CHIDZIDZO 4
Kusuma Magwaro Zvakanaka
Mateu 22:41-45
PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti pfungwa dzevateereri dzigadzirire kunzwa rugwaro usati waruverenga.
MAITIRWO AZVO:
Funga kuti nei uri kuverenga rugwaro rwacho. Paunosuma rugwaro rwega rwega ita kuti vateereri vazive pfungwa huru yauri kuda kubudisa nerugwaro rwacho.
Ita kuti vanhu varemekedze Bhaibheri. Kana uchitaura nevanhu vanotenda muna Mwari ita kuti vaone kuti Bhaibheri iShoko raMwari, uchiratidza kuti hapana kumwe kwatingawana uchenjeri hungapfuura huri muBhaibheri.
Ita kuti vateereri vade kunzwa zviri murugwaro rwacho. Bvunza mubvunzo unopindurwa nerugwaro rwacho, taura dambudziko rinogona kugadziriswa nezviri murugwaro rwacho, kana kuti taura pfungwa inokosha inobudiswa nenyaya yemuBhaibheri yauchaverenga.