Ganhuro 2
Musoro Mukuru weBhaibheri
Kududzira Magwaro Zvakavanzika zvakazarirwa mubhuku raZvakazarurwa kwenguva refu zvave zvakaomera vadzidzi vapachokwadi veBhaibheri kunzwisisa. Munguva yakafanira yaMwari, zvakavanzika izvozvo zvaitofanira kuzarurwa, asika sei, rini, uye kuna vanaani? Mudzimu waMwari bedzi waigona kuzivisa revo sezvo nguva yakagadzwa yakaswedera pedyo. (Zvakazarurwa 1:3) Zvakavanzika zvinoyera izvozvo zvaizowadzanyurirwa varanda vanoshingaira vaMwari pasi pano kuti vagosimbaradzwa kuzivisa marutongeso ake. (Mateo 13:10, 11) Hakuzati kuchikambirwa kuti tsananguro dziri mune ichi chinyorwa hadzikanganisi. SaJosefa wekare, tinoti: “Ko kududzira hakuzati kuri kwaMwari here?” (Genesi 40:8) Zvisinei, panguva imwe cheteyo tinodavira zvakatsiga kuti tsananguro dzinorongwa muno dzinotsinhirana neBhaibheri rose zvaro, dzichiratidzira kuti uporofita hwoumwari nomutoo wakatanhamara hwakazadzika sei muzvinoitika zvenyika zvenguva dzedu dzengwavaira.
1. Chii chiri donzo guru raJehovha?
CHIREVO cheBhaibheri chinoti: “Mugumo wenhau uri nani zvikuru pashure pacho kupfuura mavambo ayo.” (Muparidzi 7:8) Ndiro bhuku raZvakazarurwa ratinorava nezvomugumo unoshamisa wedonzo rakaisvonaka raJehovha rokutsvenesa zita rake pamberi pechisiko chose. Mwari zvaakazivisa azivisazve kupfurikidza nomumwe wavaporofita vake vapakuvamba: “Ivo vachatofanira kuziva kuti ini ndini Jehovha.”—Ezekieri 25:17; 38:23.
2. Ko Zvakazarurwa pamwe chete namabhuku apakuvamba eBhaibheri, zvinotibetsera kuwana zivoi inogutsa?
2 Zvakazarurwa zvazvinotsanangura zvakajeka mugumo worukundo rwezvinhu, saizvozvowo mavambo azvo anotirondedzererwa mumabhuku apakuvamba-vamba eBhaibheri. Kupfurikidza nokunzvera ichi chinyorwa, tinogoneswa kunzwisisa zvirevo zvinobatanidzwa ndokuwana mufungo wose wamadonzo aMwari. Haiwa ikoku kunogutsa sei! Kupfuurirazve, kunofanira kutinyandurira kuchiito, kuti tigova munguva yemberi inoshamisa inomirira vanhu. (Pisarema 145:16, 20) Papfundo rino, kunoratidzika kuva kwakakodzera kukurukura migariro nomusoro zveBhaibheri rose, kuti tigorangarira chirevo chikurusa icho zvino chakanangana navanhu vose, uyewo donzo rakataurwa zvakajeka raMwari rokupedza chirevo ichocho.
3. Uporofitai huri mubhuku raGenesi hunoronga musoro weBhaibheri rose, kubatanidza Zvakazarurwa?
3 Bhuku rokutanga reBhaibheri, Genesi, rinozivisa nezve“mavambo” uye rinorondedzera mabasa okusika aMwari, kubatanidza nechisiko chake chapasi chokupedzisira, munhu. Genesi inozivisawo uporofita hwokutanga hwoumwari, hwakataurwa naMwari iye amene mubindu reEdheni makore 6 000 akapfuura. Nyoka yakanga ichangobva kushandiswa kunyengera mukadzi wokutanga, Evha; iyewo akanga apesvedzera murume wake, Adhama, kumukumbanira mukuputsa mutemo waJehovha kupfurikidza nokudya pa“muti wezivo yezvakanaka nezvakashata.” Mukuita rutongeso pavakaroorana vanoita chivi, Mwari wakati kunyoka: “Ini ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pembeu yako nembeu yake. Iyo ichakupwanya mumusoro uye iwe uchaipwanya muchitsitsinho.” (Genesi 1:1; 2:17; 3:1-6, 14, 15) Uporofita ihwohwo hunoronga musoro weBhaibheri rose, kubatanidza Zvakazarurwa.
4. (a) Pashure pokunge Mwari ataura uporofita hwokutanga, chii chakaitika kuvabereki vedu vokutanga? (b) Mibvunzoi inomuka pamusoro pouporofita hwokutanga, uye nei tichidikanirwa kuziva mhinduro?
4 Nokukurumidza pashure pokutaura uporofitahwo, Mwari akadzinga vabereki vedu vokutanga muEdheni. Ivo vakanga vasati vachasitongogonazve kukarira upenyu husingaperi muParadhiso; ivo vaizotofanira kuzviraramira upenyu hwavo mupasi risina kugadzirirwa kunze. Vari mukutongerwa rufu, vaizobereka vana vazerwe nechivi. (Genesi 3:23–4:1; VaRoma 5:12) Ko, kunyange zvazvo zvakadaro, uporofita hwomuEdheni hunorevei? Ndivanaani vanobatanidzwa? Hunobatana sei naZvakazarurwa? Hune shokoi nokuda kwedu nhasi? Kuti tigowana kusunungurwa kwomunhu oga mutapuro dzechinoitika chinosuruvarisa chakaparira kutaura kwaJehovha uporofita ihwohwo, ndokweitiro hanya inokosha kuti tizive mhinduro dzemibvunzo iyoyi.
Vakuru Vakuru Vomuchinoitika
5. Apo nyoka yakanyengedza Evha, chii chakakudziridzika pamusoro pouchangamire hwaMwari nezita rake, uye pokanidzano ichagumiswa sei?
5 Uporofita hwaGenesi 3:15 hwakataurirwa kunyoka iya yakanga yarevera nhema Evha, ichikarakadza kwaari kuti iye haazati aizofa nokuda kwokusateerera kwake asi kuti iye aizova anozvimirira, kamwarikadzi. Nenzira iyeyo nyoka yakaita kuti Jehovha aratidzike kuva murevi wenhema ndokukarakadza kuti vanhu vaigona kuvandudza chimiro chavo kupfurikidza nokuramba ubati ushe Hwake hukuru. (Genesi 3:1-5) Uchangamire hwaJehovha hwakashorwa uye zita rake rakanaka rakasvibiswa. Bhuku raZvakazarurwa rinorondedzera kuti Mutongi akarurama, Jehovha, anoshandisa sei ubati ushe hwoUmambo hwoMwanakomana wake, Jesu Kristu, kureverera uchangamire hwake uye kuchenura ruzvidzo rwose pazita rake.—Zvakazarurwa 12:10; 14:7.
6. Ko Zvakazarurwa inozivisa sei uyo akataura kuna Evha kupfurikidza nenyoka?
6 Kana riri shoko riya rokuti “nyoka,” rinongoshanda bedzi kunyoka chaiyoiyo here? Nyangwe napaduku pose zvapo! Zvakazarurwa inotizivisa chisikwa chomudzimu chine mbiri yakashata chakataura kupfurikidza nenyoka iyeyo. Yakanga iri “dragoni huru . . . , nyoka yapakuvamba, iyo inonzi Dhiabhorosi naSatani, uyo anotsausa pasi rose rinogarwa,” iyo yaka“nyengera Evha kupfurikidza nokungwara kwayo.”—Zvakazarurwa 12:9; 2 VaKorinte 11:3.
7. Chii chinoratidza kuti mukadzi waGenesi 3:15 ndewomunzvimbo yomudzimu?
7 Genesi 3:15 inorevawo nezvo“mukadzi.” Ko iyeyu akanga ari Evha here? Zvimwe iye akafunga kudaro. (Enzanisa naGenesi 4:1.) Asi ruvengo runogara kwenguva refu pakati paEvha naSatani rwakava rwusingabviri apo Evha akafa anopfuura makore 5 000 akapfuura. Kupfuurirazve, sezvo Nyoka yakataurwa nezvayo naJehovha iri mudzimu usingaoneki, tinofanira kukarira kuti mukadzi ndewokunzvimbowo yomudzimu. Zvakazarurwa 12:1, 2 inosimbisa ikoku, ichiratidzira kuti uyu mukadzi wokufananidzira isangano rokudenga raJehovha rezvisikwa zvomudzimu.—Onawo Isaya 54:1, 5, 13.
Mbeu Mbiri Dzinorwisana
8. Neiko tichifanira kufarira zvikurukuru mune chiri kutaurwa zvino pamusoro pembeu mbiri?
8 Tevere mbeu mbiri dzinooneka pana Genesi 3:15. Tinofanira kufarira zvikurukuru muna idzodzi, nokuti dzakabatana pachirevo chikuru chouchangamire hwapamaruramiro pamusoro papasi rino. Ichochi chinobatanidza mumwe nomumwe wedu, kunyange ari muduku kana kuti akura. Ndeipi yeidzi mbeu yaunoda?
9. Ko mbeu yeNyoka inobatanidzei zvamazvirokwazvo?
9 Kutanga, pane mbeu, kana kuti vana, veNyoka. Ndeipi iyoyi? Zvamazvirokwazvo inobatanidza zvimwe zvisikwa zviya zvomudzimu zvakakumbanira Satani murupanduko rwake uye izvo pakupedzisira zvaka“kandirwa pamwe chete naye” kunzvimbo yapasi. (Zvakazarurwa 12:9) Sezvo Satani, kana kuti Bheerzebhuri, ari “mubati ushe wamadhemoni,” kuri pachena kuti izvo zvinoumba sangano rake risingaoneki.—Marko 3:22; VaEfeso 6:12.
10. Ko Bhaibheri rinozivisa sei vamwe sorutivi rwembeu yaSatani?
10 Kupfuurirazve, Jesu akaudza vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vezuva rake, kuti: “Imi munobva kuna baba venyu Dhiabhorosi, uye munoshuva kuita zvishuvo zvababa venyu.” (Johane 8:44) Kupfurikidza nokushora kwavo Jesu Mwanakomana waMwari, vatungamiriri ivavo vorudzidziso vakaratidzira kuti ivowo vaiva vana vaSatani. Ivo vaiva rutivi rwembeu yaSatani, vachimubatira sababa wavo wokufananidzira. Vamwe vanhu vazhinji munhau yose nomutoo wakafanana vakazviratidzira ivo vamene kupfurikidza nokuita kuda kwaSatani, zvikurukuru mukushora nomukutambudza vadzidzi vaJesu. Pamwe chete seboka, vanhu ivava vangarondedzerwa savanoumba sangano rinooneka raSatani pasi pano.—Ona Johane 15:20; 16:33; 17:15.
Mbeu Yomukadzi Inoziviswa
11. Kwamazana amakore enguva, Mwari akazivisei pamusoro pembeu yomukadzi?
11 Uporofita huri pana Genesi 3:15 pakupedzisira hunoreva nezvembeu yomukadzi. Apo Satani akanga achiumba mbeu yake, Jehovha akanga achigadzirira “mukadzi” wake, kana kuti sangano rokudenga rakafanana nomudzimai, kubereka mbeu. Kwamakore 4 000, Jehovha akawadzanyura nomutoo unoenderera mberi kuvanhu vanoteerera vanotya Mwari mashoko ose oudzame ane chokuita nokuuya kwembeu. (Isaya 46:9, 10) Nokudaro Abrahama, Isaka, Jakobho, navamwe vaigona kuvaka kutenda muchipikirwa chokuti mbeu yaizooneka mumutsara wavo wedzinza. (Genesi 22:15-18; 26:4; 28:14) Satani navabatiri vake vaiwanzotambudza vabatiri vakadaro vaJehovha nokuda kwokutenda kwavo kusingatsuguduki.—VaHebheru 11:1, 2, 32-38.
12. (a) Ko rutivi rukuru rwembeu yomukadzi rwakasvika rini uye nechinoitikai? (b) Jesu akazodzwa nokuda kwedonzoi?
12 Pakupedzisira, mugore ra29 reNguva yedu yaVose, munhu akakwana Jesu akazvipa iye amene paRwizi rwaJoridhani uye akabhapatidzwa. Jehovha ipapo akabereka Jesu nomudzimu mutsvene, achiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodikanwa, wandatendera.” (Mateo 3:17) Jesu ipapo akaziviswa sowakatumwa kubva kusangano romudzimu raMwari mudenga. Iye akazodzwawo saMambo Akasarudzwa woUmambo hwokudenga hwaizodzorera ubati ushe pamusoro papasi muzita raJehovha, nenzira iyeyo ndokupedza kwechigarire chirevo chinobatanidza hurumende, kana kuti uchangamire. (Zvakazarurwa 11:15) Jesu, ipapo, ndiye Mukuru wembeu yomukadzi, Mesiya akadeya kuziviswa.—Enzanisa naVaGaratia 3:16; Dhanieri 9:25.
13, 14. (a) Neiko kusati kuchifanira kutishamisa kuziva kuti mbeu yomukadzi haizati yaizongova bedzi munhu mumwe akatanhamara? (b) Ko Mwari akasarudza vangani kubva pakati pavanhu kuti vave rutivi rwechipiri rwembeu, uye ivo vanoumba rudzii rwesangano? (c) Ndivanaanizve vamwe vanobatira muchinzwano nembeu?
13 Ko mbeu yomukadzi yaizongova bedzi munhu mumwe akatanhamara here? Hekani waro, zvakadiniko nembeu yaSatani? Bhaibheri rinozivisa mbeu yaSatani kuva inobatanidza ngirozi zhinjisa dzakaipa navanhu vanozvidza Mwari. Hakuzati kuchifanira kutishamisa, ipapoka, kuziva nezvedonzo raMwari rokusarudza vachengeti veperero vane 144 000 kubva pakati pavanhu kuti vave vabati ushe pamwe chete vouprista neMbeu youMesiya, Jesu Kristu. Zvakazarurwa inoreva nezvaivava painoreva kuti Dhiabhorosi, mukuvenga kwake sangano romukadzi raMwari, “iye akaenda kundorwa navakasara vembeu yake.”—Zvakazarurwa 12:17; 14:1-4.
14 MuBhaibheri, maKristu akazodzwa anonzi ihama dzaJesu, uye sehama dzake, iwo anaBaba mumwe chetewo naamai mumwe chetewo. (VaHebheru 2:11) Baba wavo ndiJehovha Mwari. Nokudaro, amai vawo vanofanira kuva “mukadzi,” sangano rokudenga rakafanana nomudzimai raMwari. Iwo anova rutivi rwechipiri rwembeu, Kristu Jesu achiva rutivi rwokutanga. Ungano yamaKristu iwawa akaberekwa nomudzimu pasi pano inoumba sangano rinooneka raMwari rinobatira mukudzora kwesangano rake rakafanana nomukadzi riri mumatenga, uko iwo achabatanidzwa pamwe naKristu Jesu parumuko rwawo. (VaRoma 8:14-17; VaGaratia 3:16, 29) Kunyange zvazvo asati ari rutivi rwembeu, mamiriyoni amamwe makwai anobva mumarudzi ose ari kubatanidzwa kuti abatire nesangano raMwari pasi pano. Ko iwe uri mumwe wamamwe makwai iwawa here? Ipapoka tariro yako inofadza ndeyoupenyu husingaperi muparadhiso yapasi.—Johane 10:16; 17:1-3.
Mavambire Akaita Ruvengo
15. (a) Rondedzera kutanga kwembeu yohunhu neyengirozi yaSatani. (b) Chii chakaitika kumbeu yaSatani mukati meBoporodzi rezuva raNoa?
15 Mbeu yohunhu yaSatani yakavamba kuva inooneka pakutanga chaipo munhau yavanhu. Somuenzaniso, kwakanga kuna Kaini, dangwe rohunhu, “uyo akabva kuno wakaipa uye akauraya munun’una wake” Abheri. (1 Johane 3:12) Gare gare, Enoki akataura nezvokuuya kwaJehovha “nezviuru zvamazana zvake zvitsvene, kuzoita rutongeso pana vose, uye kushurikidza vose vasingatyi Mwari pamusoro pamabasa avo ose akaipa avakaita munzira yokusatya Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa izvo vaiti vezvivi vasingatyi Mwari vakataura pamusoro pake.” (Judhasi 14, 15) Zvisinei, ngirozi dzakapanduka dzakakumbanira Satani ndokuva rutivi rwembeu yake. Idzodzi dzaka“siya nzvimbo yokugara yadzo dzimene yakafanira” mumatenga kuti dzizvipfekedze miviri yokunyama ndokuroora vanasikana vavanhu. Idzo dzakabereka vana vahombe vanopfuura simba rohunhu vavashushi. Nyika iyeyo yakava yakazadzwa namasimba masimba noushati, zvokuti Mwari akaiparadza muBoporodzi, Noa akatendeka nemhuri yake vachiva bedzi nyama yohunhu yokupukunyuka. Ngirozi dzisingateereri—zvino dzava madhemoni mukudzora kwaSatani—dzakagombedzerwa kusiya vakadzi vadzo vohunhu vakashurikidzwa navana vahombe. Dzakapfekenura miviri yokunyama, dzichidzokera kunzvimbo yomudzimu uko idzo dzinomirira kuitwa kworutongeso runokurumidza kusvika rwaMwari pana Satani nembeu yake.—Judhasi 6; Genesi 6:4-12; 7:21-23; 2 Petro 2:4, 5.
16. (a) Mushushii akaoneka panyika pashure peBoporodzi, uye iye akaratidzira sei kuti akanga ari mbeu yaSatani? (b) Mwari akadzivisa sei vaizova vavaki veshongwe yeBhabhironi?
16 Nokukurumidza pashure peBoporodzi guru, mushushi anonzi Nimirodhi akaoneka pasi pano. Bhaibheri rinomurondedzera so“mudzimba mukurwisana naJehovha”—zvamazvirokwazvo rutivi rwembeu yeNyoka. SaSatani, iye akaratidzira mudzimu worupandukiro ndokuvaka guta reBhabheri, kana kuti Bhabhironi, mukuzvidzwa kwedonzo raJehovha rokuita kuti vanhu vapararire vazadze pasi. Musimboti weBhabhironi waizodai wakava shongwe huru “ine musoro wayo mumatenga.” Mwari akadzivisa vaizova vavaki veshongwe iyoyo. Iye akanyonganisa mutauro wavo ndoku“vaparadzira pamusoro pose papasi vachibva ipapo” asi akabvumira Bhabhironi iro rimene kuramba riripo.—Genesi 9:1; 10:8-12; 11:1-9.
Ubati Ushe Hwezvamatongerwe Enyika Hunooneka
17. Vanhu zvavakawanziridzika, rutivii rwoushati rwenzanga yavanhu rwakaoneka, uye somuuyo, umamboi hukuru hwakamuka?
17 MuBhabhironi makaoneka mativi echaunga chavanhu akatanga mukuzvidzwa kwouchangamire hwaJehovha. Rimwe raiwawa rakanga riri rezvamatongerwe enyika. Vanhu zvavakawanziridzika, vanhu vane chinendirini vakatevera muenzaniso waNimirodhi mukubvuta ubati ushe. Munhu akavamba kudzora munhu kusvikira kukuvadziko yake. (Muparidzi 8:9) Mukati mamazuva aAbrahama, somuenzaniso, Sodhoma, Gomora, namaguta ari pedyopo akapinda mukudzora kwamadzimambo eShinari nedzimwe nyika dziri kuresa. (Genesi 14:1-4) Pakupedzisira, vanamazvikokota vehondo nokurongeka vakaita umambo hukuru nokuda kweshongedzero nembiri yavo vamene. Bhaibheri rinoreva nezvavamwe vaivava, kubatanidza Egipita, Asiria, Bhabhironi, Medho-Persia, Girisi, uye Roma.
18. (a) Vanhu vaMwari vanoratidzira chimiroi chendangariro kuvabati ushe vezvamatongerwe enyika? (b) Ko zviremera zvezvamatongerwe enyika dzimwe nguva zvakabatira sei fariro dzaMwari? (c) Ko vabati ushe vazhinji vakazviratidzira sei vamene kuva rutivi rwembeu yeNyoka?
18 Jehovha akashivirira kuvapo kwoubati ushe ihwohwo hwezvamatongerwe enyika, uye vanhu vake vaipa teerero ine mwero kwavari apo ivo vaigara munyika dziri mukudzora kwavo. (VaRoma 13:1, 2) Dzimwe nguva, zviremera zvezvamatongerwe enyika zvaitobatira nokuda kwefambisirwo mberi yamadonzo aMwari kana kuti sedziviriro nokuda kwavanhu vake. (Ezra 1:1-4; 7:12-26; Mabasa 25:11, 12; Zvakazarurwa 12:15, 16) Hunyanguvezvo, vabati ushe vazhinji vezvamatongerwe enyika vakashora nomutoo wokurura kunamata kwechokwadi, vachizviratidzira ivo vamene kuva rutivi rwembeu yeNyoka.—1 Johane 5:19.
19. Ko ubati ushe hwenyika hunoratidzirwa sei mubhuku raZvakazarurwa?
19 Nokuda kworutivi rukurusa, ubati ushe hwomunhu hwakakundikana nomutoo unosuruvarisa kutiunzira mufaro isu vanhu kana kuti kupedza zvinetso zvedu. Jehovha akabvumidza vanhu kuedza nechimiro chiri chose chehurumende, asi iye haazati achitendera ushati kana kuti nzira hurumende dzakabata ushe nadzo zvisina kufanira vanhu. (Zvirevo 22:22, 23) Zvakazarurwa inoratidzira ubati ushe hwenyika hunodzvinyirira sohunoumba chikara chinozvikudza uye chinotyisa.—Zvakazarurwa 13:1, 2.
Vatengesi Vane Udyire Vezvokutengeserana
20, 21. Ibokai rechipiri rinofanira kubatanidzwa na“varairi vehondo” uye “mhare” seriri rembeu yakaipa yaSatani, uye nei?
20 Vakasanobatana navatungamiriri vezvamatongerwe enyika, kwakaonwa vatengesi vasina kutendeseka vezvinhu zvokunyama. Zvinyorwa zvakafukunyurwa mumatongo eBhabhironi rekare zvinoratidzira kuti bvumirano dzokutengeserana dzinoshandisa migariro isino kunaka yavanhu biyavo dzakanga dzakakurumbira zvikuru kwazvo shure ikoko. Vashambadzi venyika vakapfuurira kushanda nokuda kwemhindu youdyire kuburukira kuzuva rino razvino, apo munyika zhinji vashomanene vakava vakapfuma zvikuru kunyange voruzhinji vechiverengero chavagari vapasi vachiziya nenzara muurombo. Muzera rino renzvimbo dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu, vashambadzi navagadziri vezvinhu vakaita mhindu huru kupfurikidza nokugovera ubati ushe hwezvamatongerwe enyika mirwi yezvombo zvakashata zvehondo zvoruparadziko, kubatanidza zvombo zvinoparadza zvinhu zvakawanda iye zvino zvava kukonzera kunetseka zvikuru. Vezvokutengeserana vakadaro vana makaro navamwe vorudzi rwavo vanofanira kubatanidzwa na“varairi vehondo” uye “mhare” savari vembeu yakaipa yaSatani. Ivo vose rutivi rwesangano rapasi iro Mwari naKristu vanotonga serakafanirwa nokuparadzwa.—Zvakazarurwa 19:18.
21 Kune zvamatongerwe enyika zvakashata nenhengeseranwa yamakaro kunofanira kuwedzerwa chinhu chechitatu chenzanga yavanhu chinofanirwa norutongeso rwakashata rwaMwari. Chiiko ichecho? Ungashamiswa neicho Zvakazarurwa inoreva pamusoro peiri sangano remburumbwa yose rinosanozivikanwa.
Bhabhironi Guru
22. Rudzii rworudzidziso rwakatanga muBhabhironi rekare?
22 Chivako cheBhabhironi rapakuvamba chakanga chichipfuura basa rezvamatongerwe enyika. Sezvo guta irero rakavakwa mukuzvidzwa kwouchangamire hwaJehovha, rudzidziso rwakanga rwuchibatanidzwa. Zvamazvirokwazvo, Bhabhironi rekare rakava manyuko okunamatwa kwezvifananidzo kworudzidziso. Vaprista varo vaidzidzisa dzidziso dzinozvidza Mwari, dzakadai sokupfuurira kurarama kwomweya womunhu pashure porufu uye kuti nyika inotevera inzvimbo inotyisa uye yokunotambudzwa nokusingaperi inotungamirirwa namadhemoni. Vaisimudzira kunamatwa kwezvisikwa nokwavamwari vazhinji-zhinji navamwarikadzi. Ivo vaiita ngano dzokutsanangura mavambo apasi nomunhu ari pariri uye vaiita miitiro inoshatsa uye zvibairo, sezvinofungidzirwa kusimbisira ruzvaro mukubereka vana nomukurima zvirimwa, uye rukundo muhondo.
23. (a) Mukupararira kubva paBhabhironi, vanhu vakaenda nei, uye nomuuyoi? (b) Ko Zvakazarurwa inoreva nezvoumambo hunobatanidza nyika yose hworudzidziso rwenhema kupfurikidza nezitai? (c) Ko rudzidziso rwenhema nguva dzose rwairwisana nechii?
23 Mapoka akasiyana-siyana emitauro akabva paBhabhironi zvaakapararira papasi rose, iwo akaenda norudzidziso rwechiBhabhironi. Nokudaro, miitiro nezvitendero zvakafanana nezvezvo zveBhabhironi rekare zvakapararira pakati pavagari vapakuvamba veEurope, Africa, nyika dzeAmerica, Far East, uye South Seas; uye zvizhinji zveizvi zvitendero zvinopfuurira kusvikira kuzuva rino. Nomutoo wakakodzera, ipapoka, Zvakazarurwa inoreva nezvoumambo hworudzidziso rwenhema hunobatanidza nyika yose seguta rinonzi Bhabhironi Guru. (Zvakazarurwa, maganhuro 17, 18) Kupi nokupi kwarwakadyarwa, rudzidziso rwenhema rwakameresa uprista hunodzvinyirira, kudavira mashura, kusaziva, uye utere. Rwave rwuri mudziyo une simba uri muruoko rwaSatani. Bhabhironi Guru nguva dzose rakarwisa nomutoo unotyisa kunamatwa kwechokwadi kwaShe Changamire Jehovha.
24. (a) Ko Nyoka yakanga ichikwanisa sei kupwanya Mbeu yomukadzi “muchitsitsinho”? (b) Neiko kupwanywa kwembeu yomukadzi kuchirondedzerwa bedzi sekuvadziko yechitsitsinho?
24 Sorutivi rune mhaka zvikurusa rwembeu yeNyoka, vanyori navaFarise muchiJudha chomuzana rokutanga ramakore vakatungamirira mukutambudzwa uye pakupedzisira mukuponda mumiriri chaiye wembeu yomukadzi. Nokudaro, Nyoka yakanga ichikwanisa ku“pwanya [“mbeu”] muchitsitsinho.” (Genesi 3:15; Johane 8:39-44; Mabasa 3:12, 15) Neiko ikoku kuchirondedzerwa sekuvadziko bedzi muchitsitsinho? Imhaka yokuti uku kukuvadza kwakamutapura bedzi kwechinguvana pasi pano. Kwakanga kusati kuri kwechigarire nokuti Jehovha akamutsa Jesu pazuva rechitatu ndokumusimudzira kuupenyu hwomudzimu.—Mabasa 2:32, 33; 1 Petro 3:18.
25. (a) Ko Jesu akapiwa mbiri akatorwisa sei Satani nengirozi dzake? (b) Ko kubviswa kwembeu yapasi yaSatani kuchavapo rini? (c) Kucharevei apo Mbeu yomukadzi waMwari inopwanya Satani, Nyoka, “mumusoro”?
25 Jesu Kristu akapiwa mbiri zvino anobatira kuruoko rworudyi rwaMwari, achitonga vavengi vaJehovha. Iye akatorwisa Satani nengirozi dzake, achivakandira pasi ndokuganhurira mibato yavo kupasi rino—uko kunosakisa kuwanziridzika kwenhamo muzuva redu. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Asi pachava nokubviswa kwakadeya kutaurwa kwembeu yapasi yaSatani apo Mwari anoita rutongeso paBhabhironi Guru uye napamamwe mativi ose esangano raSatani pasi pano. Pakupedzisira, Mbeu yomukadzi waMwari, Jesu Kristu, achapwanya Satani, Nyoka iya yakare yamanomano, “mumusoro,” uye ikoku kuchareva kuparadzwa kwake chose chose nokubviswa chose chose pazvinhu zvavanhu.—VaRoma 16:20.
26. Neiko kuchiisvokosha zvikuru kuti tinzvere uporofita huri muna Zvakazarurwa?
26 Ko ikoku kwose kuchaitika sei? Ikoku ndiko kwatinofukurirwa mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Kunowadzanyurwa kwatiri munhevedzano yezviono, zvinosimbirwa nezviratidzo nezvipangidzo zvinoshamisa. Nomutoo wokudisisa, ngatinzverei uhu uporofita hune simba. Tinofara, zvamazvirokwazvo, ndisu kana tichinzwa ndokuchengeta mashoko aZvakazarurwa! Kupfurikidza nokuita saizvozvo, tichagoverana mukuvigira rukudzo kuzita raShe Changamire Jehovha ndokugara nhaka zvikomborero zvake zvisingagumi. Tapota pfuurira kurava ndokushandisa nomutoo wokuchenjera zvaunodzidza. Zvinogona kureva ruponeso rwako panguva ino yomugumo munhau yavanhu.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 13]
Zvinyorwa zvekare zvebvumirano dzenhengeseranwa
Bhuku rinonzi Ancient Near Eastern Texts, rakapepetwa naJames B. Pritchard, rinoronga inenge mitemo 300 yakaitwa naHammurabi munguva dzeBhabhironi. Iyoyi inoratidzira kuti kwakanga kuri madikanwa kudzivisa kusatendeseka kuri pachena uko sezvinooneka kwakashatsa nyika yokutengeserana mumazuva iwawo. Kurangarira mumwe muenzaniso: “Kana muzvinanyika akatengesa kana iye akagamuchira nokuda kwokuzvichengetera amene sivheri kana zvimwe ndarama kana murandarume kana murandakadzi kana nzombe kana gwai kana mbongoro kana rudzi rwupi norwupi rwechinhu paruoko rwomwanakomana womuzvinanyika kana muranda womuzvinanyika pasina zvapupu uye rangano, sezvo muzvinanyika iyeyo ari mbavha, iye achaurawa.”