Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
MAY 2-8
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 SAMUERI 27-29
“Uchenjeri Hwakaratidzwa naDhavhidhi”
it-1-E 41
Akishi
Dhavhidhi paaitiza Sauro, akapotera kaviri munharaunda yaitongwa naMambo Akishi. Kekutanga kacho, Dhavhidhi akafungidzirwa kuti aiva muvengi saka akanyepedzera kuita semunhu anopenga zvikaita kuti Akishi amurege achienda achifunga kuti ibenzi risina waraigona kukuvadza. (1Sa 21:10-15; Pis 34:Mashoko ekusuma; 56:Mashoko ekusuma) Kechipiri kacho, Dhavhidhi aiva nevarwi 600 pamwe chete nemhuri dzavo, saka Akishi akavati vagare muZikragi. Mugore nemwedzi mina yaakagara imomo, Akishi aifunga kuti Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakanga vachienda kunopamba mumataundi eJudhiya nepo vaipamba vaGeshuri, vaGizi, nevaAmareki. (1Sa 27:1-12) Dhavhidhi akabudirira chaizvo kunyengedza Akishi zvekuti vaFiristiya pavakanga vachironga kunorwisa Mambo Sauro, Akishi akagadza Dhavhidhi kuti amurinde pavaizorwa hondo yacho. Dhavhidhi nevarume vake pavakanga vava kutoenda naye, mamwe madzishe evaFiristiya ndiwo akatozoramba kuti vaende achibva aita kuti vanzi vadzokere kuZikragi. (1Sa 28:2; 29:1-11) Dhavhidhi paakazova mambo uye paakazorwisa Gati, Akishi haana kuurayiwa. Akararama kusvika panguva yaitonga Soromoni.—1Mad 2:39-41.
Majaya—Mungaitei Kuti Vamwe Vavimbe Nemi?
Funga nezverimwe dambudziko rakasangana naDhavhidhi. Paakazodzwa kuva mambo, aifanira kumirira kwemakore akawanda kuti azotanga kutonga samambo weJudha. (1 Sam. 16:13; 2 Sam. 2:3, 4) Chii chakamubatsira kuti amirire nemwoyo murefu panguva iyoyo? Pane kuti aore mwoyo, Dhavhidhi akaisa pfungwa pane zvaaikwanisa kuita. Semuenzaniso, paaigara munharaunda yevaFiristiya achitiza Mambo Sauro, Dhavhidhi akashandisa nguva iyoyo kurwisa vavengi vevaIsraeri. Kuita izvozvo kwakaita kuti achengetedze miganhu yenyika yeJudha.—1 Sam. 27:1-12.
it-2-E 245 ¶6
Nhema
Kunyange zvazvo Bhaibheri richiratidza kuti kunyepa kwakaipa, hazvirevi kuti munhu anofanira kutaura mashoko echokwadi kumunhu asina kodzero yekuanzwa. Jesu Kristu akatipa zano rekuti: “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, kana kukandira nguruve maparera enyu, kuti dzirege kuzoatsika-tsika netsoka dzadzo dzotendeuka dzokubvamburai.” (Mt 7:6) Ndokusaka pane dzimwe nguva Jesu aisataura mashoko akakwana kana kupindura zvakananga zvimwe zvinhu zvaaibvunzwa paaiona kuti zvaigona kuisa upenyu pangozi. (Mt 15:1-6; 21:23-27; Joh 7:3-10) Zviri pachena kuti aya ndiwo maonero atinofanira kuita kurasisa kana kuti kusataura mashoko akakwana kwakaitwa naAbrahamu, Isaka, Rakabhi, naErisha kuvanhu vaisashumira Jehovha.—Ge 12:10-19; chits 20; 26:1-10; Jos 2:1-6; Jak 2:25; 2Mad 6:11-23.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Vakafa Vanogona Kubatsira Vapenyu Here?
Chimbofunga nezvazvo. Bhaibheri rinotaura kuti parufu munhu ano“dzokera kuivhu rake” uye “pfungwa dzake dzinoparara.” (Pisarema 146:4) Sauro naSamueri vaiziva kuti Mwari airambidza vanhu kuti vataure nemasvikiro. Handiti Sauro ndiye akanga ambotungamirira kuti vasaite zvemidzimu munyika yake!—Revhitiko 19:31.
Chimbofungisisazve nyaya yacho. Kudai Samueri akanga akatendeka ainge achiri kurarama somudzimu, aizotyora mutemo waMwari obatana nesvikiro kuitira kuti vaonane naSauro here? Jehovha akanga aramba kutaura naSauro. Kutaura zvazviri, svikiro raizomanikidza Mwari Wemasimbaose kuti akurukure naSauro achishandisa Samueri akafa here? Kwete. Zviri pachena kuti “Samueri” uyu akanga asiri muprofita waMwari akanga akatendeka. Waiva mudzimu, dhimoni rakaipa rainyepedzera kunge Samueri akafa.
MAY 9-15
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 SAMUERI 30-31
“Zvisimbise naJehovha Mwari Wako”
Itya Jehovha—Ufare!
Kutya Jehovha kwaiita Dhavhidhi hakuna kungomudzivirira pakuita zvakaipa. Kwakamusimbisa kuti aite nokuchenjera mumamiriro ezvinhu akaoma. Kwegore nemwedzi mina, Dhavhidhi nevarume vake vakatiza Sauro vakanogara kuZikragi muruwa rweFiristiya. (1 Samueri 27:5-7) Pane imwe nguva varume vacho pavaiva vasipo, vaAmareki vaipamba vakapisa guta racho ndokupamba vadzimai vose vevarume vacho, vana nezvipfuwo. Pavakadzoka vachiona zvakanga zvaitika, Dhavhidhi nevarume vake vakasvimha misodzi. Kushungurudzika kwakakurumidza kuchinja kuva kushatirwa, uye varume vaDhavhidhi vakati vaizomutema nematombo. Kunyange zvazvo akanga achishungurudzika, Dhavhidhi haana kuora mwoyo. (Zvirevo 24:10) Kutya kwaaiita Mwari kwakaita kuti anyengetere kuna Jehovha, uye “akazvisimbisa naJehovha.” Vachibatsirwa naMwari, Dhavhidhi nevarume vake vakatevera vakabata vaAmareki vakawana zvinhu zvavo zvose.—1 Samueri 30:1-20.
Jehovha Anotichengetedza Kuti Tiponeswe
Dhavhidhi akasangana nematambudziko akawanda muupenyu. (1 Sam. 30:3-6) Mashoko ake akafuridzirwa anoratidza kuti Jehovha aiziva manzwiro aaiita. (Verenga Pisarema 34:18; 56:8.) Mwari anozivawo manzwiro atinoita. Patinenge ‘takaora mwoyo’ kana kuti tichinzwa ‘takadzvinyirirwa,’ anoswedera pedyo nesu. Izvozvo zvinogona kutinyaradza, sezvazvakaita kuna Dhavhidhi uyo akaimba kuti: “Ndichafara nokufarira kwazvo mutsa wenyu worudo, pakuti makaona kutambudzika kwangu; makaziva nezvokutambudzika kwomweya wangu.” (Pis. 31:7) Asi Jehovha haangooni kutambura kwedu chete. Anotisimbisa paanotinyaradza nokutikurudzira. Misangano yechiKristu ndeimwe nzira yaanotisimbisa nayo.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wokutanga
30:23, 24. Chisarudzo ichi, chinobva pana Numeri 31:27, chinoratidza kuti Jehovha anokoshesa vaya vanoita mabasa okutsigira muungano. Saka chipi kana chipi chatinoita, ngatichiite “nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu.”—VaKorose 3:23.
MAY 16-22
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 1-3
“Tinodzidzei Kubva Parwiyo Rwunonzi ‘Uta’?”
Kudza Vakapiwa Simba Pauri
Dhavhidhi akarwadziwa paakanga achibatwa zvisina kunaka here? “Nokuti . . . vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu,” Dhavhidhi akachema achidaro kuna Jehovha. (Pisarema 54:3) Akadurura mwoyo wake kuna Jehovha achiti: “Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu . . . Vane simba vakaungana kuzorwa neni. Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha. Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisine mhosva hangu. Mukai mundibatsire, muone.” (Pisarema 59:1-4) Wakambonzwa saizvozvo here—kuti hapana chawakanga wakanganisira munhu ane simba, asi akaramba achikuomesera? Dhavhidhi haana kuzvidza Sauro. Pakafa Sauro, panzvimbo pokuti asvetuke nokufara, Dhavhidhi akanyora rwiyo rwamariro rwokuti: “Sauro naJonatani vakanga vakadikanwa, vakanaka, paupenyu hwavo . . . Vaikurumidza kupfuura makondo, vaiva nesimba kupfuura shumba. Imi vakunda vaIsraeri, chemai Sauro.” (2 Samueri 1:23, 24) Muenzaniso wakanaka kwazvo wakadini wokuremekedza vakazodzwa vaJehovha zvechokwadi, kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga akanganisirwa naSauro!
Kusavimbika—Chimwe Chezvinhu Zvinoratidza Mazuva Ekupedzisira!
Bhaibheri rinorondedzerawo vanhu vakawanda vainge vakavimbika. Ngatikurukurei vaviri vavo toona zvatinogona kudzidza kwavari, tichitanga nomurume ainge akavimbika kuna Dhavhidhi. Jonatani, mwanakomana mukuru waMambo Sauro, zvimwe ndiye aizosiyirwa chigaro choumambo chaIsraeri. Asi Jehovha akasarudza Dhavhidhi kuti ave mambo waIsraeri aitevera. Jonatani akaremekedza zvakasarudzwa naMwari. Haana kuitira Dhavhidhi shanje. Asi “mweya waJonatani wakanamatirana nomweya waDhavhidhi” uye akavimbisa kuti aizova akavimbika kwaari. Akatopa Dhavhidhi nguo dzake, bakatwa, uta, nebhandi, achiratidza kuti aizova mambo. (1 Sam. 18:1-4) Jonatani akaita zvose zvaaikwanisa kuti ‘asimbise ruoko rwaDhavhidhi,’ zvokuti akaisa upenyu hwake pangozi kuti adzivirire Dhavhidhi kuna Sauro. Jonatani akaudza Dhavhidhi nezvekuvimbika kwake achiti: “Iwe uchava mambo waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri.” (1 Sam. 20:30-34; 23:16, 17) Saka hazvishamisi kuti Jonatani paakafa, Dhavhidhi akaratidza kushungurudzika uye kumuda kwaaiita achiimba rwiyo rwemariro.—2 Sam. 1:17, 26.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 369 ¶2
Hama
Shoko rekuti “hama” rinoshandiswawo pavanhu vanenge vakabatana pakuita chinhu chimwe chete kana kuti vane zvinangwa zvakafanana. Semuenzaniso, Mambo Hiramu wekuTire aidana Mambo Soromoni kuti hama yangu, kwete nekungoti vaiva nezvinzvimbo zvakaenzana chete, asiwo zvimwe nekuti vakashanda pamwe chete pakuunganidza matanda nezvimwe zvinhu zvaidiwa pakuvaka temberi. (1Mad 9:13; 5:1-12) Dhavhidhi akanyora kuti: “Tarisai kunaka kwazvakaita uye kufadza kwazvinoita kana hama dzichigara pamwe chete dzakabatana!” Aireva kuti ukama hweropa chete handihwo hunoita kuti vanhu vemudumbu rimwe chete vave nerugare uye vabatane. (Pis 133:1) Dhavhidhi aidana Jonatani kuti hama yangu, kwete nekuti vaiva vemudumbu rimwe chete, asi nekuti vaidanana uye vaikoshesa zvinhu zvakafanana. (2Sa 1:26) Shamwari dzine unhu hwakafanana, kunyange hwakaipa, dzinonziwo hama.—Zvi 18:9.
MAY 23-29
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 4-6
“Ramba Uchitya Kugumbura Jehovha”
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wechipiri
6:1-7. Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva nevavariro yakanaka, kuedza kwaakaita kutamisa Areka iri mungoro kwaiva kutyora murayiro waMwari uye kwakakundikana. (Eksodho 25:13, 14; Numeri 4:15, 19; 7:7-9) Kubata kwakaita Uza areka kunoratidzawo kuti vavariro dzakanaka hadzichinji zvinodiwa naMwari.
Jehovha Anoita Zvakarurama Nguva Dzose
Yeuka kuti Uza aifanira kunge achiziva zvakawanda. Areka yacho yaimiririra kuvapo kwaJehovha. Mutemo wainyatsotaura kuti yaisafanira kubatwa nevanhu vakanga vasina mvumo yokudaro, wainyevera zvakajeka kuti vaizoibata vasina mvumo vaizorangwa norufu. (Numeri 4:18-20; 7:89) Saka, kutamiswa kweAreka tsvene iyoyo raiva basa raisafanira kurerutswa. Zviri pachena kuti Uza aiva muRevhi (kunyange zvazvo aisava mupristi), saka anofanira kunge aiziva zvaitaurwa noMutemo. Uyezve, makore akati wandei izvi zvisati zvaitika, Areka yacho yakanga yaendeswa kumba kwababa vake kuti ichengetedzwe. (1 Samueri 6:20–7:1) Yakanga yagara ikoko kwemakore 70, kusvikira Dhavhidhi azosarudza kuibvisa. Saka kubvira achiri muduku, Uza anofanira kunge aiziva mitemo ine chokuita neAreka yacho.
Jehovha Anoita Zvakarurama Nguva Dzose
Sezvambotaurwa, Jehovha anoziva zviri mumwoyo. Sezvo shoko rake richiti zvakaitwa naUza kwaiva ku“tadza kwake,” Jehovha anofanira kunge akaona vavariro yakaipa isingataurwi zvakajeka munhoroondo yacho. Zvimwe Uza aiva murume aizvikudza, aida kudarika paanofanira kugumira here? (Zvirevo 11:2) Kutungamirira Areka yacho paruzhinji iyo yakanga yachengetedzwa nemhuri yake ndiko kwakaita kuti azvione seanokosha here? (Zvirevo 8:13) Uza akanga asina kutenda zvokusvika pakufunga kuti ruoko rwaJehovha rupfupi zvokusagona kudzivirira Areka tsvene yaimiririra kuvapo Kwake here? Chero zvazvingava, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha akaita zvakarurama. Zvimwe pane chimwe chinhu chaakaona mumwoyo waUza chakaita kuti amuuraye pakarepo.—Zvirevo 21:2.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Nguva Dzose Kandira Mutoro Wako Pana Jehovha
Dhavhidhi samambo aifanira kuva nemhaka yaikoku. Kuita kwake kunoratidza kuti kunyange avo vane ukama hwakanaka naJehovha vanogona kuita zvakaipa panhambo nenhambo kumamirire ezvinhu anonetsa. Kutanga Dhavhidhi akatsamwa. Ipapo akatya. (2 Samueri 6:8, 9) Ukama hwake hwokuvimba naJehovha hwakaedzwa zvakakomba. Pano pakanga pane nhambo apo sezvinooneka akakundikana kukandira mutoro wake pana Jehovha, apo asina kutevera mirayiro yake. Iwaya anofanira kuva mamirire ezvinhu edu padzimwe nguva here? Tinomboshora Jehovha nokuda kwezvinetso zvinovapo nemhaka yokuti tinofuratira mirayiridzo yake here?—Zvirevo 19:3.
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
“Ityai Mwari Mumukudze”
“Rambai Makarinda”—Awa Yokutonga Yasvika!
Sezvatinoramba takarinda, tingatarisirei? Bhuku raZvakazarurwa rinoronga matanho okuti zvipikirwa zvaMwari zvichazadzika sei. Tinofanira kuita zvarinotaura kana tichida kuva vakagadzirira. Uprofita hwacho hunorondedzera zvakajeka zviitiko zvaizoitika mu“zuva raShe,” iro rakatanga pakagadzwa Kristu samambo kudenga muna 1914. (Zvakazarurwa 1:10) Bhuku raZvakazarurwa rinoita kuti tifunge nezvengirozi yakapiwa “mashoko akanaka asingaperi okuti izivise.” Inozivisa nenzwi guru kuti: “Ityai Mwari mumukudze, nokuti awa yokutonga kwake yasvika.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) “Awa” yokutonga iyoyo inguva pfupi; inosanganisira kuziviswa uye kutongwa kunotaurwa muuprofita ihwohwo. Iye zvino tava kurarama munguva iyoyo.
Iye zvino, awa yokutonga isati yapera, tinokurudzirwa kuti: “Ityai Mwari mumukudze.” Izvi zvinosanganisirei? Kutya Mwari kwakakodzera kunofanira kuita kuti tirege kuita zvakaipa. (Zvirevo 8:13) Kana tichikudza Mwari, tichamuteerera tichimuremekedza zvikuru. Hatizoshayi nguva yokuverenga Shoko rake Bhaibheri nguva dzose. Hatizorerutsi zano rake rokuti tipinde misangano yechiKristu nguva dzose. (VaHebheru 10:24, 25) Tichakoshesa ropafadzo yokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya uye tichaita izvozvo tichishingaira. Tichavimba naJehovha nguva dzose uye nemwoyo yedu yose. (Pisarema 62:8) Zvatinoziva kuti Jehovha ndiye Changamire Wezvose Zvakasikwa, tinomukudza nokuzviisa pasi pake nokuzvidira saChangamire woupenyu hwedu. Unotya Mwari zvechokwadi uye unomukudza munzira dzose idzi here?
MAY 30–JUNE 5
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 7-8
“Jehovha Anoita Sungano naDhavhidhi”
‘Umambo Hwako Huchasimba’
Jehovha anofadzwa chaizvo nechido chaDhavhidhi chomwoyo wose. Aona kuzvipira kwaDhavhidhi uye maererano nouprofita hwaakanga agara ataura, Mwari anoita sungano naye yokuti achaita kuti pave nomumwe munhu mudzinza raDhavhidhi achazotonga nokusingaperi. Natani anoudza Dhavhidhi vimbiso yaMwari kwaari yokuti: “Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba nokusingagumi pamberi pako; chigaro chako choumambo chichava chakasimba kwazvo nokusingagumi.” (Ndima 16) Ndiani mugari wenhaka yesungano iyi achatonga nokusingaperi?—Pisarema 89:20, 29, 34-36.
‘Umambo Hwako Huchasimba’
Jesu wekuNazareta akanga ari muzukuru waDhavhidhi. Ngirozi payaizivisa kuzvarwa kwaJesu yakati: “Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Naizvozvo sungano yakaitwa naDhavhidhi yakazadziswa naJesu Kristu. Saka anotonga nokuti vimbiso yakaitwa naMwari inomupa kodzero yokutonga nokusingaperi kwete nokuti akasarudzwa nevanhu. Ngatiyeukei kuti zvinovimbiswa naMwari nguva dzose zvinoitika.—Isaya 55:10, 11.
Iva Nokutenda Kwakasimba muUmambo
Funga zvakavimbiswa Mambo Dhavhidhi naJehovha musungano yaDhavhidhi. (Verenga 2 Samueri 7:12, 16.) Jehovha akaita sungano iyi naDhavhidhi paaitonga muJerusarema, achimuvimbisa kuti Mesiya aizova wedzinza rake. (Ruka 1:30-33) Saka Jehovha akawedzera kujekesa kuti mwana uyu aizouya nedzinza ripi, uye akaratidza kuti munhu aizogara nhaka yaDhavhidhi aizova ‘nekodzero yepamutemo’ yekuva mambo muUmambo hwaMesiya. (Ezek. 21:25-27) Jesu achaita kuti Umambo hwaDhavhidhi huve ‘hwakasimba kwazvo nokusingagumi.’ Zvechokwadi mwana waDhavhidhi “achagara nokusingagumi, uye chigaro chake choumambo chichaita sezuva” iro rinoramba ririko. (Pis. 89:34-37) Utongi hwaMesiya hahuzombokanganisiki uye zvahuchaita zvichagara nekusingaperi!
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-2-E 206 ¶2
Mazuva Ekupedzisira
Uprofita hwaBharami. VaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa muprofita Bharami akaudza Mambo Bharaki weMoabhi kuti: “Uya ndikuudze zvichaitwa vanhu vako nevanhu ava [vaIsraeri] pakuguma kwemazuva acho. . . . Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, uye tsvimbo yeumambo ichabva kuna Israeri. Uye achapwanya huma dzevaMoabhi nemadehenya evanakomana vese vemheremhere.” (Nu 24:14-17, mashoko emuzasi) Uprofita uhwu pahwakazadziswa kekutanga, Mambo Dhavhidhi ndiye aiva “nyeredzi” iyi yakakunda vaMoabhi. (2Sa 8:2) Saka, pakuzadziswa ikoko kwekutanga, “kuguma kwemazuva acho” kwakatanga Dhavhidhi paakava mambo. Sezvo Dhavhidhi achifananidzira Jesu paanotonga saMambo Mesiya, uprofita uhwu huchazozadziswawo Jesu paachakunda vavengi vake.—Isa 9:7; Pis 2:8, 9.
JUNE 6-12
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 9-10
“Dhavhidhi Akaratidza Rudo Rusingachinji”
Chokwadi, Unogona Kuwana Mufaro
“Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera.” Akatiwo: “Jehovha achamupukunyutsa muzuva redambudziko. Jehovha achamurinda omuchengetedza ari mupenyu. Iye achanzi anofara munyika.” (Pisarema 41:1, 2) Kuva nehanya kworudo kwakaratidzwa naDhavhidhi kuna Mefibhosheti, mwanakomana akaremara waJonatani, shamwari inodiwa yaDhavhidhi, muenzaniso wokuona vakaderera zvakanaka.—2 Samueri 9:1-13.
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wechipiri
9:1, 6, 7. Dhavhidhi akaita zvaakanga avimbisa. Isuwo tinofanira kuedza kuita zvatinenge tavimbisa.
Vakatsungirira Minzwa Munyama Yavo
Makore anoverengeka gare gare, Mambo Dhavhidhi akaitira Mefibhosheti tsitsi, pamusana pokuda kwaaiita Jonatani zvikuru. Dhavhidhi akapa zvinhu zvose zvaSauro kwaari akati aimbova mutariri waSauro, Zibha, atarisire nyika iyi. Dhavhidhi akaudzawo Mefibhosheti kuti: “Uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.” (2 Samueri 9:6-10) Hapana mubvunzo kuti tsitsi dzaDhavhidhi dzakanyaradza Mefibhosheti uye kuti dzakabatsira kupomhodza kurwadza kwourema hwake. Ichi chidzidzo chakanaka kwazvo! Isuwo tinofanira kuratidza mutsa kune vaya vari kurwisana nomunzwa uri munyama yavo.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 266
Ndebvu
Vanhu vakawanda Vekumabvazuva, kusanganisira vaIsraeri, vaikoshesa ndebvu uye vaiona sekuti dzaipa munhurume chiremerera. Mutemo waMwari waakapa vaIsraeri wairambidza ‘kuveura bvudzi riri mumativi emusoro,’ bvudzi riri pakati penzeve nemaziso, uye riri munogumira ndebvu dzavo. (Re 19:27; 21:5) Vairambidzwa kuita izvi nekuti yaiva tsika yekunamata yaiitwa nevamwe vahedheni.
JUNE 13-19
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 11-12
“Usakurirwa Nezvido Zvakaipa”
Unogona Kupukunyuka Mumisungo yaSatani!
Makaro akaita kuti Mambo Dhavhidhi akanganwe zvaakanga apiwa naJehovha, izvo zvaisanganisira upfumi, mukurumbira, uye kukunda kwaakaita vavengi vake. Dhavhidhi akanyatsobvuma kuti zvipo zvaMwari zvainge ‘zvakawanda zvekuti aitadza kuzvitsanangura!’ (Pis. 40:5) Asi pane imwe nguva akakanganwa zvaakanga apiwa naJehovha. Akanga asingachagutsikani nezvaaiva nazvo, uye akanga ava kuda zvimwe. Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva nemadzimai akawanda, akarega chido chakaipa chekuda mudzimai wemumwe murume chichikura mumwoyo make. Mukadzi wacho ainzi Bhatishebha uye murume wacho aiva Uriya muHiti. Dhavhidhi akaratidza kuti aingozvifunga ndokubva arara naBhatishebha uye mukadzi uyu akabva ava nepamuviri. Zvakaitwa naDhavhidhi zvakanga zvakaipa chaizvo, asi akaita zvimwe zvakatoipa kupfuura ipapo. Dhavhidhi akaronga kuti Uriya aurayiwe. (2 Sam. 11:2-15) Dhavhidhi aifungei? Kungava here kuti aifunga kuti Jehovha haasi kuona? Kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga ashumira Jehovha kwemakore akawanda, akava nemakaro uye zvakaita kuti ave nematambudziko akawanda. Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akareurura chivi chake uye akapfidza. Akaonga chaizvo kuti Jehovha akanga amuregerera.—2 Sam. 12:7-13.
Nei Tichizviisa Pasi paJehovha Uye Tinozviita Sei?
Jehovha akagadza Dhavhidhi kuti ave musoro wemhuri yake uyewo werudzi rwese rwaIsraeri. Samambo, Dhavhidhi aiva nesimba rakawanda. Dzimwe nguva aishandisa simba rake zvisina kunaka uye aimbokanganisa chaizvo. (2 Sam. 11:14, 15) Asi akaratidza kuti aizviisa pasi paJehovha nekubvuma kururamiswa. Paainyengetera aidurura mwoyo wake kuna Jehovha. Uye aiedza nepaaigona napo kuti ateerere mazano aJehovha. (Pis. 51:1-4) Kuwedzera pane izvozvo, aizvininipisa chaizvo zvekuti aigamuchira mazano akanaka kwete aingobva kuvarume chete, asiwo kuvakadzi. (1 Sam. 19:11, 12; 25:32, 33) Dhavhidhi akadzidza pane zvaakakanganisa uye ainyanya kukoshesa kushumira Jehovha muupenyu hwake.
Hana Yako Ngaidzidziswe Nemitemo yaMwari Nechokwadi Chisingachinji
Hatifaniri hedu kutanga tatambura nemarwadzo anokonzerwa nekutyora mitemo yaMwari kuti tiwane zvidzidzo zvinokosha. Tinogona kudzidza pazvikanganiso zvevamwe zvakanyorwa muShoko raMwari. Zvirevo 1:5 inoti: “Munhu akachenjera achateerera owana mumwe murayiridzo.” Tinowana mirayiridzo yakanaka kupfuura mimwe yese kubva kuna Mwari patinoverenga nekufungisisa zvinhu chaizvo zvakaitika zviri muBhaibheri. Semuenzaniso, funga nezvekurwadziwa kwakaita Mambo Dhavhidhi paasina kuteerera murayiro waJehovha ndokuita upombwe naBhatishebha. (2 Sam. 12:7-14) Patinenge tichiverenga nekufungisisa nyaya iyi, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Dhavhidhi angadai akanzvenga sei matambudziko aya? Kana ndikasangana nemuedzo wakadaro, ndichava nesimba rekuutiza here? Ndichatiza sezvakaita Josefa here, kana kuti ndichaita unzenza sezvakaita Dhavhidhi?’ (Gen. 39:11-15) Kana tikafungisisa nezvemarwadzo anokonzerwa nekuita chivi, tinogona kusimbisa mwoyo yedu kuti ‘ivenge zvakaipa.’
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 590 ¶1
Dhavhidhi
Jehovha aizviona uye akaita kuti zvakaipa zvavakaita zvibude pachena. Kudai Jehovha akabvumira kuti nyaya yaDhavhidhi naBhatishebha itongwe nevanhu maererano neMutemo waMozisi, Dhavhidhi naBhatishebha vangadai vakaurayiwa uye mwana wavo weupombwe angadai akafawo. (Dhe 5:18; 22:22) Asi Jehovha akatonga nyaya yacho ega uye akaratidza Dhavhidhi mutsa nemhaka yesungano yeUmambo yaakanga aita naye (2Sa 7:11-16), nekuti Dhavhidhi pachake ainge amboratidzawo mutsa (1Sa 24:4-7; enzanisa naJak 2:13) uyewo nemhaka yekuti Mwari akaona kuti vakanga vapfidza zvepachokwadi. (Pis 51:1-4) Asi izvi hazvirevi kuti havana kana chirango chavakapiwa. Achishandisa muprofita Natani, Jehovha akati: “Ndiri kukuunzira dambudziko richabva mumba mako.”—2Sa 12:1-12.
JUNE 20-26
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 13-14
“Kungozvifunga kwaAmnoni Kwakaunza Matambudziko”
it-1-E 32
Absaromu
Kuuraya Kwaakaita Amnoni. Runako rwehanzvadzi yaAbsaromu yainzi Tamari rwakaita kuti mukoma wavo wemune rimwe dumbu ainzi Amnoni amuchive. Amnoni akanyepedzera kurwara achibva aita kuti Tamari aunzwe kumba kwake kuti amubikire ndokubva amubata chibharo. Amnoni akabva atanga kuvenga Tamari chaizvo achibva amudzinga mumba make. Paakanga ava kuenda Tamari akabvarura nguo yake yemitsetse-mitsetse yaipfekwa nevanasikana vamambo vaiva mhandara uye akasangana naAbsaromu. Absaromu akabva angoziva zvanga zvaitika, achibva ataura kuti akanga agara achifungira Amnoni, kuratidza kuti aiziva kuti mukoma wavo aichiva hanzvadzi yake. Asi Absaromu akaudza hanzvadzi yake kuti isataura nezvenyaya iyi, uye akamutora akanogara naye kumba kwake.—2Sa 13:1-20.
Iva Munhu Anozvidzora
Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakatadza kuzvidzora panyaya dzepabonde. Rinoratidzawo zvinhu zvinosuwisa zvinogona kuitika kana munhu akasazvidzora panyaya dzepabonde. Chero ani zvake ari kusangana nemuedzo wakaita sewakasangana naKim anofanira kufungisisa zvakaitika kujaya rakapusa rinotaurwa muchitsauko 7 chaZvirevo. Fungawo zvakaitwa naAmnoni uye zvakaipa zvakazoguma zvaitika. (2 Sam. 13:1, 2, 10-15, 28-32) Vabereki vanogona kubatsira vana vavo kuti vazvidzore uye kuti vave neuchenjeri panyaya dzekudanana kuburikidza nekukurukura nezvadzo pakunamata kwemhuri vachishandisa nyaya dzemuBhaibheri dzabva kutaurwa.
it-1-E 33 ¶1
Absaromu
Papera makore maviri, munguva yekuveura makwai, iyo yaiva nguva yekupembera, Absaromu akaronga mabiko kuBhaari-hazori iyo yava makiromita 22 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweJerusarema. Akakoka Dhavhidhi nevanakomana vamambo. Baba vake pavakaramba kuenda kumabiko acho, Absaromu akavamanikidza kuti vaite kuti Amnoni aende achivamiririra. (Zvi 10:18) Pavakanga vari pamabiko acho, ‘mwoyo waAmnoni pawaifara newaini,’ Absaromu akabva arayira vashandi vake kuti vamuuraye. Vamwe vanakomana vamambo vakabva vadzokera kuJerusarema asi Absaromu akatizira kuna sekuru vake verudzi rwechiSiriya vaigara muumambo hweGeshuri kumabvazuva kweGungwa reGarireya. (2Sa 13:23-38) “Bakatwa” rakanga rataurwa nezvaro nemuprofita Natani rakanga rapinda “mumba” maDhavhidhi uye raizoramba ririmo kweupenyu hwake hwese.—2Sa 12:10.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
g04-E 12/22 8-9
Runako Runokosha Kupfuura Rumwe Rwese
Funga nezvaAbsaromu, mumwe wevanakomana vaDhavhidhi. Pasinei nekuti aiva nerunako rwaiyemurwa nevanhu vese, akaratidza kuti aisava neunhu hwakanaka. Richitaura nezvaAbsaromu, Bhaibheri rinoti: “MuIsraeri yese makanga musina murume airumbidzwa nekuda kwerunako rwake sezvaiitwa Absaromu. Kubva pasi petsoka dzake kusvika panhongonya yemusoro wake, pakanga pasina kana chaishoreka.” (2 Samueri 14:25) Asi kuzvitsvagira mukurumbira kwaAbsaromu kwakaita kuti apandukire baba vake uye avatorere chigaro cheumambo. Akatosvika pakurara nevarongo vababa vake. Izvi zvakaita kuti asafarirwe naMwari uye afe rufu runorwadza.—2 Samueri 15:10-14; 16:13-22; 17:14; 18:9, 15.
Waizoda kuva shamwari yaAbsaromu here? Zviri pachena kuti hawaizomboda. Aiva neunhu hwekuti haungambodi kuswedera pedyo naye. Runako rwake haruna kuita kuti unhu hwake hwakashata hwakadai sekuzvikudza nekusavimbika husaoneke, uye haruna kumudzivirira kuti asaurayiwe. MuBhaibheri mune mienzaniso yakawanda yevanhu vasingataurwi nezverunako rwavo rwekunze asi vakanga vakachenjera uye vaiva neunhu hwakanaka. Zviri pachena kuti runako rwavo rwemukati ndirwo rwainyanya kukosha.
JUNE 27–JULY 3
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 15-17
“Absaromu Akapanduka Nekuti Aizvikudza”
it-1-E 860
Anovhurira Mumwe Nzira
Vanhu Vekumabvazuva vaiva netsika yekuita kuti pave nevarume vanomhanya vari pamberi pengoro yamambo vachiudza vanhu nezvekuuya kwamambo uye kuti vamubatsire pane zvaanenge achida. (1Sa 8:11) Vachitevedzera tsika iyi uye vachida kuti vanhu vavaremekedze uye vavatsigire, Absaromu naAdhonija vakaita kuti varume 50 vamhanye vari pamberi pengoro dzavo.—2Sa 15:1; 1Mad 1:5.
Shumira Mwari Worusununguko
Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yevanhu vaifurira vamwe. Mumwe wacho ndiAbsaromu, mwanakomana waMambo Dhavhidhi. Absaromu aiva nechiso chakazonaka. Zvisinei, sezvakangoitwa naSatani, mwoyo wake wakatanga kuda chinzvimbo, achichiva chigaro chababa vake, chaainge asina kukodzera kuwana. Paaiedza kutora chigaro, Absaromu akanyengedza vaIsraeri kuti vafunge kuti aiva nehanya navo, achivapa kapfungwa kekuti dare ramambo raisava nebasa navo. Chokwadi, sezvakaitwa naDhiyabhorosi mumunda weEdheni, Absaromu akaita semunhu aida kubatsira, asi achitaura nhema nezvababa vake.—2 Sam. 15:1-5.
it-1-E 1083-1084
Hebroni
Papera makore, Absaromu mwanakomana waDhavhidhi akadzoka kuHebroni uye ndiko kwaakatangira urongwa hwake hwekutorera baba vake umambo asi haana kubudirira. (2Sa 15:7-10) Zvichida Absaromu akasarudza kutangira urongwa hwake muHebroni nekuti raiva guta raikosha sezvo raimbova guta guru renharaunda yeJudha, uyewo nekuti ndiko kwaakaberekerwa. Pava paya, Mambo Rehobhoami, muzukuru waDhavhidhi akazovakazve Hebroni. (2Mak 11:5-10) Judha payakaparadzwa nevaBhabhironi uye nhapwa dzechiJudha padzakazodzoka, dzimwe dzacho dzakagara muHebroni (Kiriyati-abha).—Ne 11:25.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Une Chokwadi Nenyaya Yacho Here?
Pane dzimwe nguva tinogona kurwadziwa nekuti vamwe vanenge vasina kutaura chokwadi chizere nezvedu. Funga zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi naMefibhosheti. Dhavhidhi akaratidza mutsa kuna Mefibhosheti nekumudzorera munda wese wasekuru vake Sauro. (2 Sam. 9:6, 7) Asi Dhavhidhi akazoudzwa mashoko enhema nezvaMefibhosheti. Asina kana kumboongorora mashoko acho, Dhavhidhi akatorera Mefibhosheti zvese zvaaiva nazvo. (2 Sam. 16:1-4) Dhavhidhi paakazotaura naMefibhosheti, akaona kuti akanga akanganisa uye akaita kuti Mefibhosheti adzorerwe chimwe chikamu chemunda wacho. (2 Sam. 19:24-29) Dhavhidhi angadai asina kubata Mefibhosheti zvisina kunaka kudai akazvipa nguva yekuti atsvage chokwadi pane kungomhanyira kuita chisarudzo asati anyatsonzwisisa nyaya yacho.
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
“Tingatevedzera Sei Itai?”
Tevedzera Kuvimbika kwaItai
Itai anofungidzirwa kuti aibva kuguta reGati raiva rakakurumbira munyika yevaFiristiya, kwaigara hofori yainzi Goriyati nevamwe vavengi vevaIsraeri vaityisa. Tinotanga kunzwa nezvemhare iyi inonzi Itai panguva yakapandukirwa Mambo Dhavhidhi naAbsaromu. Panguva iyoyo Itai nevarume vechiFiristiya 600 vakanga vamutevera vakanga vadzingwa munyika yavo vachigara pedyo neJerusarema.
Mamiriro akanga akaita zvinhu kuna Itai nevateveri vake angadaro akayeuchidza Dhavhidhi mazuva aaitizawo kunyika yake aine varwi vechiIsraeri 600 vakanogara kunyika yevaFiristiya ndokunopinda muguta raAkishi mambo weGati. (1 Sam. 27:2, 3) Itai nevarume vaaiva navo vaizoita sei sezvo Dhavhidhi akanga apandukirwa nemwanakomana wake Absaromu? Vaizotsigira Absaromu, vaizoramba vasina wavanotsigira, kana kuti vaizotsigira Dhavhidhi nevarume vake here?
Chimboita souri kuona Dhavhidhi achitiza kubva kuJerusarema, achibva asvikomira panzvimbo inonzi Bheti-mehaki, zvinoreva kuti “Imba Iri Kure.” Zvichida ndiyo yaiva imba yokupedzisira muJerusarema uchienda kuGomo reMiorivhi usati wayambuka Bani reKidroni. (2 Sam. 15:17) Dhavhidhi akaongororazve mauto ake paakanga achipfuura panzvimbo iyi. Chinoshamisa ndechokuti mauto ake haasi evaIsraeri vakavimbika chete asiwo pane vaKereti vose nevaPereti vose. Uyezve, pane vaGati vose, kureva Itai nevarwi vake 600.—2 Sam. 15:18.
Achimunzwira tsitsi, Dhavhidhi akati kuna Itai: “Iwe uri kuendereiwo nesu? Dzokera unogara namambo [kureva Absaromu]; nokuti uri wokune imwe nyika uyewo wakadzingwa kunzvimbo yako. Nezuro ndipo pawakauya uye nhasi ndokudzungairisa pamwe chete nesu, kuti uende neni kwose kwose kwandinoenda here? Dzokera hako, udzokere nehama dzako, Jehovha ngaakuitire mutsa worudo nokuvimbika!”—2 Sam. 15:19, 20.
Itai anotaura kuti anoda kuramba akavimbika kuna Dhavhidhi nyangwe zvotsvuka sei. Anopindura kuti: “NaJehovha mupenyu uye nashe wangu mambo mupenyu, mushandi wenyu achava munzvimbo iyo ishe wangu mambo angava, kunyange zvikareva rufu kana kuti zvikareva upenyu!” (2 Sam. 15:21) Izvi zvinogona kunge zvakayeuchidza Dhavhidhi mashoko akambotaurwa nambuya vake Rute. (Rute 1:16, 17) Abayiwa mwoyo nezvataurwa naItai, Dhavhidhi anomuudza kuti: “Enda uyambuke” Bani reKidroni. Naizvozvo “Itai muGati akayambuka pamwe chete nevarume vake vose nevana vose vaaiva navo.”—2 Sam. 15:22.
“Kuti Tirayiridzwe”
“Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe,” inodaro VaRoma 15:4. Saka zvakanaka kuti tizvibvunze kuti, Tinodzidzei kuna Itai? Chimbofunga zvingave zvakaita kuti ade kuvimbika kuna Dhavhidhi. Kunyange zvake aiva wokune imwe nyika uye akanga adzingwa kuFiristiya, Itai aiziva kuti Jehovha ndiMwari mupenyu uye kuti Dhavhidhi muzodziwa waJehovha. Itai akanga asingambotarisi kuti vaIsraeri nevaFiristiya vaivengana. Zvokuti Dhavhidhi ndiye akanga auraya hofori yechiFiristiya yainzi Goriyati nevamwe vakawanda verudzi rwake zvakanga zvisina basa kuna Itai. (1 Sam. 18:6, 7) Itai aiona Dhavhidhi somurume aida Jehovha uye hapana mubvunzo kuti akacherechedza unhu hwakanaka hwaiva naDhavhidhi. Izvi zvakaitawo kuti Dhavhidhi azoremekedza Itai zvikuru. Dhavhidhi akatoita kuti chikamu chimwe pazvitatu zvevarwi vake ‘chitarisirwe naItai’ paairwisana nemauto akakura aAbsaromu.—2 Sam. 18:2.
Isuwo hatifaniri kurega kusiyana kwetsika, kwerudzi kana kuti kwemadzinza kuchiita kuti tifungire vamwe zvisizvo kana kuti tivavenge, asi tinofanira kutarisa unhu hwakanaka hwavanahwo. Ushamwari hwakava naDhavhidhi naItai hunoratidza kuti kana tikaziva Jehovha uye tikamuda, zvinogona kuita kuti tikunde zvipingamupinyi zvakadai.
Patinenge tichifunga muenzaniso waItai, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ini ndinoratidza kuvimbika kwakadaro here kuna Dhavhidhi mukuru, Kristu Jesu? Ndinoratidza kuvimbika nokushingaira mubasa rokuparidzira Umambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi here?’ (Mat. 24:14; 28:19, 20) ‘Ndakagadzirira kusvika papi kuti ndiratidze kuti ndakavimbika?’
Misoro yemhuri inobatsirwawo nokufungisisa muenzaniso wokuvimbika waItai. Kuvimbika kwaItai kuna Dhavhidhi uye chisarudzo chake chokuenda namambo akazodzwa naMwari zvakaita kuti varume vaaiva navo vaendewo. Saizvozvowo, zvisarudzo zvinoitwa nemisoro yemhuri kutsigira kunamata kwechokwadi zvichatevedzerwawo nemhuri dzavo uye zvinogona kumbodziomera kwekanguva. Asi tinovimbiswa kuti ‘Jehovha achava akavimbika kune akavimbika.’—Pis. 18:25.
Pashure pokurwisana kwaDhavhidhi naAbsaromu, Magwaro hapana chaanozotaurazve nezvaItai. Zvishoma izvozvo zviri muShoko raMwari pamusoro paItai zvinotibatsira kunzwisisa kuti aiva munhu akaita sei mumakore iwayo akaoma muupenyu hwaDhavhidhi. Kutaurwa kunoitwa Itai mushoko rakafuridzirwa kunoratidza kuti Jehovha anoona uye anokomborera kuvimbika kwakadaro.—VaH. 6:10.