RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr22 July pp. 1-12
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2022
  • Misoro Midiki
  • JULY 4-10
  • JULY 11-17
  • JULY 18-24
  • JULY 25-31
  • AUGUST 1-7
  • AUGUST 8-14
  • AUGUST 15-21
  • AUGUST 22-28
  • AUGUST 29–SEPTEMBER 4
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2022
mwbr22 July pp. 1-12

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

JULY 4-10

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 18-19

“Bhazirai Aiva Nemwero”

w07 7/15 14 ¶6

Bhazirai—Murume Aiziva Zvaakanga Asingachakwanisi Kuita

Hapana mubvunzo kuti Dhavhidhi aionga zvikuru kubatsirwa kwaakanga aitwa naBhazirai. Asi izvi hazvirevi hazvo kuti mambo akanga achimupa mubayiro nokuti akanga ambobatsirwa naye. Bhazirai, aiva shoroma, akanga asingadi kubatsirwa nenzira iyi. Dhavhidhi angangodaro aida kuti ave mudare ramambo nokuti murume uyu akanga akura uye aiva nounhu hwaiyemurika. Kugara zvokudzika midzi mudare ramambo kwaizoita kuti akudzwe, zvichiita kuti Bhazirai ave neropafadzo yokuva shamwari yamambo.

w07 7/15 14 ¶8

Bhazirai—Murume Aiziva Zvaakanga Asingachakwanisi Kuita

Chimwe chinhu chakaita kuti Bhazirai asarudze izvi ndechokuti aiziva kuti akanga akwegura saka akanga asisina simba. Bhazirai angave aifunga kuti aisazorarama kwenguva refu. (Pisarema 90:10) Akanga aita zvose zvaaigona kuti atsigire Dhavhidhi, asi aizivawo kuti akanga asisina simba pamusana pokukwegura. Bhazirai haana kubvumira pfungwa yokuva nomukurumbira uye kuda chinzvimbo zvichimutadzisa kuona zvaakanga asingachakwanisi kuita. Kusiyana naAbsaromu aikambira chigaro, Bhazirai akaratidza kuti aiva nomwero.—Zvirevo 11:2.

w07 7/15 15 ¶2-3

Bhazirai—Murume Aiziva Zvaakanga Asingachakwanisi Kuita

Nhoroondo yaBhazirai inoratidza kuti zvinoda kuva nomwero. Ukuwo, hatifaniri kuramba ropafadzo kana kurega kudzishandira nokuti tinenge tichida kurarama tisina zvakawanda zvokuita muupenyu kana kuti tinonzwa sokuti hatikwanisi kuita basa racho. Mwari anogona kutibatsira nesimba nouchenjeri kana tikavimba naye.—VaFiripi 4:13; Jakobho 4:17; 1 Petro 4:11.

Tinofanirawo kuziva zvatisingakwanisi kuita. Somuenzaniso, zvichida muKristu akatowandirwa nezvokuita mune zvokunamata. Anoziva kuti akabvuma dzimwe ropafadzo anenge achizotadza kuita zvinodiwa neMagwaro zvokutarisira mhuri yake. Mumamiriro ezvinhu akadaro, kunenge kusiri kuratidza mwero here uye kunzwisisa kana akaramba dzimwe ropafadzo?—VaFiripi 4:5; 1 Timoti 5:8.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w20.04 30 ¶19

“Mhanya Kusvika Kumagumo”

Kana paine zvimwe zvinhu zvausingakwanisi kuita uye uchiona sekuti vanhu havasi kukunzwisisa unogona kukurudzirwa nemuenzaniso waMefibhosheti. (2 Sam. 4:4) Ainge akaremara uye akabatwa zvisiri izvo naMambo Dhavhidhi. Mefibhosheti haasi iye ainge akonzera matambudziko aya. Kunyange zvakadaro, haana kuva nechigumbu, asi akaisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvaiitika muupenyu hwake. Aitenda kubatwa zvakanaka kwaainge amboitwa naDhavhidhi. (2 Sam. 9:6-10) Saka Mefibhosheti paakabatwa zvisiri izvo naDhavhidhi, akaedza kufunga zvese zvaibatanidzwa panyaya yacho. Haana kurega kukanganisa kwakaita Dhavhidhi kuchiita kuti ave nechigumbu. Uye haana kupa Jehovha mhosva yezvaakanga aitirwa naDhavhidhi. Mefibhosheti akaita zvese zvaaigona kuti atsigire mambo ainge agadzwa naJehovha. (2 Sam. 16:1-4; 19:24-30) Jehovha akaita kuti zvakaitwa naMefibhosheti zvinyorwe muShoko rake kuti zvitibatsire.—VaR. 15:4.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Tingaitei Kana Tiine Zvinangwa Zvatisingakwanisi Kuzadzisa Panguva Ino?”

w21.08 23-25 ¶15-19

Fara Nezvauri Kuitira Jehovha

Zvinangwa zvipi zvaunogona kuva nazvo? Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuziva zvaunokwanisa kuzadzisa. (Zvir. 16:3; Jak. 1:5) Unogona here kuedza kuzadzisa zvinangwa zvataurwa mundima yekutanga yenyaya ino zvakadai sekuva piyona webetsero kana wenguva dzese, kushumira paBheteri, kana kuita mabasa ekuvaka zvivakwa zvesangano? Kana kuti zvimwe unogona kudzidzira mumwe mutauro kana kuenda kunoparidza kune imwe nzvimbo. Unogona kudzidza zvakawanda nezvezvinangwa izvi kana ukaverenga chitsauko 10 chebhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha uye kana ukataura nevakuru vemuungano yenyu. Paunoedza kuzadzisa zvinangwa izvi, vamwe vachaona kufambira mberi kwauri kuita uye mufaro wako uchawedzera.

Asi ungaitei kana panguva ino usingakwanisi kuzadzisa chimwe chezvinangwa zvambotaurwa? Edza kuva nechimwe chinangwa chaunogona kuzadzisa. Funga nezvezvinangwa zvinotevera.

Verenga 1 Timoti 4:13, 15. Kana uri hama yakabhabhatidzwa, unogona kushandira kuti uwedzere unyanzvi hwako hwekupa hurukuro uye hwekudzidzisa. Nei uchifanira kudaro? Nekuti kana ukashanda nesimba kuti uwedzere unyanzvi hwako pakuverenga, pakukurukura, uye pakudzidzisa, uchabatsira chaizvo vaya vanokuteerera. Edza kuva nechinangwa chekudzidza uye kushandisa unyanzvi hwese hwekutaura huri mubhurocha rinonzi Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa. Dzidza unyanzvi humwe chete panguva, nyatsodzidzira kuhushandisa uri kumba uye edza kuhushandisa pahurukuro dzako. Kumbira kubatsirwa neanopa zano wechipiri kana kuti nevamwe vakuru vanoshanda nesimba “pakutaura nepakudzidzisa.” (1 Tim. 5:17) Usangogumira pakunzwisisa chidzidzo chacho, asiwo pakubatsira vadzidzi vako kuti vasimbise kutenda kwavo kana pakuvakurudzira kuti vashandise zvavari kudzidza. Kana ukadaro, mufaro wako newevateereri vako uchawedzera.

Tese tine basa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20; VaR. 10:14) Unoda kuwedzera unyanzvi hwako here pabasa iri rinokosha chaizvo? Dzidza bhurocha raKudzidzisa uye iva nechinangwa chekushandisa zvaunenge wadzidza. Unogona kuwana mamwe mazano anobatsira muUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa uye mumavhidhiyo emharidzo dzekuenzanisira anoratidzwa pamisangano yepakati pevhiki. Edza nzira dzakasiyana-siyana kuti uone kuti ndeipi inonyatsoshanda. Kana ukashandisa mazano aya, uchava mudzidzisi ane unyanzvi uye izvi zvichaita kuti ufare chaizvo.—2 Tim. 4:5.

Paunenge uchifunga nezvezvinangwa zvaungava nazvo, usakanganwa kuti chimwe chezvinangwa zvinonyanya kukosha ndechekuva neunhu hunofadza Mwari. (VaG. 5:22, 23; VaK. 3:12; 2 Pet. 1:5-8) Ungazadzisa sei chinangwa ichocho? Ngatitii unoda kuva nekutenda kwakasimba. Unogona kuverenga nyaya dziri mumabhuku edu dzine mazano anogona kukubatsira kuti uve nekutenda kwakasimba. Uchabatsirwa chaizvo nekuona mavhidhiyo epaJW Broadcasting® ane hama nehanzvadzi dzakaratidza kutenda kwakasimba padzaiva mumatambudziko akasiyana-siyana. Chibva wafunga kuti ungatevedzera sei kutenda kwavo muupenyu hwako.

JULY 11-17

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 20-21

“Jehovha ndiMwari Anoita Zvakarurama”

it-1-E 932 ¶1

Gibhiyoni

Kwemazana emakore, rudzi rwevaGibhiyoni rwakaramba ruripo kunyange zvazvo Mambo Sauro akaedza kuvatsakatisa. VaGibhiyoni vakamirira nemwoyo murefu kuti Jehovha abudise nyaya yacho pachena. Akaita izvi panguva yakanga yava kutonga Dhavhidhi paakaita kuti kuve nenzara kwemakore matatu. Pashure pekunge abvunza Jehovha uye anzwa kuti pakanga paine mhosva yeropa, Dhavhidhi akanokurukura nevaGibhiyoni kuti anzwe kuti mhosva yacho ingaripwa sei. VaGibhiyoni vakamuudza kuti iyi yakanga isiri ‘nyaya yesirivha kana goridhe,’ nekuti, maererano neMutemo, vaisafanira kugamuchira rudzikinuro kuti mhondi isaurayiwa. (Nu 35:30, 31) Vaizivawo kuti vaisakwanisa kuuraya munhu vasina kupiwa mvumo. Ndokusaka vakatozokumbira kuti vapiwe ‘vanakomana’ 7 vaSauro pashure pekunge Dhavhidhi aramba achivabvunza kuti nyaya yacho yoitwa sei. Mashoko ekuti Sauro neimba yake vane mhosva yekudeura ropa anoratidza kuti kunyange zvazvo Sauro anofanira kunge ari iye akatungamirira pakudeurwa kweropa revaGibhiyoni, ‘vanakomana’ vake vanogona kunge vainewo zvavakaita pakuurayiwa kwevaGibhiyoni. (2Sa 21:1-9) Kana zvakadaro, tinogona kuti vanakomana ava havana kuurayirwa mhosva yababa vavo (Dhe 24:16) asi vakawana mutongo wavo wakavakodzera maererano nezvaitaurwa mumutemo kuti “upenyu huchatsiviwa neupenyu.”—Dhe 19:21.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w13 1/15 31 ¶14

Vakuru vechiKristu ‘Vanoshanda Pamwe Nesu Kuti Tifare’

Munyika yose, isu vanhu vaJehovha tiri kuita ushumiri hwedu pasinei nezvipingamupinyi zvatiri kuisirwa munzira naSatani nevashandi vake. Vamwe vedu takasangana nezvipingamupinyi zvakakura zvatingafananidza nehofori Goriyati, asi takazvikunda nokuti takanyatsovimba naJehovha. Zvisinei, dzimwe nguva, kugara tichirwisana nematambudziko enyika ino kunotipedza simba uye kunotiodza mwoyo. Takaneta kudaro, tinenge tiri pangozi yokukundwa nematambudziko ataigona kukunda pane imwe nguva. Pakadaro, rubatsiro rwatinopiwa nemukuru runogona kutibatsira kufarazve uye kuva nesimba, sezvakaitika kune vakawanda. Mumwe piyona ane makore okuma65 akati: “Pane imwe nguva, ndaisanzwa zvakanaka, uye ushumiri hwaindinetesa. Mumwe mukuru akaona kuti ndaisava nesimba uye akauya kuzotaura neni. Takakurukura ndima yemuBhaibheri inokurudzira. Ndakashandisa mazano aakandipa, uye akandibatsira.” Akawedzera kuti: “Mukuru iyeye akaratidza rudo zvechokwadi paakaona kuti ndainge ndaneta akandibatsira!” Chokwadi zvinokurudzira kuziva kuti tine vakuru vanogara vachiona kuti zvinhu zviri kutifambira sei, uye vakagadzirira ‘kutibatsira’ sezvakaitwa naAbhishai.

JULY 18-24

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 22

“Vimba naJehovha Uye Achakubatsira”

cl 19 ¶11

Unogona ‘Kuswedera Pedyo naMwari’ Zvechokwadi Here?

Kuverenga kuti Mwari “ane simba guru” kwakasiyana chaizvo nokuverenga pamusoro pemanunuriro ayo akaita vaIsraeri kupfuura nomuGungwa Dzvuku ndokutarisira rudzi rwacho murenje kwemakore 40. (Isaya 40:26) Unogona kuona mupfungwa dzako mvura isina kugadzikana ichiparadzana nepakati. Unogona kufungidzira rudzi rwacho—pamwe chete vari 3 000 000—vachifamba mugungwa rakaoma, mvura yakamira kumativi maviri semasvingo akasimba. (Eksodho 14:21; 15:8) Unogona kuona uchapupu hwokutarisira kwaMwari murenje. Mvura yakadzutuka padombo. Zvokudya, zvakaita semhodzi chena zvaioneka pasi. (Eksodho 16:31; Numeri 20:11) Jehovha pano haangoratidzi chete kuti ane simba asi kuti anorishandisa kubatsira vanhu vake. Hazvinyaradzi here kuziva kuti minyengetero yedu inokwira kuna Mwari ane simba uyo ari “utiziro hwedu nesimba redu, . . . mubatsiri ari pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa”?—Pisarema 46:1.

w10 6/1 26 ¶4-6

“Muchava Akavimbika”

Ngatimbonyatsoongororai mashoko aDhavhidhi. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “muchava akavimbika” rinogona kunziwo “muchava nemutsa worudo.” Rudo ndiwo musimboti wokuvimbika kwechokwadi. Jehovha anoda kuramba akavimbika kune vaya vakavimbika kwaari.

Cherechedzawo kuti kuvimbika hakungogumiri pakutaura, unotofanira kuzviita. Dhavhidhi akazvionera kuti Jehovha akavimbika uye ndizvo zvaari. Panguva yaakanga amomoterwa nenhamo, Jehovha akamubatsira nokumudzivirira uye kumutungamirira samambo akavimbika. Dhavhidhi akatenda chaizvo akarumbidza Jehovha pamusana pokuti akanga amununura “muchanza chevavengi vake vose.”—2 Samueri 22:1.

Tinodzidzei pamashoko aDhavhidhi? Jehovha haachinji. (Jakobho 1:17) Anogara achiita zvinoenderana nemitemo yake uye agara achiita zvaanenge avimbisa. Mune rimwe remapisarema ake, Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha . . . haazosiyi vakavimbika vake.”—Pisarema 37:28.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w12 11/15 17 ¶7

Vavarira Kuva Muduku Pane Vamwe

Kuzvininipisa kwaMwari kwakabatsira chaizvo Dhavhidhi, munyori wepisarema. Akaimbira Jehovha kuti: “Muchandipa nhoo yenyu yoruponeso, kuzvininipisa kwenyu ndiko kunoita kuti ndive mukuru.” (2 Sam. 22:36) Dhavhidhi akati ukuru hwose hwaaiva nahwo muIsraeri yaiva mhaka yokuzvininipisa kwaJehovha, kureva kuti Mwari aizvideredza kana kuti aizvininipisa kuti afunge nezvaDhavhidhi. (Pis. 113:5-7) Handizvo zvaanoitawo here kwatiri? Zvose zvatinazvo zvinoti unhu hwakanaka, unyanzvi uye ropafadzo ‘takazvigamuchira’ kubva kuna Jehovha. (1 VaK. 4:7) Munhu anozviita muduku anova “mukuru” pakuti anova mushumiri waJehovha anokosha chaizvo. (Ruka 9:48) Ngationei kuti zvinodaro sei.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Satani Ndiye Anokonzera Njodzi Imwe Neimwe Inotiwira Here?”

w06 8/15 21 ¶7-8

Jobho—Murume Wokutsungirira uye Wokuvimbika

Kunyange zvazvo vaKristu vakawanda nhasi vasingatamburi sezvakaita Jobho, vane matambudziko emarudzi akasiyana-siyana. Vakawanda vanotambudzwa kana kuti vanosangana nematambudziko emhuri. Nhamo yemari kana kuti utano husina kutsarukana zvingarwadza zvikuru. Vamwe vakafira kutenda kwavo. Chokwadi, hatifaniri kufungidzira kuti Satani ndiye anokonzera njodzi imwe neimwe inotiwira. Kutaura zvazviri, mamwe matambudziko angatokonzerwa nezvikanganiso zvedu kana kuti nezvatakagara nhaka patakaberekwa. (VaGaratiya 6:7) Tose zvedu tinorwadziwa nemigumisiro yokukwegura uye njodzi dzinoitika dzoga. Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka kuti panguva ino, Jehovha haadziviriri vashumiri vake pamatambudziko aya nenzira inoshamisa.—Muparidzi 9:11.

Kunyange zvakadaro, Satani angashandisa matambudziko atinosangana nawo kuti anetese kutenda kwedu. Muapostora Pauro akataura nezvokutambudzwa no“munzwa munyama, ngirozi yaSatani,” yairamba ‘ichimurova.’ (2 VaKorinde 12:7) Kunyange kana uku kwaiva kurwara chaiko, kwakadai sokusaona zvakanaka, kana kuti chimwewo chirwere, Pauro ainzwisisa kuti Satani aigona kushandisa dambudziko racho uye aigona kushandisa kuora mwoyo kwaazoita kuita kuti Pauro asafara uye ave asina kuvimbika. (Zvirevo 24:10) Nhasi, Satani angaita kuti vomumhuri, vatinodzidza navo kuchikoro, kana kuti kunyange hurumende dzinodzvinyirira dzitambudze vashumiri vaMwari neimwe nzira.

JULY 25-31

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 SAMUERI 23-24

“Uri Kubvuma Kurasikirwa Nezvimwe Zvinhu Kuti Upe Jehovha Here?”

it-1-E 146

Arauna

Zvinoita sekuti Arauna aida kupa Dhavhidhi mombe nezvinhu zvaigona kushandiswa sehuni dzechibayiro mahara, asi Dhavhidhi akati aida kumubhadhara. Nyaya iyi painotaurwa pana 2 Samueri 24:24 inoratidza kuti Dhavhidhi akashandisa mashekeri 50 esirivha (US$110) kutenga buriro racho pamwe chete nemombe. Asi 1 Makoronike 21:25, inoti Dhavhidhi akabhadhara mashekeri 600 egoridhe (inenge US$77 000) kuti atenge nzvimbo yacho. Munyori webhuku ra2 Samueri akangonyora nezvekutengwa kwakaitwa nzvimbo yakavakwa atari pamwe chete nezvinhu zvakashandiswa pachibayiro chakapiwa panguva iyoyo, saka kunenge kuti mari yaakataura yaingova yezvinhu izvi chete. Asi munyori webhuku ra1 Makoronike aitaura nezvetemberi yakazovakwa panzvimbo iyi uye mari yaanotaura ndeyenzvimbo yese yakavakwa temberi. (1Mak 22:1-6; 2Mak 3:1) Sezvo nzvimbo yakavakwa temberi yaiva yakakura chaizvo, kunenge kuti mashekeri 600 egoridhe aiva ekutenga nzvimbo iyi yakakura, kwete ekutenga nzvimbo diki yaidiwa naDhavhidhi kuti avake atari.

w12 1/15 18 ¶8

Dzidza Kubva ‘Pakuumbwa Kwakaitwa Chokwadi’

Kana chibayiro chomuIsraeri chaiva chokuzvidira kuti aratidze kuti ainyatsoonga Jehovha kana kuti chaiva chinopiwa chinopiswa chokuti afarirwe, pakadaro zvaisamunetsa kusarudza kuti opa mhuka yakaita sei. Munamati wacho aizofara kupa Jehovha zvakanakisisa zvaaiva nazvo. Mazuva ano vaKristu havapi zvibayiro zvakaita sezvaitaurwa muMutemo waMosesi; asi vanopawo zvibayiro pakuti vanoshandisa nguva yavo, simba uye zvinhu zvavo kushumira Jehovha. Muapostora Pauro akataura ‘nezvekuzivisa pachena’ tariro yechiKristu uye “kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe” sezvibayiro zvinofadza Mwari. (VaH. 13:15, 16) Maonero anoita vanhu vaJehovha mabasa iwayo anoratidza kuonga kwavanoita zvose zvaakavaitira. Saka kufanana nevaya vaipa zvibayiro munguva dzekare tinofanira kuongorora kuti tinonzwa sei nokushumira Mwari uye zvikonzero nei tichidaro.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 5/15 19 ¶6

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wechipiri

23:15-17. Dhavhidhi airemekedza zvikuru mutemo waMwari woupenyu neropa zvokuti panguva ino akarega kuita chero chii zvacho chaiita sokutyora mutemo iwoyo. Tinofanira kukudziridza maonero akadaro nezvemitemo yaMwari yose.

AUGUST 1-7

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 1-2

“Unodzidza Kubva Pane Zvaunokanganisa Here?”

it-2-E 987 ¶4

Soromoni

Pavakanzwa ruzha rwevanhu vaishevedzera kuti: “Mambo Soromoni ngaarambe achirarama,” uye kurira kwemimhanzi yairidzwa kuGihoni, uko kwaisava kure nekwavaiva, Adhonija nevamwe vake vakatya zvisingaiti uye vakavhiringidzika. Soromoni akaratidza kuti utongi hwake hwaizova nerugare paakaramba kutsiva achangobva kugadzwa pachigaro. Kudai kuri kunzi Adhonija ndiye akanga agadzwa samambo, zvichida Soromoni angadai akatourayiwa. Adhonija akabva atizira kutende rekusanganira, saka Soromoni akatumira shoko ikoko kuti anoshevedzwa. Soromoni akamuudza kuti kana akaratidza kuti munhu kwaye aisazourayiwa, achibva amuti aende kumba kwake.—1Mad 1:41-53.

it-1-E 49

Adhonija

Asi pashure pekunge Dhavhidhi afa, Adhonija akaenda kuna Bhati-sheba, achibva amunyengetedza kuti aende kuna Soromoni kunokumbira kuti apiwe musikana aichengeta Dhavhidhi ainzi Abhishagi kuti ave mudzimai wake. Mashoko aAdhonija ekuti “umambo hwaifanira kuva hwangu, uye vaIsraeri vese vaitarisira kuti ndive mambo” anoratidza kuti aiona sekuti akanga atorerwa kodzero yake, kunyange zvazvo akabvuma ega kuti Mwari ndiye akanga aita kuti Soromoni ave mambo. (1Mad 2:13-21) Chikumbiro chake chaigona kunge chaibva pakuti aida kubhadharwa kurasikirwa kwaakanga aitwa neumambo, asi chinoratidzawo kuti akanga achiri nechido chakasimba chekuda kutora chigaro, sezvo mumwe mutemo wevanhu Vekumabvazuva waiti madzimai uye varongo vamambo, vaitorwa neanenge amutsiva pachigaro zviri pamutemo. (Enzanisa na2Sa 3:7; 16:21.) Aya ndiwo maonero akaita Soromoni chikumbiro ichi, saka akabva arayira kuti Adhonija aurayiwe, uye Bhenaya akabva atoenda kunomuuraya.—1Mad 2:22-25.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 7/1 30 ¶1

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMadzimambo Rokutanga

2:37, 41-46. Zvine ngozi zvikuru kufunga kuti munhu anogona kutyora mitemo yaMwari pasina zvaanoitwa! Vaya vanotsauka nemaune pakutevera ‘mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu’ vachatambura migumisiro yechiito ichocho chisina kuchenjera.—Mateu 7:14.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Dzidza Kune Vaya Vari Kubudirira Muushumiri”

km 1/15 2 ¶1-3

Ramba Uchifambira Mberi Semushumiri

VaKristu vanofanira kufambira mberi sevashumiri. Ndosaka Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vafambire mberi pakuparidza. (Ruka 9:1-5; 10:1-11) Ndozvakaitawo kuti Prisira naAkwira vatore Aporo, vakava naye, “vakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama.” (Mab. 18:24-26) Ndozvakaitawo kuti Pauro akurudzire Timoti, uyo aiva muevhangeri akanga agara nebasa kuti arambe achishingairira kudzidzisa kuti kufambira mberi kwake “kuonekwe nevanhu vose.” (1 Tim. 4:13-15) Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichishandira Ishe sevaparidzi vemashoko akanaka, tinofanira kuramba tichivandudza unyanzvi hwedu muushumiri.

Dzidza Kune Vamwe: Imwe nzira yekuti tivandudze unyanzvi hwedu ndeyekudzidza kune vamwe. (Zvir. 27:17) Saka tarisa zvinoitwa nevamwe pavanoparidza. Bvunza vaparidzi vane unyanzvi zvaunofanira kuvandudza, wonyatsoteerera zvavanotaura. (Zvir. 1:5) Zvinokuomera here kunoonazve munhu anenge afarira, kutanga chidzidzo cheBhaibheri kana kuti zvimwewo zvatinoita muushumiri? Kumbira kubatsirwa nemutariri weboka renyu rekuparidza kana kuti nemuparidzi agara nebasa. Yeukawo kuti mudzimu mutsvene waJehovha unogona kutibatsira kuvandudza unyanzvi hwedu, saka gara uchiunyengeterera.—Ruka 11:13.

Usagumbuka kana ukaudzwa paunofanira kuvandudza, kunyange kana usina kukumbira kubatsirwa. (Mup. 7:9) Sezvakaitwa naAporo, bvuma kubatsirwa uchizvininipisa uye uchiratidza kuti unoonga. Kuita izvi kunoratidza kuti une uchenjeri.—Zvir. 12:15.

AUGUST 8-14

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 3-4

“Kukosha Kunoita Uchenjeri”

w11 12/15 8 ¶4-6

Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?

Soromoni paakatanga kutonga, Mwari akazviratidza kwaari achirota, akamuti akumbire zvaaida. Achiziva kuti akanga asina ruzivo rwoupenyu, Soromoni akakumbira uchenjeri. (Verenga 1 Madzimambo 3:5-9.) Mwari akafadzwa nechikumbiro chaSoromoni akamupa “mwoyo wakachenjera, unonzwisisa,” uye pfuma nemukurumbira zvaainge asina kukumbira. (1 Madz. 3:10-14) Sezvakataurwa naJesu, Soromoni aiva neuchenjeri chaizvo zvokuti mambokadzi weShebha akanzwa nezvahwo akaita rwendo rurefu kuti anozvionera.—1 Madz. 10:1, 4-9.

Isu hatitarisiri kuitirwa chishamiso chokupiwa uchenjeri. Soromoni akati, “Jehovha anopa uchenjeri,” asi akaratidza kuti tinofanira kushanda nesimba kuti tive nahwo achiti: “Nyatsoteerera uchenjeri nenzeve dzako, kuti uite kuti mwoyo wako ude ungwaru.” Soromoni akatiwo tinofanira ‘kuchemera’ uye ‘kuramba tichitsvaka’ uchenjeri. (Zvir. 2:1-6) Zviri pachena kuti tinogona kuwana uchenjeri.

Zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoda uchenjeri hwaMwari sezvaiita Soromoni here?’ Matambudziko ezveupfumi akaita kuti vakawanda vati sika-sika nemabasa avo uye kutsvaka mari, uye ndiwo anoita kuti vasarudze dzidzo yokuva nayo. Ko iwe nemhuri yako? Zvamunosarudza zvinoratidza kuti muri kukoshesa uye muri kutsvaka uchenjeri hwaMwari here? Kuchinja maonero amunoita mari nedzidzo kungakubatsirai here kuti muwedzere kutsvaka uchenjeri? Zvechokwadi, kuwana uye kushandisa uchenjeri kuchakubatsirai nokusingaperi. Soromoni akanyora kuti: “Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisira nokutendeseka, izvo zvinhu zvose zvakanaka.”—Zvir. 2:9.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w98 2/1 11 ¶15

Jehovha ndiMwari Wesungano

Vazukuru vaAbrahama zvavakanga varongwa sorudzi muMutemo, Jehovha akavakomborera maererano nechipikirwa chake kuna tateguru wacho. Muna 1473 B.C.E., mutsivi waMosesi, Joshua, akatungamirira Israeri kupinda muKanani. Kukamurwa kwenyika kwakatevera pakati pendudzi kwakazadzika chipikirwa chaJehovha chokupa nyika kumbeu yaAbrahama. Apo Israeri akanga akatendeka, Jehovha akazadzika chipikirwa chake chokuvapa rukundo pavavengi vavo. Izvi zvakanga zviri zvechokwadi zvikuru mukati mokutonga kwaMambo Dhavhidhi. Pakasvika nguva yomwanakomana waDhavhidhi Soromoni, rutivi rwechitatu rwesungano yaAbrahama rwakazadzikwa. “VaJudha navaIsraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara.”—1 Madzimambo 4:20.

AUGUST 15-21

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 5-6

“Vakashanda Nesimba Pakuvaka Nekuti Vaida Jehovha”

w11 2/1 15

Waizviziva Here?

Misidhari yokuRebhanoni yainyanya kuzivikanwa nekusimba kwayo, kunaka, kunhuwirira uye kusamunyiwa nemujuru kana kuti kusapfukutwa. Saka Soromoni akanga achishandisa zvinhu zvakanakisisa pakuvaka temberi. Mazuva ano, kumakomo eRebhanoni kwaimbova kwakazara miti yemisidhari kwangosara miti miduku mishomanana yakati mimwe pano mimwe apo.

it-1-E 424

Musidhari

Kuti vakwanise kuwana matanda akawanda kudaro emusidhari, paitoda zviuru zvevashandi zvaiita mabasa akadai sekutema matanda acho, kuatakura vachinoasiya kumaguta eTire kana Sidhoni, ayo aiva pamhenderekedzo yeMedhitereniyeni, kuasunga pamwe chete, uye kuayeredza nemugungwa, zvichida vachiaendesa kuJopa. Vaizoatakura kubva ikoko vachiaendesa kuJerusarema. Soromoni naHiramu vakatoita chibvumirano chekuti basa iri riitwe. (1Mad 5:6-18; 2Mak 2:3-10) Izvi zvakaita kuti matanda emisidhari arambe achiunzwa zvekuti zvaigona kunzi paaitonga, Soromoni akaita kuti ‘matanda emusidhari awande semiti yemitsamvi.’—1Mad 10:27; enzanisa naIsa 9:9, 10.

it-2-E 1077 ¶1

Temberi

Paakaronga basa iri, Soromoni akatora varume 30 000 muIsraeri kuti vaite basa rekumanikidzwa akavatuma kuRebhanoni vari mumapoka evanhu 10 000 pamwedzi. Vaiita mwedzi mumwe chete vari kuRebhanoni, uye mwedzi miviri vari kumisha yavo. (1Mad 5:13, 14) Akaita kuti vashandi 70 000 vakanga vari “vatorwa” vaite basa “rekutakura zvinorema” uye 80 000 vaite basa rekucheka matombo. (1Mad 5:15; 9:20, 21; 2Mak 2:2) Soromoni akagadzawo vatariri 3 300 uye vakuru vevatariri 550 kuti vatungamirire basa racho. (1Mad 5:16; 9:22, 23) Kunenge kuti 250 vavo vaiva vaIsraeri uye 3 600 vakanga vari “vatorwa” munyika yeIsraeri.—2Mak 2:17, 18.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

g 7/12 25, bhokisi

Bhaibheri Ibhuku Rine Uprofita Hwechokwadi, Chikamu 1

BHAIBHERI RINONYATSOTAURA NGUVA CHAIYOIYO

Muenzaniso unonyatsoratidza kuti Bhaibheri rinonyatsotaura nguva chaiyoiyo uri pana 1 Madzimambo 6:1, panotaura nezvenguva apo Mambo Soromoni akatanga basa rokuvaka temberi muJerusarema. Panoti: “Mugore remazana mana nemakumi masere [makore 479 akazara] vanakomana vaIsraeri vabuda munyika yeIjipiti, mugore rechina [rokutonga kwaSoromoni], mumwedzi waZivhi, kureva mwedzi wechipiri, Soromoni ava mambo waIsraeri, akavakira Jehovha imba.”

Maererano nekuverengwa kwenguva muBhaibheri, gore rechina rokutonga kwaSoromoni raiva 1034 B.C.E. Tikaverenga tichidzoka kumashure makore 479 zvinotisvitsa mugore ra1513 B.C.E., gore iro vaIsraeri vakabuda muIjipiti.

AUGUST 22-28

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 7

“Zvii Zvatinodzidza Kubva Pambiru Mbiri”

w13 12/1 13 ¶3

‘Uchachera Mhangura Mumakomo’

Mambo Soromoni akashandisa mhangura yakawanda zvikuru paigadzirwa temberi muJerusarema. Yakawanda yacho yakanga yaunganidzwa nababa vake, Dhavhidhi pavakakunda Siriya. (1 Makoronike 18:6-8) Bheseni hombe remhangura raigezerwa nevapristi rainzi “dziva resimbi yakanyungudutswa,” raikwanisa kutakura marita 66 000 emvura uye rinofanira kunge rairema matani 30. (1 Madzimambo 7:23-26, 44-46) Paivawo nembiru mbiri dzemhangura dzaiva pasuo retemberi. Dzainge dzakareba mamita 8, uye dzaiva nemisoro yakareba mamita 2,2. Dzaiva neburi pakati, dziine madziro akakora masendimita 7,5 uye dzainge dzakafara mamita 1,7. (1 Madzimambo 7:15, 16; 2 Makoronike 4:17) Zvakaoma kufungidzira uwandu hwemhangura yakashandiswa kugadzira zvinhu izvozvo chete.

it-1-E 348

Bhoazi, II

Pavharanda retemberi yaSoromoni paiva pakamiswa mbiru mbiri. Yaiva kuchamhembe yacho yainzi Bhoazi, izvo zvingangodaro zvichireva kuti “Nesimba.” Yaiva kumaodzanyemba yainzi Jakini, izvo zvinoreva kuti “[Jehovha] Ngaasimbise Kwazvo.” Saka kumunhu anenge akatarisa kumabvazuva, tichitangira kurudyi tichienda kuruboshwe, mazita embiru idzi mbiri aipa pfungwa yekuti ‘[Jehovha] ngaasimbise kwazvo [temberi] nesimba.’—1Mad 7:15-21.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-1-E 263

Kugeza

Vaya vanonamata Jehovha zvakachena vanotarisirwa kuti vange vakachenawo. Tinoona izvi paurongwa hwaiva patebhenekeri uye hwakazoitwawo patemberi. Pavakagadzwa, Mupristi Mukuru Aroni nevanakomana vake vakageza vasati vapfeka nguo dzebasa. (Eks 29:4-9; 40:12-15; Re 8:6, 7) Vapristi vaishandisa mvura yaiva mumudziyo wekuisira mvura waiva muchivanze chetebhenekeri kuti vageze maoko nemakumbo avo, uye patemberi yaSoromoni, vaishandisa mvura yaiva mudziva rakagadzira nesimbi yakanyungudutswa. (Eks 30:18-21; 40:30-32; 2Mak 4:2-6) PaZuva Rekuyananisira mupristi mukuru aigeza kaviri. (Re 16:4, 23, 24) Vaya vaipiwa mabasa akadai sekuenda kunosiya mbudzi yeAzazeri, kubudisa zvinenge zvasara pazvibayiro zvemhuka, uye kuunganidza madota emhou tsvuku yechibayiro chechivi, vaifanira kugeza miviri yavo uye kugeza zvipfeko zvavo vasati vadzoka mumusasa.—Re 16:26-28; Nu 19:2-10.

AUGUST 29–SEPTEMBER 4

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 8

“Munyengetero waSoromoni Waibva Pasi Pemwoyo Uye Wairatidza Kuzvininipisa”

w09 11/15 9 ¶9-10

Vandudza Minyengetero Yako Nokudzidza Bhaibheri

Kuti munyengetero unzwikwe unofanira kubva pamwoyo. Soromoni akanyengetera nemwoyo wose, zvakanyorwa pana 1 Madzimambo chitsauko 8, ari pamberi pegurusvusvu revanhu raive rauya kuJerusarema kuzotsaurira temberi yaJehovha muna 1026 B.C.E. Pakaiswa areka yesungano muNzvimbo Tsvenetsvene, gore raJehovha rikazadza temberi, Soromoni akarumbidza Mwari.

Ongorora munyengetero waSoromoni, uone zvaunotaura nezvemwoyo. Soromoni akataura kuti Jehovha chete ndiye anoziva mwoyo womunhu. (1 Madz. 8:38, 39) Munyengetero wacho unoratidzawo kuti mutadzi ‘anodzoka kuna Mwari nemwoyo wake wose’ anogamuchirwa naMwari. Dai muvengi aizotapa vanhu vaMwari, kuchema kwavo kwaizonzwikwa kana mwoyo wavo wakakwana kuna Jehovha. (1 Madz. 8:48, 58, 61) Saka zvechokwadi minyengetero yako inofanira kubva pamwoyo.

w99 1/15 17 ¶7-8

Simudzai Maoko Akavimbika Muchinyengetera

Tingava tiri kunyengeterera vamwe kana kuti tichizvinyengeterera, nheyo yomumaMagwaro inokosha yatinofanira kuramba tichiyeuka ndeyokuti tinofanira kuratidza kuzvininipisa muminyengetero yedu. (2 Makoronike 7:13, 14) Mambo Soromoni akaratidza kuzvininipisa paainyengeterera vamwe pakutsaurirwa kwetemberi yaJehovha muJerusarema. Soromoni akanga achangobva kupedza chimwe chezvivako zvakaisvonakisisa chisati chambovakwa pasi pano. Asi, akanyengetera nokuzvininipisa achiti: “Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!”—1 Madzimambo 8:27.

SaSoromoni, tinofanira kuzvininipisa patinenge tichimiririra vamwe pakunyengetera. Kunyange zvazvo tichifanira kudzivisa kutaura kwokuzviita vatsvene, kuzvininipisa kunogona kuratidzwa nenzwi redu. Minyengetero yokuzvininipisa haisi yokuda kuonererwa kana kuti yokushamisira. Inoita kuti vanhu vaise pfungwa dzavo, kwete pamunhu ari kunyengetera, asi pane Ari kutaurwa naye. (Mateo 6:5) Kuzvininipisa kunoratidzwawo nezvatinotaura mumunyengetero. Kana tikanyengetera tichizvininipisa, hatizoiti sokuti tiri kurayira Mwari kuti aite zvimwe zvinhu nenzira yedu. Panzvimbo pezvo, tichateterera Jehovha kuti aite nomutoo unowirirana nokuda kwake kwakanaka. Munyori wePisarema akaenzanisira mafungiro akafanira paakateterera kuti: “Tiponesei zvino, Jehovha—ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufarwa—ndizvo zvatinonyengetera.”—Pisarema 118:25; Ruka 18:9-14.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-1-E 1060 ¶4

Denga

Soromoni, uyo akavaka temberi yaiva muJerusarema akataura kuti Mwari haakwani “mumatenga, mumatenga ekumatenga.” (1Mad 8:27) Sezvo ari iye akasika matenga, Jehovha akakwirira kumapfuura, uye “zita rake rega ndiro riri kumusoro kusingasvikiki. Ukuru hwake huri kumusoro kwenyika nedenga.” (Pis 148:13) Jehovha anoyera denga nyore nyore kungofanana nezvinoita munhu anoyera chinhu achiita zvekutambanudza minwe yake zvekuti chinhu chacho chinenge chiri pakati pechigunwe chake chikuru nechigunwe chake chidiki. (Isa 40:12) Mashoko akataurwa naSoromoni haarevi kuti Mwari haana nzvimbo yaanogara. Haareviwo kuti ari pese pese kana kuti ari muzvinhu zvese. Izvi tinozviona kubva pane zvakataurwa naSoromoni zvekuti Jehovha anonzwa ari ‘kudenga, iyo nzvimbo yake yaanogara,’ kureva kudenga kunogara zvisikwa zvese zvemweya.—1Mad 8:30, 39.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Vashumiri VechiKristu Vanofanira Kunyengetera”

km 5/10 2

Vashumiri VechiKristu Vanofanira Kunyengetera

Hatikwanisi kuita ushumiri tiri toga. Jehovha anotipa simba rokuti tiite basa racho. (VaF. 4:13) Anoshandisa ngirozi dzake kutibatsira kutsvaga vanhu vakaita semakwai. (Zvak. 14:6, 7) Jehovha Mwari ndiye anoita kuti mbeu dzechokwadi dzatinodyara uye dzatinodiridza dzikure. (1 VaK. 3:6, 9) Zvinokosha chaizvo kuti mushumiri wechiKristu avimbe naBaba vedu vokudenga nokunyengetera.

Kuzvinyengeterera: Tinofanira kunyengetera nguva dzose patinoparidzira. (VaEf. 6:18) Ndezvipi zvinhu zvatinogona kunyengeterera? Tinogona kunyengeterera kuti tione zvakanaka ndima yedu uye kuti tive neushingi. (Mab. 4:29) Tinokwanisa kukumbira Jehovha kuti atitungamirire kune vanhu vane mwoyo yakarurama vatinogona kudzidza navo Bhaibheri. Kana saimba akabvunza mubvunzo, tinogona kunyengetera mumwoyo tichikumbira Jehovha kuti atibatsire kupa mhinduro yakanaka. (Neh. 2:4) Tingakumbirawo uchenjeri hwokuti tiise ushumiri panzvimbo yokutanga. (Jak. 1:5) Uyezve, Jehovha anofadzwa patinoshandisa mashoko okuonga ropafadzo yokuva vashumiri vake.—VaK. 3:15.

Kunyengeterera Vamwe: Tinofanirawo ‘kunyengetererana’ uye pazvinenge zvakakodzera kunyange kutotaura mazita evamwe vatinoshumira navo. (Jak. 5:16; Mab. 12:5) Kusava neutano hwakanaka kunokutadzisa kuita zvimwe zvinhu mubasa rokuparidzira here? Saka nyengeterera vamwe vaunoshumira pamwe navo vane utano hwakanaka. Usamborerutsa kushanda kunoita minyengetero yako nokuda kwavo. Zvakakodzerawo kunyengeterera kuti vakuru vakuru vasarambidze basa redu rokuparidzira kuitira kuti hama dzedu ‘dzirambe dzichirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara.’—1 Tim. 2:1, 2.

Kuparidzira mashoko akanaka mupasi rose rinogarwa iropafadzo yatisingagoni kuita nesimba redu toga. Kana ‘tikaramba tichinyengetera,’ tichaita basa racho tichitsigirwa naJehovha.—VaR. 12:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe