“Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
“Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.” —NUMERI 6:26.
1. Chinguvana pamberi porufu rwake, chii icho Pauro akanyorera Timotio, chichizivisei?
MUGORE ra 65 N.V., muapostora Pauro akanga ari musungwa muRoma. Kunyange zvazvo aizokurumidza kufa nenzira yamasimba masimba pamaoko omuurayi weRoma, Pauro aiva norugare. Ikoku kuri pachena kubva mumashoko ayo akanyorera shamwari yake duku Timotio, apo akati: “Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda; kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero.”—2 Timotio 4:7, 8.
2. Chii chakanga charinda mwoyo waPauro muupenyu hwake hwose hwaiva nezvinoitika, kusvikira kurufu rwake chaiko?
2 Pauro aigona sei kuva akaterama kwazvo mukutarisana norufu? Yaiva mhaka yokuti “rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose” rwakanga ruchirinda mwoyo wake. (VaFiripi 4:7, NW) Rugare rumwe cheterwu rwakanga rwamudzivirira mumakore ose akazadzwa nezvinoitika chifo chokutendeukira kwake kwapakuvamba kuchiKristu. Rwakanga rwamutsigira mukudenhwa nenyongori, kuiswa mutorongo, kurohwa, uye kutakwa namabwe. Rwakanga rwamusimbisa sezvo airwisa kuwa pakutenda uye pesvedzero dzokugamuchira tsika dzechiJudha. Uye rwakanga rwamubetsera kurwisana namasimba asingaoneki oudhemoni. Sezviri pachena, rwakamusimbisa kusvikira kumugumo chaiko.—2 VaKorinte 10:4, 5; 11:21-27; VaEfeso 6:11, 12.
3. Mibvunzoi inomutswa pamusoro porugare rwaMwari?
3 Pauro akawana uru rugare kuva simba rine simba zvakadini! Isu nhasi tinogona kudzidza charwuri here? Ruchabetsera kurinda mwoyo yedu ndokutisimbisa sezvatino“rwa kurwa kwakanaka kwokutenda” mukati meidzi, “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo” here?—1 Timotio 6:12; 2 Timotio 3:1, NW.
Rugare naMwari—Nzira Yarwakarasika Nayo
4. Ndedzipi dziri dzimwe revo dzeshoko rokuti “rugare” muBhaibheri?
4 MuBhaibheri shoko rokuti “rugare” rine revo zhinji. Dzinotevera dzimwe dzacho, sezvakarongwa muThe New International Dictionary of New Testament Theology: “MuT[estamente] yeK[are] yose, [sha·lohmʹ] (rugare) runofukidza garikano mupfungwa yakafarisisa yeshoko racho (Vat. 19:20); budiriro (Pis. 73:3), kunyange mukunongedzera kuvasina umwari; utano hwomuviri (Isa. 57:18[, 19]; Pis. 38:3); kugutsikana . . . (Gen. 15:15 nezvimwewo); ukama hwakanaka pakati pamarudzi navanhu (. . . Vat. 4:17; 1 Mak. 12:17, 18); ruponeso (. . . Jer. 29:11; cf. Jer. 14:13).” Chinokosha zvikurusa ukama hune rugare naJehovha, pasinarwo rumwe rugare rupi norupi, zvikurukuru, rwuri rwechinguvana bedzi uye rwakaganhurirwa.—2 VaKorinte 13:11.
5. Rugare rwechisiko chaMwari rwakadzongonyedzwa sei pakuvamba?
5 Pakuvamba, chisiko chose chakanga chine rugare rwakakwana naJehovha. Nechikonzero chakanaka, Mwari akazivisa kuti mabasa ake ose okusika akanga akanaka zvikuru. Zvamazvirokwazvo, ngirozi dzokudenga dzakadanidzira murumbidzo pakuaona. (Genesi 1:31; Jobho 38:4-7) Nenzira isingafadzi, kunyanguvezvo, rugare rwechisiko chapose pose irworwo haruna kugarisa. Rwakaparadzwa apo chisikwa chomudzimu zvino chinozivikanwa saSatani chakanyengera chitsva zvikurusa chezvisikwa zvakangwara zvaMwari, Evha, kubva mukuteerera Mwari. Murume waEvha, Adhama, akamutevera, uye navapandukiri vatatu vasina kuganhurirwa, pakanga pava nokusawirirana muchisiko chapose pose.—Genesi 3:1-6.
6. Kurasikirwa norugare naMwari kwakaguma nechii nokuda kworudzi rwomunhu?
6 Kurasikirwa norugare naMwari kwaiva nengwavaira nokuda kwaAdhama naEvha, avo zvino vakavamba kushata kwomuviri pashoma pashoma uko kwakaguma norufu rwavo. Panzvimbo pokufarikanya rugare muParadhiso, Adhama aifanira kurwisana nevhu risina kurimwa kunze kweEdheni kuti adyise mhuri yake inokura. Panzvimbo pokubereka rudzi rwomunhu rwakakwana nenzira yokugutsikana, Evha akabereka vana vasina kukwana mumarwadzo nokutambura. Kurasikirwa norugare naMwari kwakatungamirira kugodo namasimba masimba pakati pavanhu. Kaini akauraya munun’una wake Abheri, uye pakasvika nguva yaMafashamo, pasi rose rakanga razadzwa namasimba masimba. (Genesi 3:7–4:16; 5:5; 6:11, 12) Apo vabereki vedu vokutanga vakafa, zvirokwazvo havana kuenda kumakuva avo vakagutsikana, “murugare,” sezvakaita Abrahama mazana amakore mazhinji gare gare.—Genesi 15:15.
7. (a) Uporofitai uhwo Mwari akataura uhwo hwakanongedzera kukudzorerwa kworugare rwakakwana? (b) Muvengi waMwari Satani akava anopesvedzera sei?
7 Pashure pokurasikirwa norugare kwaAdhama naEvha, tinowana kududzwa kwokutanga kworuvengo muBhaibheri. Mwari akataura kuna Satani ndokuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi uye pakati pembeu yako nembeu yake. Iye uchakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho.” (Genesi 3:15, NW) Sezvo nguva yakapfuura, pesvedzero yaSatani yakakura kusvikira papfundo rokuti muapostora Johane aigona kuti: “Nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Nyika inodzorwa naSatani zvamazvirokwazvo haina rugare naMwari. Nenzira yakakodzera, ipapoka, mudzidzi Jakobho akanyevera maKristu, kuti: “Hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari?”—Jakobho 4:4.
Vane Rugare Munyika Ine Utsinye
8, 9. Pashure pokunge Adhama atadza, vanhu vaigona sei kuva norugare naMwari?
8 Shure muEdheni, apo Mwari akatanga kududza shoko rokuti “ruvengo,” iye akadeya kutaurawo nzira iyo rugare rwakakwana rwaizodzorerwa nayo kuchisiko. Mbeu yakapikirwa yomukadzi waMwari yaizopwanya musoro womuputsi worugare wapakuvamba. Kubva muEdheni zvichienda mberi, avo vakashandisa kutenda muchipikirwa ichocho vakafarikanya ukama hune rugare naMwari. Nokuda kwaAbrahama, ihwohwu hwakakura kuva ushamwari.—2 Makoronike 20:7; Jakobho 2:23.
9 Munguva yaMosesi, Jehovha akaumba vana vaIsraeri, muzukuru waAbrahama, kuva rudzi. Iye akagovera rugare rwake kurudzi irworwu, sezvinoonekwa muchikomborero icho Aroni, muprista mukuru, akazivisa pavari, kuti: “Jehovha akuropafadze, akuchengete; Jehovha akuvhenekere nechiso chake, akunzwire nyasha; Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.” (Numeri 6:24-26) Rugare rwaJehovha rwaizounza tuso huru, asi rwakapiwa kuchitsamira pamugariro.
10, 11. Nokuda kwaIsraeri, rugare naMwari rwaitsamira pamigariroi, uye ikoku kwaizoguma nei?
10 Jehovha akaudza rudzi rwacho, kuti: “Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiiita; ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo. Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhundutswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu. Ndichafamba pakati penyu, ndichava Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu.” (Revhitiko 26:3, 4, 6, 12) Israeri aigona kufarikanya rugare mukuti vakanga vaine chengeteko pavavengi vavo, zvokunyama zvakawanda, uye ukama hwapedyo naJehovha. Asi ikoku kwaizotsamira pakunamatira kwavo kuMutemo waJehovha.—Pisarema 119:165.
11 Munhau yose yorudzi rwacho, vaIsraeri vakaedza nenzira yokutendeka kuchengeta mitemo yaJehovha vakafarikanya rugare naye, uye ikoko kwaiwanzounza zvimwe zvikomborero zvizhinji. Mukati mamakore apakuvamba okutonga kwaMambo Soromoni, rugare naMwari rwakaunza kubudirira kwokunyama pamwe chete nokuzorora pahondo navavakidzani vaIsraeri. Richirondedzera nguva iyoyo, Bhaibheri rinoti: “VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, mazuva ose aSoromoni.” (1 Madzimambo 4:25) Kunyange apo utsinye hwakaitika nenyika dzakavakidzana, vaIsraeri vakatendeka vakanga vachingori norugare runokosha chaizvoizvo, rugare naMwari. Nokudaro, Mambo Dhavhidhi, murwi akatanhamara, akanyora, kuti: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.”—Pisarema 4:8.
Hwaro Huri Nani Hworugare
12. Israeri akaramba sei pakupedzisira rugare naMwari?
12 Pakupedzisira, Mbeu yaizofanira kudzorera rugare rwakakwana yakasvika muchimiro chaJesu, uye pakuberekwa kwake ngirozi dzakaimba, kuti: “Mwari ngaarumbidzwe kumusorosoro, norugare ngaruve navanhu vaanofarira.” (Ruka 2:14) Jesu akaoneka muna Israeri, asi pasinei zvapo nokuva musungano yaMwari, rudzi irworwo rwose rwakamuramba ndokumupa kuvaRoma kuti aurawe. Chinguvana pamberi porufu rwake, Jesu akachema pamusoro peJerusarema, achiti: “Kudai iwe, kunyange iwe, wakanga waziva muzuva rino zvinhu zvine chokuita norugare—asi zvino zvakavanzirwa meso ako.” (Ruka 19:42, NW; Johane 1:11) Nemhaka yokuramba Jesu, Israeri akarasikirwa chose chose norugare rwake naMwari.
13. Inzirai itsva iyo Jehovha akavamba nokuda kwomunhu kuti awane rugare naIye?
13 Kunyanguvezvo, madonzo aMwari haana kudziviswa. Jesu akamutswa muna vakafa, uye akapa kuna Jehovha ukoshi hwoupenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro nokuda kwavanhu vane mwoyo wakarurama. (VaHebheru 9:11-14) Chibairo chaJesu chakava nzira itsva neiri nani nokuda kwavanhu—vose vari vaviri vaIsraeri vokunyama naVamarudzi—kuti vawane rugare naMwari. Pauro akati mutsamba yake kumaKristu aiva muRoma: “Pataiva vavengi, takayananiswa naMwari kupfurikidza norufu rwoMwanakomana wake.” (VaRoma 5:10, NW) Muzana rokutanga ramakore, avo vakaita rugare muiyi nzira vakazodzwa nomudzimu mutsvene kuti vave vanakomana vaMwari vakagamuchirwa nemitezo yorudzi rutsva rwomudzimu rwunonzi “Israeri waMwari.”—VaGaratia 6:16; Johane 1:12, 13; 2 VaKorinte 1:21, 22; 1 Petro 2:9.
14, 15. Rondedzera rugare rwaMwari, uye rondedzera kuti runodzivirira sei maKristu kunyange apo anenge ari chinangwa choutsinye hwaSatani.
14 Ava vaIsraeri vatsva vomudzimu vaizova chinangwa choutsinye hunobva kuna Satani nenyika yake. (Johane 17:14) Zvisinei, vaizova no“rugare runobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.” (2 Timotio 1:2, NW) Jesu akavaudza, kuti: “Ndakataura zvinhu izvozvi kwamuri kuti kupfurikidza neni mugova norugare. Munyika muri kuva nedambudziko; asi shingai! Ini ndakakunda nyika.”—Johane 16:33, NW.
15 Urwu ndirwo rugare rwakabetsera Pauro namaKristu biyake kuti vatsungirire pasinei zvapo nezvinetso zvose zvavaitarisana nazvo. Irwo runoratidzira ukama hune runyararo, hunotsinhirana naMwari hwakabviriswa nechibairo chaJesu. Runopa anarwo rugare rwakaterama rwendangariro sezvo anoziva itiro hanya yaJehovha. Mwana akabatwa mumaoko ababa vane rudo ane kunzwa kwakafanana kworugare, uchokwadi husingapanikiriki hwokuti iye ari kutarisirwa nomumwe munhu anomuitira hanya. Pauro akakurudzira VaFiripi, kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chipi nechipi, asi pachinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero uye mukumbiro pamwe chete nokuonga mikumbiro yenyu ngaiziviswe kuna Mwari; uye rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yenyu uye masimba endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7, NW.
16. Rugare naMwari rwakatapura sei ukama hwamaKristu omuzana rokutanga ramakore nomumwe nomumwe?
16 Mumwe muuyo wokurasikirwa kwomunhu norugare naMwari wakanga uri ruvengo nokusawirirana. Nokuda kwamaKristu omuzana rokutanga ramakore, kuwana rugare naMwari kwakaguma nomusiano umene: rugare nechinzwano pakati pavo vamene, izvo Pauro akadana kuti “chisungo chinobatanidza chorugare.” (VaEfeso 4:3, NW) Ivo ‘vaifunga mubvumirano uye vairarama zvine rugare, uye Mwari worudo norugare aiva navo.’ Uyezve, ivo vaiparidzira “mashoko akanaka orugare,” ayo akanga ari, zvikurukuru, mashoko akanaka oruponeso nokuda kwe‘shamwari dzorugare,’ avo vanogamuchira mashoko akanaka.—2 VaKorinte 13:11; Mabasa 10:36; Ruka 10:5, 6.
Sungano Yorugare
17. Mwari akaitei navanhu vake muzuva redu?
17 Rugare rwakadaro runogona kuwanwa here nhasi? Hungu, runogona. Chifo chokugadzwa kwoUmambo hwaMwari pasi paJesu Kristu akapiwa mbiri muna 1914, Jehovha akaunganidza vakasarira vaIsraeri waMwari vachibva munyika ino ndokuita sungano yorugare navo. Nokudaro iye akazadzika chipikirwa chake chakaitwa kupfurikidza nomuporofita Ezekieri, chokuti: “Ndichaita sungano yorugare navo; sungano ichavapo kusvikira kunguva isingazivikanwi ndiyo yavachava nayo. Uye ndichavaisa nokuvawanza ndokuisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo kusvikira kunguva isingazivikanwi.” (Ezekieri 37:26, NW) Jehovha akaita sungano iyi namaKristu akazodzwa ayo, kufanana nehama dzavo muzana rokutanga ramakore, anoshandisa kutenda muchibairo chaJesu. Acheneswa mukushatiswa kwomudzimu, vakazvitsaurira vamene kuna Baba vavo vokudenga ndokuvavarira kutevera mirairo yake, nenzira inocherekedzwa zvikurusa kupfurikidza nokutungamirira kuparidzirwa munyika yose kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa.—Mateo 24:14.
18. Vamwe pakati pamarudzi vakaita sei apo vakanzwisisa kuti zita raMwari riri pana Israeri waMwari?
18 Uporofita hwacho hunopfuurira, kuti: “Uye tabhernakeri yangu ichabvumikisa chaizvoizvo kuva pamusoro pavo, uye zvamazvirokwazvo ndichava Mwari wavo, uye ivo vamene vachava vanhu vangu. Uye marudzi achafanira kuziva kuti Ini, Jehovha, ndiri kutsvenesa Israeri.” (Ezekieri 37:27, 28, NW) Mutsinhirano naikoku, mazana ezviuru, hungu, mamirioni, anobva mu“marudzi” akaziva kuti zita raJehovha riri pana Israeri waMwari. (Zekaria 8:23) Vachibva mumarudzi ose, vakadirana kuzobatira Jehovha norudzi irworwo rwomudzimu, vachiumba “boka guru” rakadeya kuonwa muna Zvakazarurwa. Va“suka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana,” vachapukunyuka dambudziko guru ndokupinda munyika itsva ine rugare.—Zvakazarurwa 7:9, 14, NW.
19. Vanhu vaMwari vanofarikanya rugarei nhasi?
19 Vari pamwe chete, Israeri waMwari neboka guru vanofarikanya rugare rwomudzimu runoenzana norugare rwaifarikanywa naIsraeri pasi paMambo Soromoni. Nezvavo, Mika akaporofita, kuti: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Asi mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” (Mika 4:3, 4; Isaya 2:2-4) Mutsinhirano naikoku, ivo vakafuratira hondo nokukakavara, nenzira yokufananidzira vachipfura minondo yavo kuva miromo yamapadza uye minondo yavo kuva mapanga okuchekerera miti. Nokudaro, vanofarikanya uhama hune rugare munzanga yavo yose yamarudzi ose, pasinei zvapo norudzi rwavo, mutauro, dzinza, kana mugariro wenzanga. Uye vanofarira huchokwadi hwetarisiro inodzivirira yaJehovha pavari. ‘Hapana munhu anovaita kuti vadedere.’ Zvirokwazvo, ‘Jehovha amene akapa simba zvamazvirokwazvo kuvanhu vake. Jehovha amene akakomborera vanhu vake norugare.’—Pisarema 29:11.
20, 21. (a) Nei tichifanira kushandira kuchengeta rugare rwedu naMwari? (b) Chii chatinogona kutaura pamusoro penhamburiko dzaSatani dzokuparadza rugare rwavanhu vaMwari?
20 Somuzana rokutanga ramakore N.V., zvisinei, rugare rwavabatiri vaMwari rwakanyandura utsinye hwaSatani. Adzingwa kudenga pashure pokugadzwa kwoUmambo hwaMwari muna 1914, chifo chenguva iyoyo Satani akarwa hondo “navakasara vembeu” yomukadzi. (Zvakazarurwa 12:17) Kunyange muzuva rake, Pauro akanyevera, kuti: “Tine kurwa, kwete kwokurwisana neropa nenyama, asi kwokurwisana . . . namasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzokudenga.” (VaEfeso 6:12, NW) NaSatani zvino akaganhurirwa kunzvimbo yapasi, nyevero iyoyo ndeyokukurumidzira.
21 Satani akashandisa unyanzvi huri hwose hwaangagona kushandisa munhamburiko yake yokuparadza rugare rwavanhu vaMwari, asi akundikana. Shure muna 1919, kwaisava kunyange navane 10 000 avo vakatamburira kubatira Mwari nenzira yokutendeka. Nhasi, kune vanopfuura mamirioni mana vari kukunda nyika kupfurikidza nokutenda kwavo. (1 Johane 5:4) Nokuda kwaivava, rugare naMwari uye rugare nomumwe nomumwe chinhu chaichoicho, kunyange sezvavanotsungirira utsinye hwaSatani nembeu yake. Asi nemhaka youtsinye ihwohwu, uye tichirangarira kusakwana kwedu timene uye “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo” dzatiri kurarama madziri, tinofanira kushanda nenzira yokushingaira kuti tichengete rugare rwedu. (2 Timotio 3:1, NW) Munyaya inotevera, tichaona icho ikoku kunobatanidza.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Neiko munhu pakuvamba akarasikirwa norugare rwake naMwari?
◻ Nokuda kwaIsraeri, rugare naMwari rwakanga ruchitsamira pamugariroi?
◻ Rugare naMwari rwakavakirwa pachii nhasi?
◻ Chii chiri “rugare rwaMwari” urwo runorinda mwoyo yedu?
◻ Ndizvimwe zvikomboreroi zvatinofarikanya kana tiine rugare naMwari?