CHIDZIDZO 12
Kufarira Vanhu Uye Kuvanzwira Tsitsi
1 VaTesaronika 2:7, 8
PFUPISO YECHIDZIDZO: Ratidza kuti unoda vateereri uye kuti unoda kuvabatsira.
MAITIRWO AZVO:
Funga nezvevateereri vako. Kuti ugadzirire mwoyo wako, funga matambudziko avari kusangana nawo. Fungidzira kuti vari kunzwa sei.
Nyatsosarudza mashoko ako. Taura zvinoita kuti vateereri vazorodzwe, vanyaradzwe, uye vakurudzirwe. Usataura mashoko anogona kuvagumbura, uye usatsoropodza vanhu vasingatendi kana kuti dzidziso dzavanokoshesa.
Ratidza kuti unoda vateereri. Inzwi rako nezvaunoita nhengo dzemuviri ngazviratidze kuti unoda vateereri. Fungawo nezvechiso chako; nyemwerera kakawanda.