RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 4 p. 7
  • Kusuma Magwaro Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusuma Magwaro Zvakanaka
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidza Kushanda Kunoita Rugwaro
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Magwaro Anyatsosumwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nhanganyaya Yakanaka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kutaura Zvinobaya Mwoyo
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 4 p. 7

CHIDZIDZO 4

Kusuma Magwaro Zvakanaka

Rugwaro

Mateu 22:41-45

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti pfungwa dzevateereri dzigadzirire kunzwa rugwaro usati waruverenga.

MAITIRWO AZVO:

  • Funga kuti nei uri kuverenga rugwaro rwacho. Paunosuma rugwaro rwega rwega ita kuti vateereri vazive pfungwa huru yauri kuda kubudisa nerugwaro rwacho.

    Zano

    Fungawo nezvenyaya yacho yese. Usapesanisa vanhu vakataura mashoko acho kana vanyori vemabhuku acho.

  • Ita kuti vanhu varemekedze Bhaibheri. Kana uchitaura nevanhu vanotenda muna Mwari ita kuti vaone kuti Bhaibheri iShoko raMwari, uchiratidza kuti hapana kumwe kwatingawana uchenjeri hungapfuura huri muBhaibheri.

  • Ita kuti vateereri vade kunzwa zviri murugwaro rwacho. Bvunza mubvunzo unopindurwa nerugwaro rwacho, taura dambudziko rinogona kugadziriswa nezviri murugwaro rwacho, kana kuti taura pfungwa inokosha inobudiswa nenyaya yemuBhaibheri yauchaverenga.

    Zano

    Funga zvinotozivikanwa nevateereri vako panyaya yacho kana kuti parugwaro rwauri kuda kuverenga. Suma rugwaro, kunyange runotozivikanwa, nenzira inoita kuti vanhu vade kunzwa, uye vabatsire kuti vaone pfungwa yavanga vasati vambofunga nezvayo parugwaro rwacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe