RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 15 p. 18
  • Ratidza Kuti Une Chokwadi Nezvauri Kutaura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kuti Une Chokwadi Nezvauri Kutaura
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Ataurwa Nechivimbo
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kutaura Nechido
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 15 p. 18

CHIDZIDZO 15

Ratidza Kuti Une Chokwadi Nezvauri Kutaura

Rugwaro

1 VaTesaronika 1:5

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ratidza kuti unotenda zvakasimba kuti zvauri kutaura ndezvechokwadi uye zvinokosha.

MAITIRWO AZVO:

  • Nyatsogadzirira. Dzidza nyaya yako kusvikira wava kunzwisisa pfungwa huru uye wava kunzwisisa kuti Magwaro anoratidza sei kuti ndedzechokwadi. Edza kutaura pfungwa dzacho huru nemashoko mashoma uye ari nyore. Nyanya kufunga nezvekuti dzichabatsira sei vateereri vako. Nyengeterera mweya mutsvene.

    Zano

    Dzidzira uchitaura mashoko acho zvinonzwika kuti apinde mupfungwa dzako uye kuti uvandudze matauriro auchaita.

  • Shandisa mashoko anoratidza kuti une chokwadi nezvauri kutaura. Pane kungodzokorora mashoko akanyorwa sezvaari, shandisa mashoko ako. Mashoko aunoshandisa anofanira kuratidza kuti une chokwadi nezvauri kutaura.

  • Taura uchiratidza kuti uri kurevesa uye uri pachokwadi. Taura nenzwi rinonyatsonzwika. Kana zvisina kuipa munharaunda yenyu, ramba uchitarisana nevateereri.

    Zano

    Kuva nechokwadi nezvauri kutaura hakurevi kuti unongotaura usingafungi, kana kutaura sekunge kuti ndiwe chete wakarurama, kana kumanikidza vanhu kuti vaite zvauri kutaura. Matauriro ako anofanira kuratidza kuti une rudo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe