RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 13 p. 16
  • Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Nhanganyaya Yakanaka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kutaura Zvinobaya Mwoyo
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kutaura Nechido
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 13 p. 16

CHIDZIDZO 13

Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho

Rugwaro

Zvirevo 3:21

PFUPISO YECHIDZIDZO: Batsira vateereri vako kuti vaone kuti nyaya yako inovabatsira sei muupenyu, uye kuti vazive zvavanofanira kuita nezvinhu zvavadzidza.

MAITIRWO AZVO:

  • Funga vateereri vako. Funga kuti nei vateereri vako vachifanira kunzwa mashoko acho, uye funga kuti ndepapi pachanyatsovabatsira panyaya yauri kutaura.

  • Kubva kwekutanga kusvika kwekupedzisira, ratidza vateereri vako zvavanofanira kuita. Kubvira paunotanga nyaya yako, muteereri mumwe nemumwe anofanira kugona kuti, ‘Zviri kutaurwa zvinonyatsondibatsira muupenyu hwangu.’ Paunenge uchitsanangura pfungwa huru imwe neimwe, ratidza kuti ingashandiswa sei muupenyu. Nyatsonanga pazvinoshanda chaipo.

    Zano

    Paunenge uchitaura kuti pfungwa dziri mushoko raMwari dzinoshanda sei, zviite nerudo, uchiratidza kuti unonzwisisa vateereri. Pane kupa vateereri vako mhosva, ita kuti vawedzere kuda kwavo Mwari uye kutenda kwavo, uchiratidza kuti une chivimbo chekuti mwoyo yavo ichaita kuti vade kuita zvakarurama.

MUUSHUMIRI

Paunenge uchigadzirira kunoparidza, funga nezvezvinhu zviri munhau uye nyaya dzingafarirwa nevanhu vari mundima yenyu. Chinja mharidzo yako kuti ienderane nezviri kufungwa nevanhu. Bvunza mibvunzo inoita kuti munhu ataure zvaanofarira uye zviri kumunetsa. Chibva wateerera zvaari kutaura, wochinja mharidzo yako kuti umubatsire.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe