Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
JANUARY 6-12
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 1-2
“Jehovha Anosika Upenyu Panyika”
it-1-E 527-528
Kusikwa Kwezvinhu
PaZuva Rekutanga Mwari paakati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chakabva chabudikira nemumakore kunyange zvazvo kwaibva chiedza ichocho kwakanga kusati kwava kuzivikanwa panyika. Kunenge kuti chiedza chakavapo zvishoma nezvishoma sezvinoratidzwa nemashoko akataurwa nemushanduri anonzi J. W. Watts ekuti: “Uye zvishoma nezvishoma chiedza chakavapo.” (Ge 1:3, A Distinctive Translation of Genesis) Mwari akaparadzanisa chiedza nerima, akatumidza chiedza kuti Masikati uye rima kuti Usiku. Izvi zvinoratidza kuti nyika yaitenderera zuva kuitira kuti zuva ribude nekunyura.—Ge 1:3, 4.
PaZuva Rechipiri Mwari akagadzira nzvimbo huru nekuisa muganhu “pakati pemvura nemvura.” Imwe mvura yakaramba iri panyika, asi yakawanda yacho yakakwidzwa pamusoro penyika uye pakati penzvimbo idzi mbiri pakabva pava nenzvimbo huru. Mwari akatumidza nzvimbo yacho huru kuti Denga, asi raiva Denga riri panyika nekuti mvura yakakwidzwa pamusoro penzvimbo huru haitaurwi nezvayo kuti yakavharidzira nyeredzi nezvimwe zvinhu zviri mudenga.—Ge 1:6-8.
PaZuva Rechitatu Mwari achishandisa simba rake akaita kuti mvura iri pasi pedenga iungane munzvimbo imwe uye pakabva pava nepasi pakaoma, Mwari akabva apatumidza kuti Nyika. Pazuva iri zvekare, pasina zvekushanduka shanduka kwezvinhu, Mwari ndipo paakaita kuti zvinhu zvikwanise kuva neupenyu zvikabva zvaita kuti uswa, zvinomera zvinobereka mbeu, nemiti yemichero zvivepo. Zvese zviri zvitatu zvaikwanisa kubereka maererano “nemarudzi azvo.”—Ge 1:9-13.
it-1-E 528 ¶5-8
Kusikwa Kwezvinhu
Pana Genesisi 1:16 hapashandiswi shoko rechiHebheru rekuti ba·raʼʹ, iro rinoreva kuti “kusika,” asi panoshandiswa rekuti ʽa·sahʹ, iro rinoreva kuti “kuita.” Sezvo zuva, mwedzi uye nyeredzi zvichibatanidzwa ‘padenga’ rinotaurwa pana Genesisi 1:1, zvakasikwa Zuva Rechina risati rakwana. Pazuva rechina Mwari ‘akaita’ kuti zvinhu izvi zvemuchadenga zvishandidzane nenyika uye nzvimbo huru iri pamusoro payo. Pazvinonzi, “Mwari akazviisa munzvimbo huru yekudenga kuti zvivhenekere nyika,” zvinoratidza kuti zvakanga zvava kukwanisa kuoneka panyika sekunge kuti zvaiva munzvimbo huru. Uyewo, zvinovheneka izvi ‘zvaizoshanda sezviratidzo zvekuziva nazvo mwaka, mazuva, nemakore,’ zvichitungamirira vanhu nenzira dzakasiyana siyana.—Ge 1:14.
PaZuva Rechishanu pakasikwa zvinhu zvipenyu zvekutanga panyika zvisiri vanhu. Mwari haana kusika chinhu chimwe chete chaizoshanduka kuvawo zvimwe zvinhu asi akasika zvinhu zvipenyu zvakawanda. Bhaibheri rinoti: “Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvemugungwa, nezvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba uye zvinogara zvakawanda mumvura, nezvisikwa zvese zvine mapapiro zvinobhururuka. Akazvisika zvese maererano nemarudzi azvo.” Afara nezvaakanga aita, Mwari akabva azvikomborera uye akatozviudza kuti ‘zviwande,’ uye izvi zvaikwanisika nekuti zvisikwa izvi zvakasiyana siyana zvakasikwa zvichikwanisa kuberekana “maererano nemarudzi azvo.”—Ge 1:20-23.
PaZuva Rechitanhatu “Mwari akatanga kuita mhuka dzemusango panyika maererano nemarudzi adzo, nezvipfuwo maererano nemarudzi azvo, nemhuka dzese dzinokambaira panyika maererano nemarudzi adzo,” uye izvi zvakanga zvakanaka sekunaka kwainge kwakaita zvimwe zvinhu zvainge zvasikwa naMwari.—Ge 1:24, 25.
Zuva rechitanhatu rekusika rava kunopera, Mwari akasika chisikwa chitsva chakasiyana nezvimwe zvaainge asika, chainge chakakwirira kupfuura mhuka asi chakaderera pane ngirozi. Chisikwa ichi aiva munhu, akasikwa nemufananidzo waMwari uye akafanana naye. Pana Genesisi 1:27 panotaura muchidimbu nezvevanhu kuti “[Mwari] akavasika munhurume nemunhukadzi,” asi nyaya yakafanana iri pana Genesisi 2:7-9 inoratidza kuti Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu achibva afuridzira mumhino dzake mweya wekufema weupenyu uye munhu akava mupenyu, akapiwa musha wekugara waiva paradhiso uye akapiwawo zvekudya. Apa Jehovha akashandisa zvinhu zvaiva panyika pakusika uye pashure pekusika murume, Akasika mukadzi achishandisa mbabvu yaAdhamu. (Ge 2:18-25) Pakasikwa mukadzi, munhu akabva ava “rudzi.”—Ge 5:1, 2.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Sayenzi Inokubatsira Sei?
Nyika nezvimwe zvinhu zvose zvava nenguva yakareba sei zviripo?
Vesayenzi vanofungidzira kuti nyika yava nemakore anenge mabhiriyoni 4 iripo uye kuti zvimwe zvinhu zvose zvava nemakore anenge mabhiriyoni 13 kana kuti 14 zviripo. Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvose zvakasikwa riini. Hapana parinotaura kuti nyika yakasikwa zviuru zvishomanana zvemakore zvakapfuura. Vhesi yekutanga chaiyo muBhaibheri inoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Mashoko aya anoita kuti masayendisiti akwanise kutsvakurudza kuti zvinhu zvose zvakavapo riini vachishandisa mitemo inonyatsoshanda yesayenzi.
it-2-E 52
Jesu Kristu
Haasi Musiki. Kubatsira kwakaita Mwanakomana pakusika zvinhu, hakuna kuita kuti ave Musiki saBaba vake. Simba rekusika raibva kuna Mwari achishandisa mweya wake mutsvene kana kuti simba raanoshandisa. (Ge 1:2; Pis 33:6) Uye sezvo kuna Jehovha kuri iko kunobva upenyu, zvinhu zvese zvipenyu, zvinooneka nezvisingaoneki, zvinobva kwaari. (Pis 36:9) Saka Jesu akanga asiri Musiki asi akashandiswa naJehovha pakuita basa rekusika. Jesu pachake akaratidza kuti Jehovha ndiye Musiki uye Bhaibheri rinoratidzawo kudaro.—Mt 19:4-6.
JANUARY 13-19
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 3-5
“Marwadzo Akakonzerwa Nenhema Dzekutanga”
Chinangwa chaJehovha Chichazadzika!
Achishandisa nyoka, Satani Dhiyabhorosi akanyengedza Evha kuti asateerere Baba vake, Jehovha. (Verenga Genesisi 3:1-5; Zvak. 12:9) Satani akashandisa nyaya yekuti vanhu vaisabvumirwa kudya “miti yose yomumunda.” Zvaiita sekuti aiti: ‘Saka hamugoni kuita zvamunoda?’ Akabva anyepa zviri pachena achiti: “Chokwadi hamungafi.” Zvadaro, akaedza kuita kuti Evha aone sekuti aisafanira hake kuteerera Mwari. Akati: “Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa.” Satani aireva kuti Mwari aisada kuti vadye muchero wacho nekuti waizoita kuti vavhurike maziso. Satani akabva amupa vimbiso yenhema achiti: “Muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”
Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga
Chivi chaEvha chakanga chisingadzivisiki here? Kana! Zviise munzvimbo yake. Zvakataurwa nenyoka zvaipesana zvachose nezvakanga zvataurwa naMwari naAdhamu. Waizonzwa sei dai mumwe munhu wausingazivi akapomera munhu waunoda uye waunovimba naye kuti haana kutendeseka? Evha angadai akaita nenzira yakasiyana, achiratidza kusemburwa nokushatirwa, kunyange kutoramba kuteerera. Pashure pezvose, nyoka yaiva ani kuti isave nechokwadi nokururama kwaMwari neshoko romurume wake? Nemhaka yokuremekedza nheyo youmusoro, Evha aifanira kunge akatsvaka zano asati aita chisarudzo. Nesuwo tinofanira kudaro kana tikazopiwa mashoko anopesana nemirayiridzo yaMwari. Asi, Evha akavimba mashoko oMuedzi, achida kuzvisarudzira pachake chakanga chakanaka nechakanga chakaipa. Paaipedza nguva yakawanda achifunga nezvepfungwa yacho, ndipo payaibva yanyanyawo kumufadza. Chikanganiso chakadini chaakaita nokuchengeta chishuvo chisina kururama, pane kuchibvisa mupfungwa dzake kana kuchikurukura nomusoro wake wemhuri!—1 VaKorinde 11:3; Jakobho 1:14, 15.
Adhamu Anoteerera Inzwi Romudzimai Wake
Munguva pfupi yakatevera Evha akanyengetedza Adhamu kuti aitewo chivi naye. Tingatsanangura sei kubvuma kwakaita Adhamu akaneta-neta? (Genesi 3:6, 17) Adhamu akashushikana mupfungwa kuti ovimbika kuna ani. Aizoteerera Musiki wake, akanga amupa zvinhu zvose, kusanganisira Evha, mudzimai wake anodiwa here? Adhamu aizotsvaka nhungamiro yaMwari pane zvaakanga ava kufanira kuita zvino here? Kana kuti murume uyu aizotsigirana nomudzimai wake here? Adhamu ainyatsoziva kuti izvo Evha aitarisira kuwana nokudya muchero wakarambidzwa zvainyengera. Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Adhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi akanyengerwa kwazvo akasvika pakudarika.” (1 Timoti 2:14) Saka Adhamu akasarudza kusateerera Jehovha achiziva. Zviri pachena kuti akanyanya kutya kuparadzaniswa nomudzimai wake kupfuura kutenda simba raMwari rokugadzirisa mamiriro akanga aita zvinhu..
Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Zvechokwadi Here?
Vakadzi vakatukwa naMwari here?
Aiwa. Asi “nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi,” ndiyo ‘yakatukwa’ naMwari. (Zvakazarurwa 12:9; Genesisi 3:14) Mwari paakataura kuti Adhamu ‘aizotonga’ mudzimai wake, akanga asiri kupa varume mvumo yokudzvinyirira vanhukadzi. (Genesisi 3:16) Akanga ari kungofanotaura zvinhu zvinorwadza zvaizovapo nemhaka yokutadza kwomurume nomudzimai vokutanga.
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesisi—I
3:17—Pasi rakatukwa munzirai, uye kwenguva yakareba sei? Kutukwa kwakaitwa pasi kwaireva kuti kuririma zvino kwaizova kwakaoma kwazvo. Migumisiro yokutukwa kwepasi, neminzwa noutumbambeva zvaro, zvakatambudza zvikuru vazukuru vaAdhamu zvokuti Rameki, baba vaNoa, vakataura ‘nezvokutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.’ (Genesisi 5:29) Mafashamo apera, Jehovha akakomborera Noa nevanakomana vake, achitaura chinangwa Chake chokuti vazadze nyika. (Genesisi 9:1) Saka zviri pachena kuti kutukwa kwepasi naMwari kwakapera.—Genesisi 13:10.
it-2-E 186
Marwadzo Ekusununguka
Marwadzo anoitika pakusununguka. Pashure pekunge Evha atadza, Mwari akamuudza zvaizoitika pakusununguka vana. Kudai akaramba achiteerera, Mwari aizoramba achimukomborera uye aizova nemufaro asingarwadziwe pakusununguka vana nekuti, “kukomborera kwaJehovha ndiko kunoita kuti munhu apfume, Uye haaiti kuti kuuye nemarwadzo.” (Zvi 10:22) Asi sezvo muviri wakanga wava nechivi, waizoita kuti pave nemarwadzo. Mwari akati (sezvo zvinhu zvaanobvumira zvichiwanzonzi zvinoitwa naye): “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako nepamuviri; uchasununguka vana uchirwadziwa.”—Ge 3:16.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-2-E 192 ¶5
Rameki
Mashoko akataurwa naRameki kumadzimai ake (Ge 4:23, 24) anoratidza chisimba chaiveko mumazuva iwayo. Mashoko acho aiti: “Inzwai inzwi rangu, imi madzimai aRameki; teererai zvandiri kutaura: Ndakauraya munhu nekuti akandikuvadza, iro jaya, nekuti rakandirova. Kana anouraya Kaini achifanira kutsiviwa ka7, anouraya Rameki anofanira kutsiviwa ka77.” Rameki aitaura nyaya yekuzvidzivirira uye kuti ainge asina kuita zvekuronga kuuraya munhu sezvakaita Kaini. Rameki aiti akauraya munhu ainge amukuvadza achiitira kuzvidzivirira. Saka mashoko ake aiva ekukumbira kuregererwa nechero munhu aizoda kumutsiva nekuuraya kwaainge aita munhu ainge amukuvadza.
it-1-E 338 ¶2
Kumhura
“Kudana zita raJehovha” kwakatanga munguva yaInoshi Mafashamo asati auya kunofanira kunge kwakanga kusina kururama nekuti kare Abheri akanga achitaura naMwari achishandisa zita rake dzvene. (Ge 4:26; VaH 11:4) Kana kuri kuti sezvinotaurwa nedzimwe nyanzvi, kudana zita raMwari kwaiitwa uku kwaiva kurishandisa zvisiri izvo uye kurishandisa kuvanhu kana kuti zvidhori zvinoreva kuti kwaitova kumhura.
JANUARY 20-26
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 6-8
“Akaita Izvozvo Chaizvo”
Tevedzera Kutenda Uye Kuteerera kwaNoa, Dhanieri naJobho
Matambudziko akasangana naNoa. Pakazosvika nguva yaInoki, tateguru vaNoa, vanhu vakanga vava kuita zvinhu zvakaipa chaizvo. Vaitotaura ‘mashoko ekutuka’ Jehovha. (Jud. 14, 15; Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.) Kurwisana kwaiwedzera. Kutaura zvazviri, panguva yaNoa, “nyika yakazara nechisimba.” Ngirozi dzakaipa dzakachinja miviri yadzo kuti dzive vanhu, dzikatora madzimai, ndokubereka vana vahombe vaiva neutsinye. (Gen. 6:2-4, 11, 12) Asi Noa ainge akasiyana nevamwe vanhu vese. “Noa akanzwirwa nyasha naJehovha. . . . Akanga asina mhosva pakati pevanhu venguva yake. Noa akafamba naMwari wechokwadi.”—Gen. 6:8, 9.
“Akafamba naMwari Wechokwadi”
Basa racho rakatora makumi emakore, angasvika 40 kana kuti 50. Miti yaida kurigwa, matanda acho ozvuviwa, ozovezwa kuita mapuranga, obva abatanidzwa. Areka yacho yaifanira kuva nenhurikidzwa nhatu, musuo wokupinda nawo uye makamuri akawanda. Zviri pachena kuti nechokumusoro kwayo kwaiva nemahwindo uye pakati pedenga rayo panofanira kunge pakanga pakakwirira kuitira kuti mvura isajenga pamusoro.—Genesisi 6:14-16.
Mhanya Nhangemutange Nokutsungirira
Chii chakabatsira vashumiri vaJehovha ava kutsungirira uye kubudirira munhangemutange yacho? Ona zvakanyorwa naPauro nezvaNoa. (Verenga VaHebheru 11:7.) Noa ‘akanga asati amboona’ “mafashamo emvura panyika [ayo aizoparadza] nyama yose.” (Gen. 6:17) Mafashamo acho akanga asina kumbobvira aitika. Asi Noa haana kumbofunga kuti zvaisaita kuti mafashamo auye. Pamusana pei? Nokuti aitenda kuti chero zvaitaurwa naJehovha, zvaizoitika. Noa haana kufunga kuti zvaakanzi aite zvakanga zvakanyanya kuoma. Asi “akaita izvozvo chaizvo.” (Gen. 6:22) Kana tikafunga zvose zvaifanira kuitwa naNoa, kuvaka areka, kukokorodza mhuka, kuisa zvokudya zvevanhu nezvemhuka muareka, kuparidza achinyevera vanhu, uye kuita kuti mhuri yake igare yakasimba pakunamata, chokwadi kuita “izvozvo chaizvo” kwaisava nyore. Asi kutenda kwake nokutsungirira kwake zvakaita kuti iye nemhuri yake vapone uye vakomborerwe.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesisi—I
7:2—Chii chaishandiswa kusiyanisa mhuka dzakachena nedzisina? Kusiyanisa kwaiva nechokuita nokushandiswa kwezvibayiro pakunamata asi kwete pakuti chii chingadyiwa kana kuti chingasadyiwa. Vanhu vakanga vasingadyi nyama yemhuka Mafashamo asati auya. Mashoko okuti “kuchena” uye “chisina kuchena” pane zvokudya akatozouya noMutemo waMosesi, uye akaguma pawakabviswa. (Mabasa 10:9-16; VaEfeso 2:15) Zviri pachena kuti Noa aiziva zvakanga zvakakodzera kubayirwa pakunamata Jehovha. Achangobuda muareka, “akavakira Jehovha atari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari.”—Genesisi 8:20.
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesisi
7:11—Mvura yakakonzera Mafashamo enyika yose yakabva kupi? Munguva yokusika yechipiri, kana kuti “zuva,” pakaumbwa “nzvimbo” yepasi, paiva nemvura “yakanga iri pasi penzvimbo” nemvura “yakanga iri pamusoro penzvimbo.” (Genesi 1:6, 7) Mvura “yakanga iri pasi” ndiyo yaitova pasi pano. Mvura yaiva “pamusoro” ndiyo yaiva unyoro hwakawanda hwaiva pamusoro penyika, huchiumba mvura ye“pakadzika-dzika.” Mvura iyi yakanaya panyika muzuva raNoa.
JANUARY 27–FEBRUARY 2
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 9-11
“Nyika Yese Yakanga Iine Mutauro Mumwe Chete”
it-1-E 239
Bhabhironi Guru
Zvakanga Zvakaita Bhabhironi Yekare. Pakatangwa guta reBhabhironi muBani reShinari ndipo pakabva paedzwawo kuvakwa Shongwe yeBhabheri. (Ge 11:2-9) Shongwe iyi neguta zvaivakirwa kuti vavaki vacho ‘vazviitire zita rakakurumbira’ kwete kuti zita raMwari rikudzwe. Shongwe dzakafukunurwa mumatongo eBhabhironi nekune dzimwe nzvimbo muMesopotamiya dzairatidza kuti shongwe yepakutanga yaiva nechekuita nezvekunamata. Kumiswa kwakaitwa kuvakwa kwetemberi yacho naJehovha Mwari kunoratidza kuti yaiva yekunamata kwenhema. Zita rechiHebheru rakapiwa guta racho rekuti Bhabheri rinoreva “Kuvhiringidza,” asi rechiSumer rekuti (Ka-dingir-ra) nerechiAkkad rekuti (Bab-ilu) anoreva kuti “Suo raMwari.” Saka vanhu vakasara vachigara muguta racho vakachinja zita raro kuti riite sekuti rakanga rakasiyana neguta rekare rainge rarambwa, asi zita racho idzva raingoratidza kuti guta racho raiva rechitendero.
it-2-E 202 ¶2
Mutauro
Nyaya iri muna Genesisi inotsanangura kubatana kwakaita vamwe vanhu pashure peMafashamo kuti vaite zvinopesana nezvaidiwa naMwari zvaakanga audza Noa nevanakomana vake. (Ge 9:1) Pane kuti vapararire kuti ‘vazadze nyika,’ vaida kuti vanhu vagare panzvimbo imwe chete iyo yakazozivikanwa nekunzi Mapani eShinari kuMesopotamiya. Nzvimbo iyi yaizovawo yekunamatira iine shongwe.—Ge 11:2-4.
it-2-E 202 ¶3
Mutauro
Mwari Wemasimbaose akamisa basa ravo rairatidza kuzvikudza nekuvhiringidza mutauro wavo. Izvi zvakaita kuti vasakwanise kushanda vakabatana vachibva vapararira nenyika yese. Kuvhiriringidzwa kwemutauro wavo kwaizoita kuti vasaita zvinopesana nezvinodiwa naMwari mune ramangwana sezvo kwaizoita kuti vanhu vasanyatsokwanisa kushandisa pfungwa dzavo nesimba ravo zvakazara kuti vaite zvavanoda, uye kwaizota kuti zviome kuti vashandise ruzivo rwainge ruine vanhu vemitauro yakasiyana siyana—ruzivo rusingabvi kuna Mwari asi rwevanhu. (Enzanisa naMup 7:29; Dhe 32:5.) Saka kunyange zvazvo kuvhiringidzwa kwemutauro kwakaparadzanisa vanhu, kwakatovabatsira kuti vasarambe vachivavarira kuita zvinhu zvaizovakuvadza. (Ge 11:5-9; enzanisa naIsa 8:9, 10.) Tikafunga zviri kuitika mazuva ano zvinokonzerwa nekuwanda kuri kuita ruzivo rwevanhu uye kurushandisa zvisiri izvo kwavari kuita, tinoona kuti Mwari akanga agara aona zvaizoitika kudai vanhu vakanga varegererwa vachiita zvavaida paBhabheri.
it-2-E 472
Marudzi
Vanhu pavakapatsanurwa nekuvhiringidzwa kwakaita mutauro, rudzi rumwe nerumwe rwakatanga kuva netsika, maitiro uye chitendero zvakasiyana nerumwe rudzi. (Re 18:3) Vaparadzaniswa naMwari, vanhu vemarudzi akasiyana siyana vakatanga kunamata zvidhori zvavanamwari vavo vasinganzwisisiki.—Dhe 12:30; 2Mad 17:29, 33.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 1023 ¶4
Hamu
Kenani anogona kunge aivapo pazvakaitika uye baba vake Hamu havana kumutsiura. Kana kuti Noa, achitaura achifemerwa, akanga agara aona kuti unhu hwakaipa hwaiva naHamu, zvichida hwakanga hwava kutoonekawo pana Kenani, hwaizotevedzerwawo nevana vaKenani. Kumwe kuzadzika kwekutuka uku kwakaitwa naNoa kwakaitika vaIsraeri vakabva kuna Shemu pavakakunda ndokutanga kutonga vaKenani. Vaya vasina kuparadzwa (semuenzaniso, vaGibhiyoni [Jos 9]) vakava varanda vevaIsraeri. Pashure pemazana emakore, kutuka kwacho kwakazadzika zvekare vana vaKenani pavakatanga kutongwa nemadzinza akanga abva nekuna Jafeti eMedhiya nePezhiya, Girisi uye Roma.
it-2-E 503
Nimrodhi
Umambo hwaNimrodhi hwakatangira paBhabheri, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari. (Ge 10:10) Saka anofanira kunge ari iye akaita kuti Bhabheri neshongwe yaro zvitange kuvakwa. Izvi zvinoenderana nezvinotaurwa nevaJudha. Josephus akanyora kuti: “Zvishoma nezvishoma [Nimrodhi] akatanga kutonga zvine udzvinyiriri, achiti nzira yekuti vanhu vasatya Mwari ndeyekuita kuti varambe vachivimba nesimba rake iye. Akatyisidzira kuti aizotsiva Mwari kudai aizoparadza nyika nemafashamo zvekare; nekuti aizovaka shongwe yaisazokwanisa kufukidzwa nemvura otsiva kuparadzwa kwakaitwa madzitateguru avo. Vanhu vaida kutevera zano iri [raNimrodhi], vachiona sekuti kutungamirirwa naMwari kwaiva kuzviita varanda; saka vakatanga kuvaka shongwe . . . uye yakakurumidza kusimuka zvaisatarisirwa.”—Jewish Antiquities, I, 114, 115 (iv, 2, 3).
mwbr20.01 ¶7
Bhaibheri Rinotidzidzisei—Mashandisiro Atingariita
Bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? rakafanana neraBhaibheri Rinombodzidzisei? Ese ari maviri ari mubhokisi rematurusi ekudzidzisa uye anodzidzisa chokwadi chakafanana uye zvitsauko zvacho zvinoenderana. Asi raBhaibheri Rinotidzidzisei? rine mashoko ari nyore uye akajeka. Rakagadzirirwa kubatsira vanhu vanoomerwa nebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? harina mashoko ekuwedzera asi rine mamwe mashoko ayo anotsanangura zvimwe zvinhu zvinenge zviri mundima. Zvitsauko zvacho hazvina mibvunzo inoiswa panotangira chitsauko kunyange bhokisi rekudzokorora. Panopera chitsauko chimwe nechimwe pane chikamu chakanzi “Muchidimbu” icho chinenge chichipfukipisa chokwadi cheBhaibheri changa chichidzidziswa muchitsauko chacho. Sezvataingoita nebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? tinogona kupa vanhu bhuku idzva iri chero nguva kunyange kana risiri iro riri kupiwa vanhu mwedzi iwoyo. Tingashandisa sei bhuku iri patinenge tichidzidzisa vanhu Bhaibheri?
MUCHIDIMBU: Nzira yatinonyanya kushandisa patinodzidzisa vanhu tichishandisa bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? ndeyekutanga nekuverenga ndima tozobvunza mubvunzo. Tinogona kungoshandisa nzira iyoyo. Asi tingaita sei kana munhu watinodzidza naye asinganyatsogoni mutauro wacho kana kuti asingagoni kuverenga? Tinogona kushandisa bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? Zvikamu zvakanzi “Muchidimbu” ndizvo zvatichashandisa pakudzidza asi tokurudzira mudzidzi kuti azoverenga ega ndima dzinenge dziri muchitsauko chacho. Dzidziso imwe chete inogona kudzidziswa munhu kwemaminitsi 15. Sezvo chikamu ichi chisina mamwe mashoko anenge ari mundima dzechitsauko ichocho, mudzidzisi anofanira kunyatsogadzirira uye kuyeuka mabatiro anoita mudzidzi wake. Kana mudzidzisi akashandisa ndima dzinenge dziri muchitsauko pakudzidzisa, zvinoreva kuti chikamu chakanzi “Muchidimbu” chinogona kushandiswa pakudzokorora pfungwa huru.
MAMWE MASHOKO: Mashoko ari muchikamu ichi akanyorwa zvinoenderana nepaanowanikwa muchitsauko. Mudzidzisi anosarudza kana achida kukurukura mashoko aya panguva yavanenge vachidzidza.