Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
SEPTEMBER 5-11
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 9-10
“Rumbidza Jehovha Nekuti Ane Uchenjeri”
Kushanya Kwakava Nemubayiro Mukuru
Pakusangana naSoromoni, mambokadzi akatanga kumuidza ne“mibvunzo mikukutu.” (1 Madzimambo 10:1) Shoko rechiHebheru rakashandiswa pano rinogona kushandurwa kuti “zvirahwe.” Asi izvi hazvirevi kuti mambokadzi akaita hake mitambo yenhando naSoromoni. Sezvineiwo pana Pisarema 49:4, shoko rimwe chete iroro rechiHebheru rinoshandiswa kutsanangura mibvunzo yakakomba ine chokuita nechivi, rufu, uye rudzikinuro. Saka zvingangodaro kuti mambokadzi weShebha akanga achikurukura nhau dzakadzama naSoromoni idzo dzakaidza kudzama kwekuchenjera kwake. Bhaibheri rinoti “akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumwoyo make.” Soromoniwo “akapindura mibvunzo yake yose. Hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza.”—1 Madzimambo 10:2b, 3.
Apo Rupo Runowanda
Ashamiswa nezvaakanzwa nezvaakaona, mambokadzi akapindura nokuzvininipisa kuti: “Varanda venyu ava vane mufarwa, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.” (1 Madzimambo 10:4-8) Haana kuti varanda vaSoromoni vaifara nokuti vakanga vakapoteredzwa nepfuma—kunyange vakanga vakadaro. Asi, varanda vaSoromoni vakanga vakakomborerwa nokuti vaigona kugara vachiteerera uchenjeri hwaSoromoni hwaakapiwa naMwari. Mambokadzi weShebha muenzaniso wakaisvonaka zvakadini kuvanhu vaJehovha nhasi, vanonakidzwa nouchenjeri hwoMusiki pachake nehweMwanakomana wake, Jesu Kristu!
Kushanya Kwakava Nemubayiro Mukuru
Mambokadzi weShebha akaororwa kwazvo nokuchenjera kwaSoromoni uye nokubudirira kweumambo hwake zvokuti “akapera mweya.” (1 Madzimambo 10:4, 5) Vamwe vanoti kutaura uku kunoreva kuti mambokadzi akasara “asina romuromo.” Imwe nyanzvi inototi akafenda! Chero zvazvingave zvakaita, mambokadzi akashamiswa nezvaakanga aona uye nezvaakanzwa. Akati varanda vaSoromoni vaifara nokuda kwekukwanisa kwavo kunzwa kuchenjera kwamambo uyu, uye akakudza Jehovha nokuda kwekugadza Soromoni pachigaro chokutonga. Ipapo akapa mambo zvipo zvaidhura, ndarama yega yaisvika $1 480 000 000, mari yazvino. Soromoniwo akapa zvipo, achipa mambokadzi “zvose zvaaida nezvaakakumbira.”—1 Madzimambo 10:6-13.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Waizviziva Here?
Mambo Soromoni akanga aine goridhe rakawanda sei?
Magwaro anoti Hiramu, mambo weTire, akatumira matani mana egoridhe kuna Soromoni, mambokadzi weShebha akamupa goridhe rakawandawo saizvozvo, uye boka rengarava dzaSoromoni rakaunza matani 15 egoridhe kubva kuOfiri. Nhoroondo yacho inoti, “Ndarama yakauya kuna Soromoni mugore rimwe chete yairema matarenda endarama mazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu,” kana kuti yaipfuura matani 25. (1 Madzimambo 9:14, 28; 10:10, 14) Mashoko aya ndeechokwadi here? Nzvimbo dzaichengeterwa goridhe ramambo dzaiva dzakakura zvakadini kareko?
Mamwe mashoko akanyorwa kare, anonzi nenyanzvi ndeechokwadi, anoti Farao Thutmose III wokuIjipiti (akatonga makore 3 500 apfuura) akaunza matani egoridhe 13,5 kutemberi yaAmun-Ra kuKarnak. Makore anenge 2 800 apfuura, Mambo wokuAsiriya Tigrati-pireseri III, akawana matani anopfuura mana egoridhe somuripo kubva kuTire, uye Sagoni II akapa goridhe rakawandawo saizvozvo sechipo kuna vanamwari veBhabhironi. Mambo Philip II wokuMakedhoniya (359-336 B.C.E.) anonzi aichera matani anopfuura 28 egoridhe gore rimwe nerimwe mumigodhi yePangaeum muThrace.
Mwanakomana waPhilip ainzi Alexander Mukuru (336-323 B.C.E.) akatapa guta reSusa raiva muPezhiya, anonzi akatora matani 1 180 egoridhe kubva ikoko, uye matani 7 000 kubva kuPezhiya yose. Saka zvinotaurwa neBhaibheri nezvegoridhe raiva naMambo Soromoni pazvinoenzaniswa nemashoko aya, zvinongoratidza kuti hakusi kuwedzeredza.
SEPTEMBER 12-18
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 11-12
“Sarudza Wekuroorana Naye Nekuchenjera”
“Ndiani Ari Kurutivi rwaJehovha?”
7 Tinogona kudzidza zvakawanda kubva kuna Mambo Soromoni. Paaiva mudiki, Soromoni aikumbira kubatsirwa naJehovha. Mwari akamupa uchenjeri hwakakura uye akamupa basa rekuvaka temberi huru muJerusarema. Asi Soromoni akarasikirwa neushamwari hwake naJehovha. (1 Madz. 3:12; 11:1, 2) Mutemo waMwari wairambidza mambo wechiHebheru “kuzviwanzirawo madzimai, kuti mwoyo wake urege kutsauka.” (Dheut. 17:17) Soromoni haana kuteerera mutemo uyu. Akaroora madzimai 700 uye akatora varongo 300. (1 Madz. 11:3) Vakawanda vemadzimai ake vakanga vasiri vaIsraeri uye vainamata vanamwari venhema. Saka Soromoni haanawo kuteerera mutemo waMwari wairambidza kuroora madzimai emamwe marudzi.—Dheut. 7:3, 4.
Ungachengetedza Sei Mwoyo Wako?
6 Satani anoda kuti tifanane naye. Iye mupanduki asina basa nemirayiro yaJehovha uye anoda kuita zvakangomunakira. Satani haakwanisi kutimanikidza kufunga saiye kana kuita zvaanoita. Saka anoedza kuita kuti tidaro achishandisa dzimwewo nzira. Semuenzaniso, anotipoteredza nevanhu vaakatokanganisa kare. (1 Joh. 5:19) Anotarisira kuti tichasarudza kuita nguva tiinavo, kunyange zvazvo tichiziva kuti ushamwari hwakaipa “hunoshatisa” mafungiro nemaitiro edu. (1 VaK. 15:33) Izvi zvakashanda pana Mambo Soromoni. Akaroora madzimai akawanda akanga asinganamati Mwari, uye madzimai acho “akatsausa mwoyo wake zvishoma nezvishoma” kubva pana Jehovha.—1 Madz. 11:3.
“Ndiani Ari Kurutivi rwaJehovha?”
9 Asi vanhu pavanoita zvakaipa Jehovha haangosiyi zvakadaro. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akatsamwira Soromoni kwazvo, nokuti mwoyo wake wakanga watsauka pana Jehovha . . . , iye akanga azviratidza kwaari kaviri. Iye akanga amurayira nezvechinhu ichi, kuti asatevera vamwe vanamwari; asi akanga asina kuchengeta zvakanga zvarayirwa naJehovha.” Izvi zvakaita kuti Mwari arege kumufarira uye kumutsigira. Vana vaSoromoni havana kuzotonga rudzi rwese rwevaIsraeri uye vakasangana nematambudziko akawanda kwemazana emakore akatevera.—1 Madz. 11:9-13.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Aigona Kunge Akafarirwa naMwari
Rehobhoamu akaunganidza mauto ake kuti arwise madzinza ainge apanduka. Asi Jehovha akapindira achishandisa muprofita Shemaya ndokuti: “Musaenda kunorwisa hama dzenyu vanakomana vaIsraeri. Mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chaitika zvichibva kwandiri.”—1 Madz. 12:21-24.
Zvaiva nyore here kuti Rehobhoamu ateerere Jehovha? Unogona kufungidzira kuti Rehobhoamu akanetseka zvakadini. Vanhu vaizofungei nezvamambo ainge ambovatyisidzira kuti aizovarova “netyava dzine zvinobaya” asi ozongosiya vanhu vachipanduka zvakadaro? (Enzanisa na2 Makoronike 13:7.) Pasinei naizvozvo, mambo nemauto ake “vakateerera shoko raJehovha, vakadzokera kumba maererano neshoko raJehovha.”
Tinodzidzei panyaya iyi? Kuteerera Mwari kunoratidza uchenjeri kunyange zvazvo kuchigona kuita kuti vamwe vatinyombe. Kuteerera Mwari kunoita kuti atifarire uye atikomborere.—Dheut. 28:2.
Chii chakazoitika kuna Rehobhoamu? Akateerera ndokurega kurwisana neumambo hwekuchamhembe hwainge huchangoumbwa. Akabva atanga kuvaka maguta aiva munharaunda dzaJudha naBhenjamini maainge achiri kutonga. Akasimbisa “kwazvo” mamwe maguta acho. (2 Mak. 11:5-12) Chinonyanya kukosha ndechekuti akateerera mitemo yaJehovha kwekanguva. Vanhu vaiva muumambo hwemadzinza gumi evaIsraeri hwaitungamirirwa naJerobhoamu vakatanga kunamata zvidhori. Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vemuumambo uhwu ‘vatsigire Rehobhoamu’ kuburikidza nekuenda kuJerusarema kunotsigira kunamata kwechokwadi. (2 Mak. 11:16, 17) Saka kuteerera kwakaita Rehobhoamu kwakasimbisa umambo hwake.
SEPTEMBER 19-25
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 13-14
“Nei Tichifanira Kugutsikana Uye Kuva Nemwero?”
Isa Mwoyo Wako Pachinhu Chimwe Chete Kuti Urambe Wakavimbika
4 Jerobhoamu anozoti kumunhu waMwari wechokwadi: “Handei tose kumba, udye zvokudya, ndikupe chipo.” (1 Madz. 13:7) Muprofita wacho achaita sei? Obvuma kuenda namambo kwaari kumukoka here, iye amuudza kuti achatongwa? (Pis. 119:113) Kana kuti oramba here, kunyange zvazvo mambo wacho achiita seapfidza? Zvechokwadi Jerobhoamu ane zvinhu zvakawanda zvinodhura zvaanogona kupa shamwari dzake. Kana muprofita waMwari agara aine karuchiva kepfuma, zviri kutaurwa namambo zvingava muedzo mukuru chaiwo. Asi Jehovha akaudza muprofita wacho kuti: “Usadya zvokudya kana kunwa mvura, uye usadzoka nenzira yawaenda nayo.” Saka muprofita wacho anopindura asingatendereri kuti: “Kunyange maizondipa hafu yeimba yenyu, ndaisazoenda nemi ndodya zvokudya kana kunwa mvura munzvimbo ino.” Uye muprofita wacho anobuda muBheteri neimwe nzira. (1 Madz. 13:8-10) Chisarudzo chomuprofita wacho chinotidzidzisei nezvokuvimbika nomwoyo wose?—VaR. 15:4.
Isa Mwoyo Wako Pachinhu Chimwe Chete Kuti Urambe Wakavimbika
15 Chii chimwe chatingadzidza pakukanganisa kwakaita muprofita wokuJudha? Zvirevo 3:5 inoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako.” Pane kuti arambe achivimba naJehovha sezvaaisimboita, panguva iyi muprofita wokuJudha akanga ava kuzvivimba. Izvi zvakaita kuti arasikirwe noukama hwake naMwari, zvikamuurayisa. Zvakaitika kwaari zvinonyatsoratidza kukosha kwokushumira Jehovha nokuzvininipisa uye nokuvimbika!
Isa Mwoyo Wako Pachinhu Chimwe Chete Kuti Urambe Wakavimbika
10 Muprofita wokuJudha aifanira kuona kuti ari kunyengedzwa nomuprofita akwegura. Angadai akazvibvunza kuti, ‘Sei Jehovha azotuma ngirozi kune mumwe munhu kuti azondiudza zvokuita?’ Muprofita uyu angadai akabvunza Jehovha kuti zvaakanga audzwa ndizvo here, asi Magwaro haatauri kuti ndizvo zvaakaita. Pane kudaro, “akadzokera naye [murume akwegura] kuti adye zvokudya mumba make nokunwa mvura.” Izvi hazvina kufadza Jehovha. Paakazopinda munzira odzokera kuJudha, muprofita wokunyengedzwa uyu akasangana neshumba ikabva yamuuraya. Basa riya rokuprofita rakabva rangopererawo ipapo!—1 Madz. 13:19-25.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Anotsvaka Zvakanaka
Chinonyanya kukosha ndechokuti mashoko ari pana 1 Madzimambo 14:13 anotidzidzisa chimwe chinhu chakanaka nezvaJehovha uye chaanotsvaka matiri. Yeuka kuti pane chimwe chinhu chakanaka “chakawanikwa” muna Abhija. Zviri pachena kuti Jehovha akaongorora mwoyo waAbhija kusvikira aona chimwe chinhu chakanaka maari. Imwe nyanzvi inoti Abhija paaienzaniswa nevomumhuri yake, aiita separera rimwe chete riri “pakati pematombowo zvawo.” Jehovha akakoshesa uye akakomborera zvakanaka zvaaiita, paakaratidza ngoni kumunhu uyu mumwe chete mumhuri yaiita zvakaipa.
SEPTEMBER 26–OCTOBER 2
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 15-16
“Unoratidza Ushingi Sezvakaitwa naAsa Here?”
“Basa Renyu Richapiwa Mubayiro”
umakore 20 akatevera pashure pokukamuka kwerudzi rwaIsraeri kuva umambo huviri, umambo hwaJudha hwakashatiswa chaizvo netsika dzechihedheni. Asa paakava mambo muna 977 B.C.E., vanhu vomumuzinda wamambo vainge vatosvibiswawo nokunamata vanamwari vembereko veKenani. Asi nhoroondo yakafemerwa yokutonga kwaAsa inoti “akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.” Asa “akabvisa atari dzevokune dzimwe nyika nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa shongwe tsvene, akatema matanda matsvene.” (2 Mak. 14:2, 3) Asa akabvisawo muumambo hwaJudha “pfambi dzechirume dzepatemberi” dzaiita ungochani dzichiti dziri kunamata. Asa haana kungoita izvozvo chete. Akakurudzirawo vanhu kuti “vatsvake Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete mutemo nomurayiro” waMwari.—1 Madz. 15:12, 13; 2 Mak. 14:4.
Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana!
7 Mumwe nemumwe wedu anogona kuongorora mwoyo wake kuti aone kuti wakazvipira zvakazara kuna Mwari here. Zvibvunze kuti, ‘Ndakatsunga here kufadza Jehovha, kudzivirira kunamata kwechokwadi uye kuita kuti ungano irambe yakachena?’ Funga kuti zvaida ushingi hwakadini kuti Asa abvise Maaka pachinzvimbo chaaiva nacho muumambo ihwohwo. Zvimwe hapana munhu waunoziva anoita zvinhu zvakaipa sezvaiita Maaka, asi panogona kunge paine pamwe paunogona kutevedzera kushingaira kwaAsa. Semuenzaniso, ko kana mumwe wemumhuri yako kana kuti shamwari yako yepedyo ikaita chivi, yorega kupfidza uye yodzingwa? Waizotsunga kurega kuwadzana nemunhu iyeye here? Mwoyo wako waizokukurudzira kuitei?
it-1-E 184-185
Asa
Asa anoonekwa semumwe wemadzimambo eJudha aiva akatendeka nekuti aiva neunhu hwakanaka uye haana kumbobvira apandukira Jehovha kunyange zvazvo pane dzimwe nguva aimboita zvinhu zvairatidza kusachenjera uye kusanyatsonzwisisa maonerwo anoitwa zvinhu naJehovha. (2Mak 15:17) Mumakore 41 aaitonga, muumambo hwemadzinza gumi eIsraeri makatongwa nemadzimambo 8 anoti: Jerobhoamu, Nadhabhi, Bhaasha, Eraa, Zimri, Omri, Tibni (uyo aitonga imwe nharaunda yeIsraeri achikwikwidzana naOmri), uye Ahabhi. (1Mad 15:9, 25, 33; 16:8, 15, 16, 21, 23, 29) Asa paakafa, mwanakomana wake Jehoshafati akabva ava mambo.—1Mad 15:24.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Mwari Munhu Chaiyeiye Kwauri Here?
Somuenzaniso, rava uporofita hwechirango chokuvakazve Jeriko uye ipapo funga nezvokuzadzika kwahwo. Joshua 6:26 inoti: “Joshua akavapikisa, achiti: Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharasikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharasikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro.” Kuzadzika kwakazoitika makore anenge 500 gare gare, nokuti tinorava pana 1 Madzimambo 16:34, kuti: “Pamazuva ake [Mambo Ahabhi] Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhirami, nguva yaakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa masuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.” Mwari chaiyeiye bedzi aigona kufuridzira uporofita hwakadaro ndokuita kuti huzadzike.
OCTOBER 3-9
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 17-18
“Mucharamba Muine Mwoyo Miviri Kusvikira Riini?”
Ratidza Kutenda Ita Zvisarudzo Nekuchenjera
6 Pavakanga vava kugara muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vaifanira kuita chisarudzo chinokosha chekuti vonamata Jehovha here kana kuti vamwewo vanamwari. (Verenga Joshua 24:15.) Ichocho chingaita sechisarudzo chaiva nyore. Asi zvavaizosarudza zvaigona kuita kuti vararame kana kuti vafe. Panguva yeVatongi, vaIsraeri vaigara vachiita zvisarudzo zvisina kunaka. Vaisiya Jehovha vachinamata vanamwari venhema. (Vat. 2:3, 11-23) Fungawo zvakazoitika pane imwe nguva vanhu vaMwari pavaifanira kuita chisarudzo. Muprofita Eriya akavaudza kuti vasarudze kuti vaida kushumira Jehovha here kana kushumira Bhaari, mwari wenhema. (1 Madz. 18:21) Eriya akatsiura vanhu ivavo nemhaka yekuti vakanga vasingazivi kuti vosarudza zvipi. Unogona kufunga kuti chisarudzo chacho chaiva nyore nekuti kushumira Jehovha kwagara kwakanaka uye kunobatsira. Chokwadi, hapana munhu aifunga zvakanaka aizotorwa mwoyo naBhaari kana kuda kumunamata. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri ivavo vaiva ‘nemwoyo miviri.’ Saka Eriya akavakurudzira kuti vasarudze kunamata Jehovha.
Akatsigira Kunamata Kwakachena
15 Vapristi vaBhaari vakabva vatowedzera kuita manyemwe vachi“shevedzera kwazvo, vachizvicheka nemapanga nemapfumo marefu maererano netsika yavo, kusvikira vaita kuti ropa riyerere pavari.” Zvose izvi hazvina zvazvakabatsira! “Kwakanga kusina inzwi, hapana aipindura, uye hapana aiteerera.” (1 Madz. 18:28, 29) Chokwadi, kwakanga kusina Bhaari. Iye aiva chinhu chakatangwa naSatani kuti anyengedze vanhu kuti vabve kuna Jehovha. Chokwadi ndechokuti, kusarudza tenzi chero upi zvake kunze kwaJehovha kunoita kuti munhu aore mwoyo, kunyange kunyara.—Verenga Pisarema 25:3; 115:4-8.
