Ganhuro 14
Kuisvonaka Kwechigaro Choumambo Chokudenga chaJehovha
Chiono 2—Zvakazarurwa 4:1–5:14
Musoro: Zvinoitika zvinotyisa pamberi pechigaro choumambo chaMwari chorutongeso
Nguva yezadziko: Ichi chiono chinoratidzira zvinoitika zvinoitika kubvira muna 1914 kutozosvikira pamugumo waMakore Ane Gumi Ramazana uye kupfuura, apo chisikwa chiri chose chiri mudenga napasi pano chicharumbidza Jehovha.—Zvakazarurwa 5:13
1. Neiko tichifanira kufarira zvikurukuru zviono Johane anogoverana nesu?
JOHANE anovamba kugoverana nesu zvimwe zviono zvinonyandura mweya. Kupfurikidza nefuridzirwo iye achiri muzuva raShe. Naizvozvo, icho iye anorondedzera chine revo huru nokuda kwedu vanorarama chaizvoizvo muzuva irero. Kupfurikidza neizvi zviono, Jehovha anosimudza chifukidziro chokusaoneka pazvinhu chaizvo zvokudenga ndokutipa murangariro wake amene wamarutongeso ake achaitwa pasi pano. Zvakare, kunyange tiine tariro yokudenga kana kuti yapasi, izvi zvakazarurwa zvinotibetsera kuona nzvimbo yedu mudonzo raJehovha. Naizvozvo, isu tose tinofanira kupfuurira kuva vanofarira zvikuru kutaura kwaJohane, kwokuti: “Anofara ndiye unorava nenzwi guru naavo vanonzwa mashoko ouhwu uporofita, uye avo vanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri.”—Zvakazarurwa 1:3.
2. Johane zvino anova nechinoitikai?
2 Tevere icho Johane anoona chinopfuura chinhu chipi nechipi chakaoneswa neterevhizheni yamakaseti kumunhu wemazuva ano! Iye anonyora, kuti: “Pashure pezvinhu izvozvi ini ndakaona, uye, tarirai! suo rakazaruka mudenga, uye inzwi rokutanga randakanzwa rakanga rakaita serehwamanda, richitaura neni, richiti: ‘Kwira pano, uye ini ndichakuratidza zvinhu zvinofanira kuitika.’” (Zvakazarurwa 4:1) Johane ari muchiono anopinda mumatenga asingaoneki okuvapo kwaJehovha, akakwidziridzirwa kure kumusoro kwechadenga chokunze chinooneka sechinoongororwa navezveruzivo rwokubhururuka muchadenga, kunyange kure pamusoro pamakwara enzou echisiko chose chinoonekwa. Sokunge kuti kupfurikidza nokupinda napasuo rakazaruka, Johane anokokwa kuzogutsa meso ake nechiono chinopedza mate mukanwa chamatenga okupedzisira omudzimu uko Jehovha iye amene agere pachigaro choumambo. (Pisarema 11:4; Isaya 66:1) Haiwa iropafadzo yakadini!
3. Ko inzwi sere“hwamanda” rinoyeuchidzei, nomutoo wokusapanikira ndiani ari Manyuko aro?
3 Bhaibheri harizati richizivisa iri “inzwi rokutanga.” Senzwi rakasimba raJesu rakanzwiwa pakuvamba-vamba, iro rinokunzwika kwakafanana nokwehwamanda kunoraira. (Zvakazarurwa 1:10, 11) Rinoyeuchidza kukwamatata kwehwamanda kwairira nokurira kwazvo uko kwairatidzira kuvapo kwaJehovha paGomo reSinai. (Eksodho 19:18-20) Nomutoo wokusapanikira, Jehovha ndiye Manyuko makuru okuraira. (Zvakazarurwa 1:1) Iye akazarura suo kuti Johane, ari muchiono, agone kupinda munzvimbo tsvene tsvene mudunhu gurusa rose rouchangamire hwaJehovha.
Kuvapo Kunon’animira kwaJehovha
4. (a) Ko chiono chaJohane chine revoi nokuda kwamaKristu akazodzwa? (b) Ko irevoi ine chiono nokuda kwaavo vane kariro iri yokurarama nokusingaperi pasi pano?
4 Ko Johane anoonei? Teerera, sezvo iye zvino anogoverana nesu chinoitika chake chikurusa, achiti: “Pashure pezvinhu izvozvi ini pakarepo ndakava musimba romudzimu: uye, tarirai! chigaro choumambo chakanga chakagadzwa munzvimbo yacho mudenga, uye pano mumwe agere pachigaro choumambo.” (Zvakazarurwa 4:2) Muchinguvana, Johane anotamisirwa mumudzimu nesimba rinobate basa raMwari kuchigaro choumambo chimene chaJehovha. Haiwa kunofadza sei kuna Johane! Pano iye anopiwa kudeya kuonwa kunoteya meso kwamatenga iwawo amene umo iye namamwe maKristu akazodzwa vakachengeterwa “nhaka isingaori, isina kusvibiswa uye isingasvavi.” (1 Petro 1:3-5; VaFiripi 3:20) Nokuda kwaavo vane tariro iri yokurarama nokusingaperi pasi pano, chiono chaJohane chine revo yakadzamawo. Chinovabetsera kunzwisisa mbiri yokuvapo kwaJehovha neyomugariro wokudenga wokubata ushe kunoshandiswa naJehovha mukutonga marudzi uye pashure pacho mukudzora upenyu hwavanhu pasi pano. Zvamazvirokwazvo Jehovha ndiMwari werongeko yakakwirira!
5. Chinhui chaichoicho Johane anoona chakafananidzirwa nechikwidibiro cheareka yesungano?
5 Zvakawanda zveizvo Johane anocherekedza kumusoro ikoku mudenga zvakafanana namativi etabhernakeri yomurenje. Iyoyi yakavakwa anenge makore 1 600 pakuvamba-vamba senzvimbo tsvene yokunamata kwechokwadi nokuda kwavaIsraeri. Munzvimbo Tsvene Tsvene yetabhernakeri iyeyo makanga mune areka yesungano, uye Jehovha iye amene aitaura ari pamusoro pechifukidziro chakasimba chendarama cheAreka. (Eksodho 25:17-22; VaHebheru 9:5) Nokuda kwechikonzero ichocho, chifukidziro cheAreka chaibatira sechiratidzo chechigaro choumambo chaJehovha. Johane zvino anoona chinhu chaichoicho chechimiriro chechiratidzo ichecho: Changamire Ishe Jehovha iye amene agere muukombi hukurusa pachigaro chake choumambo chakakwirira chokudenga!
6. Ko Johane anotipa murangariroi waJehovha, uye neiko iwowu wakakodzera?
6 Mukusafanana navaporofita vapakuvamba-vamba vakava nezviono zvechigaro choumambo chaJehovha, Johane haazati achirondedzera mumashoko ose oudzame Mutsvene agere pachiri. (Ezekieri 1:26, 27; Dhanieri 7:9, 10) Asi Johane anotipa murangariro wake woUyo agere pachigaro choumambo naaya mashoko, anoti: “Uye uyo agere, muchitarisiko, akafanana neibwe rejaspisi neibwe dzvuku rinokosha, uye pakanga pane muraraungu wakafanana neibwe resmaragdhino muchitarisiko rakakomberedza chigaro choumambo.” (Zvakazarurwa 4:3) Haiwa kuisvonaka kusingaenzanisirwi sei! Johane anoona runako rwakati mwiro, runotaima rwakafanana norworwo rwamabwe anokosha anon’aima, anopenya. Haiwa ikoku kunobvumirana nomutoo wakakodzera sei nerondedzero yomudzidzi Jakobho nezvaJehovha sa“Baba vezviedza zvokudenga”! (Jakobho 1:17) Chinguvana pashure pokunyora Zvakazarurwa, Johane iye amene akati: “Mwari ndiye chiedza uye muhumwe naye hamutongorina rima.” (1 Johane 1:5) Haiwa Jehovha Munhu wembiri yakakwirira sei chaizvoizvo!
7. Chii chatinogona kudzidza muidi rokuti pane muraraungu wakapoteredza chigaro choumambo chaJehovha?
7 Cherekedza kuti Johane anoona muraraungu wakakomberedza chigaro choumambo, une ruvara rwakasvibira rweibwe resimaragdhino. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti muraraungu (irʹis) rinokarakadza chimiro chakatenderera chose chose. Muraraungu unotanga kududzwa muBhaibheri pamusoro pezuva raNoa. Pashure pokunge mvura dzeBoporodzi dzapwa, Jehovha akasakisa muraraungu kuoneka mugore, uye iye akatsanangura chawaifananidzira naaya mashoko, anoti: “Ndinopa muraraungu wangu mugore, uye unofanira kubatira sechiratidzo chesungano pakati pangu nepasi. Uye ndichayeuka zvamazvirokwazvo sungano yangu iyo iri pakati pangu nemi nomweya uri wose uri pakati penyama yose; uye mvura hadzichazovizve boporodzi rokuparadza nyama yose.” (Genesi 9:13, 15) Ko zvino, chiono chokudenga chaizoyeuchidzei Johane? Muraraungu uyo iye akaona unofanira kuve wakamuyeuchidza nezvechinodikanwa choukama hune rugare naJehovha, hwakadai sohunofarikanywa neboka raJohane nhasi. Waizorovererawo paari ruteramo norugare rwokuvapo kwaJehovha, ruteramo ruchatambanukira kuvanhu vose vanoteerera apo Jehovha anowadza tendi rake pavanhu muchaunga chitsva chapasi.—Pisarema 119:165; VaFiripi 4:7; Zvakazarurwa 21:1-4.
Kuzivisa Vakuru 24
8. Ko Johane anoona vanaani vakapoteredza chigaro choumambo, uye ivava vanomirira vanaani?
8 Johane aiziva kuti vaprista vaigadzwa kubatira mutabhernakeri yekare. Naizvozvo iye angave akakatyamadzwa nokuona zvaanotevera kurondedzera, achiti: “Uye pane zvigaro zvoumambo zvina makumi maviri nezvina zvakakomberedza chigaro choumambo, uye ini ndakaona vakuru vana makumi maviri navana vakapfeka nguvo dzokunze chena vagere paizvi zvigaro zvoumambo, uye pamisoro yavo pane korona dzendarama.” (Zvakazarurwa 4:4) Hungu, panzvimbo pavaprista, pana vakuru 24, vakagara pazvigaro zvoumambo uye vakapfekedzwa korona dzakafanana nedzamadzimambo. Ndivanaani ava vakuru? Havazati vari vamwe kunze kwavakazodzwa veungano yechiKristu, vakamutswa uye vane nzvimbo yokudenga yavakapikirwa naJehovha. Tinoziva sei izvozvo?
9, 10. Ko tinoziva sei kuti vakuru 24 vanomirira ungano yechiKristu yakazodzwa munzvimbo yayo ine mbiri yokudenga?
9 Kutanga, ivo vakapfeka korona. Bhaibheri rinoreva nezvamaKristu akazodzwa saanowana ‘korona isingaori’ uye vanosvika kuupenyu husingagumi—kusafa. (1 VaKorinte 9:25; 15:53, 54) Asika sezvo ava vakuru vane 24 vagere pazvigaro zvoumambo, korona dzoumambo dzendarama muna aya mashoko akapoteredza dzinomirira chiremera choumambo. (Enzanisa naZvakazarurwa 6:2; 14:14.) Ikoku kunotsigira mhedziso yokuti vakuru vane 24 vanomirira vateveri vakazodzwa vetsoka dzaJesu vari munzvimbo yavo yokudenga, nokuti Jesu akaita sungano navo yokugara pazvigaro zvoumambo muUmambo hwake. (Ruka 22:28-30) Jesu bedzi naava vakuru vane 24—kwete kunyange ngirozi—vanorondedzerwa savanobata ushe mudenga mukuvapo kwaJehovha.
10 Ikoku kunotsinhirana nechipikirwa icho Jesu akaita kuungano yeRaodhikia, achiti: “Uyo unokunda ndichamupa kugara neni pachigaro changu choumambo.” (Zvakazarurwa 3:21) Asi mugove wokudenga wavakuru vane 24 hauna kuganhurirwa kuubati ushe hwehurumende. Musumo yebhuku raZvakazarurwa, Johane akataura nezvaJesu, kuti: “Iye akatiita kuti tive umambo, vaprista kuna Mwari wake naBaba.” (Zvakazarurwa 1:5, 6) Ivava vari zvose zviri zviviri madzimambo navaprista. “Ivo vachava vaprista vaMwari navaKristu, uye vachabata ushe pamwe chete naye kwamakore ane chiuru.”—Zvakazarurwa 20:6.
11. Neiko kwakakodzera kuti chiverengero chavakuru i24, uye chiverengero ichocho chinoratidzirei?
11 Chii chinokosha pamusoro pechiverengero chavane 24, mukuti Johane anoona vakuru vane 24 vakakomberedza chigaro choumambo? Mune zvinoitika zvizhinji, ivava vakadeya kufananidzirwa navaprista vakatendeka vaIsraeri wekare. Muapostora Petro akanyorera maKristu akazodzwa, kuti: “Imi muri ‘ndudzi yakasarudzwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vepfuma chaiyo.’” (1 Petro 2:9) Nomutoo unofadza, huprista ihwohwo hwekare hwechiJudha hwakazova hwakakamuraniswa mukuva zvikamu 24. Chikamu chimwe nechimwe chakagoverwa mavhiki acho chimene mugore okubatira pamberi paJehovha, zvokuti basa dzvene raiitwa pasina kumira. (1 Makoronike 24:5-19) Kwakakodzera, ipapoka, kuti kuna vakuru vane 24 vanoratidzirwa muchiono chaJohane vouprista hwokudenga nokuti uhwu uprista hunobatira Jehovha mukupfuurira, pasina kurega. Pahunokwana, pachava nezvikamu 24, chimwe nechimwe china vakundi vane 6 000, nokuti Zvakazarurwa 14:1-4 inotiudza kuti 144 000 (24 x 6 000) vano“dzikinurwa pakati pavanhu” kundomira paGomo reZioni rokudenga neGwayana, Jesu Kristu. Sezvo chiverengero 12 chichiratidzira sangano rakadzimiswa nomutoo woumwari rokudenga, 24 inopeta—kana kuti inosimbaradza—gadziriro yakadaro.
Mheni, Manzwi, Nokutinhira
12. Ko Johane anooneizve nokunzwa, uye “mheni namanzwi nokutinhira” zvinoyeuchidzei?
12 Ko Johane anooneizve nokunzwa? “Uye pachigaro choumambo panobuda mheni, manzwi nokutinhira.” (Zvakazarurwa 4:5a) Haiwa chinoyeuchidza sei nezvezvimwe zviratidzirwa zvinopedza mate mukanwa zvesimba rokudenga raJehovha! Somuenzaniso, apo Jehovha aka“buruka” paGomo reSinai, Mosesi, akashuma, kuti: “Pazuva rechitatu pakwakava mangwanani kwakaitika kuti kutinhira nemheni zvakavamba kuitika, uye gore dema pamusoro pegomo nokurira kunonzwika zvikuru kwehwamanda. . . . Apo kurira kwehwamanda kwakapfuurira kunzwika zvikurukuru, Mosesi akavamba kutaura, uye Mwari wechokwadi akavamba kumupindura nenzwi.”—Eksodho 19:16-19.
13. Chii chinofananidzirwa nemheni dzinobuda pachigaro choumambo chaJehovha?
13 Mukati mezuva raShe, Jehovha anoita kuti simba rake nokuvapo zvioneke nenzira ine mbiri. Aiwa, kwete kupfurikidza nemheni chaiyoiyo, nokuti Johane ari kuona zviratidzo. Ko zvino, mheni dzinomirirei? Eya, kupenya kwemheni kunogona kuvheneka, asi kunogonawo kurova munhu ndokufa. Naizvozvo, idzi mheni dzinobuda muchigaro choumambo chaJehovha dzinosanofananidzira vhenekero dzenzwisiso idzo iye akapfuurira kupa vanhu vake uye, kunyange nomutoo une revo zvikuru, mashoko ake omwoto orutongeso.—Enzanisa naPisarema 18:14; 144:5, 6; Mateo 4:14-17; 24:27.
14. Ko manzwi akaungira sei nhasi?
14 Zvakadiniko namanzwi? Mukuburukira kwaJehovha paGomo reSinai, inzwi rakataura kuna Mosesi. (Eksodho 19:19) Manzwi anobva kudenga akabudisa mizhinji yemirairo nezvirevo zviri mubhuku raZvakazarurwa. (Zvakazarurwa 4:1; 10:4, 8; 11:12; 12:10; 14:13; 16:1, 17; 18:4; 19:5; 21:3) Nhasi, Jehovha akabudisawo mirairo nezvirevo kuvanhu vake, zvinovhenekera nzwisiso yavo uporofita hweBhaibheri nenheyo. Mashoko anovhenekera ave achiwanzowadzanyurwa pakokorodzano dzamarudzi ose, uye zvokwadi dzakadaro dzeBhaibheri dzavewo dzichiparidzirwa munyika yose. Muapostora Pauro akataura nezvavaparidzi vakatendeka vamashoko akanaka, kuti: “Chokwadi, kureva idi, ‘inzwi ravo rakabudira mupasi rose, uye mashoko avo kumigumegume yapasi rinogarwa.’”—VaRoma 10:18.
15. Kutinhirai kwakabuda pachigaro choumambo murutivi rwuno rwezuva raShe?
15 Kutinhira kunowanzotevera mheni. Dhavhidhi akataura nezvokutinhira chaikwoikwo se“inzwi raJehovha.” (Pisarema 29:3, 4) Apo Jehovha akarwira Dhavhidhi mukurwisana navavengi vake, kutinhira kwakataurwa kuva kunobva kwaAri. (2 Samueri 22:14; Pisarema 18:13) Erihu akaudza Jobho kuti inzwi raJehovha rainzwika sokutinhira, sezvo Iye achiita “zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.” (Jobho 37:4, 5) Mukati morutivi rwuno rwezuva raShe, Jehovha aka‘tinhira,’ achinyevera nezvemabasa makuru aachaita mukurwisana navavengi vake. Uku kudhuruma kwokufananidzira kwezvinhu kwakaungira kwaungirazve mupasi rose. Unofara kana wakateerera idzi paridzirwo dzinotinhira uye uri kuita shandiswo yokuchenjera yorurimi rwako mukuwedzera kukunzwika kwadzo!—Isaya 50:4, 5; 61:1, 2.
Mwenje Yomwoto Negungwa Rinoonekera
16. Chii chinoratidzirwa ne“mwenje minomwe yomwoto”?
16 Ko Johane anooneizve? Ichi: “Uye pamberi pechigaro choumambo pane mwenje minomwe yomwoto unopfuta, uye iyoyi inoreva midzimu minomwe yaMwari. Uye pamberi pechigaro choumambo, sokunge zvakadaro, pane gungwa rinoonekera sekristaro.” (Zvakazarurwa 4:5b, 6a) Johane iye amene anotiudza revo yemwenje minomwe: “Iyi inoreva midzimu minomwe yaMwari.” Chiverengero chechinomwe chinofananidzira kukwana kwoumwari; naizvozvo mwenje minomwe inofanira kumirira kukwana kwesimba renzwisiso romudzimu mutsvene. Haiwa rinoonga sei boka raJohane nhasi kuti iro rakaronzeswa iyi nzwisiso, pamwe chete nomutoro wokuipfuudzira kuvanhu vapasi vane nzara mumudzimu! Haiwa tinofara sei kuti gore rimwe nerimwe makopi mazana amamiriyoni amagazini yeNharireyomurindi anopfuurira kuratidzira uyu mwenje mune inenge mitauro 150!—Pisarema 43:3.
17. Ko “gungwa rinoonekera rakafanana nekistaro” rinofananidzirei?
17 Johane anoonawo “gungwa rinoonekera rakafanana nekristaro.” Ko irori ringafananidzirei pamusoro paavo vanokokwa kupinda mudare rokudenga raJehovha? Pauro anotaura nezvenzira iyo Jesu akatsvenesa nayo ungano, “kuichenura nokushambidza kwemvura kupfurikidza neshoko.” (VaEfeso 5:26) Pamberi porufu rwake, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Imi matochena nokuda kweshoko randakataura kwamuri.” (Johane 15:3) Nokuda kwechikonzero ichecho, iri gungwa rinoonekera rakafanana nekristaro rinofanira kumirira Shoko rinochenura, rakanyorwa raMwari. Vaya vouprista hwoumambo vanopinda mukuvapo kwaJehovha vanofanira kuve vakachenurwa kwazvo neShoko rake.
Ona—“Zvisikwa Zvipenyu Zvina”!
18. Ko Johane anoonei pakati namakapoteredza chigaro choumambo?
18 Johane zvino anocherekedza rumwe rutivi. Iye anonyora, kuti: “Uye pakati pechigaro choumambo uye kupoteredza chigaro choumambo pane zvisikwa zvipenyu zvina zvizere nameso mberi neshure.”—Zvakazarurwa 4:6b.
19. Chii chinofananidzirwa nezvisikwa zvipenyu zvina, uye tinoziva sei ikoku?
19 Ko izvi zvisikwa zvinofananidzirei? Chiono chakashumwa nomumwe muporofita, Ezekieri, chinotibetsera kuwana mhinduro. Ezekieri akaona Jehovha akagara pachigaro choumambo pangoro yokudenga, iyo yakanga ichiperekedzwa nezvisikwa zvipenyu zvina mavara akafanana naayo arondedzerwa naJohane. (Ezekieri 1:5-11, 22-28) Gare gare, Ezekieri akaonazve chigaro chiya choumambo chengoro chichiperekedzwa nezvisikwa zvipenyu. Zvisinei, nguva ino iye akataura nezvezvisikwa zvipenyu samakerubhi. (Ezekieri 10:9-15) Zvisikwa zvipenyu zvina izvo Johane anoona zvinofanira kumirira makerubhi mazhinji aMwari—zvisikwa zvenzvimbo yakakwirira musangano Rake romudzimu. Johane haazati aizokufunga kuva kwechienzi kuona makerubhi akamiswa pedyo zvikuru napamberi paJehovha somunhu, sezvo mugadziriro yekare yetabhernakeri, makerubhi maviri endarama airatidzirwa pamusoro pechikwidibiro cheareka yesungano, iyo yaimirira chigaro choumambo chaJehovha. Inzwi raJehovha raibudisa mirairo yaienda kurudzi, ichibva pakati paaya makerubhi.—Eksodho 25:22; Pisarema 80:1.
20. Ko kunogona kutaurwa munzirai kuti zvisikwa zvipenyu zvina zviri “pakati pechigaro choumambo uye namakapoteredza chigaro choumambo”?
20 Izvi zvisikwa zvipenyu zvina zviri “pakati pechigaro choumambo uye zvakapoteredza chigaro choumambo.” Ko ikoku kunorevei chaizvoizvo? Kunogona kuratidzira kuti izvo zvakapoteredza chigaro choumambo munzira yokuti chimwe chimire pakati porutivi rumwe norumwe. Nokudaro, vashanduri veToday’s English Version vakaturikira kutaura kwapakuvamba kwechiGiriki neiyi nzira: “kukomberedza chigaro choumambo parumwe norumwe rwamativi acho.” Nomumwe mutoo, kutaurakwo kungareva kuti zvisikwa zvipenyu zvina zviri munzvimbo yapakati mudenga umo chigaro choumambo chiri. Sezvingabvira, ndokusaka The Jerusalem Bible richishandura chikamu chamashoko chokuti: “pakati, zvakaunganira chigaro choumambo icho chimene.” Chinhu chinokosha ndiko kuva pedyo kwamakerubhi nechigaro choumambo chaJehovha, kunoenzanirana noukwo kwamakerubhi ayo Ezekieri akaona kurutivi rumwe norumwe rwengoro yesangano raJehovha. (Ezekieri 1:15-22) Kwose ikoku kunotsinhirana namashoko ePisarema 99:1, inoti: “Jehovha iye amene ava mambo. . . . Iye agere pamusoro pamakerubhi.”
21, 22. (a) Ko Johane anorondedzera sei zvisikwa zvipenyu zvina? (b) Chii chinomirirwa nechitarisiko chechimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina?
21 Johane anopfuurira, kuti: “Uye chisikwa chipenyu chokutanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nenzombe duku, uye chisikwa chipenyu chechitatu chine chiso chakafanana nechomunhu, uye chisikwa chipenyu chechina chakafanana negondo rinobhururuka.” (Zvakazarurwa 4:7) Neiko izvi zvisikwa zvipenyu zvina zvichioneka kuva zvakasiyana zvikuru, chimwe kune chimwe chacho? Izvi zvisikwa zvipenyu zvina zvakatsaukana sezvinooneka zvinosimbisa mavara chaiwoiwo oumwari. Kutanga, pane shumba. Shumba inoshandiswa muBhaibheri sechiratidzo choushingi, zvikurukuru mukurondwa kweruramisiro nokururama. (2 Samueri 17:10; Zvirevo 28:1) Nokudaro, shumba inosanomirira vara roumwari reruramisiro youshingi. (Dheuteronomio 32:4; Pisarema 89:14) Chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nenzombe duku. Ko nzombe inokuyeuchidza varai? Kuna vaIsraeri nzombe chinhu chinokosha nokuda kwesimba rayo. (Zvirevo 14:4; onawo Jobho 39:9-11.) Nzombe duku, ipapoka, inomirira simba, simba guru serinogoverwa naJehovha.—Pisarema 62:11; Isaya 40:26.
22 Chisikwa chipenyu chechitatu chine chiso chakafanana nechomunhu. Ikoku kunofanira kumirira rudo rwakafanana norwaMwari, sezvo pasi pano munhu oga bedzi akasikwa mumufananidzo waMwari, aine vara rakakwirira kwazvo rorudo. (Genesi 1:26-28; Mateo 22:36-40; 1 Johane 4:8, 16) Nomutoo wokusapanikira, makerubhi anoratidzira iri vara sezvaanobatira pachigaro choumambo chaJehovha. Zvakadiniko zvino nezvechisikwa chipenyu chechina? Ichochi chakafanana negondo rinobhururuka muchitarisiko. Jehovha iye amene anorereudzira ngwariro kuchiono chikuru chegondo, achiti: “Meso aro anoramba achitarira kure mudaro.” (Jobho 39:29) Nokuda kwechikonzero ichecho, gondo rinosanofananidzira uchenjeri hunoona zviri kure. Jehovha ndiye Manyuko ouchenjeri. Makerubhi ake anoshandisa uchenjeri hwoumwari sezvaanoteerera mirairo yake.—Zvirevo 2:6; Jakobho 3:17.
Rumbidzo dzaJehovha Dzinoungira
23. Chii chinofananidzirwa neidi rokuti zvisikwa zvipenyu zvina zvi“zere nameso,” uye chii chinosimbiswa namanyaviri matatu amapapiro?
23 Johane anopfuuridzira rondedzero yake, achiti: “Uye kana zviri zvisikwa zvipenyu zvina, chimwe nechimwe chazvo nomutoo wakasiyana china mapapiro matanhatu; iwo azere nameso mukupoterera uye munyasi. Uye izvo hazvina zororo masikati nousiku sezvazvinoti: ‘Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiye Jehovha Mwari, Wamasimba ose, uyo wakanga aripo naaripo uye uyo anouya.’” (Zvakazarurwa 4:8) Uku kuzara nameso kunokarakadza kuona kwakakwana uye kuona zviri kure. Zvisikwa zvipenyu zvina zvinoshandisa irworwu nomutoo wokusarega, sezvazvisina dikanwo yokurara. Izvo zvinotevedzera Uyo akanyorwa nezvake, kuti: “Kana ari Jehovha, meso ake anofamba-famba nomupasi rose kuratidzira simba rake nokuda kwaavo vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Zvaane chiverengero chikuru zvikuru chameso, makerubhi anogona kuona nzvimbo iri yose. Hapana chinhu chaasingagoni kuona. Nokudaro iwo akasanoshongedzerwa kubatira Mwari mubasa rake rokutonga. Nezvake kunonzi: “Meso aJehovha ari munzvimbo iri yose, anoramba achiona vakaipa navakanaka.” (Zvirevo 15:3) Uye namanyambiri matatu amapapiro—chiverengero chenhatu zvachinoshandiswa muBhaibheri nokuda kwesimbiso—makerubhi anogona kufamba nokukurumbidza kwemheni kundozivisa marutongeso aJehovha nokuaita.
24. Ko makerubhi anorumbidza sei Jehovha, uye nerevoi?
24 Teerera! Runonakidza, runonyandura mweya, ndirwo rwiyo rwerumbidzo urwo makerubhi anoimbira Jehovha: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiye Jehovha Mwari, Wamasimba ose, uyo akanga ari naaripo naanouya.” Zvakare, rutatu runoratidzira ukuru. Makerubhi anosimbisa zvakasimba utsvene hwaJehovha Mwari. Iye ndiye Manyuko noMupimo mukurusa woutsvene. Iyewo ndi“Mambo wokusingagumi,” nguva dzose “ndiArfa neOmega, wokutanga nowokupedzisira, mavambo nomugumo.” (1 Timotio 1:17; Zvakazarurwa 22:13) Makerubhi haatori nhambo dzezororo sezvaanoparidza mavara asingaenzanisirwi aJehovha pamberi pechisiko chose.
25. Ko zvisikwa zvipenyu navakuru 24 zvinobatana sei mukunamata Jehovha?
25 Denga ramatenga rinoungira nerumbidzo kuna Jehovha! Rondedzero yaJohane inopfuurira, ichiti: “Uye pari pose apo zvisikwa zvipenyu zvinopa mbiri norukudzo nokuonga kuno uyo agere pachigaro choumambo, uyo anorarama nokusingaperi-peri, vakuru vana makumi maviri navana vanowira pamberi poUyo agere pachigaro choumambo ndokunamata Uyo unorarama nokusingaperi-peri, uye ivo vanokandira korona dzavo pamberi pechigaro choumambo, vachiti: ‘Imi Jehovha, kunyange Mwari wedu, makafanirwa nokugamuchira mbiri norukudzo nesimba, nokuti imi makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu izvo zvakavapo uye zvakasikwa.’” (Zvakazarurwa 4:9-11) MuRugwaro rwose, ikoku ndikumwe kwokuziviswa kwakaisvonaka kupinda kwose kworuremekedzo kuna Jehovha, Mwari wedu naIshe Changamire!
26. Neiko vakuru 24 vachikandira korona dzavo pamberi paJehovha?
26 Vakuru 24 vane chimiro chendangariro chimwe chetecho icho Jesu anoratidzira, kunyange kukandira pasi korona dzavo pamberi paJehovha. Kuri kuresa zvikuru nendangariro dzavo kuzvikwidziridza ivo vamene mukuvapo kwaMwari. Ivo nokuzvininipisa vanoziva kuti donzo bedzi roumambo hwavo nderokuvigira rukudzo nembiri kwaari, sezvinongoita Jesu nguva dzose. (VaFiripi 2:5, 6, 9-11) Nomutoo wokuzviisa pasi, ivo vanobvuma kuva kwavo vakaderera uye vanobvuma kuti ubati ushe hwavo hunotsamira pauchangamire hwaJehovha. Nokuda kwechikonzero ichecho, ivo vanotsinhirana zvapachokwadi namakerubhi navamwe vose vasara vechisiko chakatendeka mukupa rumbidzo nembiri kuna Mwari uyo akasika zvinhu zvose.—Pisarema 150:1-6.
27, 28. (a) Ko rondedzero yaJohane yeichi chiono inofanira kutitapura sei? (b) Mibvunzoi inomuka pamusoro peicho Johane anoonazve nokunzwa?
27 Ndiani hake angaramba asingasundwi pakurava nhauro yaJohane yeichi chiono? Chine ukomba, chakaisvonaka! Asi chinhu chaichoicho chinofanira kuva chakadini? Ukuru humene hwaJehovha hunofanira kunyandura munhu upi noupi nomwoyo unoonga kukumbanira zvisikwa zvina zvipenyu navakuru 24 mukurumbidza Iye, mose muri muviri mumunyengetero nokumuzivisa pamhene zita Rake. Uyu ndiye Mwari uyo maKristu akaropafadzwa kuva zvapupu nokuda kwake nhasi. (Isaya 43:10) Yeuka kuti chiono chaJohane chinoshanda kuzuva raShe, umo matiri zvino. “Midzimu minomwe” inoramba iri pedyo kutitungamirira nokutisimbaradza. (VaGaratia 5:16-18) Shoko raMwari rinowanikwa nhasi kutibetsera kuva vatsvene mukubatira Mwari mutsvene. (1 Petro 1:14-16) Zvamazvirokwazvo, tinofara kurava zvinonzwika mashoko ouhu uporofita. (Zvakazarurwa 1:3) Haiwa ikuchidziro yakadini yaanogovera yokuva vakatendeka kuna Jehovha uye kusabvumira nyika kutitsausa pakuimba nomutoo wokushingaira rumbidzo dzake!—1 Johane 2:15-17.
28 Kusvikira pano, Johane arondedzera zvaanoona apo iye anokokwa kundopinda napasuo irero rakazaruka mudenga. Nomutoo wakaisvotanhamara, iye anoshuma kuti Jehovha, mukuisvonaka kwose kwoukuru Hwake nechiremera, agere pachigaro Chake choumambo chokudenga. Iye akapoteredzwa nesangano rakasimba zvikuru kupinda ose—rinopenya muukomba hwaro noruvimbiko. Dare roumwari riri kupfuurira. (Dhanieri 7:9, 10, 18) Chikuva chacho charongerwa chimwe chinhu chechienzi kuti chiitike. Chiiko, uye chinotitapura sei nhasi? Ngationei sezvo chiono chinowadzanyurika!
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 75]
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 78]