RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 4
  • Mwari Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ndiani?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Nei Tichifanira Kushandisa Zita raMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Zita raMwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 4
Chidzidzo 4. Mudenga mune nyeredzi.

CHIDZIDZO 04

Mwari Ndiani?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Kubvira kare kare, vanhu vagara vachinamata vanamwari navanamwarikadzi vakawanda. Asi Bhaibheri rinotaura nezvaMwari “mukuru kupfuura vamwe vanamwari vese.” (2 Makoronike 2:5) NdiMwari upi iyeye? Uye chii chinoita kuti ave mukuru kupfuura vamwe vanamwari vese vanonamatwa nevanhu? Muchidzidzo chino, uchaona kuti Mwari iyeye anoda kuti uzive nezvake.

1. Zita raMwari ndiani, uye tingava sei nechokwadi chekuti anoda kuti tirizive?

Mwari anotiudza nezvake muBhaibheri. Anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Verengai Isaya 42:5, 8.) Zita rekuti “Jehovha” kuturikirwa kwezita rechiHebheru rinogona kunge richireva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Jehovha anoda kuti tizive zita rake. (Eksodho 3:15) Tinozviziva sei izvozvo? Akaita kuti zita rake rinyorwe muBhaibheri kanopfuura ka7 000!a Zita rekuti Jehovha nderaMwari “wechokwadi kudenga kumusoro nepanyika.”—Dheuteronomi 4:39.

2. Bhaibheri rinotidzidzisei nezvaJehovha?

Bhaibheri rinoti pavanamwari vese vanonamatwa nevanhu, Jehovha ndiye ega Mwari wechokwadi. Nei richidaro? Pane zvikonzero zvakati kuti. Jehovha ndiye ane simba pazvinhu zvese, ndiye ega “Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.” (Verengai Pisarema 83:18.) Ndiye “Wemasimbaose,” zvichireva kuti ane simba rekuita chero zvaanoda. Ndiye “akasika zvinhu zvese,” zviri kudenga nepanyika. (Zvakazarurwa 4:8, 11) Jehovha akasiyana nevamwe vese pakuti agara ariko, uye acharamba ariko nekusingaperi.—Pisarema 90:2.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora musiyano uri pakati pemazita anoshandiswa pakuremekedza Mwari nezita rake chairo. Uchaonawo kuti nei akakuudza zita rake uye kuti akazviita sei.

Murume ari kutarisa nyeredzi. Zita rekuti Jehovha.

3. Mwari ane mazita akawanda ekuremekedza, asi rake chairo nderimwe chete

Kuti uone kuti zita remunhu rekuremekedza rakasiyana papi nezita rake chairo, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

VHIDHIYO: Zita raMwari Chairo (0:41)

  • Musiyano upi uri pakati pezita rekuremekedza rakadai serekuti “Ishe,” nezita chairo?

Bhaibheri rinoti vanhu vanonamata madzishe navanamwari vakawanda. Verengai Pisarema 136:1-3, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Ndiani “Mwari wavanamwari” uye “Ishe wemadzishe”?

4. Jehovha anoda kuti uzive uye ushandise zita rake

Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda kuti uzive zita rake? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

VHIDHIYO: Mwari Ane Zita Here?—Chidimbu (3:11)

Mapikicha: Mapikicha akatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Mwari Ane Zita Here?—Chidimbu.’ Murume ari kutarisa zita raMwari rekuti Jehovha pana Pisarema 83:18 muBhaibheri reKing James Version 1611.
  • Unofunga kuti Jehovha anoda kuti vanhu vazive zita rake here? Nei uchidaro?

Jehovha anoda kuti vanhu vashandise zita rake. Verengai VaRoma 10:13, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Nei zvichikosha kushandisa zita raMwari rekuti Jehovha?

  • Unonzwa sei kana mumwe munhu akakuyeuka okushevedza nezita rako?

  • Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei paunoshandisa zita rake?

5. Jehovha anoda kuti uve pedyo naye

Mukadzi wekuCambodia anonzi Soten akati “hapana chinofadza kupfuura” kuziva zita raMwari. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

VHIDHIYO: Kutsvaka Kwangu Mwari Wechokwadi (8:18)

Mapikicha: Mapikicha akatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Kutsvaka Kwangu Mwari Wechokwadi.’ 1. Soten akagara pasi pemuti musango, akatarisa kudenga achinyengetera kuna Mwari wechokwadi. 2. Herold achidzidzisa Soten kuti zita raMwari rinonzi Jehovha.
  • Muvhidhiyo iyi, waona here kuti kuziva zita raMwari kwakaita kuti Soten aitei?

Usati watanga kushamwaridzana nemumwe munhu, unowanzotanga waziva zita rake. Verengai Jakobho 4:8a, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jehovha anoda kuti uitei?

  • Kuziva uye kushandisa zita raMwari kuchakubatsira sei kuti uswedere pedyo naye?

VAMWE VANOTI: “Kunongova naMwari mumwe chete, saka hazvina basa kuti unomushevedza nezita ripi.”

  • Unobvuma here kuti zita raMwari ndiJehovha?

  • Unofunga kuti nei Mwari achida kuti tishandise zita rake?

PFUPISO

Jehovha ndiro zita raMwari mumwe chete wechokwadi. Anoda kuti tizive uye tishandise zita rake kuti tive pedyo naye.

Kudzokorora

  • Jehovha akasiyana papi nevamwe vanamwari vese vanonamatwa nevanhu?

  • Nei tichifanira kushandisa zita raMwari?

  • Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda kuti tiswedere pedyo naye?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ongorora zvikonzero zvishanu zvinoratidza kuti Mwari ariko.

“Mwari Ariko Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona zvikonzero zvinobudisa pachena kuti Mwari agara ariko.

“Ndiani Akasika Mwari?” (Nharireyomurindi, August 1, 2014)

Dzidza kuti nei tichifanira kushandisa zita raMwari, kunyange zvazvo tisingazive kuti raishevedzwa sei kare.

“Jehovha Ndiani?” (Nyaya iri paIndaneti)

Zvine basa here kuti tinoshevedza Mwari nezita ripi? Ona kuti nei tichiti ane zita rake chairo rimwe chete.

“Mwari Ane Mazita Mangani?” (Nyaya iri paIndaneti)

a Kuti unzwe zvakawanda nezvekuti zita raMwari rinorevei uye kuti nei mamwe maBhaibheri asina zita iroro, ona chikamu chakanzi Mashoko Ekuwedzera A4 muBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe