RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr22 November pp. 1-10
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2022
  • Misoro Midiki
  • NOVEMBER 7-13
  • NOVEMBER 14-20
  • NOVEMBER 21-27
  • SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
  • NOVEMBER 28–DECEMBER 4
  • DECEMBER 5-11
  • DECEMBER 12-18
  • DECEMBER 19-25
  • DECEMBER 26–JANUARY 1
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2022
mwbr22 November pp. 1-10

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

NOVEMBER 7-13

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 5-6

“Vari Kwatiri Vazhinji Kupfuura Vari Kwavari”

lfb 126 ¶2

Uto raJehovha Remoto

VaSiriya vakasvika kuDhotani usiku. Mangwana acho mangwanani, mushandi waErisha akabuda panze akaona kuti guta rakanga rakakombwa nemasoja akawanda eSiriya. Akatya chaizvo uye akabva ashevedzera kuti: ‘Erisha, toita sei?’ Erisha akamuudza kuti: ‘Vari kwatiri vakawanda kupfuura vari kwavari.’ Panguva iyoyo, Jehovha akabva aita kuti mushandi waErisha aone kuti makomo ese aiva pedyo neguta, akanga akazara nemabhiza nengoro dzehondo dzemoto.

w13 8/15 30 ¶2

Erisha Akaona Ngoro Dzomoto Unodzionawo Here?

Pasinei nokuti ainge akombwa nevavengi paDhotani, Erisha akaramba akadzikama. Nei? Nekuti akanga ava nokutenda kwakasimba muna Jehovha. Nesuwo tinoda kutenda kwakadaro. Saka ngatikumbirei mudzimu mutsvene waMwari kuti tikwanise kuratidza kutenda nezvimwe zvinoumba chibereko chomudzimu.—Ruka 11:13; VaG. 5:22, 23.

lfb 126-127 ¶3-4

Uto raJehovha Remoto

Masoja eSiriya paakaedza kubata Erisha, iye akabva anyengetera achiti: ‘Jehovha, ndapota itai kuti vasaone.’ Panguva iyoyo, kunyange zvazvo masoja acho akanga achiona, iwo akatadza kuziva kuti ainge ari kupi. Erisha akaudza masoja acho kuti: ‘Muri muguta risiri iro. Nditeverei, ndichakuendesai kune murume wamuri kutsvaga.’ Vakabva vatevera Erisha vakaenda kuSamariya, uko kwaigara mambo weIsraeri.

Vatosvika kuSamariya, vaSiriya ndipo pavakazoziva kwavaiva. Mambo weIsraeri akabvunza Erisha kuti: ‘Ndivauraye here?’ Ndizvo here kuti Erisha akabva ati dzawira mutswanda? Aiwa. Pane kudaro, Erisha akati: ‘Musavauraya. Vapei zvekudya muvarege vachienda.’ Saka mambo akabva avaitira mabiko makuru akabva avarega vachienda.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 8/1 9 ¶2

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMadzimambo Rechipiri

5:15, 16—Nei Erisha asina kugamuchira chipo chaNaamani? Erisha akaramba chipo chacho nokuti akaziva kuti chishamiso chokuporesa Naamani chakaitwa nesimba raJehovha, kwete rake pachake. Haana kumbova nepfungwa yokuti basa rake raakanga apiwa naMwari riite kuti awane chimwe chinhu. Nhasi vanamati vechokwadi havadi kuti basa raJehovha rivawanise chimwe chinhu. Vanofungisisa zano raJesu rokuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.”—Mateu 10:8.

NOVEMBER 14-20

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 7-8

“Jehovha Akaita Zvaisatarisirwa Nevanhu”

it-1-E 716-717

Erisha

Asi nekufamba kwenguva, Bheni-hadhadhi-hadad II akauya nesimba achibva akomba Samariya. Kukomba kwaakaita kwakaita kuti vagari vemuSamariya vatambure zvisingaiti zvekuti mambo akaudzwa kuti pane mumwe mukadzi akadya mwana wake nemhaka yenzara. Sezvo aiva mwanakomana waAhabhi, uyo aiva mhondi, Mambo Jehoramu akapika kuti aida kuuraya Erisha. Asi haana kuzoita zvaakanga apika. Jehoramu akaenda kumba kwemuprofita Erisha aine mubatsiri wake uye akati akanga asisina tariro yekuti Jehovha aizomubatsira. Erisha akaudza mambo kuti mangwana acho kwaizova nezvekudya zvakawanda. Mubatsiri wamambo akashora zvakanga zvataurwa, saka Erisha akabva amuudza kuti: “Uchazviona nemaziso ako, asi hauzozvidyi.” Jehovha akaita kuti vaSiriya vanzwe kutinhira kunotyisa uye vakabva vafunga kuti iuto guru remadzimambo abatana nevaIsraeri akanga auya kuzovarwisa. Vakabva vatiza vakasiya zvese zvavakanga vainazvo kusanganisira zvekudya. Mambo Jehoramu paakanzwa kuti vaSiriya vakanga vatiza akabva agadza mubatsiri wake uya waaivimba naye kuti ave mutungamiriri pagedhi reSamariya. Asi vanhu pavakanga vachisundidzirana vachida kutora zvekudya zvakanga zvasiyiwa nevaSiriya vakabva vamutsika-tsika pagedhi akabva afa. Akaona zvekudya asi haana kuzvidya.—2Mad 6:24–7:20.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-2-E 195 ¶7

Rambi

Madzimambo Edzinza raDhavhidhi. Jehovha Mwari akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri uye akamubatsira kuti ave mutungamiriri ane uchenjeri. Ndosaka akanzi “rambi raIsraeri.” (2Sa 21:17) Pasungano yeumambo yaakaita naDhavhidhi, Jehovha akamuvimbisa kuti: “Chigaro chako cheumambo chicharamba chakasimba nekusingaperi.” (2Sa 7:11-16) Ndosaka madzimambo akabva kuna Dhavhidhi nekune mwanakomana wake Soromoni, akanga ari “rambi” kuvaIsraeri.”—1Mad 11:36; 15:4; 2Mad 8:19; 2Mak 21:7.

NOVEMBER 21-27

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 9-10

“Akaratidza Ushingi, Haana Kudzokera Shure, Uye Aishingaira”

w11 11/15 3 ¶2

Jehu Aishingairira Kunamata Kwakachena

Jehu akatumwa naJehovha zvinhu pazvainge zvisina kumira zvakanaka murudzi rwaIsraeri. Vanhu vomunyika iyi vakanga vachifurirwa kuita zvakaipa naJezebheri, amai vamambo Jehoramu, vakanga vafirwa nomurume wavo Ahabhi. Jezebheri akasimudzira kunamata Bhaari panzvimbo pokunamata Jehovha, akauraya vaprofita vaMwari uye aikanganisa vanhu ne“ufeve” uye “uroyi” hwake. (2 Madz. 9:22; 1 Madz. 18:4, 13) Jehovha akarayira kuti imba yose yaAhabhi iparadzwe kusanganisira Jehoramu naJezebheri. Jehu ndiye aifanira kutungamirira pakuita basa iri.

w11 11/15 4 ¶2-3

Jehu Aishingairira Kunamata Kwakachena

Paakaramba kutaura zvaainge afambira kune nhume mbiri dzakanga dzatumwa kwaari, Jehu akazosangana naMambo Jehoramu uyo aiva neshamwari yake Ahaziya, mambo waJudha, vari mungoro dzavo. Jehoramu paakabvunza kuti, “Kune rugare here nhai Jehu?” akapindurwa nehasha kuti: “Kungava norugare rwei kana ufeve hwaJezebheri amai vako nouroyi hwavo huzhinji zvichiripo?” Atyiswa nemapindurirwo aakaitwa, Jehoramu akatanga kutiza. Asi naJehu, haana kure kwaakaenda! Jehu akakunga uta, akabvoora Jehoramu nepamwoyo nomuseve, akabva angofira mungoro yake. Ahaziya akakwanisa kutiza asi Jehu akazomutevera akaita kuti aurayiwe.—2 Madz. 9:22-24, 27.

Mambokadzi Jezebheri akaipa ndiye aifanira kutevera kuurayiwa muimba yaAhabhi. Regai Jehu azomuti “akatukwa.” Jehu paakasvika kuJezreeri, akamuona achitarisa pasi nepahwindo remba yamambo. Asingaswerotenderera, Jehu akaudza machinda kuti akande Jezebheri nepahwindo. Akaita kuti mabhiza ake atsike-tsike mharadzi iyi yakafurira Israeri wose. Izvi zvaitika, Jehu akazoparadzazve vamwe vakawanda veimba yakaipa yaAhabhi.—2 Madz. 9:30-34; 10:1-14.

w11 11/15 5 ¶3-4

Jehu Aishingairira Kunamata Kwakachena

Ichokwadi kuti Jehu akateura ropa rakawanda. Asi Magwaro anotaura kuti aiva murume akashinga, akasunungura vaIsraeri kuti vasadzvinyirirwa naJezebheri nemhuri yake. Kuti mutungamiriri upi zvake wevaIsraeri abudirire pakuita izvi, zvaitoda kuti ashinge, asadzokera shure uye ashingaire. Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoti, “Rakanga riri basa rakaoma uye raida kuitwa pasina kudzoka shure. Kuita zvokutamba panyaya iyi kwaisazoita kuti kunamatwa kwaBhaari kupere muIsraeri.”

Ichokwadi kuti mamiriro ezvinhu anotarisana nevaKristu mazuva ano anoda kuti vatevedzere zvimwe zvakaitwa naJehu. Somuenzaniso, tinofanira kuita sei patinoedzwa kuita zvinopesana nezvinodiwa naJehovha? Tinofanira kukurumidza kusarudza, kushinga, uye kutsunga kuzviramba. Kana tichida kuramba tichizvipira kuna Mwari, hatifaniri kushivirira zvinopesana nemirayiro yaJehovha.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w11 11/15 5 ¶6-7

Jehu Aishingairira Kunamata Kwakachena

Jehu anofanira kunge aitenda kuti rudzi rwaIsraeri rwaifanira kunamata zvakasiyana nerudzi rwaJudha kuti rurambe rwakazvimiririra. Saka kuti marudzi aya arambe akaparadzana, Jehu akaedza zvakamboitwa nemamwe madzimambo evaIsraeri kuti vanhu varambe vachinamata mhuru. Asi izvi zvairatidza kuti akanga asingatendi muna Jehovha akanga amuita mambo.

Jehovha akarumbidza Jehu nokuti ‘akaita zvakanaka nokuita zvakarurama pamberi paMwari.’ Kunyange zvakadaro, Jehu “haana kuchenjerera kufamba mumutemo waJehovha Mwari waIsraeri nomwoyo wake wose.” (2 Madz. 10:30, 31) Uchifunga zvose zvakanga zvaitwa naJehu pokutanga, ungashamisika uye ungasiririswa nezvaakazoita. Asi, tine zvatinodzidza pane izvi. Hatingambodi kurerutsa ukama hwedu naJehovha. Kuti tirambe takavimbika kuna Mwari, mazuva ose tinofanira kudzidza Shoko rake, kufungisisa zviri mariri, uye kunyengetera nomwoyo wose kuna Baba vedu vokudenga. Saka, ngatichenjererei kuramba tichifamba mumutemo waJehovha nomwoyo wedu wose.—1 VaK. 10:12.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Tevedzera Kushingaira kwaJehovha naJesu.”

w13 5/15 8-9 ¶3-6

‘Unoshingairira Mabasa Akanaka’ Here?

TEVEDZERA KUSHINGAIRA KWAJEHOVHA NAJESU

Isaya 9:7 inotaura zvichaitwa neutongi hweMwanakomana waMwari ichiti: “Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.” Mashoko iwayo anoratidza kuti Baba vedu vokudenga vanoshingaira chaizvo kuti vanhu vapone. Muenzaniso waJehovha wokushingaira unonyatsoratidza kuti tinofanira kutsigira basa redu ratakapiwa naMwari rokuzivisa Umambo nemwoyo wose, nechido, uye tichishingaira. Chido chedu chakakura chokubatsira vanhu kuti vazive Mwari chinoratidza kushingaira kunoita Jehovha. Saka zvatiri vashandi pamwe naMwari, mumwe nomumwe wedu akatsunga here kunyatsozivisa mashoko akanaka maererano nezvaanokwanisa?—1 VaK. 3:9.

Fungawo nezvekushingaira kwaJesu. Akaratidza muenzaniso wakakwana wokutsungirira uye kushingaira muushumiri. Pasinei nokushorwa zvakanyanya, akaramba achishingairira basa rokuparidza kusvikira paakafa zvinorwadza. (Joh. 18:36, 37) Nguva yokuti abayire upenyu hwake payaiswedera, Jesu akatowedzera kutsunga kubatsira vamwe kuti vasvike pakuziva Jehovha.

Somuenzaniso, gore ra32 C.E. rava kunopera, Jesu akapa mufananidzo womunhu aiva nemuonde waiva mumunda wemizambiringa usina chawakabereka kwemakore matatu. Mutarisiri wemizambiringa paakaudzwa kuti ateme muti wacho, akakumbira nguva yokuti ambouisa mupfudze. (Verenga Ruka 13:6-9.) Panguva iyoyo, vadzidzi vashoma chete ndivo vaigona kunzi ndivo vaiva zvibereko zvebasa raJesu rokuparidza. Asi sezvinoratidzwa mumuenzaniso iwoyo wemutarisiri wemizambiringa, Jesu akashandisa nguva pfupi yainge ichiripo, mwedzi inenge mitanhatu, kuwedzera basa rake rokuparidza muJudhiya nePereya. Mazuva mashoma asati afa, Jesu akachema vanhu verudzi rwake ‘vainzwa asi vasingadavidzi.’—Mat. 13:15; Ruka 19:41.

Sezvo mugumo wava pedyo, hazvikoshi here kuwedzera kushingaira kwatinoita pakuparidza? (Verenga Dhanieri 2:41-45.) Chokwadi, kuva Zvapupu zvaJehovha iropafadzo yakazonaka! Tisu chete panyika tiri kupa vanhu tariro yokugadziriswa kwematambudziko evanhu. Munguva pfupi yapfuura, mumwe mukadzi anobudisa nyaya dzake mupepanhau akataura kuti mubvunzo wokuti, “Nei zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka?” haupinduriki. Ibasa redu sevaKristu uye ropafadzo kuudza vose vanoda kuteerera mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo yakadaro. Tine zvikonzero zvakanaka zvokuti ‘tipise nomudzimu’ patinoita basa redu ratakapiwa naMwari. (VaR. 12:11) Tichikomborerwa naMwari, kushingaira kwedu pabasa rouevhangeri kunogona kubatsira vamwe kuziva uye kuda Jehovha.

NOVEMBER 28–DECEMBER 4

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 11-12

“Mukadzi Akaipa Uye Aida Chinzvimbo Akarangwa”

lfb 128 ¶ 1-2

Kushinga kwaJehoyadha

Jezebheri aiva nemwanasikana ainzi Atariya, uyo aiitawo zvakaipa saamai vake. Atariya ainge akaroorwa namambo weJudha. Murume waAtariya paakafa, mwanakomana wake ndiye akanga ava kutonga. Asi mwanakomana wacho paakafa, Atariya akabva azviita mutongi weJudha. Akaedza kuparadza vana vese veumambo, achiuraya munhu wese aigona kutora chinzvimbo chake, kunyange vazukuru vake chaivo. Vanhu vese vaimutya.

Mupristi mukuru ainzi Jehoyadha nemudzimai wake, Jehoshebha, vaiziva kuti zvaiitwa naAtariya zvakanga zvakaipa chaizvo. Vakaita zvinhu zvaigona kuvaurayisa. Vakaviga mumwe wevazukuru vaAtariya akanga achiri mucheche, ainzi Jehoashi. Vakamurerera patemberi.

lfb 128 ¶ 3-4

Kushinga kwaJehoyadha

Jehoashi paakanga ava nemakore 7, Jehoyadha akaunganidza machinda nevaRevhi akavaudza kuti: ‘Garai pamadhoo etemberi uye musabvumira chero munhu kuti apinde.’ Jehoyadha akabva agadza Jehoashi kuti ave mambo weJudha, achibva aisa korona mumusoro make. Vanhu vemuJudha vakabva vadaidzira kuti: ‘Mambo ngaararame!’

Mambokadzi Atariya akanzwa ruzha rwaiitwa nevanhu akabva amhanya kutemberi. Paakaona mambo wacho mutsva, akadaidzira kuti: ‘Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!’ Machinda acho akabva abata mambokadzi uyu akaipa, ndokuenda naye, achibva amuuraya. Ko zvakaipa zvaiitwa nevaIsraeri nemhaka yaAtariya zvaizogadziriswa sei?

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 11/1 26 ¶2

Zvipo Zvinofadza Mwoyo waMwari

Jehoashi paakazosvika makore manomwe, Mupristi Mukuru Jehoyadha akanga atogadzirira kutanga chirongwa chake chokubvisa mambokadzi akanga abvuta chigaro pachinzvimbo chaainge awana nokubiridzira. Akabudisa mukomana waakanga akaviga akabva amugadza kuva mugari wenhaka youmambo akakodzera. Mambokadzi Atariya akaipa akabva azvuzvurudzirwa kunze kwechivanze chetemberi nevarindi veimba youmambo achibva aurayiwa, izvo zvakazorodza uye kufadza vanhu. Zvakaitwa naJehoyadha naJehoshebha zvakabatsira zvikuru kuti vanhu vatangezve kunamata nenzira yechokwadi munyika yaJudha. Asi zvinotokosha zvikuru, vakabatsira kuita kuti dzinza roumambo raDhavhidhi rirambe riripo, raizosvika kuna Mesiya.—2 Madzimambo 11:4-21.

DECEMBER 5-11

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 13-15

“Tinokomborerwa Chaizvo Kana Tikaita Zvinhu Nemwoyo Wese”

w10 4/15 26 ¶11

Uri Kutevera Kristu Zvizere Here?

Kuti tione kukosha kwokushingaira mubasa raMwari, ngationgororei zvakamboitika muupenyu hwaMambo Jehoashi weIsraeri. Achityira kuti vaIsraeri vaizotsvairwa neSiriya, Jehoashi akaenda kuna Erisha misodzi iri mokoto-mokoto. Akanzi nomuprofita wacho apfure museve nepahwindo kwakadziva kuSiriya, zvichiratidza kukunda kwaaizoita achitsigirwa noruoko rwaJehovha. Zvechokwadi izvi zvinofanira kunge zvakasimbaradza mambo uyu. Erisha akazoudza Jehoashi kuti arove pasi nemiseve yake. Jehoashi akarova katatu. Izvi zvakashatirisa Erisha, nokuti kurova pasi kashanu kana katanhatu kwaizoreva kuti ‘aizokunda Siriya kusvikira aiparadza chose.’ Asi iye zvino Jehoashi aizongokunda katatu asingavaparadzi. Jehoashi haana kunyatsobudirira nokuti haana kuita zvinhu zvake achishingaira. (2 Madz. 13:14-19) Tinowana chidzidzo chei panhoroondo iyi? Jehovha anongotikomborera chete kana tichiita basa rake nomwoyo wose uye tichishingaira.

w13 11/1 11 ¶5-6

“Anopa Mubayiro Vaya Vanomutsvaka Nomwoyo Wose”

Ndivanaani vanopiwa mubayiro naJehovha? Pauro anoti, “Vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” Rimwe duramazwi revashanduri veBhaibheri rinotaura kuti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vanomutsvaka nomwoyo wose,” harirevi “kungotsvaka,” asi rinopa pfungwa yokushanda nesimba kuti “unamate” Mwari. Rimwewo duramazwi rinotsanangura kuti manyorerwo akaitwa shoko rechiito iri rechiGiriki anopa pfungwa yokushanda nesimba uye kuzvipira nomwoyo wose. Zvechokwadi, Jehovha anopa mubayiro avo vane kutenda kunovaita kuti vamunamate vachimuda nomwoyo wose uye vachishingaira.—Mateu 22:37.

Jehovha anopa sei mubayiro vanamati vake vakatendeka? Akavimbisa kuti achavapa mubayiro wakanaka zvikuru woupenyu husingaperi muParadhiso pasi pano, zvichinyatsoratidza kukura kwakaita rudo rwake uye rupo. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kunyange iye zvino, vaya vanotsvaka Jehovha nomwoyo wose vanokomborerwa zvikuru. Vanobatsirwa nemudzimu mutsvene waMwari uye neuchenjeri huri muShoko rake, kuti vave noupenyu hunogutsa.—Pisarema 144:15; Mateu 5:3.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 8/1 11 ¶3

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMadzimambo Rechipiri

13:20, 21—Chishamiso ichi chinotsigira here kuti tinofanira kunamata zvinhu zvaimboshandiswa kare mune zvechitendero? Aiwa, hachitsigiri izvozvo. Bhaibheri hariratidzi kuti mapfupa aErisha akambonamatwa. Simba raMwari ndiro rakaita kuti chishamiso ichi chiitike, sezvakaita zvishamiso zvose zvakaitwa naErisha paakanga achiri mupenyu.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Basa Rinozorodza”

km 8/03 1

Basa Rinozorodza

Shoko reBhaibheri rinozorodza vose vanorigamuchira vorishandisa muupenyu hwavo. (Pis. 19:7, 8) Rinovabatsira kusununguka padzidziso dzenhema nepamiitiro inokuvadza uye rinopa tariro yakavimbika yenguva yemberi. Zvisinei, vaya vanogamuchira mashoko akanaka handivo chete vanobatsirwa. Vaya vanoudza vamwe chokwadi cheBhaibheri chinozorodza ivo pachavo vanozorodzwawo.—Zvir. 11:25.

Kusimbiswa Noushumiri: Jesu akati vaya vanogamuchira joko rokuva mudzidzi wechiKristu, iro rinosanganisira basa rokuparidza nokuita vadzidzi, vaizo“wana zororo remweya” yavo. (Mat. 11:29) Iye pachake akaona kupupurira vamwe kuchisimbisa. Kwaiva kwakaita sezvokudya kwaari. (Joh. 4:34) Paakatuma vadzidzi 70 kunoparidza, vakafara sezvavakaona Jehovha achitsigira basa ravo.—Ruka 10:17.

Nhasi vaKristu vakawanda vanosimbiswawo nokushanda kwavanoita mubasa rokuparidza. Imwe hanzvadzi yakati: “Ushumiri hunozorodza nokuti hunopa upenyu hwangu gwara nechinangwa. Zvinetso zvangu nokunetseka mupfungwa kwezuva nezuva zvinombokanganwika pandinoita basa racho.” Mumwe mushumiri anoshingaira akati: “Ushumiri . . . hunoita kuti Jehovha ave chaiye kwandiri zuva nezuva uye hunondipa rugare nekamwe kamufaro komukati momwoyo kasingagoni kuwanikwa nedzimwe nzira.” Tine ropafadzo yakakura kwazvo yokuva “vashandi pamwe naMwari”!—1 VaK. 3:9.

Joko raKristu Nderomutsa: Kunyange vaKristu vachikurudzirwa ‘kuzvishandisa nesimba,’ Jesu haarayiri zvinopfuura zvatinokwanisa kupa. (Ruka 13:24) Zvechokwadi, anotikoka norudo kuti ‘tipinde mujoko rake pamwe naye.’ (Mat. 11:29, Ref, mashoko omuzasi) Vaya vanorwisana nemamiriro ezvinhu akaoma vangava nechokwadi chokuti basa ravo romwoyo wose, kunyange risina kuwanda, rinonyatsofadza Mwari.—Mako 14:6-8; VaK. 3:23.

Zvinozorodza zvikuru kushumira Mwari anokoshesa zvose zvatinoita nokuda kwezita rake! (VaH. 6:10) Nguva dzose ngatiedzei kumupa zvakanakisisa zvedu.

DECEMBER 12-18

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 16-17

“Mwoyo Murefu waJehovha Une Paunogumira”

w05 11/15 29 ¶16

“Nzira dzaJehovha Dzakarurama”

Samariya raiva guta guru roumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi. Zvisinei, pano zita rokuti Samariya ringareva nharaunda yose youmambo ihwohwo. (1 Madzimambo 21:1) Mambo Sharimaneseri V wokuAsiriya akakomba guta reSamariya muna 742 B.C.E. Pakazoparadzwa Samariya muna 740 B.C.E., vanhu vakawanda vaigara mariri vaiva vakakurumbira vakatapwa vachiendeswa kuMesopotamiya neMedhiya. Hapana anonyatsoziva kuti Samariya rakatapwa naSharimaneseri V here kana kuti nomutsivi wake Sagoni II. (2 Madzimambo 17:1-6, 22, 23; 18:9-12) Kunyange zvakadaro, zvinyorwa zvaSagoni zvinotaura nezvevaIsraeri 27 290 vakadzingwa munyika yacho vakaendeswa kunzvimbo dziri kuYufratesi Yokumusoro uye kuMedhiya.

w12 4/1 10 ¶2

“Tinokumbirawo Kudzoka Kumba”

Chimbofunga mamiriro akanga akaita zvinhu Jeremiya paakanyora mashoko iwayo. Muna 740 B.C.E., pachine makumi emakore Jeremiya asati aberekwa, Jehovha akarega madzinza gumi eumambo hwaIsraeri achitapwa nevaAsiriya. Mwari akavarega vachiwirwa nedambudziko iri nokuti vakanga vaita zvivi zvakakomba, vasingadi kuteerera nyevero yaigara ichipiwa nevaprofita vake. (2 Madzimambo 17:5-18) Kutambura kwavakaita pavainge vakatapwa, vasisina ukama hwakanaka naMwari uye vari kure nokumusha kwavo, kwakaita kuti vachinje mafungiro avo here? Jehovha akabva avakanganwa zvachose here? Aizovakanganwira oita kuti vadzoke kunyika yavo uye vave noukama naye here?

w01 11/1 10 ¶10

Jehovha ndiMwari Ane Mwoyo Murefu

Zvisinei, zvakaitika kare zvinoratidza kuti mwoyo murefu waMwari une paunogumira. Muna 740 B.C.E., akabvumira vaAsiriya kupidigura umambo hweIsraeri hwemadzinza gumi ndokuisa vagari vemo muusungwa. (2 Madzimambo 17:5, 6) Uye pakupera kwezana remakore rakatevera racho, akabvumira vaBhabhironi kupinda muumambo hweJudha hwemadzinza maviri ndokuparadza Jerusarema netemberi yaro.—2 Makoronike 36:16-19.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

jy chits. 19 p. 50; Bhokisi

VASAMARIYA VAKABVA NEKUPI?

Nzvimbo yainzi Samariya yaiva pakati peJudhiya neGarireya, Judhiya iri kumaodzanyemba, Garireya iri kuchamhembe. Pashure perufu rwaMambo Soromoni, madzinza gumi ekuchamhembe aIsraeri akaparadzana nemadzinza aJudha naBhenjamini.

Vanhu vemadzinza gumi aya vakapedzisira vava kunamata mhuru. Saka muna 740 B.C.E., Jehovha akabvumira kuti vaAsiriya vapinde muSamariya nechisimba. Vakatora vanhu vakawanda vemunzvimbo iyi vakaenda navo, ndokuvatsiva nevanhu vavakatora munzvimbo dzakasiyana-siyana dzaitongwa neAsiriya. Vanhu ava, avo vainamata vanamwari vekune dzimwe nyika, vakaroorana nevaIsraeri vakanga vasara. Nekufamba kwenguva, vanhu vemunzvimbo iyi vakatanga kunamata vachiita zvimwe zvinhu zvaitaurwa muMutemo waMwari, zvakadai sekuchecheudzwa kana kuti kudzingiswa. Kunyange zvakadaro manamatiro avo akanga asiri echokwadi.—2 Madzimambo 17:9-33; Isaya 9:9.

Mumazuva aJesu, vaSamariya vaitenda zvakanyorwa mumabhuku aMosesi asi vaisanamatira mutemberi yekuJerusarema. Vakaita makore vachinamatira patemberi yaiva paGomo reGerizimu, iyo yaiva pedyo neSikari, uye pakaparadzwa temberi iyi vakaramba vachinamatira pagomo iroro. Ruvengo rwaiva pakati pevaSamariya nevaJudha rwainyatsooneka mumazuva aJesu.—Johani 8:48.

DECEMBER 19-25

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 18-19

“Zvii Zvinoitwa Nevanotipikisa Vachida Kutipedza Simba?”

w05 8/1 11 ¶5

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMadzimambo Rechipiri

18:19-21, 25—Hezekiya akanga abatana neIjipiti here? Aiwa. Zvaaipomerwa naRabhisheki dzaiva nhema, kungofanana nezvaaitaura kuti aiuya ‘abvumirwa naJehovha.’ Mambo Hezekiya akatendeka aivimba naJehovha bedzi.

w10 7/15 13 ¶3

“Usatya. Ini Ndichakubatsira”

Rabhisheki akanyepera kunge munhu akanaka achida kuti vanhu vasave nechokwadi. Akati: “Haasi iye [Jehovha] ane nzvimbo dzakakwirira uye ane atari dzakabviswa naHezekiya here? Jehovha akati kwandiri, ‘Enda unorwisa nyika iyi, uiparadze.’” (2 Madz. 18:22, 25) Apa Rabhisheki aiti Jehovha aisazomborwira vanhu vake nokuti ainge asina kufadzwa navo. Asi ainyepa. Jehovha ainge afadzwa naHezekiya uye nevaJudha vainge vadzorera kunamata kwakachena.—2 Madz. 18:3-7.

w13 11/15 19 ¶14

Vafudzi Vanomwe Nemachinda Masere Ndivanaani Mazuva Ano?

Mambo weAsiriya akadzika musasa kuRakishi iri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweJerusarema. Ari ikoko, akatuma nhume nhatu achirayira kuti vagari vomuJerusarema vazviise mumaoko ake. Mutauriri wake uyo aiva nezita rebasa rokuti Rabhisheki, akashandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti aite kuti vanhu vazviise mumaoko evaAsiriya. Achitaura nechiHebheru, akakurudzira vanhu kuti vapandukire mambo uye kuti vazviise mumaoko evaAsiriya, achivavimbisa zvenhema kuti aizovaendesa kunyika yavaizova neupenyu hwakanaka. (Verenga 2 Madzimambo 18:31, 32.) Rabhisheki akabva ataura kuti sezvo vanamwari vemamwe marudzi vainge vatadza kuadzivirira, Jehovha aizotadzawo kununura vaJudha pakurwiswa nevaAsiriya. VaJudha vakaratidza kuchenjera nokusaedza kupindura nhema idzodzo, uye izvozvo ndizvo zvinowanzoitwawo nevashumiri vaJehovha mazuva ano.—Verenga 2 Madzimambo 18:35, 36.

yb74-E 177 ¶1

Chikamu 2—Germany

Mapurisa epachivande eSS aiwanzoshandisa unyengeri kuita kuti munhu asaine kuti asiyana nesangano raakanga akabatana naro. Asi vaiti kana vadaro vodzoka kumunhu uya votanga kumushungurudza kupfuura zvavaimbomuita pakutanga. Karl Kirscht akati: “Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvainyanya kuitirwa unyengeri uhwu mumisasa yevasungwa. Vaifunga kuti ndizvo zvaizoita kuti Zvapupu zvisaine. Vairamba vachitinyengerera kuti tisaine. Vamwe vaisaina, asi kakawanda kacho vaizomirira kwerinopfuura gore kuti vasunungurwe. Panguva yavaiva vakamirira kusunungurwa, vaiwanzotukwa nemapurisa eSS vachinzi vaiva vanyengeri uye makwara. Pavanenge vava kusunungurwa vaimanikidzwa kumira pamberi pevamwe vavainamata navo.”

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-1-E 155 ¶4

Kuongorora Zvinhu Zvakaitika Kare

Semuenzaniso, Bhaibheri rinoti Mambo Saniheribhi weAsiriya akaurayiwa nevanakomana vake vaviri Adramereki naSharezeri uye mumwe mwana wake ainzi Esari-hadhoni akabva ava mambo panzvimbo yake. (2Mad 19:36, 37) Asi chimwe chinyorwa chekuBhabhironi chinoti musi wa20 mumwedzi waTebheti, Saniheribhi akapandukirwa achibva aurayiwa nemwanakomana wake. Vese vari vaviri Berossus, mupristi wekuBhabhironi akararama makore anenge 2 300 adarikanaNabonidus, mambo weBhabhironi akararama makore anenge 2 600 adarika vakanyora kuti Saniheribhi akaurayiwa nemumwe wevanakomana vake. Asi mumakore achangopfuura pane chinyorwa chinotaura nezvemwana waSaniheribhi anonzi Esari-hadhoni uyo akazotonga pashure pekunge baba vake vafa. Chinoti vanamukoma vake vakapandukira baba vake vachibva vavauraya ivo ndokubva vatiza. Mubhuku rake rinonzi Universal Jewish History 1948, Vol. I, peji 27 Philip Biberfeld, anoti: “Chinyorwa chinonzi Babylonian Chronicle uye zvakataurwa naBerossus handizvo; zvinotaurwa muBhaibheri chete ndizvo zvechokwadi. Chinyorwa chaEsari-hadhoni chinoratidza kuti mashoko ese akataurwa muBhaibheri nezvenyaya iyi yeumambo hweBhaibhironi neAsiriya ndeyechokwadi kupfuura mataurirwo azvinoitwa nezvinyorwa zvevaBhabhironi pachavo. Izvi zvinoratidza kuti zvakakosha kunyatsoongorora zvinyorwa zvakasiyana-siyana, kunyange zvakanyorwa panguva imwe chete, kana zvisingaenderani nezvinotaurwa muBhaibheri.”

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Zvii Zvaungataura Paunenge Uchinyengeterera Vari Kutambudzwa?”

w20.11 15 ¶14

Shinga—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako

Zvii zvatingaita? Tinogona kunyengeterera madzimambo nevaya vese vane zvinzvimbo zvepamusoro pavanoita zvisarudzo zvinobatabata upenyu hwedu hwechiKristu uye ushumiri hwedu. (1 Tim. 2:1,2; Neh. 1:11) Sezvakaitwa nevaKristu vekutanga, isuwo tinogona kunyengetera zvikuru kuna Mwari kuti abatsire hama nehanzvadzi dzedu dziri mumajeri. (Verenga Mabasa 12:5; VaH. 13:3) Tinogonawo kunyengeterera magadhijeri anochengetedza hama nehanzvadzi dzedu. Tinogona kukumbira Jehovha kuti achinje mafungiro evanhu ava kuitira kuti vabate zvakanaka hama nehanzvadzi dzedu dziri mumajeri sezvakaitwa naJuriyasi.—Mab. 27:3.

DECEMBER 26–JANUARY 1

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MADZIMAMBO 20-21

“Munyengetero Wakaita Kuti Jehovha Achinje Pfungwa”

ip-1 394 ¶23

Kutenda kwaMambo Kunopiwa Mubayiro

Inenge nguva iyo Seniheribhi anotanga kuuya kuzorwa nenyika yeJudha, Hezekiya anorwara zvakaipisisa. Isaya anomuudza kuti achafa. (Isaya 38:1) Mambo ane makore 39 zvinomupedza simba. Anoshushikana kwete nokuti zvingomunakira iye bedzi asiwo nenguva yemberi yevanhu. Jerusarema nenyika yeJudha zviri mungozi yokupindirwa neAsiria nechisimba. Kana Hezekiya akafa, ndiani achatungamirira pakurwa kwacho? Panguva iyoyo, Hezekiya haana mwanakomana wokuti apfuudzire kutonga. Mumunyengetero wemwoyo wose Hezekiya anoteterera Jehovha kuti amunzwire tsitsi.—Isaya 38:2, 3.

w17.03 21 ¶16

Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana!

Hezekiya akazorwara zvekusvika pakuda kufa. Akateterera Jehovha kuti ayeuke kufamba kwaakanga aita pamberi pake. (Verenga 2 Madzimambo 20:1-3.) Magwaro anotiratidza kuti mazuva ano hatingatarisiri kuti Mwari aite zvishamiso zvekutirapa kana kuwedzera makore edu. Asi kungofanana naHezekiya, mumwe nemumwe wedu anogona kunyengetera kuna Jehovha achiti: ‘Ndakafamba pamberi penyu muchokwadi uye nomwoyo wakakwana.’ Unotenda here kuti Jehovha anokwanisa uye anoda kukubatsira kunyange paunorwara?—Pis. 41:3.

g01 8/8 23 ¶4

Munyengetero Ungandibatsira Sei?

Munguva inotaurwa muBhaibheri vamwe varume vokutenda vakapindurwa minyengetero yavo zvakananga—kunyange nenzira inoshamisa. Somuenzaniso, Mambo Hezekiya paakaziva kuti akanga orwara zvokuda kufa, akanyengetera kuna Mwari kuti amununure. Mwari akapindura kuti: “Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira ndichakuporesa.” (2 Madzimambo 20:1-6) Saizvozvowo vamwe varume nevakadzi vaitya Mwari vakaona kupindira kwaMwari.—1 Samueri 1:1-20; Dhanieri 10:2-12; Mabasa 4:24-31; 10:1-7.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-2-E 240 ¶1

Tambo Yekururamisa

Tambo yekururamisa inogona kushandiswa kuona kuti chivakwa chiri kubuda zvakanaka here kana kuti kuona kuti chakasimba here. Jehovha akagara ataura kuti: “Ndichatambanudzira Jerusarema tambo yekuyeresa yakashandisirwa Samariya uye ndichashandisa tambo yekururamisa yakashandisirwa imba yaAhabhi.” Mwari akanga ayera Samariya neimba yaMambo Ahabhi akaona kuti yakanga yakaipa kana kuti yakanga isina kutwasuka, zvekuti yaifanira kuparadzwa. Saizvozvowo, Mwari aizotonga Jerusarema nevatongi varo, ofumura kuipa kwavakanga vaita uye oparadza guta racho. Izvi zvakazoitika muna 607 B.C.E. (2Mad 21:10-13; 10:11) Mwari akashandisa muprofita Isaya kuudza vanhu vaizvikudza pamwe chete nevatungamiriri vemuJerusarema nezvedambudziko raizounzwa naJehovha. Isaya akati: “Ndichaita kuti kururama kuve tambo yekuyeresa uye kuti kuve tambo yekururamisa.” Mitemo yakarurama yaizobudisa pachena kuti ndivanaani vakanga vari vashumiri vaMwari vechokwadi uyewo vakanga vasiri. Vashumiri vechokwadi vaMwari vaizochengetedzwa asi venhema vaizoparadzwa.—Isa 28:14-19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe