CHIDZIDZO 3
Kubvunza Mibvunzo
Mateu 16:13-16
PFUPISO YECHIDZIDZO: Bvunza mibvunzo inoita kuti vanhu vafarire uye varambe vachida kunzwa, inobatsira vateereri kuti vafunge uye inosimbisa pfungwa huru.
MAITIRWO AZVO:
Ita kuti vanhu vafarire uye varambe vachida kunzwa. Bvunza mibvunzo yekuti vanhu vapindure vega mupfungwa dzavo kana kuti inoita kuti vade kunzwa mhinduro.
Ita kuti vanhu vafunge. Ita kuti vateereri vako vafambe newe panyaya yako kuburikidza nekubvunza mibvunzo inotevedzana inoita kuti vasvike vega pamhedziso.
Simbisa pfungwa huru. Paunenge wava kubudisa pfungwa huru, bvunza mubvunzo unoita kuti vanhu vade kunzwa. Bvunza mibvunzo yekudzokorora pfungwa inokosha yaunenge wapedza kutaura kana kuti yekupedzisa nayo nyaya yawanga uchitaura.