RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr21 January p. 10
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2021
  • Misoro Midiki
  • JANUARY 4-10
  • JANUARY 11-17
  • JANUARY 18-24
  • JANUARY 25-31
  • FEBRUARY 1-7
  • FEBRUARY 8-14
  • FEBRUARY 15-21
  • FEBRUARY 22-28
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2021
mwbr21 January p. 10

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

JANUARY 4-10

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 18-19

“Ramba Uri Munhu Anozvibata”

w19.06 28 ¶1

Zvatingaita Kuti Tisabatwa Nemusungo waSatani

Paaitaura zvinhu zvakaipa zvaiitwa nevanhu vaigara pedyo nevaIsraeri, Jehovha akaudza vaIsraeri kuti: “Musaita sezvinoita nyika yeKenani, yandiri kukuendesai kwairi. . . . Nyika iyi haina kuchena, ndichaunza chirango pamusoro payo nekuda kwekukanganisa kwayo.” Mararamiro evaKenani aisemesa uye ainge akaipa chaizvo zvekuti Mwari mutsvene wevaIsraeri aiona nyika yevaKenani seisina kuchena.—Revh. 18:3, 25.

w17.02 20 ¶13

Jehovha Anotungamirira Vanhu Vake

Madzimambo iwayo akatendeka ainge akasiyana zvikuru nevatungamiriri vemamwe marudzi avo vaitungamirirwa neuchenjeri hwevanhu. Vanhu veKenani nevatungamiriri vavo vaiita zvinhu zvinosemesa zvakadai semakunakuna, ungochani, kurara nemhuka, kupa vana sezvibayiro uye kunamata zvidhori. (Revh. 18:6, 21-25) Uyewo vatungamiriri veBhabhironi neveIjipiti vaisava nemirayiro yeutsanana yakafanana neyakapiwa vaIsraeri naMwari. (Num. 19:13) Asi vanhu vaMwari vaiona kuti vatungamiriri vavo vakatendeka vaikurudzira vanhu kuti vave vakachena pakunamata nepatsika uye kuti vave vanhu vakashambidzika. Zviri pachena kuti Jehovha aivatungamirira.

w14 7/1 7 ¶2

Mwari Achaitei Neuipi?

Zvakadini nevaya vanozvikudza vasingadi kuchinja, uye vanoramba vachiomerera pakuita zvakaipa? Funga nezvevimbiso iyi yakajeka: “Vakarurama chete ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.” (Zvirevo 2:21, 22) Vanhu vakaipa vachange vasisipo. Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvishoma nezvishoma, vanhu vanoteerera vachasunungurwa pachivi chakabva kuna Adhamu.—VaRoma 6:17, 18; 8:21.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w06 6/15 22 ¶11

“Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”

Chechipiri chinotaurwa noMutemo waMosesi chakaratidza kuti Mwari ane hanya nokuti vanhu vake vagare zvakanaka yaiva kodzero yokuunganidza zvaisaririra. Jehovha akarayira kuti murimi wechiIsraeri paaikohwa goho mumunda make, varombo vaifanira kubvumirwa kuunganidza zvainge zvasiyiwa nevakohwi vacho. Varimi vaisafanira kukohwa micheto yeminda yavo zvachose, uyewo vaisafanira kuunganidza mazambiringa kana maorivhi ainge asara. Zvisote zvezviyo zvainge zvakanganwika mumunda zvaisafanira kunotorwa. Uhwu hwaiva urongwa hworudo hwaiitirwa varombo, vatorwa, nherera, nechirikadzi. Chokwadi, kuunganidza zvaisaririra kwaidawo kuti ivo vashande nesimba, asi kwaiita kuti vasapemha.—Revhitiko 19:9, 10; Dheuteronomio 24:19-22; Pisarema 37:25.

JANUARY 11-17

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 20-21

“Jehovha Anotsaura Vanhu Vake”

w04 10/15 11 ¶12

Paradhiso—Uchavamo Here?

Zvisinei, pane chimwe chinhu chatisingafaniri kurerutsa. Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Munofanira kuchengeta murayiro wose wandinokurayira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu.” (Dheuteronomio 11:8) Pana Revhitiko 20:22, 24, nyika iyoyo inotaurwa zvakare: “Chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai. Asi ndakakuudzai imi, ndikati: Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi.” Chokwadi, kuva muNyika Yakapikirwa kwaienderana nokuva noukama hwakanaka naJehovha Mwari. Kusamuteerera ndiko kwakaita kuti Mwari abvumire vaBhabhironi kuti vakunde vaIsraeri uye vavabudise munzvimbo yavaigara.

it-1-E 1199

Nhaka

Nhaka inotsanangurwa sezvinhu zvese zvinosiyiwa nemunhu paanofa izvo zvinozopiwa vamwe vanenge vanzi ndivo vakakodzera kuzvipiwa; kana kuti zvinhu zvese zvinopiwa munhu kubva kumadzitateguru ake. Shoko rechiito rechiHebheru rakashandiswa pano nderekuti na·chalʹ (rakabva pazita rekuti, na·chalahʹ). Kazhinji kacho rine chekuita nekuwana nhaka kana kupa nhaka munhu anofanira kuiwana. (Nu 26:55; Eze 46:18) Shoko rechiito rekuti ya·rashʹ dzimwe nguva rinoshandiswa richireva ‘kugara nhaka’ kunoitwa nemunhu, asi kakawanda kacho rinoshandiswa richireva ‘kutora chimwe chinhu kuti chive chake.’ (Ge 15:3; Re 20:24) Rinoshandiswawo richireva ‘kudzinga’ pachiitwa zvehondo. (Dhe 2:12; 31:3) Mashoko echiGiriki anotaura nezvenhaka anoreva zvakafanana nezvinorehwa neshoko rekuti kleʹros, iro pakutanga raireva kuti “mijenya” asi nekufamba kwenguva rakazoreva kuti “mugove,” uye rakazopedzisira rava kureva “nhaka.”—Mt 27:35; Mab 1:17; 26:18.

it-1-E 317 ¶2

Shiri

Pashure peMafashamo akaitika pasi rese, Noa akapa chibayiro ‘chezvisikwa zvinobhururuka zvakachena’ pamwe chete nemhuka. (Ge 8:18-20) Kubvira ipapo, Mwari akabvumira vanhu kuti vadye shiri asi vaisafanira kudya ropa. (Ge 9:1-4; enzanisa naRe 7:26; 17:13.) Saka “kuchena” kwedzimwe shiri panguva iyoyo kwaiva nechekuita nekugamuchirwa kwadzaiitwa naMwari sechibayiro; Bhaibheri rinoratidza kuti kudyiwa kwaiitwa shiri kwairatidza kuti hapana shiri yainzi ‘haina kuchena’ kusvikira pakazopiwa Mutemo waMozisi. (Re 11:13-19, 46, 47; 20:25; Dhe 14:11-20) Bhaibheri harinyatsotauri chaiita kuti dzimwe shiri dzinzi ‘hadzina kuchena.’ Kunyange zvazvo shiri dzinodya nyama dziri idzo dzaiwanzonzi hadzina kuchena, kwaivawo nedzimwe dzisingadyi nyama dzainzi hadzina kuchena. Kurambidzwa kwaiitwa kudya dzimwe shiri kwakaguma pakatanga sungano itsva, Mwari paakaita kuti Petro aone chiratidzo.—Mab 10:9-15.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-1-E 563

Kuzvicheka

Mutemo waMwari wairambidza vanhu kuzvicheka-cheka miviri yavo vachichema munhu anenge afa. (Re 19:28; 21:5; Dhe 14:1) Chikonzero chacho chaiva chekuti vaIsraeri vaiva rudzi rutsvene kuna Jehovha uye pfuma yake yaaikoshesa. (Dhe 14:2) Saka vaIsraeri vaisatombofanira kunamata zvidhori. Uyewo machemero akadaro avaiita vachizvicheka-cheka vachirwadzisa miviri yavo akanga asina kutombokodzera kuitwa nevanhu vainyatsoziva zvinoitika munhu paanofa uye vaiziva nezvetariro yerumuko. (Dha 12:13; VaH 11:19) Uyewo kurambidzwa kwaiitwa vaIsraeri kuzvicheka-cheka kunofanira kunge kwakavabatsira kuti varemekedze miviri yavo yakasikwa naMwari.