Akatsigira Kunamata Kwakachena
18 Eriya asati anyengetera, mapoka evanhu aivapo angangodaro ainetseka kana Jehovha aizova mwari wenhema, sezvakanga zvaita Bhaari. Zvisinei, apedza kunyengetera, pakanga pasisina nguva yokuti vanetseke nokuda kuziva. Nhoroondo yacho inoti: “Moto waJehovha wakabva waburuka, ukapisa chinopiwa chinopiswa nehuni nematombo neguruva, ukananzva mvura yaiva mumugero.” (1 Madz. 18:38) Yaiva mhinduro inoshamisa kwazvo! Uye vanhu vacho vakati kudini?
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
w08 4/1 19, bhokisi
Akamirira, Uye Akarinda
Makore Mangani Kusinganayi Muzuva raEriya?
Muprofita waJehovha Eriya akazivisa Mambo Ahabhi kuti kusanaya kwemvura kwenguva yakareba kwakanga kwava kuzoguma. Izvi zvakaitika “mugore rechitatu”—zvimwe tichiverenga kubva pazuva iro Eriya akazivisa nezvokusanaya kwemvura. (1 Madzimambo 18:1) Jehovha akanayisa mvura pashure pokunge Eriya ataura kuti aizodaro. Vamwe vangagumisa kuti kusanaya kwemvura kwakaguma mukati megore rechitatu uye kuti kwakatora makore asingasviki matatu. Zvisinei, Jesu naJakobho vose vanotiudza kuti zvakatora “makore matatu nemwedzi mitanhatu” mvura isati yanaya. (Ruka 4:25; Jakobho 5:17) Saka tingati Bhaibheri rinozvipokanidza here?
Kwete. Unoonaka, mvura yaigona kusanaya kwenguva yakareba muIsraeri, zvokutosvika mwedzi mitanhatu isinganayi. Hapana mubvunzo kuti Eriya akauya kuna Ahabhi kuzozivisa nezvokusanaya kwemvura apo mwaka wokusanaya kwemvura wakanga wanyanya kureba. Kutaura zvazviri, kusanaya kwemvura kwakanga kwatanga muhafu yokutanga yegore. Saka, kubva Eriya paakazivisa nezvokusanaya kwemvura kusvikira paakazozivisa nezvokunaya kwayo “mugore rechitatu,” pakanga patopfuura makore matatu nehafu. Vanhu pavakazoungana paGomo reKameri kuti vaone kuti ndiani akanga ari Mwari wechokwadi pakanga papfuura “makore matatu nemwedzi mitanhatu.”
Saka chimbofunga nezvenguva apo Eriya akatanga kushanyira Ahabhi. Vanhu vaidavira kuti Bhaari aiva “mutasvi wemakore,” mwari aigona kunayisa mvura kuti agumise kusanaya kwemvura kwenguva refu. Mwaka wokusanaya kwemvura pawainyanya kureba, vanhu vaitanga kunetseka kuti: ‘Bhaari ari kupi? Achanayisa rini mvura?’ Chiziviso chaEriya chokuti dova kana mvura zvaisazovapo kusvikira iye ataura kuti zvivepo chinofanira kunge chakaodza mwoyo zvikuru vanamati vaBhaari.—1 Madzimambo 17:1.
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
“Kutenda Kwakaratidzwa Nechirikadzi yekuZarefati Kunotidzidzisei?”
Chirikadzi yeZarefati Yakapiwa Mubayiro Nokuti Yaiva Nokutenda
“Imbotanga Wandigadzirira Keke Duku Reraundi”
Chimbonyatsofungisisa zvakakumbirwa chirikadzi naEriya. Mukadzi uyu akanga achangobva kuudza Eriya kuti iye nemwanakomana wake vaizozvigadzirira zvokudya zvokupedzisira vodya vofa. Asi Eriya akati chii? “Usatya. Enda uite sezvawataura. Imbotanga wandigadzirira keke duku reraundi nezviripo, uuye naro kwandiri, wozozvigadzirira iwe nomwanakomana wako chimwe chinhu. Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Furawa iri muchirongo chikuru haizoperi, uye mafuta ari muchirongo chiduku haazoperi kusvikira pazuva richanayiswa mvura zhinji panyika naJehovha.’”—1 Madz. 17:11-14.
Vamwe vangadaro vakati, ‘Hazviiti kuti tipe munhu zvokudya zvedu zvokupedzisira.’ Asi izvozvo handizvo zvakataurwa nechirikadzi. Kunyange zvazvo yaiziva zvishoma nezvaJehovha, yakaratidza kutenda ikaita zvayakakumbirwa naEriya. Chokwadi uyu waiva mukana wokuti chirikadzi yacho iratidze kutenda uye yakaita chisarudzo chakanaka!
Mwari haana kusiya chirikadzi iyoyo yaitambura. Sezvakanga zvavimbiswa naEriya, Jehovha akawedzera zvokudya zvayo zvikararamisa Eriya, chirikadzi yacho nemwanakomana wayo kusvikira mvura yanaya. Chokwadi, “furawa yaiva muchirongo chikuru haina kupera, nemafuta aiva muchirongo chiduku haana kupera, sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Eriya.” (1 Madz. 17:16; 18:1) Kudai chirikadzi iyoyo isina kuita zvayakakumbirwa naEriya, keke duku reraundi rayakagadzira netufurawa twayo netumafuta ringadai rakava zvokudya zvayo zvokupedzisira. Asi yakaratidza kutenda ikavimba naJehovha ikatanga yapa Eriya zvokudya.
Tinowana chidzidzo chokuti Mwari anokomborera vaya vanotenda maari. Paunosangana nemuedzo ungangokanganisa kuperera kwako kuna Mwari uye woratidza kutenda, Jehovha achakubatsira. Achakupa zvaunoda pakurarama, achakudzivirira uye acharatidza kuti iShamwari yako uye izvi zvichakubatsira kuti ukunde muedzo wacho.—Eks. 3:13-15.
Muna 1898, Zion’s Watch Tower yakataura kuti nyaya yechirikadzi iyi inotipa chidzidzo ichi: “Kana mukadzi wacho aizoratidza kutenda oita zvaakaudzwa, Tenzi aizomubatsira achishandisa Muprofita; asi kudai asina kuratidza kutenda, zvimwe paizotsvakwa imwewo chirikadzi. Ndozvazvakaitawo nesu, murwendo rwedu rwoupenyu tinosvika pokuti Tenzi anotiedza kuti aone kuti kutenda kwedu kwakadii. Kana tikaratidza kutenda tichakomborerwa; asi tikasadaro, hatikomborerwi.”
Kana tikasangana nemiedzo, tinofanira kutsvaka kutungamirirwa naMwari tichishandisa Magwaro uye mabhuku edu anotaura nezveBhaibheri. Zvadaro tinofanira kuita zvinodiwa naJehovha pasinei nokuti tingaomerwa sei nokuzviita. Chokwadi tichakomborerwa kana tikaita zvinotaurwa nechirevo ichi chouchenjeri: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”—Zvir. 3:5, 6.
OCTOBER 10-16
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 19-20
“Tsvaga Kunyaradzwa naJehovha”
Vimba naJehovha Paunenge Uchishungurudzika
5 Verenga 1 Madzimambo 19:1-4. Eriya akatanga kutya paakaziva kuti Mambokadzi Jezebheri aida kumuuraya. Saka akatizira kuBheeri-shebha. Akaora mwoyo chaizvo zvekuti ‘akakumbira kuti afe.’ Chii chakaita kuti anzwe saizvozvo? Eriya aiva munhu ane chivi, “munhu aiva nemanzwiro akafanana needu.” (Jak. 5:17) Zvimwe akashungurudzika chaizvo uye akanzwa asisina kana simba. Anogona kunge akafunga kuti zvese zvaakanga aita pakutsigira kunamata kwakachena kwaiva kushandira pasina. Zvimwe akafungawo kuti muIsraeri maisava nechainge chavandudzika, uye ndiye ega ainge achiri kushumira Jehovha. (1 Madz. 18:3, 4, 13; 19:10, 14) Tinogona kushamiswa nemanzwiro akava nemuprofita uyu ainge akatendeka. Asi Jehovha akanzwisisa manzwiro aEriya.
Akanyaradzwa naMwari Wake
13 Unofunga kuti Jehovha akanzwa sei zvaakatarisa ari kudenga ndokuona muprofita wake waaida akarara pasi pemuti iwoyo murenje achikumbira kuti afe? Hatifaniri hedu kuita zvekufungidzira. Eriya paakanga ava kudzipfodora, Jehovha akamutumira ngirozi. Ngirozi yacho yakabata Eriya ndokumumutsa zvinyoronyoro ichiti: “Muka udye.” Eriya akamuka akadya, nekuti ngirozi yacho yakanga yamuvigira zvokudya zvisingashamisiri—chingwa chaidziya pamwe chete nemvura. Akatombotenda ngirozi yacho here? Nhoroondo yacho inongotaura kuti muprofita wacho akadya akanwa ndokurarazve. Ainge akanyanya kuora mwoyo zvokutadza kutaura here? Chero zvazvingava, ngirozi yacho yakamumutsa kechipiri, zvichida mangwanani-ngwanani. Yakaudzazve Eriya kuti, “Muka udye,” uye yakawedzera mashoko aya anokosha, “nokuti rwendo rwacho rwakanyanya kukurebera.”—1 Madz. 19:5-7.
Akanyaradzwa naMwari Wake
21 Nhoroondo yacho inotiudza kuti Jehovha akanga asiri mune chimwe nechimwe chezvinhu izvi zvinoshamisa zvinoratidza simba rezvakasikwa. Eriya aiziva kuti Jehovha akanga asiri mwari wekufungidzira saBhaari, uyo airumbidzwa se“mutasvi wemakore,” kana kuti munayisi wemvura nevanamati vake vainge vakatsauka. Kuna Jehovha ndiko chaiko kunobva simba rese rinotyisa rinowanikwa muzvinhu zvakasikwa, asi iyewo mukuru zvikuru kupfuura chero chii zvacho chaakasika. Haagoni kukwana kunyange mumatenga! (1 Madz. 8:27) Zvese izvi zvakabatsira sei Eriya? Yeuka kutya kwaaiita. Aina Mwari akaita saJehovha parutivi pake, Mwari aiva nesimba rakakura zvakadaro, Eriya akanga asina chokutya kubva kuna Ahabhi naJezebheri!—Verenga Pisarema 118:6.
Akanyaradzwa naMwari Wake
22 Pashure pekunge moto waenda, pakabva pati zii uye Eriya akanzwa “inzwi rakanga rakadzikama, raiva pasi pasi.” Rakaita kuti Eriya ataurezve manzwiro ake, uye akabva ataura, achidurura zvaimunetsa kechipiri. Zvichida izvozvo zvakawedzera kumuzorodza. Zvisinei, hapana mubvunzo kuti Eriya akatowedzera kunyaradzwa nezvaakazoudzwa ne“inzwi rakanga rakadzikama, raiva pasi pasi.” Jehovha akaita kuti Eriya ave nechokwadi chekuti akanga asiri munhu asina maturo. Akazviita sei? Mwari akazivisa zvakawanda nezvechinangwa chake chemunguva yemberi chaiva nechokuita nokurwisa kunamatwa kwaBhaari muIsraeri. Zviri pachena kuti Eriya akanga ashandira zviripo, nekuti chinangwa chaMwari chakanga chichifambira mberi pasina chinochimisa. Uyezve, Jehovha aizoramba achishandisa Eriya semuprofita, nekuti akamutuma kuti adzokere kunoshanda achiita zvaakanga arayirwa.—1 Madz. 19:12-17.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Muenzaniso Wokuzvipira uye Wokuvimbika
Vabatiri vaMwari vakawanda nhasi vanoratidzira mudzimu wakafanana wokurega zvimwe zvinhu. Vamwe vakasiya “minda” yavo, zvaivararamisa, kuti vaparidze mashoko akanaka mundima dziri kure kana kuti kushanda semitezo yemhuri yeBheteri. Vamwe vakaenda kunyika dzokumwe kuti vanoshanda pazvivako zveSosaiti. Vakawanda vakagamuchira anganzi mabasa akaderera. Bva, hapana munhu anoshandira Jehovha ari kuita basa risingakoshi. Jehovha anoonga vose vanomubatira nokudisa, uye achakomborera mudzimu wavo wokurega zvimwe zvinhu.—Marko 10:29, 30.
OCTOBER 17-23
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MADZIMAMBO 21-22
“Tevedzera Mashandisiro Anoita Jehovha Simba Rake”
it-2-E 21
Jehovha Wemauto
Joshua paakaona imwe ngirozi pedyo neJeriko achibva aibvunza kuti yakanga iri kudivi revaIsraeri here kana kuti remuvengi, ngirozi yacho yakapindura kuti, “Aiwa, ndauya semukuru weuto raJehovha.” (Jos 5:13-15) Muprofita Mikaya akaudza Mambo Ahabhi naMambo Jehoshafati kuti: “Ndaona Jehovha akagara pachigaro chake cheumambo, uye uto rese rekudenga rakamira pedyo naye, kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.” Zviri pachena kuti aireva vanakomana vaJehovha vemweya. (1Mad 22:19-21) Kushandiswa kwemashoko ekuti “Jehovha wemauto” ari muuwandu kwakakodzera nekuti ngirozi dzinotaurwa nezvadzo dziri muzvikwata dzichinzi maserafi kana kuti makerubhi. (Isa 6:2, 3; Ge 3:24; Zva 5:11) Dzinorondedzerwawo dziri mumapoka akarongeka zvekuti Jesu Kristu akataura kuti aigona kupiwa “mapoka makuru engirozi anopfuura 12” kuti amubatsire. (Mt 26:53) Hezekiya paainyengetera kuna Jehovha achikumbira kubatsirwa, akamudana achiti “Jehovha wemauto, . . . agere pachigaro cheumambo pamusoro pemakerubhi,” zvichida achifunga nezveareka yesungano nemifananidzo yemakerubhi yaiva yakaiswa pamusoro pechekukwidibirisa chayo, izvo zvaimiririra chigaro cheumambo chaJehovha chekudenga. (Isa 37:16; enzanisa na1Sa 4:4; 2Sa 6:2.) Mushumiri waErisha paaitya, akasimbiswa paakaoneswa chiratidzo chemakomo akanga akapoteredza guta raigara Erisha ‘akazara nemabhiza nengoro dzehondo dzemoto.’ Izvi zvaingoratidza chikamu cheuto raJehovha rengirozi.—2Mad 6:15-17.
“Musoro Wemurume Wese ndiKristu”
9 Kuzvininipisa. Jehovha akachenjera kupfuura chero ani zvake, asi anoteerera zvinofungwa nevashumiri vake. (Gen. 18:23, 24, 32) Akambobvumira vaya vaiva pasi pake kuti vataure zvavaifunga. (1 Madz. 22:19-22) Jehovha akakwana, asi pari zvino haatarisiri kuti tive vanhu vakakwana. Anotobatsira vanhu vane chivi vanomushumira kuti vafare muupenyu. (Pis. 113:6, 7) Bhaibheri rinoti Jehovha “mubatsiri.” (Pis. 27:9; VaH. 13:6) Mambo Dhavhidhi akati akakwanisa kuita basa rakakura raakapiwa nekuti Jehovha akazvininipisa uye akamubatsira.—2 Sam. 22:36.
it-2-E 245
Nhema
Jehovha Mwari anobvumira kuti vanhu vanofarira zvenhema ‘vazvifurire kuti vabvume nhema dzacho’ pane kuti vabvume mashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu. (2VaT 2:9-12) Izvi zvinoonekwa pane zvakanga zvaitika kuna Mambo Ahabhi wevaIsraeri mazana emakore akanga adarika. Vaprofita venhema vakaudza Ahabhi kuti aizokunda paaizonorwisa Ramoti-giriyedhi, asi Mikaya, muprofita waJehovha akataura kuti aizokundwa. Mikaya ane chiratidzo chaakaoneswa naJehovha achibvumira kuti chimwe chisikwa chemweya chive “mweya unonyengedza” mumiromo yevaprofita vaAhabhi. Izvi zvinoreva kuti chisikwa ichi chemweya chakaita kuti vasataure chokwadi, asi kuti vataure zvavaida kutaura uye zvaida kunzwiwa naAhabhi. Kunyange zvazvo Ahabhi akapiwa yambiro, akasarudza kunyengedzwa nenhema dzavo uye izvozvo zvakamuurayisa.—1Mad 22:1-38; 2Mak 18.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Kupfidza Kwechokwadi Kuita Sei?
4 Mwoyo murefu waJehovha wakazosvika pawaigumira. Jehovha akatuma muprofita Eriya kuti audze Ahabhi naJezebheri marangiro aaizovaita. Mhuri yavo yese yaizourayiwa. Zvakataurwa naEriya zvakaita kuti Ahabhi azvidembe. Zvinoshamisa kuti murume iyeye aizvikudza ‘akazvininipisa.’—1 Madz. 21:19-29.
5 Kunyange zvazvo Ahabhi akazvininipisa panguva iyoyo, zvaakazoita zvakaratidza kuti akanga asina kupfidza zvechokwadi. Haana kana kumboedza kubvisa kunamatwa kwaBhaari kwaiitwa munyika yaaitonga. Uye haana kukurudzira vamwe kuti vanamate Jehovha. Ane zvimwewo zvaakaita zvakaratidza kuti akanga asina kupfidza.
6 Ahabhi paakazokumbira Mambo Jehoshafati weJudha kuti vaende vese kunorwisa vaSiriya, Jehoshafati akati vatange vabvunza muprofita waJehovha. Pakutanga Ahabhi akazviramba achiti: “Kuchiine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha nekwaari; asi ini ndinomuvenga, nekuti haatomboprofiti zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete.” Kunyange zvakadaro, vakabvunza muprofita wacho Mikaya. Zvainge zvataurwa naAhabhi ndizvo zvakazoitika. Muprofita wacho akabva ataura zvinhu zvakaipa zvaizoitika kuna Ahabhi. Pane kuti apfidze okumbira kuregererwa naJehovha, mambo iyeye akaipa Ahabhi akaita kuti muprofita wacho akandwe mujeri. (1 Madz. 22:7-9, 23, 27) Kunyange zvazvo Ahabhi akaisa Mikaya mujeri, haana kukwanisa kuita kuti uprofita hwacho husazadzika. Ahabhi akabva aurayiwa muhondo yacho.—1 Madz. 22:34-38.
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
“Tinodzidzei Pakutendeka kwaNabhoti?”
Iyi Ndiyo “Nzira Yamakabvumira”
10 Mumakore achangopfuura, Jehovha anga achibatsira “muranda akatendeka” kuti awedzere kuva akangwara. Iye zvino muranda akatendeka haachangoti nhoroondo imwe neimwe iri muBhaibheri ine zvainomiririra kunze kwokunge paine Magwaro anonyatsotsigira izvozvo. Kutsanangurwa kwaiitwa nhoroondo idzi zvichinzi nhingi anomiririra nhingi uye kuti nei achimiririra munhu iyeye kwakaoma kunzwisisa, kuyeuka uye kuona kuti zvinoshanda sei muupenyu. Dambudziko rakatokura raivapo raiva rokuti pakuda kuedza kuona kuti kamwe nekamwe kari munhoroondo yeBhaibheri kanomiririrei, taigona kutadza kuona zvidzidzo zvinotibatsira muupenyu hwedu. Saka iye zvino mabhuku edu ava kudzidzisa zviri nyore, zvinosimbisa kutenda kwedu, zvinotibatsira kuti titsungirire, tizvipire kuna Mwari uye tivewo nehumwe unhu hwakanaka hwatinodzidza kubva munyaya dziri muBhaibheri.
11 Iye zvino tava kunzwisisa sei nhoroondo yaNabhoti? Yava nyore kunzwisisa uye yajeka. Nabhoti akafa kwete nokuti aifananidzira Jesu kana kuti vakazodzwa, asi nokuti ainge akatsunga kuramba akatendeka kuna Mwari. Akaramba achiteerera mutemo waMwari pasinei nokudzvinyirirwa kwaakaitwa. (Num. 36:7; 1 Madz. 21:3) Muenzaniso wake unotibatsira nokuti tose zvedu tinogona kutambudzwawo sezvaakaitwa. (Verenga 2 Timoti 3:12.) Vanhu vemarudzi ose vanogona kunyatsonzwisisa, kuyeuka uye kushandisa zvidzidzo zviri munyaya iyi.
12 Saka tingati here nhoroondo dziri muBhaibheri dzinongova nezvidzidzo zvatinowana zvoupenyu hwedu chete pasinawo zvimwe zvadzinoreva? Aiwa. Pane kutsanangura kuti dzimwe nhoroondo dzemuBhaibheri dzinomiririrei, mabhuku edu ava kunyanya kutaura nezvekuti nhoroondo iri muBhaibheri inotiyeuchidza sei nezveimwe nhoroondo irimo. Somuenzaniso, tinogona kutaura kuti kutendeka kwaNabhoti paaitambudzwa kunotiyeuchidza nezvekutendeka kwaKristu nehama dzake dzakazodzwa. Uye kunotiyeuchidzawo nezvekutendeka ‘kwemamwe makwai’ aTenzi. Zvose izvi zvinotibatsira kunyatsoona kuti Jehovha ndiye ari kutidzidzisa zviri nyore uye zvakajeka.
OCTOBER 24-30
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 1-2
“Muenzaniso Wakanaka Wekudzidzisa Vamwe Mabasa”
Vakuru Vanodzidzisa Sei Vamwe Kuita Mabasa Muungano?
15 Nyaya yaErisha, uyo akazova mutsivi waEriya, inoratidzawo zvingaitwa nehama kuratidza kuti dzinoremekedza vakuru vagara nebasa. Pashure pokunge Eriya naErisha vashanyira boka revaprofita kuJeriko, vakazofamba vachienda kuRwizi rwaJodhani. Vari ikoko, “Eriya akabva atora nguo yake yebasa, akaipeta, akarova mvura, ikakamukana.” Pashure pokunge vayambuka, varume vacho vakaramba “vachifamba vachitaura zvavo.” Zviri pachena kuti Erisha haana kumbofunga kuti panguva iyoyo akanga ava kuziva zvose. Akaramba achikoshesa mashoko ose aitaurwa nemudzidzisi wake kusvikira pavakazoparadzana, Eriya achikwira kumatenga ari mudutu. Pave paya, Erisha akadzokera kuRwizi rwaJodhani, akarova mvura nenguo yaEriya, akati: “Jehovha, Iye Mwari waEriya ari kupi?” Mvura yakakamukana zvakare.—2 Madz. 2:8-14.
Vakuru Vanodzidzisa Sei Vamwe Kuita Mabasa Muungano?
16 Waona here kuti chishamiso chokutanga chaErisha chainge chakafanana nechakapedzisira kuitwa naEriya? Tinodzidzei? Erisha haana kufunga kuti zvaakanga ari iye ava kutungamirira, aigona kubva angoita zvinhu nenzira yake oga. Erisha paakaramba achitevedzera zvaiitwa naEriya, akaratidza kuti airemekedza mudzidzisi wake, uye izvi zvakaita kuti vamwe vaprofita vavimbe naye. (2 Madz. 2:15) Zvisinei, mumakore 60 ayo Erisha akaita ushumiri hwake semuprofita, Jehovha akazomupa simba rekuita zvishamiso zvakawanda kupfuura zvakaitwa naEriya. Vadzidzi vanodzidzei munyaya iyi?
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMadzimambo Rechipiri
2:11—Matenga’ api ayo ‘Eria akakwira ari muchamupupuri’? Ichi chakanga chisiri chadenga chiri kure zvikuru uyewo yakanga isiri nzvimbo yomudzimu inogara Mwari nevanakomana vake ngirozi. (Dheuteronomio 4:19; Pisarema 11:4; Mateu 6:9; 18:10) ‘Matenga’ ayo Eria akakwira aiva denga iri ratinoona. (Pisarema 78:26; Mateu 6:26) Zviri pachena kuti payaimhanya nomuchadenga, ngoro yomoto yakatamisa Eria ikamuendesa kune imwe nzvimbo pasi pano, kwaakaramba achigara kwenguva yakati. Kutaura zvazviri, kwapera makore akawanda, Eria akanyora tsamba kuna Jehorami, mambo waJudha.—2 Makoronike 21:1, 12-15.
OCTOBER 31–NOVEMBER 6
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 3-4
“Simudza Mwanakomana Wako”
“Ndinoziva Kuti Achamuka”
7 Rumuko rwechipiri runotaurwa muMagwaro nderwemunhu akamutswa nemutsivi waEriya, muprofita Erisha. Mumwe mukadzi wechiIsraeri ainge akakurumbira wemuShunemi akagamuchira Erisha zvakanaka. Mukadzi uyu nemurume wake ainge akwegura vakanga vasina mwana. Achishandisa muprofita wacho, Mwari akaita kuti vave nemwanakomana. Papera makore akati kuti, mukomana wacho akafa. Fungidzira kurwadziwa kwakaita amai vacho. Vabvumirwa nemurume wavo, vakaita rwendo rwemakiromita anenge 30 kuenda kuGomo reKameri kwaiva naErisha. Muprofita wacho akatuma mushumiri wake Gehazi kuti afanoenda kuShunemi. Gehazi haana kukwanisa kumutsa mukomana wacho. Amai vacho naErisha vakabva vasvika.—2 Madz. 4:8-31.
“Ndinoziva Kuti Achamuka”
8 Vari mumba, Erisha akanyengetera ari pedyo nemutumbi wacho. Mukomana wacho akava mupenyu ndokuvazve naamai vake avo vakanga vasingachabatiki nemufaro. (Verenga 2 Madzimambo 4:32-37.) Amai vacho vanogona kunge vakayeuka munyengetero waHana paakaendesa Samueri kunoshumira patebhenekeri. Hana akati: “Jehovha . . . anoburutsira kuSheori, uye anomutsa.” (1 Sam. 2:6) Zviri pachena kuti Mwari akamutsa mukomana wacho muguta reShunemi, kuti aratidze kuti anokwanisa kumutsa vakafa.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-2-E 697 ¶2
Muprofita
“Vanakomana Vevaprofita.” Bhuku rinonzi Gesenius’ Hebrew Grammar rinotsanangura kuti (Oxford, 1952, p. 418), shoko rechiHebheru rekuti ben (mwanakomana wa) kana kuti rekuti benehʹ (vanakomana va) rinogona kureva kuti munhu “ari mune rimwe boka revanhu vanoita basa rakafanana (kana kuti rumwe rudzi, kana rimwewo boka revanhu rakasiyana nemamwe).” (Enzanisa naNe 3:8. “Mumwe wevanogadzira mafuta ekuzora” anogona kunzi “mwanakomana wevanogadzira mafuta ekuzora.”) Saka mashoko ekuti “vanakomana vevaprofita” anogona kunge achireva chikoro chaidzidziswa vaya vakanga vadanwa kuti vazova vaprofita kana kuti boka revaprofita. Magwaro anoratidza kuti mapoka akadaro evaprofita aiva kunzvimbo dzakadai sekuBheteri, kuJeriko uye kuGirigari. (2Mad 2:3, 5; 4:38; enzanisa na1Sa 10:5, 10.) Samueri aiva mukuru weboka raiva kuRama (1Sa 19:19, 20), uye zvinoita sekuti Erisha aivawo mukuru werimwe boka revaprofita. (2Mad 4:38; 6:1-3; enzanisa na1Mad 18:13.) Nhoroondo yacho inotaura kuti vakavaka nzvimbo yavo yekugara uye vakashandisa mudziyo wakanga wakweretwa, izvo zvinogona kutibatsira kuona kuti vairarama upenyu husina twakawandawanda. Kunyange zvazvo vaigara nekudya pamwe chete, mumwe nemumwe wavo aigona kupiwa basa rake rekunoprofita.—1Mad 20:35-42; 2Mad 4:1, 2, 39; 6:1-7; 9:1, 2.
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
“Ungatevedzera Sei Kuzvininipisa kwaErisha Paunenge Uchiita Basa Dzvene?”
Erisha Akaona Ngoro Dzomoto Unodzionawo Here?
Erisha Anotanga Kushumira Eriya
Rimwe zuva Erisha achirima, muprofita Eriya akasvika paari ndokumukanda nguo yake yebasa. Erisha akaziva zvazvaireva. Akaita mutambo, ndokuonekana nababa naamai vake, ndokuenda kunoshumira Eriya. (1 Madz. 19:16, 19-21) Kuzvipira kwakaita Erisha kushumira Mwari maererano nezvose zvaaikwanisa kwakaita kuti azoshandiswa naJehovha uye akatozopedzisira ava muprofita panzvimbo paEriya.
Erisha akashumira Eriya kwemakore anenge matanhatu. Panguva iyoyo, Erisha ndiye “aidira mvura pamaoko aEriya.” (2 Madz. 3:11) Kare ikako vanhu vaidya nemaoko, pasina zvava kushandiswa nevamwe pakudya zvakadai semaforogo, mapanga nezvimwewo. Kana vanhu vapedza kudya, mushandi aichingidzira tenzi wake mvura kuti ageze maoko. Saka mamwe mabasa aiitwa naErisha akanga akaderera. Kunyange zvakadaro aiona basa raaiita rokushumira Eriya sechikomborero.
Mazuva anowo vaKristu vakawanda vanoita mabasa enguva yakazara akasiyana-siyana. Kutenda kwavo uye chido chavainacho chokushandisa simba ravo rose kushumira Jehovha ndizvo zvinoita kuti vaite mabasa aya. Mamwe emabasa aya anoita kuti vasiye misha yavo kuti vashande paBheteri, vaite basa rekuvaka, nemamwewo mabasa angaonekwa nevakawanda seenhando. Hapana muKristu anofanira kuona basa iroro serisingakoshi kana kuti rinonyadzisa, nekuti Jehovha anorikoshesa zvikuru.—VaH. 6:10.
Erisha Haana Kusiya Basa Rake
Mwari asati ‘akwidza Eriya kumatenga ari mudutu,’ akamutuma kuBheteri achibva kuGirigari. Eriya akakumbira muranda wake kuti asare, asi Erisha akati: “Handisi kuzokusiyai.” Vari munzira, Eriya akakumbirazve Erisha kaviri kuti asare asi haana kumbobvuma. (2 Madz. 2:1-6) Erisha akaramba aina Eriya sezvakaita Rute uyo akaramba aina Naomi. (Rute 1:8, 16, 17) Akaitirei izvi? Nekuti aida chaizvo basa raakanga apiwa naMwari rokushumira Eriya.
Erisha akatisiyira muenzaniso wakazonaka. Kana tikapiwa basa musangano raMwari, tinofanira kurikoshesa zvikuru tichiziva kuti tiri kuriitira Jehovha. Ichocho chikomborero chaicho.—Pis. 65:4; 84:10.
“Kumbira Chandingakuitira”
Vari parwendo rwavo kudaro, Eriya akati kuna Erisha: “Kumbira chandingakuitira ndisati ndabviswa kwauri.” Erisha akakumbira zvinhu zvaiva nechokuita nekunamata sezvakanga zvamboitwa naSoromoni makore akanga adarika. Akakumbira kupiwa ‘zvikamu zviviri zvomudzimu waEriya.’ (1 Madz. 3:5, 9; 2 Madz. 2:9) MuIsraeri, mwanakomana wedangwe ndiye aipiwa zvikamu zvakapetwa kaviri zvenhaka. (Dheut. 21:15-17) Saka Erisha akakumbira kuti azova muprofita panzvimbo paEriya. Zviri pachena kuti Erisha akanga achidawo kuva munhu akashinga sezvainge zvakaita Eriya, uyo “aishingairira kwazvo Jehovha.”—1 Madz. 19:13, 14.
Eriya akapindura achitii pane zvaakakumbirwa nemushandi wake? Akati, “Wakumbira chinhu chakaoma. Kana ukandiona pandichabviswa kwauri, zvichaitika kwauri saizvozvo; asi kana ukasandiona, hazvizoitiki.” (2 Madz. 2:10) Mhinduro yakapiwa naEriya ingangova yaireva zvinhu zviviri. Chokutanga, Mwari chete ndiye aizosarudza kuti opa Erisha zvaainge akumbira here kana kusamupa. Chechipiri, kana Erisha aizopihwa zvaainge akumbira, aifanira kuzoramba aina Eriya kunyange zvinhu zvikaoma.