha naIsraeri wemweya. Kunyange zvazvo Jehovha akatanga iyi sungano, yakanga yakatsamira pana Jesu Kristu. Kunze kwokuva Murevereri wayo, Jesu akanga ava nokubata kwakananga munyama naavo vaizotanga kupinzwa muiyi sungano. (Ruka 22:20, 28, 29) Uyezve, akakwaniriswa kugovera chibairo chaidikanwa kusimbisa sungano yacho. Ichi chibairo chakanga chisiri chemhukawo zvadzo asi choupenyu hwakakwana hwohunhu. Naizvozvo Pauro aigona kunongedzera kuna Kristu somuiti wohunhu wesungano itsva. Pashure pokunge “Kristu apinda . . . mudenga mumene, zvino kuzooneka pamberi paMwari nokuda kwedu,” sungano itsva yakasimbiswa.—VaHebheru 9:12-14, 24.
Mukutaura nezvaMosesi naJesu savaiti vesungano vohunhu, Pauro akanga asiri kukarakadza kuti mumwe nomumwe wavo akanga atanga sungano dzakatsaukana, idzo chaizvoizvo dzakaitwa naMwari. Panzvimbo pezvo, vanhu vaviri ivavo vakabatanidzwa zvikuru savarevereri mukuparira sungano dzakatsaukana. Uye muchinoitika chimwe nechimwe, rufu rwaidikanwa—mhuka dzaitsiva Mosesi, uye Jesu achipa ropa rake amene roupenyu nokuda kwaavo vari musungano itsva.
it-1-E 249-250
Rubhabhatidzo
Ruka anoti Jesu ainyengetera paakabhabhatidzwa. (Ru 3:21) Uyewo, munyori webhuku raVaHebheru akati Jesu Kristu ‘paakauya panyika’ akazadzisa mashoko anoenderana neari pana Pisarema 40:6-8 ekuti: “Hamuna kuda chibayiro nemupiro, asi makandigadzirira muviri . . . “Onai, ndauya! Mubhuku makanyorwa nezvangu. Mwari wangu, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” (VaH 10:5-9) Jesu aiva werudzi rwechiJudha, urwo rwakanga rwaita sungano yeMutemo naMwari. (Eks 19:5-8; VaG 4:4) Saka Jesu akanga agara atori musungano naJehovha Mwari paakaenda kuna Johani Mubhabhatidzi kuti anobhabhatidzwa. Jesu akanga achitoita zvinopfuura zvaaifanira kuita maererano nezvaitaurwa neMutemo. Akanga achizvipa kuti aite “kuda” kwaBaba vake Jehovha kuburikidza nekupa muviri wake achigumisa zvibayiro zvemhuka zvaitaurwa muMutemo. Muapostora Pauro anoti: “‘Kuda’ uku ndiko kwakaita kuti titsveneswe nekupiwa kwakaitwa muviri waJesu Kristu kamwe chete zvikabva zvakwana.” (VaH 10:10) Jesu akazvipirawo kuita kuda kwaBaba pazvinhu zvine chekuita neUmambo. (Ru 4:43; 17:20, 21) Jehovha akafarira kuzvipira kwakaita Mwanakomana wake, achibva amuzodza nemweya mutsvene uye akati: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.”—Mk 1:9-11; Ru 3:21-23; Mt 3:13-17.
SEPTEMBER 16-22
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAHEBHERU 11
“Kutenda Kunokosha”
Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha
Bhaibheri rinotsanangura chinonzi kutenda pana VaHebheru 11:1. (Verenga.) Kutenda kune chekuita nezvinhu zviviri zvatisingagoni kuona, zvinoti: (1) “Zvinhu zvinenge zvichitarisirwa.” Izvi zvinogona kusanganisira zvinhu zvakavimbiswa kuti zvichaitika, zvakadai sekuguma kweuipi uye kuuya kwenyika itsva. (2) ‘Zvinhu zvisati zvaonekwa.’ Pandima iyi, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kuratidzwa kuri pachena,” rinoreva uchapupu hunogutsa hwechinhu chisingaoneki, sekuvapo kwaJehovha Mwari, Jesu Kristu, ngirozi, uye kuti Umambo hwekudenga huriko. (VaH. 11:3) Tinoratidza sei kuti tariro yedu ndeyechokwadi uye kuti tinotenda muzvinhu zvisati zvaoneka zvinotaurwa muShoko raMwari? Tinodaro kuburikidza nezvatinotaura uye zvatinoita. Pasina izvozvo kutenda kwedu kunenge kusina kukwana.
“Anopa Mubayiro Vaya Vanomutsvaka Nomwoyo Wose”
Chii chinodiwa kuti tifadze Jehovha? Pauro akanyora kuti, “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza [Mwari].” Ona kuti pano Pauro haana kuti zvakaoma kufadza Mwari kana tisina kutenda. Asi, akati hazvibviri kuti timufadze. Izvi zvinoratidza kuti tinofanira kuva nokutenda kana tichida kufadza Mwari.
Jehovha anofadzwa nokutenda kwerudzii? Kutenda kwedu muna Mwari kunofanira kuva nezvinhu zviviri. Chokutanga, tinofanira “kutenda kuti ariko.” Zvechokwadi hazviiti kuti tifadze Mwari kana tisina chokwadi chokuti ariko. Asiwo, kutenda kwechokwadi kunopfuura kungobvuma kuti Jehovha ariko, nekuti madhimoni anotendawo kuti Jehovha ariko. (Jakobho 2:19) Kutenda kwedu kuti Mwari ariko kunofanira kuita kuti tiite chimwe chinhu, kureva kuti tinofanira kurarama nenzira inofadza Mwari.—Jakobho 2:20, 26.
Chechipiri, tinofanira “kutenda kuti” Mwari “anopa mubayiro.” Munhu ane kutenda kwechokwadi anonyatsovimba kuti kana akararama achifadza Mwari, anenge asingatambisi nguva. (1 VaKorinde 15:58) Zvingaita here kuti tifadze Jehovha kana tisina chokwadi chokuti anogona uye anoda kutipa mubayiro? (Jakobho 1:17; 1 Petro 5:7) Munhu anoti Mwari haana hanya, haaongi uye haana rupo, haazivi Mwari anotaurwa muBhaibheri.
Ndivanaani vanopiwa mubayiro naJehovha? Pauro anoti, “Vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” Rimwe duramazwi revashanduri veBhaibheri rinotaura kuti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vanomutsvaka nomwoyo wose,” harirevi “kungotsvaka,” asi rinopa pfungwa yokushanda nesimba kuti “unamate” Mwari. Rimwewo duramazwi rinotsanangura kuti manyorerwo akaitwa shoko rechiito iri rechiGiriki anopa pfungwa yokushanda nesimba uye kuzvipira nomwoyo wose. Zvechokwadi, Jehovha anopa mubayiro avo vane kutenda kunovaita kuti vamunamate vachimuda nomwoyo wose uye vachishingaira.—Mateu 22:37.
Simbisa Kutenda Kwako Mune Zvaunotarisira
Muchitsauko 11 chaVaHebheru, muapostora Pauro anotsanangura miedzo yakatsungirirwa nevashumiri vaJehovha vakawanda vasina kutaurwa nemazita. Semuenzaniso, anotaura nezvevakadzi vakafirwa nevanakomana vavo asi vakazovagamuchira kuburikidza nerumuko. Anobva ataurawo nezvevamwe “vakaramba kusunungurwa norumwe rudzikinuro, kuti vawane kumuka kuri nani.” (VaH. 11:35) Kunyange zvazvo tisingagoni kuva nechokwadi chekuti Pauro aitaura nezvavanaani, vamwe vakadai saNabhoti naZekariya vakatemwa nematombo kusvika vafa nekuti vaiteerera Mwari uye vaiita kuda kwake. (1 Madz. 21:3, 15; 2 Mak. 24:20, 21) Dhanieri neshamwari dzake vaiva nemukana ‘wekusunungurwa’ kudai vakatyora mutemo waMwari. Pane kudaro, kutenda kwavaiva nako musimba raMwari kwakaita kuti vakwanise ‘kudzivisa miromo yeshumba’ uye ‘kudzivisa simba remoto.’’—VaH. 11:33, 34; Dhan. 3:16-18, 20, 28; 6:13, 16, 21-23.
Nemhaka yekutenda kwavo, vaprofita vakadai saMikaya naJeremiya, ‘vakaedzwa nekusekwa uye nekuiswa mujeri.’ Vamwe vakadai saEriya “vakadzungaira mumarenje nomumakomo nemapako nomuninga dzepanyika.” Vose zvavo vakatsungirira nekuti ‘vaiva nechivimbo nezvinhu zvavaitarisira.’—VaH. 11:1, 36-38; 1 Madz. 18:13; 22:24-27; Jer. 20:1, 2; 28:10, 11; 32:2.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 804 ¶5
Kutenda
Mienzaniso Yevanhu Vaiva Nekutenda. Mumwe nemumwe wevanhu vanotaurwa naPauro ‘pagore guru rezvapupu’ (VaH 12:1) akanga aine chikonzero chakasimba chaiita kuti ave nekutenda. Kana ari Abheri aiziva vimbiso yakataurwa naMwari ‘nezvemwana’ aizopwanya “nyoka’ musoro. Uye akanyatsoona zvinhu zvakanga zvataurwa naJehovha paaipa Adhamu naEvha mutongo mumunda weEdheni. Adhamu paakadzingwa mumunda weEdheni, iye nemhuri yake vakatanga kushanda zvairwadza kuti vawane chekudya nekuti ivhu rakanga ratukwa rava kumera minzwa nemasora anobaya. Kunenge kuti Abheri akaona kuti Evha akanga ava kungogara ari pedyo nemurume wake uye Adhamu akanga ava kumutonga. Amai vake vanofanira kunge vaitaura kurwadziwa kwavaiita panguva yavaiva vakazvitakura. Uyewo nzira yekupinda mumunda weEdheni yakanga yakavharwa nemakerubhi uye bakatwa raibvira moto. (Ge 3:14-19, 24) Zvese izvi zvakabatsira Abheri kuti aone kuti “uchapupu,” hwekuti vanhu vaizonunurwa pachishandiswa ‘mwana akanga avimbiswa.’ Nekutenda kwaakanga ava nako, Abheri “akapa Mwari chibayiro” chaikosha kupfuura chakapiwa naKaini.—VaH 11:1, 4.
“Akanga Anyatsofadza Mwari”
Saka zvinorevei kuti Inoki “akatamiswa kuti asaona rufu”? Zvimwe Jehovha akaita kuti Inoki afe rufu rwusingarwadzi, panzvimbo pekumusiya achiurayiwa zveutsinye nevavengi vake. Asi Inoki asati afa, “akapupurirwa kuti akanga anyatsofadza Mwari.” Zvakaitika sei? Nguva pfupi Inoki asati afa, Mwari anogona kunge akamuonesa nyika yava paradhiso. Izvozvo zvairatidza kuti Mwari aimufarira uye Inoki akabva azorora. Muapostora Pauro paainyora nezvaInoki uye varume nevakadzi vakavimbika akati: “Ivava vose vakafa vachitenda.” (VaHebheru 11:13) Vavengi vake vanogona kunge vakatsvaga chitunha chake, asi ‘hachina kuzomboonekwa,’ zvimwe nekuti Jehovha akaita kuti chinyangarike kuti vasaita zvavanoda nacho kana kuti vasachishandisa pakunamata kwenhema.
SEPTEMBER 23-29
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAHEBHERU 12-13
“Kurayirwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida”
Usatarira “Zvinhu Zviri Shure”
Zano rinorwadza. Zvakadini kana tikava nomuedzo wokutarira shure takagumbuka tichifunga zano ratakapiwa? Izvozvo zvinotirwadzisa uyewo zvinotinetesa zvokuti ‘tinopera simba.’ (VaH. 12:5) Hazvinei kuti ‘tinozvidza’ zano racho nokuriramba kana kuti ‘tinopera simba’ nokurigamuchira asi torega kurishandisa, zvose zvakafanana nokuti hatibvumiri zano racho kuti ritibatsire uye rinatsiridze unhu hwedu. Zviri nani chaizvo kuita zvakataurwa naSoromoni zvokuti: “Batisisa kurangwa; usakuregedza. Kuchengetedze, nokuti ndihwo upenyu hwako.” (Zvir. 4:13) Kufanana nomutyairi wemotokari anoteerera zviratidzo zvomumugwagwa, ngatibvumei zano, torishandisa, uye toenderera noupenyu.—Zvir. 4:26, 27; verenga VaHebheru 12:12, 13.
“Pose Pamunonyengetera, Itii, ‘Baba’”
Baba vane rudo vanoranga vana vavo kuitira kuti vazova vanhu kwavo. (VaEfeso 6:4) Baba vakadaro vanogona kuratidza kuti havasi kuita zvokutamba asi havazovarangi kana kuvatsiura nehasha. Saizvozvowo Baba vedu vokudenga vane dzimwe nguva dzavanoona kuti vanofanira kutiranga. Asi Mwari pose paanotiranga anozviita murudo kwete noutsinye. Sezvo Jesu aitevedzera Baba vake, haana kumboitira vadzidzi vake hasha, kunyange paya pavaiita sevasiri kuteerera pane zvaaivatsiura.—Mateu 20:20-28; Ruka 22:24-30.
“Teererai Kurangwa Muve Vakachenjera”
Kunyange zvazvo chirango chichirwadza, zvinozoitika kana munhu akaramba chirango ndizvo zvinotonyanya kurwadza. (VaH. 12:11) Funga nezvevanhu ava vaviri, Kaini naMambo Zedhekiya. Kaini paakatanga kuvenga Abheri zvekuda kumuuraya, Mwari akayambira Kaini achiti: “Nei wakatsamwa kwazvo uye chiso chako chasuruvarirei? Kana ukaita zvakanaka, haungakwidziridzwi here? Asi kana ukasaita zvakanaka, chivi chiri kukuvandira pasuo, chiri kuda iwe; asi iwe uchachikunda here?” (Gen. 4:6, 7) Kaini haana kuteerera. Akabva akundwa nechivi. Akazviunzira marwadzo nekutambura. (Gen. 4:11, 12) Marwadzo ekutsiurwa naJehovha aizenge ari nani pane kurwadziwa kwaakazoita.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Mhanya Nhangemutange Nokutsungirira
‘Gore guru rezvapupu’ zvakararama chiKristu chisati chavapo raisangova vanhu vakamira vachiona uye vachikuza mumhanyi wavanofarira kana kuti boka revamhanyi kuti rihwine. Asi vaitovawo vamhanyi, uye vakanga vamhanya vakapedza. Kunyange zvazvo vakanga vafa, vaigona kuonekwa seshasha dzokumhanya dzaigona kukurudzira vamhanyi vatsva. Funga kuti mumhanyi aizonzwa sei kudai aiziva kuti akakombwa kana kuti akatariswa neshasha dzokumhanya. Zvaisazoita kuti ashande nesimba kana kuti aite zvose zvaanogona here? Zvapupu zvekare izvozvo zvaigona kupupura kuti nhangemutange yokufananidzira yakadaro inohwinika kunyange zvazvo yakaoma. Saka vaKristu vechiHebheru vemuzana remakore rokutanga pavaizoramba vachiyeuka muenzaniso ‘wegore rezvapupu,’ vaizokurudzirwa, ‘vomhanya nokutsungirira’ uye ndizvo zvatinogonawo kuita mazuva ano.
Ipa Zvibairo Zvinofadza Jehovha
VaHebheru naizvozvo vaifanira kudzivisa ku“satorwa nedzidziso dzimwe dzisingazivikanwi” dzavaiti vavaJudha. (VaGaratiya 5:1-6) Kwete kupfurikidza nedzidziso dzakadaro asi ‘mwoyo unogona kusimbiswa netsitsi dzisakafanirwa dzaMwari’ ndokuramba wakatsiga muzvokwadi. Vamwe sezviri pachena vaiitirana nharo pamusoro pezvokudya nezvibairo, nokuti Pauro akataura kuti mwoyo wakanga usingasimbiswi “nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri.” Betsero dzomudzimu dzinobva mukuzvipira kwoumwari nokuongwa kworudzikinuro, kwete neitiro hanya isakafanira pamusoro pokudya zvokudya zvakati nokuchengeta mazuva akati. (VaRoma 14:5-9) Uyezve, chibairo chaKristu chakaita kuti zvibairo zvavaRevhi zvive zvisina basa.—VaHebheru 9:9-14; 10:5-10.
SEPTEMBER 30–OCTOBER 6
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JAKOBHO 1-2
“Zvinokonzera Chivi Nerufu”
Muedzo
Muedzo kunzwa uchida kuita chimwe chinhu, kunyanya chinhu chakaipa. Semuenzaniso, ngatitii wapinda mushopu, wobva waona chimwe chinhu chakanaka. Pfungwa dzinobva dzamhanya kufunga kuti unogona kutochiba, pasina anokuona. Asi hana yako inobva yakurambira! Saka unobva wasiyana nazvo, woenda hako. Muedzo unenge usisipo; unenge waukunda.
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
Kana ukaedzwa hazvirevi kuti watova munhu akaipa. Bhaibheri rinototaura kuti tese tinosangana nemiedzo. (1 VaKorinde 10:13) Chinokosha ndechekuti tichaita sei kana tava pamuedzo. Vamwe vanoramba vachifunga nezvechinhu chakaipa kusvikira vazochiita. Asi vamwe vanokurumidza kubvisa pfungwa dzavo pamuedzo wacho.
“Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake.”—Jakobho 1:14.
Muedzo
Bhaibheri rinotaura zvinhu zvinozoita kuti munhu aite zvakaipa. Jakobho 1:15 inoti: “Kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.” Izvi zvinoreva kuti kana tikaramba tichifunga zvinhu zvakaipa, tichapedzisira tazviita. Zvakangofanana nemukadzi ane pamuviri, kana nguva yekuti achibatsirwa yasvika hapana kudzokera kumashure. Asi tinogona kuita kuti tisava varanda vezvido zvisina kunaka. Tinogona kutokunda zvido izvozvo.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-2-E 253-254
Chiedza
Jehovha ‘ndiBaba vezviedza zvekudenga.’ (Jak 1:17) Haagumiri pakupa “zuva kuti pave nechiedza masikati, nemitemo yemwedzi nenyeredzi kuti pave nechiedza usiku,” (Jer 31:35) asi anoitawo kuti tinzwisise zvinhu zvese zvine chekuita nekunamata. (2VaK 4:6) Mutemo wake uye shoko rake zvakaita sechiedza kune vanoda kutungamirirwa naye. (Pis 43:3; 119:105; Zvi 6:23; Isa 51:4) Munyori wepisarema akati: “Chiedza chenyu chinoita kuti tione chiedza.” (Pis 36:9; enzanisa naPis 27:1; 43:3.) Sezvinongoita chiedza chezuva chinoramba chichijeka kubva pakunoedza kusvika “ava masikati chaiwo,” Jehovha anoita kuti gwara revakarurama rirambe richijeka zvishoma nezvishoma. (Zvi 4:18) Kana tikafamba nenzira yatinonzi naJehovha tifambe, tichafamba muchiedza chake. (Isa 2:3-5) Asi kana munhu akava nemafungiro asina kunaka, zvichaita kuti ave murima pane zvekunamata. Jesu akati: “Kana ziso rako riine ruchiva, muviri wako wese uchava nerima. Chokwadi kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iroro rakakura chaizvo!—Mt 6:23; enzanisa naDhe 15:9; 28:54-57; Zvi 28:22; 2Pe 2:14.
it-2-E 222 ¶4
Mutemo
“Mutemo waMambo.” “Mutemo wamambo” une simba uye unokosha kupfuura mimwe mitemo inenge yakagadzwa. (Jak 2:8) Rudo ndirwo rwaiva chinhu chikuru paMutemo wesungano. Murayiro wekuti “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita” (mutemo wamambo) wakanga uri wechipiri uye ndipo panobva Mutemo wese uye zvakanyorwa nevaprofita. (Mt 22:37-40) Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi peMutemo wesungano, vari pasi mutemo waMambo Jehovha neMwanakomana wavo Jesu Kristu uyo akagadzwa kuti ave mambo.