JANUARY 18-24

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 22-23

“Mitambo Yemwaka Nemwaka Ine Zvainoreva Kwatiri”

it-1-E 826-827

Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso

Zuva rekutanga reMutambo Wechingwa Chisina Mbiriso raiva rekuungana kutsvene uyewo sabata. Pazuva rechipiri, Nisani 16, chisote chebhari, iyo yaiva chirimwa chaitanga kuibva muPalestine, chaiendeswa kumupristi. Mutambo uyu usati waitwa vaisafanira kudya zviyo zvitsva, chingwa kana zviyo zvakakangwa zvegoho idzva. Mupristi aipa zvibereko zvekutanga kuna Jehovha nenzira yekufananidzira achiita zvekuvheyesa chisote, uye paipiwawo gondohwe rakanaka, risati rapfuura gore rimwe chete kuti rive chibayiro chinopisirwa pamwe chete nemupiro wezviyo wakasanganiswa nemafuta uyewo mupiro wechinwiwa. (Re 23:6-14) Pakanga pasina murayiro wekupisa zviyo kana furawa paatari sezvakazenge zvava kuitwa nevapristi. Zvibayiro izvi zvaisangoperera pakupiwa serudzi, asi paivawo neurongwa hwekuti mhuri imwe neimwe uye munhu mumwe nemumwe aiva nechaainacho muIsraeri ape zvibayiro zvekuonga paiitwa mutambo uyu.—Eks 23:19; Dhe 26:1, 2.

Zvawaimiririra. Kudya chingwa chisina mbiriso kwaienderana nemirayiro yakanga yapiwa Mozisi naJehovha sezvakanyorwa pana Eksodho 12:14-20, kusanganisira uri pavhesi 19 wekuti: “Hapana mukanyiwa wakavira unofanira kuva mudzimba dzenyu kwemazuva manomwe.” Pana Dheuteronomi 16:3 chingwa chisina mbiriso chinonzi “chingwa chekutambudzika,” uye gore negore chaiyeuchidza vaJudha nezvekubuda kwavakaita munyika yeIjipiti vachimhanya-mhanya (pavakanga vasina nguva yekuvirisa mukanyiwa wavo [Eks 12:34]). Saka vaiyeuka kutambudzika uye uranda hwavakanunurwa pahuri sezvakanga zvataurwa naJehovha pachake kuti, “chero bedzi uri mupenyu, unofanira kuita izvi kuti uyeuke zuva rawakabuda munyika yeIjipiti.” Mutambo wekutanga uyu pamitambo mikuru mitatu yaiitwa nevaIsraeri gore negore waivayeuchidza nezvekusunungurwa kwavakaitwa serudzi uye kuziva kuti Jehovha ndiye Mununuri wavo.—Dhe 16:16.

it-2-E 598 ¶2

Pendekosti

Kupiwa kwaiitwa zvibereko zvekutanga zvegorosi kwainge kwakasiyana nekupiwa kwaiitwa zvibereko zvekutanga zvebhari. Zvikamu zviviri kubva pazvikamu gumi zveefa yefurawa yegorosi yakatsetseka (marita 4,4; makoti 4) pamwe chete nembiriso, zvaibikiswa marofu maviri echingwa. Aifanira ‘kubva mudzimba dzavo,’ kureva kuti aifanira kunge akafanana nechingwa chavaibika mazuva ese kuti vadye mudzimba dzavo uye chakanga chisiri chekungoshandisa pamabasa matsvene chete. (Re 23:17) Mipiro inopiswa uye mupiro wechivi zvaipiwawo pamwe chete nemupiro uyu, uye makondohwe maviri aipiwa sechibayiro cherugare. Mupristi aivheyesa zvingwa zvacho nemakondohwe acho pamberi paJehovha paaiisa maoko ake pasi pezvingwa zvacho nepasi penyama yacho ozvivheyesa, zvichifananidzira kuti zvaipiwa Jehovha. Kana zvingwa zvacho nemakondohwe zvapiwa, zvaidyiwa nemupristi sechibayiro cherugare.—Re 23:18-20.

w14 5/15 29 ¶11

Uri Kufambirana Nesangano raJehovha Here?

Sangano raJehovha rinoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka parinotikurudzira kuteerera zano romuapostora Pauro rokuti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaH. 10:24, 25) Kuungana kwaiita vaIsraeri uye mitambo yavaiita gore negore zvaivasimbisa pakunamata. Uyewo mitambo yakadai seMutambo Wematumba wakaitwa mumazuva aNehemiya, yaiita kuti vanhu vafare chaizvo. (Eks. 23:15, 16; Neh. 8:9-18) Misangano yedu nemagungano zvinotisimbisawo pakunamata uye zvinoitawo kuti tifare. Tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tibatsirwe neurongwa uhwu.—Tito 2:2.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w19.02 3 ¶3

Ramba Wakaperera Kuna Mwari!

Parinoshandiswa kwatiri isu vashumiri vaMwari, shoko rekuti kuperera rinoreva kuda Jehovha nemwoyo wese uye kuzvipira kwaari zvizere, zvichiita kuti titange tafunga nezvake pese patinoita zvisarudzo. Chimbofunga nezvekushandiswa kunoitwa shoko racho. Rinogona kushandiswa pachinhu chakazara, chakanaka kana kuti chisina kukanganisika. VaIsraeri vaipa zvibayiro zvemhuka kuna Jehovha uye Mutemo waiti mhuka dzacho dzaifanira kunge dzakanaka. (Revh. 22:21, 22) Vanhu vaMwari vaisabvumirwa kupa mhuka isina rimwe gumbo, ziso kana nzeve; uyewo vaisafanira kupa mhuka inorwara. Zvaikosha chaizvo kuna Jehovha kuti mhuka dzacho dzinge dzakanaka kana kuti dzisina kukanganisika. (Mar. 1:6-9) Tinogona kunzwisisa kuti nei Jehovha achikoshesa zvinhu zvakanaka kana kuti zvakakwana. Patinotenga chimwe chinhu chakadai sebhuku, hatidi rinenge risina mamwe mapeji. Tinoda rinenge rakakwana, kana kuti risina kukanganisika. Jehovha anodawo kuti kuda kwatinomuita uye kuvimbika kwedu kunge kwakadaro. Tinofanira kumuda uye kuvimbika kwaari zvizere.

JANUARY 25-31

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 24-25

“Gore reJubheri Uye Kusunungurwa Mune Ramangwana”

it-1-E 871

Rusununguko

Mwari Werusununguko. Jehovha ndiMwari werusununguko. Akasunungura vaIsraeri muIjipiti mavaiva varanda. Akavaudza kuti kana vakateerera mirayiro yake vaisazova varombo. (Dhe 15:4, 5) Dhavhidhi akataura ‘nezvekuchengeteka’ kwevaya vaizogara mukati meshongwe muJerusarema. (Pis 122:6, 7) Kunyange zvakadaro, Mutemo waiti kana zvikaitika kuti munhu anova murombo, aigona kuzvitengesa ova muranda kuti akwanise kuriritira mhuri yake. Asi maererano neMutemo, muHebheru uyu aisunungurwa mugore rechi7 rekushanda semuranda. (Eks 21:2) Mugore rechi50 rega rega, iro raiva gore reJubheri, rusununguko rwaiziviswa kuvagari vese vemunyika yacho. Muranda wese wechiHebheru aisunungurwa odzokera kunhaka yake.—Re 25:10-19.

it-1-E 1200 ¶2

Nhaka

Sezvo munda wairamba uri wemhuri imwe chete kwezvizvarwa nezvizvarwa waisagona kutengeswa zvachose. Kutengeswa kwemunda kwaienderana nekukosha kwezvirimwa zvaizobudamo uye kwaienderana nemakore anenge asara kusvikira pane rimwe Jubheri, panguva iyo minda yese yaidzorerwa varidzi vayo chaivo kana kuri kuti yakanga isina kutengwazve kana kudzikinurwa Jubheri risati rasvika. (Re 25:13, 15, 23, 24) Murayiro uyu waisanganisira dzimba dzaiva mumaguta asina masvingo, idzo dzaionekwa sechikamu chemunda. Kana iri imba yaiva muguta rine rusvingo, munhu anenge aitengesa airamba aine kodzero yekuidzikinura kwegore chete kubvira paaiitengesa, uye kana rapera yaibva yava yemunhu akaitenga. Kana dziri dzimba dzaiva mumaguta evaRevhi, kodzero yekudzikinura yairamba iripo zvachose nekuti vaRevhi vaisava nenhaka yeminda.—Re 25:29-34.

it-2-E 122-123

Jubheri

Mutemo weJubheri pawaiteererwa, waiita kuti vaIsraeri vasava mumamiriro ezvinhu anorwadza atinoona munyika dzakawanda mazuva ano, ekuti pane mapoka maviri evanhu, vakapfuma chaizvo nevarombo vekupedzisira. Kubatsirwa kwaiitwa munhu neMutemo uyu kwaisimbisa rudzi rwacho nekuti hapana aizova murombo uye aizoshaya basa zvichinge zvakonzerwa nemamiriro eupfumi anenge akaipa munyika, asi vese vaizokwanisa kushandisa zvipo zvavo neunyanzvi hwavo kuti nyika yacho ibudirire. VaIsraeri pavaiteerera zvavaidzidziswa, Jehovha aibva avakomborera nekuita kuti nyika yacho ibereke uye vaifara nekutungamirirwa kwavaiitwa naye.—Isa 33:22.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w09 9/1 22 ¶4

Kana Wagumburwa

Kana muIsraeri aikuvadza mumwe wake omutushura ziso, Mutemo waibvumira kuti ziso rakewo ritushurwe. Zvisinei, zvakanga zvisiri kumunhu anenge akuvadzwa kutsiva akamukuvadza wacho kana mumwe wemumhuri yake. Mutemo wairayira kuti aendese nyaya yacho kune vane masimba vaivapo—kuvatongi vakagadzwa—kuti vagadzirise nyaya yacho zvakanaka. Kuziva kuti munhu ainge apara mhosva nemaune kana kurwisa mumwe munhu aigona kurangwawo zvakafanana kwakabatsira chaizvo kuti pasava nokutsivana. Asi pane zvakawanda zvinopfuura izvozvo.

FEBRUARY 1-7

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 26-27

“Ungaitei Kuti Ukomborerwe naJehovha?”

w08 4/15 4 ¶8

Ramba ‘Zvinhu Zvisingakoshi Uye Zvisina Zvazvinobatsira’

“Pfuma” ingava sei mwari? Somuenzaniso, chimbofunga nezvedombo raiva musango muIsraeri yekare. Dombo rakadaro raigona kushandiswa kuvaka imba kana rusvingo. Ukuwo, kana raizomiswa kuva “shongwe tsvene” kana kuti se“dombo rine mifananidzo,” raizokanganisa vanhu vaJehovha. (Revh. 26:1) Saizvozvowo, mari inodiwa. Tinoida kuti tirarame, uye tinogona kuishandisa mubasa raJehovha. (Mup. 7:12; Ruka 16:9) Asi kana tikaisa kutsvaka mari pakutanga kupfuura mabasa edu echiKristu, kutaura zvazviri, mari inobva yava mwari wedu. (Verenga 1 Timoti 6:9,10.) Munyika ino ine vanhu vanonyanya kukoshesa kutsvaka pfuma, tinofanira kuva nechokwadi chokuti tiri pakati nepakati panyaya iyi.—1 Tim. 6:17-19.

it-1-E 223 ¶3

Kuremekedza

Kushandiswa kwakaitwa Mozisi naJehovha kwakaita kuti Mozisi aratidze simba rinoshamisa pamberi pevanhu vaMwari. (Dhe 34:10, 12; Eks 19:9) Vaya vaiva nekutenda vairemekedza simba raiva naMozisi. Vaiziva kuti Mwari aitaura nekwaari. VaIsraeri vaifanirawo kutya nzvimbo tsvene yaJehovha. (Re 19:30; 26:2; mashoko emuzasi) Izvi zvaireva kuti vaifanira kuremekedza nzvimbo tsvene, vachinamata maererano nezvakanga zvataurwa naJehovha uye vachiita zvaienderana nemirayiro yake yese.

w91 3/1 17 ¶10

“Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu

Jehovha akaudza rudzi rwacho, kuti: “Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiiita; ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo. Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhundutswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu. Ndichafamba pakati penyu, ndichava Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu.” (Revhitiko 26:3, 4, 6, 12) Israeri aigona kufarikanya rugare mukuti vakanga vaine chengeteko pavavengi vavo, zvokunyama zvakawanda, uye ukama hwapedyo naJehovha. Asi ikoku kwaizotsamira pakunamatira kwavo kuMutemo waJehovha.—Pisarema 119:165.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-2-E 617

Chirwere

Chaiunzwa nekusateerera Mutemo waMwari. VaIsraeri vakayambirwa kuti kana vakasachengeta sungano yaMwari yaakanga aita navo zvaizoita kuti ‘atume chirwere pakati pavo.’ (Re 26:14-16, 23-25; Dhe 28:15, 21, 22) MuBhaibheri, utano hune chekuita nekukomborerwa naMwari, hungava hwemuviri kana kuti hwekunamata (Dhe 7:12, 15; Pis 103:1-3; Zvi 3:1, 2, 7, 8; 4:21, 22; Zva 21:1-4), asi chirwere chine chekuita nechivi uye kutadza. (Eks 15:26; Dhe 28:58-61; Isa 53:4, 5; Mt 9:2-6, 12; Joh 5:14) Saka kunyange zvazvo dzimwe nguva Jehovha Mwari akarova vanhu nezvirwere zvakadai semaperembudzi aMiriyemu, aUziya uye aGehazi (Nu 12:10; 2Mak 26:16-21; 2Mad 5:25-27), zvinoita sekuti kakawanda kacho zvirwere zvaingoitika zvega kana kuti zvaikonzera nekutadza kwaiita vanhu kana kuti marudzi. Vaikohwa zvavainge vadyara; miviri yavo yaitambura zvichikonzerwa nekukanganisa kwavo. (VaG 6:7, 8) Achitaura nezvevaya vakanga vava kuita upombwe hunonyadzisa, muapostora akati Mwari “akavasiya vachiita zvisina kuchena, kuti varege kuremekedza miviri yavo pachavo . . . vachiwana chirango chakakwana, chinoenderana nekutadza kwavo.”—VaR 1:24-27.

FEBRUARY 8-14

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | NUMERI 1-2

“Jehovha Anoronga Vanhu Vake”

w94 12/1 9 ¶4

Nzvimbo Yakafanira Yokunamatwa kwaJehovha Muupenyu Hwedu

Kudai wakaona Israeri ari mumisasa murenje uri pakakwirira, chii chaungadai wakaona? Matende akawanda, asi ane nhevedzano, anogara sezvinobvira vanhu mamiriyoni matatu kana kuti kupfuura, vakaiswa mumapoka maererano nezvikamu zvitatu zvorudzi kuchamhembe, kumaodzanyemba, kumabvazuva, uye kumadokero. Uchisanotarisisa, ungadai wakacherekedzawo rimwe boka pedyo zvikuru napakati pomusasa. Aya mapoka maduku zvikuru mana amatende aigara mhuri dzorudzi rwaRevhi. Pakati chaipo pomusasa, munharaunda yakaparadzaniswa namadziro ejira, pakanga pane chivako chakasiyana. Ichi chakanga chiri “tende rokusongana,” kana kuti tabhernakeri, iyo vaIsraeri “vane mwoyo yakachenjera” vakanga vavaka maererano nokuronga kwaJehovha.—Numeri 1:52, 53; 2:3, 10, 17, 18, 25; Eksodho 35:10.

it-1-E 397 ¶4

Musasa

Musasa uyu wevaIsraeri wakanga wakakura chaizvo. Manhamba ataurwa pamusoro apa anoratidza kuti paiva nevarume vehondo 603 550, kuwedzera pavakadzi nevana, vakwegura nevakaremara, vaRevhi 22 000, uye “boka guru revamwe vanhu vakasiyana-siyana” vemamwe marudzi—zvichida vese vaiva 3 000 000 kana kupfuura. (Eks 12:38, 44; Nu 3:21-34, 39) Hazvizivikanwi kuti nzvimbo yavaikwanisa kugara yakakura sei asi pane fungidziro dzakasiyana-siyana. Pavakadzika musasa pedyo neJeriko murenje reMoabhi, zvinonzi waibva “kuBheti-jeshimoti kusvikira kuAbheri-shitimu.”—Nu 33:49.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-2-E 764

Kunyoresa

Vanhu vainyorwa maererano nemazita avo, madzinza avo kana kuti mhuri dzavo. Kwaisangova kuverengwa kwevanhu kuti vaonekwe kuti vangani. Kunyoreswa kwaiitwa vanhu muBhaibheri kwaiitwa nezvinangwa zvakasiyana-siyana zvakadai sekubhadhara mutero, kuenda kuhondo, uye (kana vari vaRevhi) kuzoita basa panzvimbo tsvene.

FEBRUARY 15-21

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | NUMERI 3-4

“Mabasa Aiitwa nevaRevhi”

it-2-E 683 ¶3

Mupristi

Pasi peSungano yeMutemo. VaIsraeri pavaiva varanda muIjipiti Jehovha akazvitsaurira vanakomana vedangwe vese vevaIsraeri panguva yaakaparadza matangwe emuIjipiti padambudziko rechi10. (Eks 12:29; Nu 3:13) Saka matangwe aya aiva aJehovha, uye aifanira kumuitira basa dzvene chete. Mwari aigona kuita kuti vanakomana vese vedangwe vevaIsraeri vave vapristi uye vachengeti venzvimbo tsvene. Asi zvaienderana nechinangwa chake kuti atore varume vedzinza raRevhi kuti vaite mabasa aya. Nekuda kwechikonzero ichi akabvumira varume vedzinza raRevhi kuti vatsive vanakomana vedangwe vemamwe madzinza 12 (madzinza evanakomana vaJosefa, Efremu naManase achiverengwa semaviri). Pane kumwe kuverengwa kwakaitwa, zvakaonekwa kuti vanakomana vedangwe vemamwe madzinza kubvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira vainge vakawanda kudarika varume vese vedzinza raRevhi ne273, saka Mwari aida kuti mumwe nemumwe wavo adzikinurwe nemutengo wemashekeri mashanu ($11), uye mari yacho yaipiwa Aroni nevanakomana vake. (Nu 3:11-16, 40-51) Izvi zvisati zvaitika Jehovha akanga atotsaura vanhurume vese vemhuri yaAroni kubva mudzinza raRevhi kuti vave vapristi vevaIsraeri.—Nu 1:1; 3:6-10.

it-2-E 241

VaRevhi

Mabasa avo. VaRevhi vaibva mumhuri nhatu dzevanakomana vaRevhi vanoti Geshoni (Geshomu), Kohati, naMerari. (Ge 46:11; 1Mak 6:1, 16) Imwe neimwe yemhuri idzi yakapiwa nzvimbo yekugara pedyo netebhenekeri murenje. Mhuri yaAroni, iyo yaiva yevaKohati, yaidzika musasa pamberi petebhenekeri kumabvazuva. Vamwe vaKohati vese vaidzika musasa kumaodzanyemba, vaGeshoni kumavirira, uye vaMerari kuchamhembe. (Nu 3:23, 29, 35, 38) VaRevhi ndivo vaiita basa rekumisa tebhenekeri, kuibvisa uye kuitakura. Pavainge vava kusimuka, Aroni nevanakomana vake vaibvisa keteni raiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene vofukidza areka yeChipupuriro, atari, uye mimwe midziyo mitsvene. VaKohati vaibva vatakura zvinhu izvi. VaGeshoni vaitakura machira etende, zvekuifukidzisa, maketeni ekuvharisa, maketeni anorembera echivanze, netambo dzetende (dzinofanira kunge dziri tambo dzetebhenekeri) uye vaMerari ndivo vaiona nezvemafuremu, mbiru dzayo, zvigadziko zvayo zvine maburi, hoko dzetende, netambo dzetende (tambo dzainge dzakapoteredza chivanze chetebhenekeri).—Nu 1:50, 51; 3:25, 26, 30, 31, 36, 37; 4:4-33; 7:5-9.

it-2-E 241

VaRevhi

Panguva yaMozisi, muRevhi aiti kana asvitsa makore 30 ndipo paaitanga kuita mabasa ake ese akadai sekutakura tebhenekeri nemidziyo yayo pavaitama. (Nu 4:46-49) Mamwe mabasa aigona kuitwa kubvira pamakore 25, asi angangodaro aisava aya akaoma akadai sekutakura tebhenekeri. (Nu 8:24) Panguva yaMambo Dhavhidhi, zera racho rakadzikiswa kusvika pamakore 20. Chikonzero chakapiwa naDhavhidhi chaiva chekuti temberi (iyo yainge yava kutsiva tebhenekeri) yakanga isingazoiti zvekutakurwa ichiiswa munzvimbo dzakasiyana-siyana. MuRevhi paaisvitsa makore 50 ndipo paaimira kushumira patebhenekeri. (Nu 8:25, 26; 1Mak 23:24-26.) VaRevhi vaifanira kunyatsoziva Mutemo nekuti vaiwanzonzi vauverengere vanhu uye vachivadzidzisa.—1Mak 15:27; 2Mak 5:12; 17:7-9; Ne 8:7-9.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w06 8/1 23 ¶13

Iva Akachenjera—Itya Mwari!

Kubatsirwa kwakaitwa Dhavhidhi naJehovha paaishungurudzika kwakadzamisa kutya kwaaiita Mwari uye kwakasimbisa kuvimba kwaaiita naye. (Pisarema 31:22-24) Zvisinei, pazviitiko zvitatu zvinozivikanwa, Dhavhidhi akambovarairwa pakutya Mwari, izvo zvakava nemigumisiro yakaipa. Chiitiko chokutanga chinosanganisira kuronga kwaakaita kuti areka yesungano yaJehovha iendeswe kuJerusarema yakatakurwa mungoro pane kuti itakurwe pamapfudzi evaRevhi, sezvaitaurwa noMutemo waMwari. Uza, aitungamirira ngoro yacho, paakabata Areka kuti aitsigise, akafira ipapo nokuda “kwokusaremekedza kwacho.” Chokwadi, Uza akatadza chaizvo, asi chaizvoizvo, kukundikana kuremekedza zvakakodzera Mutemo waMwari kwakaitwa naDhavhidhi ndiko kwakaita kuti zvigume nenjodzi yakadaro. Kutya Mwari kunoreva kuita zvinhu maererano nourongwa hwake.—2 Samueri 6:2-9; Numeri 4:15; 7:9.

FEBRUARY 22-28

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | NUMERI 5-6

“Ungatevedzera Sei vaNaziri?”

it-2-E 477

MuNaziri

Pane zvinhu zvitatu zvaifanira kutevedzerwa nevaya vaiita mhiko yeuNaziri zvinoti: (1) Vaisafanira kunwa zvinwiwa zvinodhaka; kana kudya chero chinhu chinogadzirwa nemazambiringa, angava asina kuibva, akaibva, akaomeswa, kana chinwiwa chinogadzirwa nemuto wemazambiringa ungava wakaviriswa, kana usina, kana kuti vhiniga. (2) Vaisafanira kugera misoro yavo. (3) Vaisafanira kubata chitunha, chingava chehama yepedyo yakadai sababa, amai, munin’ina kana hanzvadzi.—Nu 6:1-7.

Mhiko Dzakasiyana Nedzimwe. Munhu aiita mhiko iyi yakasiyana nedzimwe afanira ‘kurarama semuNaziri [kureva kuti akatsaurwa, akaparadzaniswa nevamwe] kuna Jehovha,’ kwete kuitira kuti arumbidzwe nevanhu zvichibva pakushamisira kwaanenge achiita nekurarama asingaiti zvimwe zvinhu zvinoitwa nevamwe. Asi, “iye mutsvene kuna Jehovha mazuva ese euNaziri hwake.”—Nu 6:2, 8, mashoko emuzasi.

Zvaitarisirwa vaNaziri zvine zvazvaireva pakunamata Jehovha. VaNaziri vaitarisirwa kuita zvaiitwa nemupristi mukuru uyo aisafanira kubata chitunha kunyange chehama yake yepedyo nekuti aiita basa dzvene. Mupristi mukuru nevamwe vapristi vaisafanira kunwa waini kana zvimwe zvinwiwa zvinodhaka pavaiita mabasa matsvene pamberi paJehovha.—Re 10:8-11; 21:10, 11.

Uyewo, muNaziri (chiHebheru, na·zirʹ) “anofanira kuramba ari mutsvene nekurega bvudzi remusoro wake richikura,” sechiratidzo chekuti vanhu vese vakurumidze kuziva nezveuNaziri hwake hutsvene. (Nu 6:5) Shoko rimwe chete iroro rechiHebheru rekuti na·zirʹ rakashandiswa paitaurwa nezvemizambiringa “isina kuchekererwa” mumakore matsvene eSabata neJubheri. (Re 25:5, 11) Karata kegoridhe kaiva pamberi pengowani yemupristi mukuru ako kainge kakanyorwa mashoko ekuti “Utsvene ndehwaJehovha,” kainzi “chiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira” [chiHebheru, neʹzer, kubva padzitsi rimwe chete neshoko rekuti na·zirʹ].” (Eks 39:30, 31, mashoko emuzasi) Korona yaipfekwa nemadzimambo akazodzwa eIsraeri, yainziwo neʹzer. (2Sa 1:10; 2Mad 11:12.) Muungano yechiKristu, muapostora Pauro akati mukadzi anopiwa bvudzi refu panzvimbo pechekufukidzisa musoro. Izvi zvinomuyeuchidza kuti maererano nemasikirwo akaitwa vanhu iye ane nzvimbo yakasiyana neyemurume; anofanira kuziva kuti anofanira kuzviisa pasi maererano neurongwa hwaMwari. Saka zvaitarisirwa kwaari zvakadai sekusagera bvudzi (izvo zvisingaenderani nemasikirwo akaitwa murume), kusanwa waini zvachose uye kuti aifanira kunge akachena uye asina kusvibiswa, zvaiyeuchidza muNaziri akazvitsaurira kukosha kwekuzviramba uye kuzviisa pasi pekuda kwaMwari.—1VaK 11:2-16.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 1/15 30 ¶2

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kunyange zvakadaro, Samsoni aiva muNaziri mupfungwa yakasiyana. Samsoni asati aberekwa, ngirozi yaJehovha yakaudza amai vake kuti: “Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu unofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Israeri pamaoko avaFiristia.” (Vatongi 13:5) Samsoni haana kuita mhiko yokuva muNaziri. Aiva muNaziri akagadzwa naMwari, uye aizova muNaziri kwoupenyu hwake hwose. Kurambidzwa kubata chitunha kwaisagona kushanda kwaari. Kana kwaishanda uye aizobata chitunha netsaona, aizogona sei kutangazve kuva muNaziri kwoupenyu hwake hwose izvo zvakatangira pakuberekwa kwake? Saka zviri pachena kuti zvaidiwa zvevaNaziri voupenyu hwose zvakanga zvakasiyana munzira dzakati nezviya zvevaNaziri vokuzvidira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe