Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
NOVEMBER 1-7
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOSHUA 18-19
“Jehovha Anogova Nyika Zvakanaka”
it-1-E 359 ¶1
Muganhu
Zvinoita sekuti madzinza aipiwa nzvimbo dzaaizogara pachishandiswa nzira mbiri: kukandwa kwemujenya, uye kukura kwedzinza racho. Mujenya unogona kunge wairatidza kuti dzinza rimwe nerimwe raizopiwa nhaka yaro kunzvimbo ipi zvakadai sekuti kuchamhembe, kumaodzanyemba, kumabvazuva kana kuti kumavirira, uye mubani kana kuti mumakomo. Paikandwa mujenya, Jehovha ndiye aisarudza uye izvi zvaiita kuti madzinza acho asaitirana godo kana kunetsana. (Zvi 16:33) Uye izvi zvaiita kuti Mwari atungamirire zvinhu kuti zvienderane neuprofita hwakanga hwataurwa naJakobho paakanga ava kuda kufa, huri pana Genesisi 49:1-33.
it-1-E 1200 ¶1
Nhaka
Nzvimbo dzakapiwa senhaka. Jehovha ndiye akapa vanakomana vaIsraeri nhaka yavo uye akaudza Mozisi miganhu yenzvimbo dzacho. (Nu 34:1-12; Jos 1:4) Vanakomana vaGadhi, vanakomana vaRubheni uye hafu yedzinza raManase vakapiwa nzvimbo dzavo naMozisi. (Nu 32:33; Jos 14:3) Mamwe madzinza ese akapiwa nhaka yawo naJoshua naEriyezari pachishandiswa mijenya. (Jos 14:1, 2) Maererano neuprofita hwaJakobho huri pana Genesisi 49:5, 7, Simiyoni naRevhi havana kupiwa nzvimbo dzavo vega kuti dzive nhaka yavo. Nhaka yaSimiyoni yaisanganisira nzvimbo (uye mamwe maguta) zvaiva mukati menhaka yaJudha (Jos 19:1-9), uye Revhi akapiwa maguta 48 munyika yese yaIsraeri. Sezvo vaRevhi vainge vagadzwa kuti vaite basa rinokosha panzvimbo tsvene, Jehovha ndiye aiva nhaka yavo. Vaipiwa chegumi senhaka yavo nekuda kwebasa ravaiita. (Nu 18:20, 21; 35:6, 7) Mhuri dzaipiwa mabasa ekuita munzvimbo dzemadzinza adzo. Mhuri padzaiwedzera uye vanakomana vachipiwa nhaka, nzvimbo dzacho dzairambawo dzichikamurwa kuti vese vakwane.
it-1-E 359 ¶2
Muganhu
Kana mujenya uchinge waratidza nzvimbo yaizopiwa dzinza, paizoshandiswa nzira yechipiri kuona kuti dzinza racho raizopiwa nzvimbo yakakura sei zvichienderana nekukura kwaro. “Munofanira kugova nyika yacho kumhuri dzenyu muchishandisa mujenya. Vanenge vakawanda, munofanira kuwedzera nhaka yavo, uye vanenge vari vashoma munofanira kuderedza nhaka yavo. Munhu wese achawana nhaka kunenge kwawira mujenya wake.” (Nu 33:54) Nzvimbo yainge yasarudzwa pachishandiswa mujenya yaisachinja, asi kukura kwenzvimbo yacho ndiko kwaigona kuchinja. Saka nzvimbo yakapiwa Judha payakaoneka kuti yakanga yakakurisa, chimwe chikamu chayo chakapiwa dzinza raSimiyoni.—Jos 19:9.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 359 ¶5
Muganhu
Nyaya yekugovewa kwenzvimbo dzekumavirira kwerwizi rwaJodhani inoratidza kuti kwakatanga kukandwa mijenya yekuratidza nzvimbo yaJudha (Jos 15:1-63), Josefa (Efremu) (Jos 16:1-10), uye hafu yedzinza raManase yaigara kumavirira kwerwizi rwaJodhani (Jos 17:1-13) uye miganhu yacho nemaguta zvakabva zvataurwa. Pakagovewa nzvimbo idzi zvinoita sekuti kugovewa kwenzvimbo kwakambomira sezvo vaIsraeri vakabva kuGirigari vachienda kuShiro. (Jos 14:6; 18:1) Nguva yavakatora vasati vatanga kugovazve haitaurwi, asi Joshua akazotsiura madzinza 7 akanga asara nekuti aiverengera kugova nzvimbo yakanga yasara. (Jos 18:2, 3) Pane zvakawanda zvinotaurwa kunzi ndizvo zvakakonzera kuti madzinza 7 aya averengere. Vamwe vanyori vanofunga kuti kuwanda kwezvinhu zvavainge vapamba pavaikunda uye karusununguko kavainge vava nako pakurwiswa nevaKenani ndizvo zvinogona kunge zvakaita kuti vasaone paine chikonzero chekuti vamhanye mhanye kutora nzvimbo yainge yasara. Chimwe chinogona kunge chakakonzera izvi kungava kuti vaizeza kurwisa vavengi vavo vaiva nesimba. (Jos 13:1-7) Uyewo vaisanyatsoziva chikamu ichi cheNyika Yakapikirwa semaziviro avaiita zvikamu zvakanga zvatogovewa kare.
NOVEMBER 8-14
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOSHUA 20-22
“Zvatinodzidza Pakusanzwisisana Kwakamboitika”
Zvinhu Zvinokosha Zvinokubatsira Kukurukurirana Nowawakaroorana Naye
Kukurukurirana kwakajeka kunogona kuita kuti vanhu vanzwisisane uye varege kufungirana zvisizvo. Kare munhoroondo yevaIsraeri, madzinza aRubheni, Gadhi, uye hafu yedzinza raManase aigara kumabvazuva kwoRwizi rwaJodhani akavaka “atari yaiva huru pakuonekwa” pedyo neJodhani. Mamwe madzinza haana kunzwisisa kuti nei vakanga vaita izvi. Achifunga kuti hama dzavo dzaiva mhiri kweJodhani dzakanga dzapanduka, madzinza okumadokero akagadzirira kurwa ‘nevapanduki’ vacho. Zvisinei, vasati vaenda kunorwisana navo, vakatanga vatuma nhume kuti dzinokurukurirana nemadzinza aya aiva kumabvazuva. Zvavakaita izvi chokwadi zvairatidza uchenjeri! Vakazoona kuti atari yacho yakanga isina kuitirwa zvinopiwa zvinopiswa kana kuti zvibayiro zvisiri zvepamutemo. Asi, madzinza aiva kumabvazuva aityira kuti munguva yemberi mamwe madzinza aizovaudza kuti: “Hamuna mugove kuna Jehovha.” Atari yaizova uchapupu hwokuti naivowo vainamata Jehovha. (Joshua 22:10-29) Vakapa atari yacho zita rokuti Chapupu, zvichida nokuti yaizova uchapupu hwokuti Jehovha aiva Mwari wechokwadi.—Joshua 22:34.
Gara Uchiita “Zvinhu Zvinoita Kuti Pave Norugare”
Vamwe vaIsraeri vangadaro vakafunga kuti paitova nouchapupu hwakakwana hwokuti pane chakaipa chakanga chiri kuitwa uye kuti kuita zvokuvarwisa vasina kugadzirira kwaizoita kuti vavakunde vasina kuurayisa vanhu vakawanda. Zvisinei, panzvimbo pokungokurumidza kurwisa, madzinza aiva kumadokero kwaJodhani akatuma vanhu kunokurukura nyaya yacho nehama dzavo. Vakabvunza kuti: “Kusatendeka uku kwamaitira Mwari waIsraeri nokurega kutevera Jehovha nhasi . . . ndokwei?” Chokwadi ndechokuti, madzinza akanga avaka atari akanga asiri kupandukira Mwari. Asi vaizoita sei pavaipomerwa zvakadaro? Vaizopindura vapomeri vavo pfocho kana kuramba kutaura navo here? Madzinza aipomerwa acho akapindura zvinyoronyoro, achitaura zvakajeka kuti vakanga vaivaka nechido chokushumira Jehovha. Mapinduriro avakaita akaita kuti varambe vaine ukama hwakanaka naMwari uye pasadeurwa ropa. Kukurukura vakadzikama kwakagadzirisa nyaya yacho uye kwakaita kuti pavezve norugare.—Josh. 22:13-34.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 402 ¶3
Kenani
Kunyange zvazvo vaKenani vakawanda vakapona pavakakundwa uye vakaramba kutongwa, zvinogona kunzi “Jehovha akapa vaIsraeri nyika yese yaakanga apika kuti achapa madzitateguru avo,” uye akanga avapa “zororo kumativi ese,” uye kuti “hapana kana chimwe chete chisina kuitika pazvinhu zvese zvakanaka zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuimba yaIsraeri; zvese zvakaitika.” (Jos 21:43-45) Vavengi vese vevaIsraeri vainge vakavapoteredza vakanga vava kuvatya uye vakanga vasingachashayisi vaIsraeri rugare. Mwari akanga ataura kuti aizodzinga vaKenani “zvishoma nezvishoma” kuitira kuti nyika yacho isazongoerekana yaita dongo mhuka dzesango dzowanda. (Eks 23:29, 30; Dhe 7:22) Pasinei nekuti vaKenani vaiva nezvombo zvehondo zvemhando yepamusoro kusanganisira ngoro dzehondo dzine mavhiri ane majeko, kutadza kwakazoita vaIsraeri kutora dzimwe nzvimbo kwakanga kusiri kuti Jehovha akanga akundikana kuzadzisa zvaakanga avimbisa. (Jos 17:16-18; Vat 4:13) Asi nyaya yacho inoratidza kuti kumbokundwa kwaiitwa vaIsraeri yaiva nyaya yekusatendeka kwavo.—Nu 14:44, 45; Jos 7:1-12.
NOVEMBER 15-21
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOSHUA 23-24
“Joshua Anorayira Rudzi Rwacho Kekupedzisira”
it-1-E 75
Kubatana Nemamwe Marudzi
VaIsraeri pavakapinda muKenani, Nyika Yakapikirwa, zvinhu zvakanga zvati siyanei. Mwari akanga avapa nyika yacho achizadzisa zvaakanga avimbisa madzitateguru avo. Vakanga vasiri kupinda munyika yacho sevatorwa uye Jehovha akavarambidza kuti vabatane nemamwe marudzi ainge asingamunamati aiva munyika yacho. (Eks 23:31-33; 34:11-16) Vaifanira kuteerera mitemo yaMwari kwete kutevedzera yemamwe marudzi aizodzingwa. (Re 18:3, 4; 20:22-24) Vakanyanya kuyambirwa kuti vasaroorerane nemarudzi iwayo. Kuita izvozvo kwaizoita kuti vave nemadzimai uye hama dzisinganamati Mwari uye kunamata kwavo kwenhema netsika dzavo zvaizoita kuti vaIsraeri vapanduke uye zvaizova musungo kwavari.—Dhe 7:2-4; Eks 34:16; Jos 23:12, 13.
Shoko raJehovha Harimbokundikani
Hapana mubvunzo kuti kubva pane zvatakaona nemaziso edu, tinogona kuti: “Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.” (Joshua 23:14) Jehovha anonunura, anodzivirira, uye anotsigira vashumiri vake. Ungagona here kutaura chinhu chimwe chete chaakapikira chaungati akatadza kuzadzisa panguva yake? Hapana anogona kudaro. Tinoratidza kuti takachenjera kana tikavimba neShoko raMwari rakavimbika.
Zvakadini neramangwana? Jehovha akatiudza kuti vakawanda vedu vanogona kutarisira kurarama munyika inoyevedza inenge yachinjwa kuva paradhiso. Vashoma vedu vanotarisira kutonga naKristu kudenga. Chero tariro yatingava nayo, tine chikonzero chakanaka chokuramba takatendeka sezvakaitwa naJoshua. Tariro yedu ichizadzika nerimwe zuva. Ipapo tichafunga zvinhu zvose zvakavimbiswa naJehovha, uye isuwo tichati: ‘Zvose zvakaitika.’
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua
24:2—Baba vaAbrahamu, Tera, vakanga vari munamati wezvidhori here? Pakutanga, Tera akanga asiri munamati waJehovha Mwari. Angangodaro ainamata mwari wemwedzi ainzi Sini—mwari akanga akakurumbira muUri. Maererano netsika dzechiJudha, Tera angangodaro aitogadzira zvidhori. Zvisinei, Abrahamu paakabva kuUri arayirwa naMwari, Tera akaendawo naye kuHarani.—Genesisi 11:31.
NOVEMBER 22-28
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VATONGI 1-3
“Ushingi hwaEhudhi Uye Kunyengedza Kwake”
Ehudhi Anotyora Joko Romudzvinyiriri
Zvirongwa zvaEhudhi zvakabudirira, kwete nokuti akanga akangwara, kana kuti nokuti muvengi akanga asina kungwaririra. Kubudirira kwezvinangwa zvaMwari hakubvi pane zvinoitwa nevanhu. Chikonzero chikuru chakaita kuti Ehudhi abudirire ndechokuti aitsigirwa naMwari sezvaaiita maererano nechido Chake chisingakundwi chokusunungura vanhu Vake. Mwari akanga amutsa Ehudhi, uye “Jehovha waiti kana achinge achivamutsira [vanhu vake] mutongi, Jehovha waiva nomutongi uyo.”—Vatongi 2:18; 3:15.
Ehudhi Anotyora Joko Romudzvinyiriri
Chakatanga kuitwa naEhudhi kwaiva kuzvigadzirira “munondo”—bakatwa rinocheka kwose rakanga riri pfupi zvokuti raigona kuvigwa muhembe dzake. Angave aitarisira kusechwa. Mapakatwa aiwanzopfekwa kuruboshwe, uko vanoshandisa ruoko rworudyi vaigona kukurumidza kuavhomora. Zvaaishandisa ziboshwe, Ehudhi akaviga bakatwa rake ‘pasi penguvo dzake pachidya chorudyi,’ pakanga pasingafungirwi kuti varindi vamambo vangatsvaka. Naizvozvo, pasina chaimudzivisa, “akandopa Egroni, mambo waMoabhi, chipo.”—Vatongi 3:16, 17.
Hatina kupiwa mashoko ezvakatanga kuitika mudare raEgroni. Bhaibheri rinongoti: “Zvino [Ehudhi] wakati apedza kumupa chipo, akaendesa vanhu vakanga vakatakura chipo.” (Vatongi 3:18) Ehudhi akapa chipo kana kuti mutero, akaperekedza vatakuri vomutero kusvika kusina ngozi kubva pamuzinda waEgroni, achibva adzoka pashure pokuvati vaende. Akazviitirei? Akanga auya navo kuti vazomudzivirira here, kana kuti setsikawo zvayo, kana kuti zvichida vaingova vatakuri vomutero here? Aida kuti vaende kure kusina ngozi asati aita zvaakanga aronga here? Chero zvaangave akazviitira, nechivindi Ehudhi akadzokazve ava oga.
“[Ehudhi] wakadzoka pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirgari, akati: Ndine shoko rakavanzika nemi mambo.” Magwaro haatsananguri kuti akasvikazve sei pamberi paEgroni. Varindi vaisafanira kunge vakanyumwa here? Vangave vakafunga here kuti muIsraeri mumwe chete akanga asiri ngozi kuna ishe wavo? Kuuya kwaEhudhi ari oga kungadaro kwakaita kuti afungirwe kuti akanga achitengesa vanhu vokwake here? Chero zvazvingava, Ehudhi akakumbira mukana wokukurukura namambo vari voga, uye akauwana.—Vatongi 3:19.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raVatongi
2:10-12. Tinofanira kuva nourongwa hwokudzidza Bhaibheri nguva dzose kuti ‘tirege kukanganwa zvakaitwa naJehovha.’ (Pisarema 103:2) Vabereki vanofanira kuroverera chokwadi cheShoko raMwari mumwoyo yevana vavo.—Dheuteronomio 6:6-9.
NOVEMBER 29–DECEMBER 5
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VATONGI 4-5
“Jehovha Anoshandisa Vakadzi Vaviri Kuti Anunure Vanhu Vake”
‘Ndakasimuka Saamai Pakati paIsraeri’
Kungonzwa zita rekuti Sisera kwaiita kuti vaIsraeri vabvunde nekutya uye vasagadzikana. Manamatiro evaKenani uye tsika dzavo zvaiva zveutsinye zvekuti vaitopa vana sezvibayiro, vachiita zveupfambi patemberi. Zvakanga zvakaoma sei kutongwa nemukuru weuto revaKenani neuto rake? Rwiyo rwaDhibhora rwunoratidza kuti kufamba kwaitonetsa uye vanhu vainge vasisagari mudzimba dzavo. (Vatongi 5:6, 7) Tinogona kufungidzira vanhu vachiita zvekudongorera vari musango uye mumakomo, vachitya kurima kana kugara mumisha isina masvingo, vachityira kuti kana vakafamba munzira vangarwiswa, vangatorerwa vana, kana kuti vakadzi vavo vangabatwa chibharo.
‘Ndakasimuka Saamai Pakati paIsraeri’
VaIsraeri vakaita makore 20 vachirarama vachingotya. Izvi zvakazopera Jehovha paakaona kuti vanhu vake vakaoma musoro vava kuda kuchinja. Kana kuti kusvikira Dhibhora paakasimuka “saamai pakati paIsraeri,” sezviri murwiyo rwake naBheraki rwakafemerwa naMwari. Hatizivi kuti Dhibhora, mudzimai waRapidhoti aiva nevana here, asi mashoko aya ane zvimwe zvaaireva. Jehovha akapa Dhibhora basa rekudzivirira vaIsraeri sezvinoitwa naamai kuvana vavo. Akamutuma kuti ashevedze Mutongi Bheraki uyo aiva nekutenda kwakasimba, omuudza kuti aende kunorwa naSisera.—Vatongi 4:3, 6, 7; 5:7.
‘Ndakasimuka Saamai Pakati paIsraeri’
Jaeri aitofanira kukurumidza kufunga. Akapa Sisera nzvimbo yekuti azorore. Sisera akaudza Jaeri kuti asaudza chero murume aizouya achimutsvaka kuti ainge aripo. Sisera paakarara Jaeri akabva amufukidza, uye paakakumbira mvura, akamupa mukaka une ruomba. Pasina nguva Sisera akanga ava kudzipfodora. Jaeri akatora hoko nesando, zvinova zvinhu zvaigara zvichishandiswa neunyanzvi nevakadzi vaigara mumatende. Achitsigira Jehovha, akachonjomara pedyo nemusoro waSisera, kuti aite basa raityisa rekuuraya murume uyu. Kudai aizozeza kana kuti kuverengera, aizoisa upenyu hwake pangozi. Akafunga here nezvevanhu vaMwari uye kutambudzwa kwavakaitwa nemurume uyu kwemakumi emakore? Kana kuti akafunga here nezvemukana waakanga ava nawo wekuti atsigire Jehovha? Nyaya yacho haitauri. Chatinongoziva ndechekuti Jaeri akabva auraya Sisera!—Vatongi 4:18-21; 5:24-27.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raVatongi
5:20—Nyeredzi dzakarwira sei Bharaki dziri kumatenga? Bhaibheri haritauri kana izvi zvaisanganisira kubatsira kwengirozi, kana kuti kwaiva kunaya kwemvura yakaita sematombo uko kwakadudzirwa navachenjeri vaSisera sedambudziko, kana kuti zvichida kwaiva kufembera kwevaongorori venyeredzi vaSisera kwakaratidza kuti kwaiva kwenhema. Zvisinei, hapana mubvunzo kuti Mwari akapindira neimwe nzira.
DECEMBER 6-12
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VATONGI 6-7
“Enda Nesimba Rauinaro”
Nheyo dzaMwari Dzinogona Kukubatsira
Mumwe munhu aiva nemafungiro akanaka nezvake pachake uye aisazvitora seanonyanya kukosha ndiGidhiyoni, mumwe mutongi pakati pevaHebheru vekare. Haana kutsvaka kuva mutungamiriri wevaIsraeri. Zvisinei, paakapiwa basa iroro, Gidhiyoni akataura nezvokusakosha kwake. “Rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu,” akatsanangura kudaro.—Vatongi 6:12-16.
“Munondo waJehovha nowaGidheoni!”
Iye zvino vaMidhiani vava kutya zvokuti! Kamwe kamwe, runyararo rwacho runokanganiswa nokuputsika kwezvirongo 300, kurira kwehwamanda 300, uye kushevedzera kwevarume 300. Vashamiswa, kunyanya nokushevedzera kuti “Munondo waJehovha nowaGidheoni!,” vaMidhiani vanoshevedzerawo, zvinobva zvawedzera ruzha rwacho. Munyonganyonga yacho, zvakaoma kuona kuti muvengi ndoupi. Varume 300 vanomira munzvimbo dzavo sezvo Mwari achiita kuti vavengi vashandise minondo yavo pachavo kuurayana. Mauto acho anokundwa, hapana anokwanisa kutiza, uye kubata mauto asara kunosanganisira kuadzingirira zvakaoma kunoita kuti kutyisidzira kwevaMidhiani kupere zvachose. Kupinda munyika nechisimba kwavave vachiita kwenguva refu kwazosvika kwamvura yacheka makumbo.—Vatongi 7:19-25; 8:10-12, 28.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raVatongi
6:25-27. Gidhiyoni akashandisa ungwaru kuti arege kutsamwisa vashori vake zvisina kukodzera. Pakuparidza mashoko akanaka, tinofanira kungwarira kusagumbura vamwe zvisina chikonzero nematauriro atinoita.
DECEMBER 13-19
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VATONGI 8-9
“Zviri Nani Kuti Tizvininipise Pane Kuti Tizvikudze”
Unogadzirisa sei Kusawirirana?
Gidheoni, akabatanidzwa zvakasimba muhondo navaMidhiani, akakumbira rudzi rwaEfraimi kuti rwubatsire. Zvisinei, hondo yacho yapera, Efraimi akamukira Gidheoni akatsutsumwa zvikuru kuti akanga asina kuvadana pavakanotanga kurwa. Nhoroondo yacho inoti “vakamupopotera kwazvo.” Gidheoni akapindura kuti: “Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi? Handiti zvaunganidzwa naEfraimi zvinopfuura kukohwa kwose kwaAbiezeri here? Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebi naZeebi, mumaoko enyu, zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi?” (Vatongi 8:1-3) Namashoko ake akanyatsosarudzwa, anopodza, Gidheoni akadzivisa ingadai yakazova hondo yamarudzi inoparadza zvikuru. Vorudzi rwaEfraimi ivavo vangadai vaiva nechinetso chokuzvikoshesa uye kudada. Zvisinei, izvozvo hazvina kumisa Gidheoni pakuedza kuunza mugumisiro une rugare. Tingaita zvakadarowo here?
Nei Kuva Nemwero Kuchiri Kukosha?
Gidhiyoni akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo wekuva nemwero. Ngirozi yaJehovha payakatanga kuzviratidza kwaari, Gidhiyoni akati: “Chiuru changu ndicho chiduku pakati paManase, uye ndini muduku muimba yababa vangu.” (Vat. 6:15) Paakabvuma kuita basa raakapiwa, Gidhiyoni akava nechokwadi chekuti akanga anyatsonzwisisa zvose zvaidiwa naJehovha, uye akatsvaga kutungamirirwa naye. (Vat. 6:36-40) Gidhiyoni aiva neushingi. Kunyange zvakadaro, akaita basa rake akangwarira, achiratidza uchenjeri. (Vat. 6:11, 27) Haana kuona basa iri semukana wekuti awane mukurumbira. Paakangopedza kuriita, akabva adzokera kumba kwake.—Vat. 8:22, 23, 29.
Famba Munzira dzaJehovha
Kuti tive shamwari dzaMwari, tinofanira ‘kuzvininipisa.’ (1 Pet. 3:8; Ps. 138:6) Kukosha kwokuzvininipisa kunoratidzwa muchitsauko 9 chaVatongi. Jotamu mwanakomana waGidhiyoni akati: “Pane imwe nguva miti yakaenda kunozodza mambo wayo.” Akataura nezvomuorivhi, muonde, uye muzambiringa. Miti iyi yaimiririra vanhu vaikudzwa vakanga vasingatsvaki kutonga vamwe vaIsraeri. Asi rukato rwaingoshandiswa sehuni chete, rwaimiririra kutonga kwaAbhimereki aizvikudza, munhu aiponda aida kudzvinyirira vamwe. Kunyange zvazvo akava “muchinda waIsraeri kwemakore matatu,” akakurumidza kufa. (Vat. 9:8-15, 22, 50-54) Saka zvinokosha chaizvo kuti ‘tizvininipise’!
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 753 ¶1
Efodhi, I
Pasinei nekuti Gidhiyoni aiva nevavariro yakanaka yekuyeuka kukunda kwainge kwaita vaIsraeri vachibatsirwa naJehovha uye yekukudza Mwari, efodhi “yakava musungo kuna Gidhiyoni neimba yake,” nekuti vaIsraeri vakaita unzenza hwekuinamata. (Vat 8:27) Asi Bhaibheri haritauri kuti Gidhiyoni pachake akainamata. Anotaurwa nezvake naPauro semumwe ari pakati ‘pegore guru’ rezvapupu zvaJehovha zvakatendeka zvekare.—VaH 11:32; 12:1.
DECEMBER 20-26
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VATONGI 10-12
“Jefta—Murume Aida Mwari”
Kutendeka Kunoita Kuti Tifarirwe naMwari
Mienzaniso yevamwe vakanga vakatendeka vakadai saJosefa inogona kunge yakabatsira Jefta kuti abvume kubatsira vanhu verudzi rwake. Josefa akaratidza vakoma vake ngoni kunyange zvazvo vakanga ‘vambomuvenga.’ (Gen. 37:4; 45:4, 5) Kufungisisa mienzaniso yakadaro kunogona kunge kwakabatsira Jefta kuti asarudze kuita zvinofadza Jehovha. Hapana mubvunzo kuti zvakaitwa nevanin’ina vake zvakamurwadza chaizvo, asi haana kurega kushumira Jehovha nevanhu vake. (Vat. 11:9) Kurwira zita raJehovha kwaikosha kuna Jefta kupfuura kurwira kodzero dzake. Kutsunga kwaakanga akaita kuramba akatendeka kuna Jehovha kwakaita kuti iye nevaIsraeri vose vakomborerwe naMwari.—VaH. 11:32, 33.
it-2-E 27 ¶2
Jefta
Jefta aisava munhu anononokera zvinhu. Akakurumidza kuratidza utungamiriri hwake. Akatumira shoko kuna mambo wevaAmoni achimuudza kuti vaAmoni vakanga vari kuda kutora nyika yevaIsraeri nechisimba. Mambo wacho akapindura achiti vaIsraeri ndivo vakanga vatora nyika yevaAmoni. (Vat 11:12, 13) Jefta akaratidza kuti aisangova murwi aingoziva zvekurwa hondo chete, asi aiziva nhoroondo yezvakaitika kare uye kunyanya zvakaitwa naMwari kuvanhu vake. Akaramba zvakataurwa nevaAmoni achiratidza kuti (1) vaIsraeri havana kurwisa vaAmoni, vaMoabhi kana vaEdhomu (Vat 11:14-18; Dhe 2:9, 19, 37; 2Mak 20:10, 11); (2) vaAmoni vakanga vasiri ivo varidzi venyika yacho panguva yakakunda vaIsraeri nekuti yaiva nyika yevaAmori uye Mwari akanga aita kuti vaIsraeri vakunde mambo wavo Sihoni; (3) vaIsraeri vakanga vava nemakore 300 vachigara munyika yacho vaAmoni vasina basa nazvo. Saka nei vakanga vava kutaura nezvazvo?—Vat 11:19-27.
it-2-E 27 ¶3
Jefta
Jefta akasvika paiva nemudzi wenyaya yacho paakaratidza kuti yaiva nechekuita nekunamata. Akataura kuti Jehovha Mwari akanga apa vaIsraeri nyika yacho, saka vaisazopa chero kachikamu kayo kune vanhu vainamata mwari wenhema. Akataura kuti Kemoshi aiva mwari wevaAmoni. Vamwe vanofunga kuti zvaakataura chakanga chisiri chokwadi. Asi kunyange zvazvo vaAmoni vaiva naMwari ainzi Mirikomu uye vaMoabhi vaiva namwari ainzi Kemoshi, marudzi aya aiva neukama uye ainamata vanamwari vakawanda. Soromoni akatoita kuti vaIsraeri vatange kunamata Kemoshi nemhaka yevakadzi vemamwe marudzi vaakaroora. (Vat 11:24; 1Mad 11:1, 7, 8, 33; 2Mad 23:13) Uyewo vamwe vaongorori veBhaibheri vanoti “Kemoshi” zvinogona kureva kuti “Mukundi.” (Ona bhuku rinonzi Gesenius’s Hebrew and Chaldee Lexicon, rakashandurwa naS. Tregelles, 1901, peji 401.) Jefta anogona kunge akataura nezvamwari uyu nekuti vaAmoni vaiti ndiye aiita kuti ‘vakunde’ uye ndiye aivapa nyika.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-2-E 26
Jefta
Jefta Aiva Mwanakomana Wepamutemo. Amai vaJefta vaiva “pfambi,” asi izvi hazvirevi kuti Jefta aiva mwana weupombwe. Amai vake vaiva pfambi vasati varoorwa semukadzi wechipiri naGiriyedhi, saRakabhi aimbovawo pfambi asi akazoroorwa naSarimoni. (Vat 11:1; Jos 2:1; Mt 1:5) Kudzingwa kwakaitwa Jefta nevanakomana vemudzimai wekutanga waGiriyedhi vachiitira kuti asawane nhaka kunoratidza kuti Jefta aiva mwanakomana wepamutemo. (Vat 11:2) Uyewo Jefta akazova mutungamiriri wevarume veGiriyedhi (chinzvimbo chaionekwa sekuti chaifanira kuwanika nevakoma vake). (Vat 11:11) Akatopawo chibayiro kuna Mwari patebhenekeri. (Vat 11:30, 31) Zvese izvi zvaisaita kudai akanga asiri mwanakomana wepamutemo nekuti Mutemo wainyatsotaura kuti: “Hapana mwanakomana asiri wepamutemo anobvumirwa kupinda muungano yaJehovha. Kunyange kusvikira kuchizvarwa chechigumi, hapana mwana wake anobvumirwa kupinda muungano yaJehovha.”—Dhe 23:2.
DECEMBER 27–JANUARY 2
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VATONGI 13-14
“Vabereki Vangadzidzei Pana Manoa Nemudzimai Wake?”
Vabereki—Dzidzisai Vana Venyu Kubvira Paucheche
Funga nezvemumwe murume wedzinza raDhani ainzi Manoa, aigara muguta reZora muIsraeri. Ngirozi yaJehovha yakaudza mudzimai waManoa aishaya mbereko kuti aizobereka mwanakomana. (Vat. 13:2, 3) Murume akanga akatendeka uyu nemudzimai wake vakafara zvikuru kuti vaizova nemwana. Zvisinei, vaivawo nezvimwe zvavaida kuziva. Saka Manoa akanyengetera achiti: “Pamusoroi, Jehovha. Munhu waMwari wechokwadi wamuchangobva kutuma, ndapota, ngaauyezve kwatiri atirayiridze zvatinofanira kuitira mwana achaberekwa.” (Vat. 13:8) Manoa nemudzimai wake vaida kuziva kuti vaizorera sei mwana wavo. Zviri pachena kuti vakadzidzisa mwanakomana wavo Samsoni mutemo waMwari, uye zvavakaita zvakabudirira zvikuru. “Kwapera nguva yakati, mweya waJehovha wakatanga kumugombedzera [Samsoni],” rinodaro Bhaibheri. Izvi zvakaita kuti Samsoni aite zvishamiso zvakawanda semumwe wevatongi vaIsraeri.—Vat. 13:25; 14:5, 6; 15:14, 15.
Samsoni Anokunda Nesimba Rinobva Kuna Jehovha!
Samsoni zvaakaramba achikura, “Jehovha akamuropafadza.” (Vatongi 13:24) Rimwe zuva Samsoni akauya kuna baba naamai vake uye akati: “Ndaona mukadzi paTimna pakati pavakunda vavaFiristiya; naizvozvo zvino nditorerei iye, ave mukadzi wangu.” (Vatongi 14:2) Fungidzira kuti vakashamiswa zvakadini. Pane kusunungura Israeri pamaoko evadzvinyiriri, mwanakomana wavo akanga achida kutovaroorera. Kuroora mudzimai aiva mumwe wevanamati vavanamwari venhema kwaipesana noMutemo waMwari. (Eksodho 34:11-16) Saka vabereki vacho vakazviramba, vachiti: “Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapana mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFiristiya vasina kudzingiswa?” Kunyange zvakadaro, Samsoni akaramba achiti: ‘Nditorerei iye, nokuti ndiye akandinakira.’—Vatongi 14:3.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Samsoni Anokunda Nesimba Rinobva Kuna Jehovha!
Mukadzi wechiFiristiya uyu akanga ‘akanakira’ Samsoni pakudini? Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: Kwete mupfungwa yokuti “aiva tsvarakadenga, aikwezva, asi akanga akamunakira pachinangwa chake.” Chinangwa chacho chaiva chei? Vatongi 14:4 inotsanangura kuti Samsoni “wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFiristiya.” Ndizvo zvaaidira mukadzi wacho. Zvaakakura kuva munhu mukuru, “mweya waJehovha wakatanga kumumutsa,” kana kuti kumukurudzira kuita chimwe chinhu. (Vatongi 13:25) Saka mweya waJehovha ndiwo waiita kuti Samsoni akumbire mudzimai nenzira isina kujairika uyewo ndiwo waiita kuti aite basa rake rose somutongi waIsraeri. Samsoni akawana mukana waakanga achitsvaka here? Ngatitangei taona kuti Jehovha akamuvimbisa sei kuti aizomutsigira.