RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr23 September pp. 2-16
  • Mabhuku Achashandiswa “paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa “paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu”
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2023
  • Misoro Midiki
  • SEPTEMBER 4-10
  • SEPTEMBER 11-17
  • SEPTEMBER 18-24
  • SEPTEMBER 25–OCTOBER 1
  • OCTOBER 2-8
  • OCTOBER 9-15
  • OCTOBER 16-22
  • OCTOBER 23-29
  • OCTOBER 30–NOVEMBER 5
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2023
mwbr23 September pp. 2-16

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

© 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania

SEPTEMBER 4-10

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ESTERI 1-2

“Edza Kuva Nemwero saEsteri”

w17.01 25 ¶11

Unogona Kuramba Uine Mwero Paunoedzwa

11 Kunyanya kurumbidzwa kunogona kutiisa pamuedzo wekusava nemwero. Funga zvakanaka zvakaitwa naEsteri zvinhu pazvakangoerekana zvachinja. Aiva tsvarakadenga uye akaita gore achizorwa mafuta anodhura kuti awedzere kutsvinda. Zuva nezuva aiwadzana nevasikana vakawanda vaibva munzvimbo dzese dzaitongwa nePezhiya, avo vaikwikwidzana kuti vadiwe namambo. Asi akaramba aine ruremekedzo uye akadzikama. Haana kubva atanga kudada nerunako rwake kunyange paakasarudzwa namambo kuti ave mambokadzi wake.—Est. 2:9, 12, 15, 17.

ia 130 ¶15

Akadzivirira Vanhu vaMwari

15 Pakasvika nguva yokuti Esteri aendeswe kuna mambo, akapiwa rusununguko rwokuti asarudze chero zvinhu zvaaifunga kuti angada, pamwe kuti awedzere kuzvitsvindisa. Zvisinei, achiratidza kuva nemwero, haana kukumbira chimwe chinhu kunze kwezvaakanga audzwa naHegai. (Est. 2:15) Zvichida akaziva kuti runako rwoga rwaisazoita kuti atore mwoyo wamambo; kuva nemwero uye kuzvininipisa kwaizova kunokosha zvikuru muimba iyoyo. Ainge akarurama here?

w17.01 25 ¶12

Unogona Kuramba Uine Mwero Paunoedzwa

12 Kuva nemwero kunotibatsira kuti tipfeke, tiratidzike uye tizvibate zvine mutsigo. Tinofarirwa nevanhu kana tiri vanhu vakadzikama uye vanyoro kwete kana tichizvikudza kana kuita zvinhu zvekuda kuonekwa. (Verenga 1 Petro 3:3, 4; Jer. 9:23, 24) Zvatinotaura uye zvatinoita zvinobudisa pachena kuti tinozvikudza here kana kuti kwete. Semuenzaniso, tingataura tichiratidza kuti tine ropafadzo dzatiinadzo, kuti tinoziva zvinhu zvisingazivikanwi nevamwe kana kuti tinozivana nehama dziri kutungamirira. Kana kuti tingatsanangura zvinhu nenzira inoita kuti isu chete tirumbidzwe pamusoro pezvinhu zvatakaita pamwe chete nevamwe. Tinogona kutevedzera zvakare muenzaniso wakanaka waJesu. Aiwanzotaura zvinhu zviri muMagwaro echiHebheru. Aitaura saizvozvo kuti vanhu vaimuteerera vazive kuti zvaaitaura zvaibva kuna Jehovha kwete mupfungwa dzake kana pauchenjeri hwake.—Joh. 8:28.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w22.11 31 ¶3-6

Waizviziva Here?

Vatsvakurudzi vakawana chinyorwa chekuPezhiya chaitaura nezvemurume anonzi Marduka (muchiShona Modhekai). Aishanda mumuzinda wamambo, muShushani, zvichida achiona nezveakaunzi. Panguva yakawanikwa chinyorwa ichi, Arthur Ungnad, uyo aiva nyanzvi yezvakaitika kare munzvimbo iyoyo, akanyora kuti ichi “ndicho chega chinyorwa chisiri Bhaibheri chinotaura nezvaModhekai.”

Kubvira pakataura Ungnad mashoko ake, zvimwe zvinyorwa zvakawanda zvekuPezhiya zvakashandurwa. Zvinyorwa izvi zvaisanganisira mahwendefa ekuPersepolis, ayo akawanikwa munzvimbo yaichengeterwa zvinhu pedyo nemasvingo eguta racho. Mahwendefa aya ndeemakore aitonga Xerxes I. Akanyorwa mumutauro wechiEramu uye ane mazita akawanda ari mubhuku raEsteri.

Mumahwendefa akawanda akawanika muPersepolis maiva nezita rekuti Marduka, uyo aishanda semunyori mumuzinda wamambo kuShushani panguva yaitonga Xerxes I. Rimwe hwendefa racho rinotaura nezvaMarduka richiti aiva mushanduri. Izvi zvinoenderana nekutsanangurwa kunoitwa Modhekai muBhaibheri. Aishanda mumuzinda waMambo Ahashivheroshi (Xerxes I) uye aitaura mitauro miviri kana kupfuura. Modhekai aiwanzogara pagedhi ramambo mumuzinda wamambo, muShushani. (Est. 2:19, 21; 3:3) Gedhi iri raiva chivakwa chihombe uye ndimo maishandira vakuru vemumuzinda wamambo.

Pane zvinhu zvakawanda zvakafanana pakati paMarduka anotaurwa mumahwendefa aya naModhekai anotaurwa muBhaibheri. Vakararama panguva imwe chete, panzvimbo imwe, uye vakashanda panzvimbo imwe chete vachiita mabasa epamusoro. Zvese izvi zvinoita sezvinoratidza kuti Marduka naModhekai munhu mumwe chete.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Kubatsirwa naJesu Uye Nengirozi”

w20.11 13-14 ¶3-7

Shinga—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako

3 Pauro aida kubatsirwa. Munenge muna 56 C.E., mhomho yevanhu yakamuzvuzvurudzira kunze kwetemberi muJerusarema ichida kumuuraya. Mangwana acho, paakaendeswa pamberi peSanihedrini, vavengi vake vakapotsa vamuita kanyama-kanyama. (Mab. 21:30-32; 22:30; 23:6-10) Panguva iyoyo Pauro anogona kunge akanetseka kuti aizokwanisa kuramba achitsungirira zvaaiitirwa kusvika riini.

4 Pauro akabatsirwa sei? Paakasungwa, “Ishe” Jesu akazomira pedyo naye usiku hwacho akati: “Usatya! Nekuti unofanirawo kupa uchapupu hwakasimba nezvangu kuRoma sezvawanga uchiita muJerusarema.” (Mab. 23:11) Mashoko iwayo akakurudzira Pauro chaizvo! Jesu akarumbidza Pauro nekuda kweuchapupu hwaakanga apa muJerusarema. Uye akavimbisa kuti Pauro aizosvika zvakanaka kuRoma kwaaizopa humwe uchapupu. Vimbiso iyoyo inofanira kunge yakaita kuti Pauro anzwe akachengeteka semwana akatakurwa nababa vake.

5 Pauro akasangana nemamwe matambudziko api? Pashure pemakore anenge maviri kubva paakatambudzwa muJerusarema, akakwira ngarava yaienda kuItari, iyo yakarohwa nemhepo ine simba zvekuti vanhu vese vaivamo vakafunga kuti vaizofa. Asi Pauro akanga asingatyi. Nei aisatya? Akaudza vanhu vaiva mungarava yacho kuti: “Usiku huno ngirozi yaMwari wangu wandinoitira basa dzvene yamira pedyo neni, ikati, ‘Pauro, usatya. Unofanira kumira pamberi paKesari, uye Mwari achakuponesera vese vauri kufamba navo mungarava.’” Jehovha akanga ashandisa ngirozi kuti adzokorore vimbiso yaakanga ambopa Pauro achishandisa Jesu. Uye Pauro akasvika kuRoma sezvakanga zvavimbiswa naJehovha.—Mab. 27:20-25; 28:16.

6 Isu tinobatsirwa sei? Jesu achatitsigira sezvaakaita Pauro. Semuenzaniso, Jesu anovimbisa vateveri vake vese kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:20) Mashoko aJesu anotisimbisa. Nei tichidaro? Nekuti zvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu zvakaoma kutsungirira. Semuenzaniso patinofirwa, tinogona kurwadziwa kwemakore akawanda. Vamwe vanofanira kutsungirira matambudziko anokonzerwa nekukwegura. Vamwewo vanofanira kutsungirira mazuva avanenge vakaora mwoyo. Kunyange zvakadaro, tinowana simba rekutsungirira nekuti tinoziva kuti Jesu anesu “mazuva ese,” kusanganisira aya atinenge takaremerwa nematambudziko.—Mat. 11:28-30.

7 Shoko raMwari rinotiudza kuti Jehovha anotibatsira achishandisa ngirozi dzake. (VaH. 1:7, 14) Semuenzaniso, ngirozi dzinotitsigira uye dzinotitungamirira patinenge tichiita basa rekuparidza “mashoko akanaka eUmambo” kuvanhu ‘vemarudzi ese nemadzinza nendimi.’—Mat. 24:13, 14; verenga Zvakazarurwa 14:6.

SEPTEMBER 11-17

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ESTERI 3-5

“Batsira Vamwe Kuti Vaite Zvese Zvavanokwanisa”

it-2-E 431 ¶7

Modhekai

Anoramba Kupfugamira Hamani. Izvi zvichangobva kuitika, Hamani muAgagi akapiwa chigaro chepamusorosoro naAhashivheroshi. Ahashivheroshi akabva arayira kuti vanhu vese vaiva pagedhi ramambo vakotame pamberi paHamani vachimuremekedza nemhaka yechinzvimbo chake chaanga achangopiwa. Modhekai akaramba kuita izvozvo uye akataura kuti chikonzero chacho chaiva chekuti aiva muJudha. (Es 3:1-4) Chikonzero ichocho chakapiwa naModhekai chinoratidza kuti nyaya yacho yaibata-bata ushamwari hwake naJehovha Mwari semuJudha akazvipira kwaari. Modhekai akaona kuti nyaya yekukotama pamberi paHamani yaisangova nyaya yekumupa rukudzo rwaakakodzera semunhu anoremekedzwa, sezvakanga zvamboitwa nevaIsraeri kare. (2Sa 14:4; 18:28; 1Mad 1:16) Modhekai aiva nechikonzero chakanaka chekuramba kumukotamira. Hamani anofanira kunge aiva muAmareki uye Jehovha akanga ataura kuti aizorwa naAmareki “kwezvizvarwa nezvizvarwa.” (Eks 17:16; ona HAMANI.) Kuna Modhekai, iyi yaisava nyaya yezvematongerwo enyika asi yaiva nyaya yaibata-bata kuperera kwake kuna Mwari.

it-2-E 431 ¶9

Modhekai

Akashandiswa Kununura vaIsraeri. Pakapiwa murayiro wekuparadza vaJudha vese vaiva muumambo hwacho, Modhekai akataura kuti Esteri akanga awana chinzvimbo chekuva mambokadzi kuitira kuti anunure vaJudha. Akabatsira Esteri kuona kuti akanga aine mutoro wakakura uye akamurayira kuti aende kuna mambo kunokumbira kunzwirwa nyasha. Kunyange zvazvo izvi zvaiisa upenyu hwake pangozi, Esteri akabvuma kuita zvaakanga audzwa.—Es 4:7–5:2.

ia 133 ¶22-23

Akadzivirira Vanhu vaMwari

22 Esteri anofanira kunge akanetseka zvikuru paakanzwa mashoko iwayo. Uyu waiva muedzo wake mukurusa wokutenda. Aitya, sezvaakaratidza pachena mumhinduro yaakapa Modhekai. Akayeuchidza Modhekai nezvemutemo wamambo. Munhu aienda kunoona mambo asina kushevedzwa aitongerwa rufu. Munhu wacho airega kuurayiwa kana chete mambo amutambanudzira tsvimbo yake yendarama. Uye Esteri aiva nechikonzero chero chipi zvacho here chokutarisira kunzwirwa ngoni dzakadaro, kunyanya tichifunga zvakaitika kuna Vhashti paakanga aramba kuita zvainge zvarayirwa namambo kuti auye? Esteri akaudza Modhekai kuti akanga ava nemazuva 30 asati ashevedzwa kuti aone mambo! Sezvo akanga ava nenguva refu kudaro asina kushevedzwa, akanetseka zvikuru kana mambo akanga achinja pfungwa dzake uye asisamufariri.—Est. 4:9-11.

23 Modhekai akapindura zvakasimba kuti asimbise kutenda kwaEsteri. Akaita kuti Esteri azive kuti kana aizotadza kumira-mira, ruponeso rwevaJudha rwaizobva kumwe. Asi aizotarisira sei kuponeswa kana kutambudzwa kwacho kwava kunyatsotsviriridza? Pano Modhekai akaratidza kutenda kwake kwakasimba muna Jehovha, uyo aisazomborega vanhu vake vachitsakatiswa uye zvipikirwa zvake zvisingazadziswi. (Josh. 23:14) Modhekai akabva abvunza Esteri kuti: “Ndiani anoziva kana wakava vahosi nokuda kwenguva yakaita seino?” (Est. 4:12-14) Hazvina kukodzera kuti titevedzere Modhekai here? Aivimba zvakazara naMwari wake, Jehovha. Ndizvo zvatinoitawo here?—Zvir. 3:5, 6.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

kr 160 ¶14

Kurwira Rusununguko Rwokunamata

14 Kufanana nezvakaitwa naEsteri naModhekai, vanhu vaJehovha nhasi vanorwira rusununguko rwokumunamata nenzira yaanoda. (Est. 4:13-16) Pane zvaunogonawo kuita here? Hongu. Unogona kugara uchinyengeterera hama dzako nehanzvadzi dziri kutambura nemhaka yokushandisirwa mutemo zvisina kururama. Minyengetero yakadaro ine simba rokubatsira hama dzedu nehanzvadzi dziri kuomerwa nezvinhu uye dziri kutambudzwa. (Verenga Jakobho 5:16.) Jehovha anopindura minyengetero yakadaro here? Kukunda kwatinoita mumatare kunoratidza kuti zvechokwadi anoipindura!—VaH. 13:18, 19.

SEPTEMBER 18-24

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ESTERI 6-8

“Muenzaniso Pakutaura Zvakanaka”

ia 140 ¶15-16

Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira

15 Nemhaka yokuti Esteri aiva nemwoyo murefu, paaimirira rimwezve zuva kuti ataure chikumbiro chake kuna mambo, Hamani akapiwa nguva yokuronga zvinhu zvaizoita kuti anyadziswe. Uye hakungavi here kuti Jehovha Mwari ndiye akanga aita kuti mambo atadze kurara? (Zvir. 21:1) Ndokusaka Shoko raMwari richitikurudzira kuti ‘timirire’! (Verenga Mika 7:7.) Patinomirira Mwari, tingaona kuti magadzirisiro aanoita matambudziko edu anopfuura nokure chero zvatingave takaronga.

Akataura Neushingi

16 Esteri haana kudazve kuita kuti mambo arambe akamirira; pamabiko ake echipiri, aitofanira kumuudza zvose. Asi aizomuudza sei? Zvakazoitika ndezvokuti mambo akamupa mukana, achimubvunzazve chaaikumbira. (Est. 7:2) ‘Nguva yokuti Esteri ataure’ yakanga yakwana.

ia 140 ¶17

Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira

17 Tingafungidzira Esteri achinyengetera chinyararire kuna Mwari wake asati ataura mashoko aya: “Kana mandinzwira nyasha, haiwa mambo, uye kana zvakanaka kuna mambo, regai ndipiwe mweya wangu pane zvandinoteterera nevanhu vangu pane zvandinokumbira.” (Est. 7:3) Ona kuti Esteri akaita kuti mambo ave nechokwadi chokuti iye airemekedza zvinhu zvaionekwa sezvakanaka namambo. Esteri akanga akasiyana chaizvo naVhashti, aimbova mudzimai wamambo, uyo akanga anyadzisa murume wake nemaune! (Est. 1:10-12) Uyezve, Esteri haana kutsoropodza ufuza hwamambo hwokuvimba naHamani. Panzvimbo pezvo, akateterera mambo kuti iye adzivirirwe pangozi yaigona kumuuraya.

ia 141 ¶18-19

Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira

18 Zvechokwadi chikumbiro ichocho chakavhundutsa mambo uye chakamubata-bata. Ndiani aizoshinga kuita kuti mambokadzi wake ave pangozi? Esteri akaenderera achiti: “Tatengeswa, ini nevanhu vangu, kuti titsakatiswe, tiurayiwe uye tiparadzwe. Zvino kudai tanga tangotengeswa kuti tive hedu varandarume uye tive hedu vashandikadzi, ndingadai ndaramba ndakanyarara. Asi kutambudzika kwacho hakuna kukodzera kana kuchikuvadza mambo.” (Est. 7:4) Ona kuti Esteri akanyatsobudisa dambudziko racho pachena, asi akawedzera kuti aizoramba akanyarara nezvazvo kudai kuri kuti vakanzi vaizongova varanda. Kunyange zvakadaro, uku kuparadzwa kworudzi kwaizoipira mambo zvikuru zvokuti Esteri aisakwanisa kuramba akanyarara.

19 Muenzaniso waEsteri unotidzidzisa zvakawanda nezvounyanzvi hwokunyengetedza. Kana uchida kuudza mumwe munhu waunoda kana kuti kunyange munhu ane masimba nezvedambudziko rakakura, zvingabatsira chaizvo kana ukava nemwoyo murefu, ukava noruremekedzo uye ukataura zvinhu sezvazviri.—Zvir. 16:21, 23.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w06 3/1 11 ¶1

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEsteri

7:4—Kutsakatiswa kwevaJudha kwaizo“kuvadza mambo” sei? Achitaura nounyanzvi nezvokutengeswa sevaranda kwaigona kuitwa vaJudha, Esteri akataura kukuvadzwa kwaizoitwa mambo nokuparadzwa kwevaJudha. Zvidimbu 10 000 zvesirivha zvaiva zvavimbiswa naHamani zvakanga zvisingabatsiri zvachose papfuma yamambo pane pfuma ingadai yakawanikwa kudai Hamani akanga aronga kutengesa vaJudha kuti vave varanda. Kudai zvakanga zvarongwa zvacho zvakaitwa, mambokadzi angadai akaurayiwawo.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Dzidzisa Zvine Unyanzvi Sezvaiita Jakobho—Zvaunodzidzisa Ngazvive Nyore Kunzwisisa”

w22.01 10-11 ¶8-10

Zvaunodzidza Pamunin’ina waJesu

8 Jakobho akanga asina dzidzo yekunyika inoshamisira. Vatungamiriri vechitendero vepanguva yake vanogona kunge vaimuona ‘semunhu asina kudzidza uye munhuwo zvake,’ semaonero avaiita vaapostora Petro naJohani. (Mab. 4:13) Asi Jakobho akadzidza kuva mudzidzisi ane unyanzvi sezvatinoona patinoverenga bhuku rine zita rake. Sezvainge zvakaita Jakobho, tinogona kunge tisina dzidzo yakawanda yenyika. Kunyange zvakadaro, tichibatsirwa nemweya waJehovha uye kudzidziswa kwatinoitwa nesangano rake, isuwo tinogona kuva vadzidzisi vane unyanzvi. Ngatikurukurei zvaiitwa naJakobho paaidzidzisa toona zvatingadzidza.

9 Jakobho aisashandisa mashoko akaoma kana tsanangudzo dzisiri nyore kunzwisisa. Izvi zvaiita kuti vateereri vake vazive zvavaifanira kuita uye maitirwo azvo. Semuenzaniso, ona kudzidzisa kwaakaita zviri nyore kuti vaKristu vanofanira kubvuma kuitirwa zvakaipa vasingachengeti chigumbu. Akanyora kuti: “Tinoti vanofara vaya vakatsungirira. Makanzwa nezvekutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakazoitirwa naJehovha, kuti Jehovha ane tsitsi huru uye ane ngoni.” (Jak. 5:11) Ona kuti Jakobho aishandisa Magwaro paaidzidzisa. Akashandisa Shoko raMwari kuti abatsire vateereri vake kuona kuti Jehovha anopa mubayiro vaya vakavimbika kwaari sezvaakaita kuna Jobho. Jakobho akashandisa mashoko ari nyore uye tsanangudzo dzisina kuoma kuti abudise chidzidzo ichocho. Nemadzidzisiro aya, Jakobho akaita kuti vanhu vanyanye kufunga nezvaJehovha kwete nezvake.

10 Zvatinodzidza: Ita kuti zvaunodzidzisa zvive nyore kunzwisisa, uye dzidzisa uchishandisa Shoko raMwari. Patinodzidzisa vamwe, hatifaniri kuedza kuvaratidza kuti tinoziva zvakawanda zvakadii, asi tinofanira kuvaratidza kuti Jehovha anoziva zvakawanda zvakadii uye kuti ane hanya navo. (VaR. 11:33) Tinokwanisa kuita izvozvo kana tikaita kuti zvese zvatinotaura zvibve muBhaibheri. Pane kuti tiudze vadzidzi veBhaibheri zvataizoita, tinofanira kuvabatsira kuti vafunge nezvemienzaniso iri muBhaibheri uye kuti vanzwisise mafungiro aJehovha uye manzwiro ake. Vachabva vashandisa zvavanenge vadzidza nekuti vanoda kufadza Jehovha kwete isu.

SEPTEMBER 25–OCTOBER 1

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ESTERI 9-10

“Akashandisa Chinzvimbo Chake Kuti Abatsire Vanhu Verudzi Rwake”

it-2-E 432 ¶2

Modhekai

Modhekai akabva apiwa chinzvimbo chaHamani uye akapiwa rin’i yamambo ine chidhindo yekudhindisa magwaro ehurumende. Mambo akapa Esteri imba yaHamani uye Esteri akabva akagadza Modhekai kuti atungamirire imba yacho. Modhekai akabva ashandisa simba raakanga apiwa namambo kudzika mutemo waibvumira vaJudha kuti vazvidzivirire. VaJudha vakafara chaizvo uye vakaona kuti uku ndiko kwaitova kununurwa kwavo. Vanhu vakawanda vemuumambo hwePezhiya vakatanga kutsigirana nevaJudha uye pakazosvika zuva rechi13 remwedzi waAdhari, zuva raifanira kuitwa zvaiva mumitemo yacho, vaJudha vakanga vakagadzirira. Vamwe vakuru vemuumambo hwacho vakavatsigira nemhaka yechinzvimbo chepamusoro chaiva naModhekai. MuShushani, vaJudha vakabvumirwa kurwisa vavengi vavo zuva rakatevera racho zvakare. Vavengi vevaJudha vanopfuura 75 000 vaiva muumambo hwePezhiya vakaparadzwa, kusanganisira vanakomana gumi vaHamani. (Es 8:1–9:18) Esteri naModhekai vakabvumirana kuisa murayiro wekuti gore negore pave nemutambo ‘pamazuva ePurimu,’ kureva musi wechi14 newechi15 wemwedzi waAdhari. Pamazuva aya, vaIsraeri vaiita mabiko uye vaifara vachipanana zvipo uye vachipawo varombo zvipo. VaJudha vakafara neurongwa uhwu uye vakaita kuti vana vavo nevanhu vemamwe marudzi vaida kubatana navo vachengetewo mutambo uyu. Modhekai aiva nechinzvimbo chechipiri kubva kuna mambo, uye airemekedzwa nevaJudha, avo vaiva vanhu vakanga vakazvipira kuna Mwari, uye akaramba achishanda kuti avabatsire.—Es 9:19-22, 27-32; 10:2, 3.

it-2-E 716 ¶5

Purimu

Chinangwa. Vamwe vanyori vanoongorora Bhaibheri vanoti Mutambo wePurimu unoitwa nevaJudha mazuva ano hausi mutambo wechitendero uye zvimwe zvinoitwa pamhemberero yacho zvinozonyanyisa. Asi izvi handizvo zvaiitwa pakatangwa mutambo uyu. Modhekai naEsteri vainamata Mwari wechokwadi, Jehovha uye mutambo uyu wakatangwa nechinangwa chekurumbidza Mwari. Tinogona kuti Jehovha Mwari ndiye akanunura vaJudha nemhaka yekuti nyaya yacho yakabva pakuti Modhekai akaramba akaperera kuna Jehovha asingabatanidzwi pakunamata kwenhema. Hamani anogona kunge aiva muAmareki. VaAmareki vakanga vakatukwa naJehovha uye akanga ataura kuti vanofanira kuparadzwa. Modhekai akaremekedza murayiro iwoyo uye akaramba kukotamira Hamani. (Es 3:2, 5; Eks 17:14-16) Uyewo, zvakataurwa naModhekai kuna Esteri (Es 4:14) zvinoratidza kuti aiziva kuti Mwari ndiye aizonunura vaJudha uye kutsanya kwakaitwa naEsteri asati aenda kunokumbira kuti mambo auye kumabiko kunoratidza kuti Esteri aitotsvaga kubatsirwa naMwari.—Es 4:16.

cl 101-102 ¶12-13

“Ivai Vatevedzeri vaMwari” Mukushandisa Kwenyu Simba

12 Jehovha akagovera vatariri kuti vatungamirire muungano yechiKristu. (VaHebheru 13:17) Varume vanokwanisa ava vanofanira kushandisa chiremera chavo chavakapiwa naMwari kuti vabatsire boka kugara zvakanaka. Nzvimbo yavo inopa vakuru kodzero yokuremedza hama dzavo here? Kwete! Vakuru vanofanira kuona nzvimbo yavo muungano zviri pakati nepakati uye nokuzvininipisa. (1 Petro 5:2, 3) Bhaibheri rinoudza vatariri kuti: “Mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa reMwanakomana wake.” (Mabasa 20:28) Ipapo ndipo pane chikonzero chakasimba chokubata mumwe nomumwe ari muboka nounyoro.

13 Tingapa muenzaniso uyu. Shamwari yapedyo inokukumbira kutarisira chimwe chinhu chayo chinokosha. Unoziva kuti shamwari yako yakabhadhara mari yakawanda kutenga chinhu chacho. Hawaizochibata nokungwarira here, uchinyatsochitarisira? Saizvozvowo, Mwari akapa vakuru basa rokutarisira chinhu chake chaanokoshesa zvechokwadi: ungano, iyo vanhu vari mairi vanofananidzwa nemakwai. (Johani 21:16, 17) Makwai aJehovha anokosha kwaari—anokosha zvikuru, zvokuti akaatenga neropa rinokosha roMwanakomana wake akaberekwa mumwe oga, Jesu Kristu. Hakuna mutengo unopfuura apa uyo Jehovha aigona kuripira nokuda kwemakwai ake. Vakuru vanozvininipisa vanoramba vachiyeuka izvozvo uye vanobata makwai aJehovha zvinokodzerana.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w06 3/1 11 ¶4

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEsteri

9:10, 15, 16—Kunyange zvazvo murau wacho waibvumira kupamba zvinopambwa, nei vaJudha vasina kuzvipamba? Kusazvipamba kwavo kwakanyatsoratidza kuti chinangwa chavo chaiva chokuzvidzivirira, kwete chokuti vapfume.

OCTOBER 2-8

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 1-3

“Ramba Uchiratidza Kuti Unoda Jehovha Zvakadzama”

w18.02 6 ¶16-17

Tevedzera Kutenda Uye Kuteerera kwaNoa, Dhanieri naJobho

16 Matambudziko akasangana naJobho. Pane zvatinodzidza kubva pazvinhu zviviri zvakasiyana zvakaitika muupenyu hwaJobho. Pakutanga aiva “mukuru pane Vokumabvazuva vose.” (Job. 1:3) Aizivikanwa chaizvo, aiva mupfumi, uye airemekedzwa zvikuru. (Job. 29:7-16) Asi pasinei nezvese izvozvo, Jobho haana kuzvikwidziridza kana kuzviona seasina chaanoda kuna Mwari. Jehovha akatomuti “mushumiri wangu,” ndokuwedzera kuti: “[Iye] murume asina chaanopomerwa, akarurama, anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa.”—Job. 1:8.

17 Pasina nguva, upenyu hwaJobho hwakachinja zvikuru. Akasvika pakuva murombo wekupedzisira. Tinoziva kuti izvozvo zvakakonzerwa nemucheri Satani, uyo akapomera Jobho zvenhema kuti ainamata Mwari nekuti zvaimufambira zvakanaka. (Verenga Jobho 1:9, 10.) Jehovha haana kungofuratira kupomera kwakaipa kwakadaro. Panzvimbo pezvo, akapa Jobho mukana wekuti aratidze kuperera kwake uye kuti aimunamata nemwoyo wakachena usina udyire.

w19.02 5 ¶10

Ramba Wakaperera Kuna Mwari!

10 Satani haanawo chokwadi nekuperera kwatakaita kuna Mwari. Anotiwo chii nezvako? Anoti haunyatsoda Jehovha Mwari, ucharega kumushumira kuti uite zvaunoda, uye unonyepera kuperera kwaari! (Job. 2:4, 5; Zvak. 12:10) Izvi zvinoita kuti unzwe sei? Zvinorwadza, handiti? Asi chimbofunga izvi: Jehovha anonyatsovimba newe zvekuti anokupa mukana wakanaka chaizvo. Jehovha ari kubvumira Satani kuti aedze kuperera kwako. Jehovha ane chivimbo chekuti ucharamba wakaperera kwaari uye ucharatidza kuti Satani anonyepa. Uye achakubatsira kuti udaro. (VaH. 13:6) Ichi chikomborero chaicho kuvimbwa naChangamire wezvinhu zvese! Uri kuona here kuti nei kuperera kuna Mwari kuchikosha? Kunotibatsira kuti tirambe nhema dzaSatani uye titsvenese zita rakanaka raBaba vedu uye titsigire matongero avo. Tingaitei kuti tirambe takaperera kuna Mwari?

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w21.04 11 ¶9

Zvatinodzidza Pamashoko aJesu Ekupedzisira

9 Jesu akatii? Paakanga ava pedyo nekufa, Jesu akashevedzera kuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?” (Mat. 27:46) Bhaibheri haritsananguri chikonzero chakaita kuti Jesu ataure mashoko aya. Asi ngationei zvatinodzidza pamashoko acho. Chimwe chatinodzidza ndechekuti, Jesu paakataura mashoko aya, aitozadzisa uprofita huri pana Pisarema 22:1. Uyewo, mashoko aya anoratidza kuti Jehovha akanga asiri kudzivirira Mwanakomana wake, achiita seari ‘kumupoteredza neruzhowa’. (Job. 1:10) Jesu ainzwisisa kuti Baba vake vakanga vabvumira vaya vaimuvenga kuti vamuedze kusvika pakufa. Hapana munhu akamboedzwa sezvakaitwa Jesu. Uyewo mashoko aya anoratidza kuti akanga asina mhosva yaikodzera kuti aurayiwe.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Dzidzisa Zvine Unyanzvi Sezvaiita Jakobho—Ona Zvinhu Sezvazviri Uye Zvininipise”

w22.01 11 ¶11-14

Zvaunodzidza Pamunin’ina waJesu

11 Jakobho ainzwisisa matambudziko aisangana nehama nehanzvadzi dzake. Patinotarisa mutsamba yake, zviri pachena kuti Jakobho aiziva matambudziko aisangana nehama nehanzvadzi dzake uye akavaudza zvakajeka kuti vangakunda sei matambudziko aya. Semuenzaniso, vamwe vaKristu vainonoka kushandisa mazano. (Jak. 1:22) Vamwe vaingofarira vanhu vakapfuma chete. (Jak. 2:1-3) Vamwewo vaiomerwa nekudzora rurimi rwavo. (Jak. 3:8-10) VaKristu ivavo vaiva nezvinhu zvakakura zvavaikanganisa, asi Jakobho aiva netariro yekuti vaigona kuchinja. Akapa zano rake zvakanaka asi asingatendereri uye akakurudzira vaya vairwara pakunamata kuti vabatsirwe nevakuru.—Verenga Jakobho 5:13-15.

12 Zvatinodzidza: Ona zvinhu sezvazviri asi ramba uine netariro yekuti vanhu vanogona kuchinja. Vakawanda vatinodzidza navo Bhaibheri vanogona kuomerwa nekushandisa zvavanodzidza. (Jak. 4:1-4) Zvinogona kuvatorera nguva kuti vabvise unhu hwakaipa vova neunhu hwechiKristu. Tichitevedzera Jakobho, tinofanira kuva neushingi hwekuudza vadzidzi vedu veBhaibheri pavanofanira kugadzirisa. Tinodawo kuramba tiine tariro tichivimba kuti Jehovha achaita kuti vanhu vanozvininipisa vauye kwaari uye kuti achavapa simba rekuti vachinje mararamiro avo.—Jak. 4:10.

13 Jakobho aisazviona seari nani pane vamwe. Jakobho aisafunga kuti ari nani pane vamwe vaKristu nenyaya yekuti aiva munin’ina waJesu kana kuti aiita mabasa anokosha. Aidana vaKristu vaainamata navo kuti “hama dzangu dzinodiwa.” (Jak. 1:16, 19; 2:5) Haana kuita kuti vamwe vafunge kuti ainge asingatadzi. Akabvumawo kuti aikanganisa paakataura kuti: “Tese tinokanganisa kazhinji.”—Verenga Jakobho 3:2.

14 Zvatinodzidza: Yeuka kuti tese tiri vatadzi. Hatifaniri kufunga kuti tiri nani pane vaya vatinodzidzisa. Nei tisingafaniri kufunga kudaro? Kana tikaita kuti mudzidzi wedu afunge kuti hatina chatinombokanganisa, anogona kupedzisira ava kufunga kuti haangambokwanisi kufadza Mwari. Asi patinomuudza kuti zvaimbotiomerawo kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri, tomutsanangurira kuti Jehovha akatibatsira sei kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwedu, achabva aona kuti naiyewo anokwanisa kushumira Jehovha.

OCTOBER 9-15

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 4-5

“Ngwarira Mashoko Enhema”

it-1-E 713 ¶11

Erifazi

2. Mumwe weshamwari nhatu dzaJobho. (Job 2:11) Aiva muTemani uye anofanira kunge aiva wedzinza reataurwa paNhamba 1 pamusoro apa. Kana zvakadaro, aiva wedzinza raAbrahamu uye aiva neukama naJobho. Iye nevanhu vedzinza rake vaidada neuchenjeri hwavo. (Jer 49:7) Pavanhu vatatu vanoita sevaiva shamwari dzaJobho, Erifazi ndiye aiita seainyanya kukosheswa uye kuremekedzwa, izvo zvinoratidza kuti angangodaro aiva mukuru pane vese. Pahurukuro nhatu dzekutanga dzavakaita, ndiye aitanga kutaura uye ndiye akataura mashoko akawanda pane vese.

w05 9/15 26 ¶2

Ramba Kufunga Kwakaipa!

Achiyeuka zvakamboitika kwaari zvinoshamisa, Erifazi akati: “Mudzimu wakapfuura nepachiso changu; mvere dzenyama yangu dzakatanga kusimuka. Iwo wakamira, asi handina kuziva kuti wakanga wakaita sei; mufananidzo wakanga uri pamberi pemaziso angu; runyararo rwakavapo, ndikanzwa inzwi.” (Jobho 4:15, 16) Mudzimu worudzii wakanga uchiumba mafungiro aErifazi? Mashoko okushora akataurwa ipapo anoratidza kuti zvechokwadi mudzimu wacho wakanga usiri imwe yengirozi dzakarurama dzaMwari. (Jobho 4:17, 18) Waiva chisikwa chomudzimu chakaipa. Kana zvisina kudaro, nei Jehovha akazotsiura Erifazi neshamwari dzake mbiri kuti vakanga vareva nhema? (Jobho 42:7) Chokwadi, Erifazi akanga ari kushandiswa nedhimoni. Zvaaitaura zvairatidza kufunga kusingadiwi naMwari.

w10 2/15 19 ¶5-6

Usateerere Mashoko aSatani Anotaurwa Nepasipo!

Achishandisa Erifazi, mumwe weshamwari nhatu dzaive dzashanyira Jobho, Satani akataura kuti vanhu havakwanisi kuramba vakatendeka kuna Mwari. Achitaura nezvevanhu vose achiti “vanogara mudzimba dzevhu,” akaudza Jobho kuti: “[Vane] nheyo dziri muguruva! Munhu anokurumidza kuvaparadza kupfuura zvinoitwa chitemamachira. Vanoparadzwa kubvira mangwanani kusvikira manheru; vanoparara nokusingaperi.”—Job. 4:19, 20.

Mune dzimwe ndima muMagwaro, tinofananidzwa ne“midziyo yevhu,” kureva hari dzisingatani kuputsika. (2 VaK. 4:7) Hatina kusimba nemhaka yechivi chatakaberekwa tiinacho. (VaR. 5:12) Tikasabatsirwa naMwari Satani anobva ati dzawira mutswanda. Asi sezvo tiri vaKristu tine rubatsiro. Mwari anotikoshesa pasinei nokuti hatina kusimba. (Isa. 43:4) Uyezve Jehovha anopa mudzimu mutsvene vaya vanomukumbira. (Ruka 11:13) Mudzimu wake unogona kutipa “simba rinopfuura renguva dzose,” rokuti tikunde matambudziko ose atinounzirwa naSatani. (2 VaK. 4:7; VaF. 4:13) Kana tikarwisana naDhiyabhorosi, ‘takasimba mukutenda,’ Mwari achatisimbisa. (1 Pet. 5:8-10) Saka hatifaniri kutya Satani Dhiyabhorosi.

mrt 32 ¶13-17

Ngwarira Mashoko Enhema

● Ongorora mashoko acho uye kwaakabva

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvese.”—1 VaTesaronika 5:21.

Usati wabvuma imwe nyaya kana kuitumira vamwe vanhu, kunyange iya inozivikanwa chaizvo kana yakambotaurwa munhau, tanga waona kuti ndeyechokwadi here. Ungazviita sei?

Ongorora kwabva mashoko acho. Makambani anobudisa nhau anogona kutaura nyaya kuti ienderane nezvavanoda kana kuti zvavanofunga panyaya dzematongerwo enyika. Enzanisa nyaya yacho nezviri kubudiswawo mune dzimwe nhau. Dzimwe nguva, shamwari dzinogona kungopfuudzawo mashoko enhema pamaemail kana kuti pasocial media dzisina kuzvifunga. Saka usavimba nenhau dzaunonzwa kunze kwekunge waongorora kwabva mashoko acho uye waona kuti ndeechokwadi.

Iva nechokwadi chekuti mashoko acho akarurama uye anoenderana nenguva. Tarisa misi yakanyorwa uye zvimwe zvinhu zvinotsigira kana mashoko acho ari echokwadi. Unofanira kunyanya kungwarira kana ukaona nyaya yakaoma kunzwisisa ichitsanangurwa nemashoko ari nyore kunzwisisa. Ngwarirawo kana ukaona kuti vakabudisa nyaya yacho vakairuka vaine chinangwa chekuti ubatwe-batwe nayo.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w03 5/15 22 ¶5-6

Ramba Wakasimba, Ukunde Mumujaho Woupenyu

Kuva mumwe wevanamati vechokwadi musangano repasi pose kungatitsigisa zvakasimba. Chikomborero chikuru kusonganirana nehama dzine rudo kudaro, dziri pasi pose! (1 Petro 2:17) Uye tinogona kutsigisa vatinonamata navo.

Funga zviito zvinobatsira zvomurume akarurama Jobho. Kunyange munyaradzi wenhema Erifazi akamanikidzwa kubvuma kuti: “Mashoko ako akatsigira wakanga achivavarira kuwa, iwe wakasimbisa mabvi akanga achigwedagweda.” (Jobho 4:4) Tiri kuita sei munhau iyi? Isu somunhu mumwe nomumwe tine mutoro wokubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo kutsungirira mubasa raMwari. Mumabatiro atinoita nadzo, tinogona kuita kudaro tichikurudzirwa nemashoko anoti: “Simbisai maoko asina simba, mutsigire mabvi anodedera.” (Isaya 35:3) Saka wadii kuvavarira kusimbisa uye kukurudzira mumwe kana vaviri vaunonamata navo nguva nenguva yaunosangana navo? (VaHebheru 10:24, 25) Mashoko anokurudzira okurumbidza nokuonga kuedza kwavanoramba vachiita kufadza Jehovha angavabatsira chaizvoizvo kuramba vakasimba vaine tariro yokukunda mumujaho woupenyu.

OCTOBER 16-22

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 6-7

“Paunoona Sekuti Hauchagoni Kutsungirira”

w06 3/15 14 ¶10

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJobho

7:1; 14:14—Zvinorevei kuti “basa rokumanikidzirwa”? Jobho akanga akaora mwoyo kwazvo zvokuti akaona upenyu sohwakaoma, sebasa rokumanikidzirwa rinonetesa. (Jobho 10:17) Sezvo nguva inopedzwa nomunhu muSheori—kubva panguva yorufu kusvika panguva yokumutswa—iri nguva yokumanikidzirwa, Jobho akafananidza nguva iyoyi nebasa rokumanikidzirwa.

w20.12 16 ¶1

“Jehovha Anoponesa Vakaora Mwoyo”

DZIMWE nguva tinogona kufunga nezvekupfupika kwakaita upenyu uye kuti ‘hwakamomoterwa nenhamo.’ (Job. 14:1) Saka izvi zvinoita kuti tiore mwoyo. Vashumiri vaJehovha vakawanda vanotaurwa muBhaibheri vakambonzwa saizvozvo. Vamwe vaitoda kufa. (1 Madz. 19:2-4; Job. 3:1-3, 11; 7:15, 16) Asi Jehovha, Mwari wavaivimba naye, aigara achivanyaradza uye achivasimbisa. Zvakaitika kwavari zvakanyorwa kuti tinyaradzwe uye tirayiridzwe.—VaR. 15:4.

g 4/12 16-17

Pfungwa Dzokuda Kuzviuraya Padzinombouya

Kunyange hazvo zvingaita sokuti dambudziko rako iguru, yeuka kuti hausi iwe woga, uye zvinosuwisa kuti anenge munhu wose ari kusangana nedambudziko mazuva ano. Bhaibheri rinoti: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete.” (VaRoma 8:22) Zvingaita sokuti dambudziko rako harisi kuzofa rakapera, asi zvinhu zvinowanzochinja nokufamba kwenguva. Nedambudziko rako iri, zvii zvaungaita kuti ubatsirwe?

Udza mumwe munhu akura waunovimba naye zviri kukudya mwoyo. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Murume akarurama anonzi Jobho anotaurwa muBhaibheri haana kukuvarira mukati asi akaudza vamwe zvaimunetsa. Paakaona sokuti upenyu hwake ‘hwaisemesa,’ akabva ati: “Ndichataura pamusoro pokunetseka kwangu. Ndichataura mweya wangu uchirwadziwa!” (Jobho 10:1) Kuudza vamwe zviri kukunetsa kunogona kuderedza kuzvidya mwoyo uye kunogona kuita kuti utange kuona zvakanaka matambudziko ako.

Nyengetera kuna Mwari uchimuudza zvose zviri pamwoyo pako. Vamwe vanofunga kuti munyengetero ndewokungoita kuti munhu anzwe searerukirwa, asi handizvo zvinotaurwa neBhaibheri. Pisarema 65:2 inoti Jehovha Mwari “Munzwi womunyengetero,” uye 1 Petro 5:7 inoti: ‘Iye ane hanya newe.’ Bhaibheri rinodzokorora radzokororazve kukosha kwokuvimba naMwari. Pamwe pacho ndeapa:

“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”—ZVIREVO 3:5, 6.

“[Jehovha] achaita zvinodiwa navose vanomutya, achanzwa kuchemera kwavo kubatsirwa, uye achavaponesa.”—PISAREMA 145:19.

“Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.”—1 JOHANI 5:14.

“Jehovha ari kure nevakaipa, asi anonzwa minyengetero yevakarurama.”—ZVIREVO 15:29.

Kana ukaudza Mwari matambudziko auri kusangana nawo, achakubatsira. Ndokusaka Bhaibheri richikukurudzira kuti ‘uvimbe naye nguva dzose, udurure mwoyo wako pamberi pake.’—Pisarema 62:8.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w20.04 16 ¶10

Tevedzera Jehovha Pamabatiro Aunoita Hama Nehanzvadzi

10 Tinotevedzera Jehovha nekuedza kunzwisisa hama nehanzvadzi dzedu. Wedzera kuziva hama nehanzvadzi dzako. Taura navo misangano isati yatanga uye yapera, shanda navo muushumiri, uye kana zvichiita vakoke kuti muzodya mese. Ukadaro unogona kuona kuti hanzvadzi inoita seisina ushamwari inongova munhu anonyara, uye hama yawaifunga kuti inoda pfuma inogamuchira vaenzi zvakanaka, kana kuti mubereki anowanzononoka kumisangano nevana vake ari kutsungirira kupikiswa. (Job. 6:29) Asi hatifaniri ‘kupindira munyaya dzevamwe.’ (1 Tim. 5:13) Kunyange zvakadaro, zvakanaka kuziva hama nehanzvadzi dzedu uye zvavakasangana nazvo muupenyu. Izvi zvinotibatsira kuti tivanzwisise.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Dzidzisa Zvine Unyanzvi Sezvaiita Jakobho—Shandisa Mifananidzo Inojekesa Pfungwa Yauri Kutaura”

w22.01 12 ¶15-18

Zvaunodzidza Pamunin’ina waJesu

15 Jakobho Jakobho akashandisa mifananidzo inosvika pamwoyo. Zviri pachena kuti akabatsirwa nemweya mutsvene, asi anofanira kunge akadzidzawo zvakawanda panyaya yekudzidzisa nekuongorora mifananidzo yakashandiswa nemukoma wake Jesu. Mifananidzo yakashandiswa naJakobho mutsamba yake iri nyore kunzwisisa uye zvidzidzo zvacho zvakajeka.—Verenga Jakobho 3:2-6, 10-12.

16 Zvatinodzidza: Shandisa mifananidzo inojekesa pfungwa yauri kutaura. Paunoshandisa mifananidzo zvakakodzera, unobatsira vanhu kuti vaite sevari kuona zvauri kuvadzidzisa. Izvozvo zvingaita kuti vateereri vako vayeuke pfungwa dzinokosha dziri muBhaibheri. Jesu aiva neunyanzvi pakushandisa mifananidzo uye ndizvo zvakatevedzerwawo nemunin’ina wake Jakobho. Ngationgororei mufananidzo mumwe chete wakashandiswa naJakobho toona kuti nei uchinyatsoshanda.

17 Verenga Jakobho 1:22-25. Pane zvikonzero zvakawanda zvinoratidza kuti mufananidzo wegirazi wakashandiswa naJakobho unonyatsoshanda. Aiva nechidzidzo chaaida kubudisa pachena chekuti kana tichida kubatsirwa neShoko raMwari hatifaniri kungogumira pakuriverenga chete, asi tinofanirawo kuita zvatinenge taverenga. Jakobho akashandisa mufananidzo waiva nyore kuti vateereri vake vanzwisise. Akataura nezvemunhu ari kutarisa mugirazi. Chidzidzo chiripo ndechei? Hazvina zvazvinobatsira kuti munhu atarise mugirazi oona panoda kugadziriswa asi ongopasiya pakadaro. Hazvinawo zvazvinobatsira kuti tiverenge Shoko raMwari toona chimwe chinhu chatinofanira kugadzirisa paunhu hwedu asi tongosiya zvakadaro.

18 Kana uchishandisa mufananidzo, unogona kutevedzera Jakobho nekuita zvinhu zvitatu zvinoti: (1) Muenzaniso wako unofanira kuita kuti pfungwa yauri kutaura ijeke. (2) Shandisa mufananidzo unonzwisiswa zviri nyore nevateereri vako. (3) Ita kuti chidzidzo chiri mumufananidzo wacho chibude pachena. Kana uchiomerwa nekuwana mifananidzo yekushandisa, tarisa muWatch Tower Publications Index. Kana ukaenda pakanzi “Illustrations,” uchaona mifananidzo yakawanda yaunogona kushandisa. Asi yeuka kuti mifananidzo yakafanana negudzanzwi pakuti inoita kuti pfungwa yaunenge uchida kubudisa iwedzere kujeka. Saka zvakanaka kungoshandisa mufananidzo paunenge uchida kusimbisa pfungwa huru chete. Chinonyanya kuita kuti tide kuvandudza madzidzisiro edu haisi nyaya yekuti tizvitsvagire mbiri, asi ndechekuti tinoda kubatsira vanhu vakawanda kuti vave mumhuri yaJehovha.

OCTOBER 23-29

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 8-10

“Rudo rwaMwari Rusingachinji Runotidzivirira Panhema dzaSatani”

w15 7/1 12 ¶3

Zvinonyatsoita Here Kuti Tifadze Mwari?

Jobho akasangana nematambudziko akatevedzana zvichiita sekuti akanga achiitirwa utsinye. Akasvika pakufunga zvisizvo, achiti Mwari haana basa nekutendeka kwake. (Jobho 9:20-22) Jobho aizviti akarurama zvekuti vamwe vakaona sekuti akanga ava kuzviita munhu akarurama kupfuura Mwari.—Jobho 32:1, 2; 35:1, 2.

w21.11 6 ¶14

Unobatsirwa Sei Nerudo rwaJehovha Rusingachinji?

14 Rudo rwaMwari rusingachinji runotidzivirira pane zvekunamata. Paainyengetera kuna Jehovha, Dhavhidhi akati: “Muri nzvimbo yangu yekuvanda; muchandichengetedza pakutambudzika. Muchandipoteredza nekushevedzera kwemufaro wekununurwa. . . . Uya anovimba naJehovha akapoteredzwa nerudo rwake rusingachinji.” (Pis. 32:7, 10) Panguva inotaurwa muBhaibheri, rusvingo rwaipoteredza guta rwaidzivirira vanhu vanenge vari mukati. Kufanana nerusvingo irworwo, rudo rwaJehovha rusingachinji runotidzivirira pachinhu chero chipi zvacho chingakanganisa ushamwari hwedu naye. Uyewo rudo rwaJehovha rusingachinji runomuita kuti atikwevere kwaari.—Jer. 31:3.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w10 10/15 6-7 ¶19-20

“Ndiani Akasvika Pakuziva Pfungwa dzaJehovha?”

19 Tadzidzei nezve“pfungwa dzaJehovha”? Tinofanira kubvumira kuti Shoko raMwari riumbe manzwisisiro atinoita pfungwa dzaJehovha. Hatifaniri kuona Jehovha seasingagoni kuita zvinhu sokusagona kwatinoita, tichimuona nemafungiro edu sevanhu. Jobho akati: “[Mwari] haasi munhu akaita seni kuti ndimupindure, kuti titongane.” (Job. 9:32) Kufanana naJobho, patinotanga kunzwisisa pfungwa dzaJehovha, hatimbotadzi kutaura sezvaakaita kuti: “Tarirai! Aka kanongova kachikamu kadukuduku kenzira dzake, uye tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake! Asi ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?”—Job. 26:14.

20 Patinenge tichiverenga Magwaro, tinofanira kuita sei kana tikasangana nendima dzisiri nyore kunzwisisa, zvikurukuru nezvemafungiro aJehovha? Kana tatsvakurudza, tikasara tisina kuwana mhinduro yakajeka, tinogona kuzviona sokuedzwa kuti tinovimba sei naJehovha. Ngatiyeukei kuti mamwe mashoko anotipa mukana wokuratidza kutenda kwedu unhu hwaJehovha. Ngatizvininipisei tichibvuma kuti hatinzwisisi zvinhu zvose sezvaanoita iye. (Mup. 11:5) Izvi zvichaita kuti tibvumirane nemashoko omuapostora Pauro okuti: “Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei! Nokuti ‘ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kana kuti ndiani akava munhu anomupa mazano?’ Kana kuti, ‘Ndiani akatanga kumupa chinhu, kuti iye achidzorerwezve?’ Nokuti zvinhu zvose zvinobva kwaari uye zviripo naye uye ndezvake. Kukudzwa ngakuve kwaari nokusingaperi. Ameni.”—VaR. 11:33-36.

OCTOBER 30–NOVEMBER 5

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 11-12

“Zvinhu Zvitatu Zvatingaita Kuti Tiwane Uchenjeri Uye Tibatsirwe Nahwo”

w09 4/15 6 ¶17

Jobho Akarumbidza Zita raJehovha

17 Chii chakabatsira Jobho kuti arambe akaperera kuna Mwari? Zviri pachena kuti akagara aine ukama hwepedyo naJehovha matambudziko aya asati amuwira. Kunyange zvazvo tisina uchapupu hwokuti aiziva kuti Satani akanga adenha Jehovha, Jobho akanga akatsunga kuramba akavimbika. Akati: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!” (Job. 27:5) Jobho akava sei noukama hwepedyo ihwohwo? Hapana mubvunzo kuti aikoshesa zvaakanga anzwa nezvezvakaitwa naMwari kuhama dzake dzakadai saAbrahamu, Isaka, naJakobho. Uye paaicherechedza zvinhu zvakasikwa, Jobho aigona kudzidza zvakawanda nezvaJehovha.—Verenga Jobho 12:7-9, 13, 16.

w21.06 10-11 ¶10-12

Jehovha Anewe, Hausi Wega

10 Shamwaridzana nevaKristu vakatendeka. Tsvaga shamwari muungano dzaunogona kudzidza kwadziri. Vanhu ava vanogona kunge vari vakuru kana kuti vadiki kwauri uye vachibva kwakasiyana nekwaunobva. Bhaibheri rinotiudza kuti ‘uchenjeri huri pakati pevakwegura.’ (Job. 12:12) Vechikuru vanogona kudzidzawo zvakawanda kune vechidiki vari muungano. Dhavhidhi akanga ari mudiki chaizvo pana Jonatani, asi izvozvo hazvina kuvatadzisa kuva shamwari dzepedyo. (1 Sam. 18:1) Dhavhidhi naJonatani vaibatsirana kushumira Jehovha pasinei nematambudziko avaisangana nawo. (1 Sam. 23:16-18) Irina, uyo ari ega Chapupu mumhuri mavo anoti: “Hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kutoita sevabereki vedu kana kuti vana vemumba medu chaimo. Jehovha anogona kuvashandisa kuti vatibatsire.”

11 Kuwana shamwari hakusi nyore, kunyanya kana uri munhu anonyara. Imwe hanzvadzi inonzi Ratna, iyo inonyara, yakadzidza chokwadi pasinei nekuti yaipikiswa. Inoti, “Ndaifanira kubvuma kuti ndaida kubatsirwa uye kutsigirwa nehama nehanzvadzi dzemuungano.” Zvingasava nyore kuudza mumwe munhu manzwiro aunenge uchiita, asi paunomuudza munogona kuva shamwari dzepedyo. Shamwari dzako dzinoda kukukurudzira uye kukutsigira, asi unofanira kuita kuti dzizive kuti izvozvo dzingazviita sei.

12 Imwe nzira yakazonaka chaizvo yekuwana shamwari ndeyekuita ushumiri nevamwe vaKristu. Carol, ambotaurwa nezvake anoti: “Ndakawana shamwari dzakanaka dzakawanda pandaishanda nedzimwe hanzvadzi muushumiri uye pataiita mamwe mabasa echiKristu. Jehovha anditsigira kwemakore ese aya achishandisa shamwari idzi.” Kushamwaridzana nevaKristu vakatendeka kunobatsira chaizvo. Jehovha anoshandisa shamwari dzakadaro kuti akubatsire paunenge wakaora mwoyo zvimwe nemhaka yekushungurudzika.—Zvir. 17:17.

it-2-E 1190 ¶2

Uchenjeri

Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari. Jehovha Mwari ndiye ane uchenjeri hwese, “ndiye ega akachenjera.” (VaR 16:27; Zva 7:12) Ruzivo rwakabatana nechokwadi, uye sezvo Jehovha ari iye Musiki, agara aripo “kubvira nariini kusvikira nariini” (Pis 90:1, 2), anoziva zvinhu zvese nezvezvinhu zviri pasi nekudenga, zvakashandiswa pakusika zvinhu zvacho uye matangiro akaita zvinhu zvese kusvika pari zvino. Mitemo yakaiswa pazvinhu zvakasikwa iyo inoshandiswa nevanhu pakutsvakurudza nekugadzira zvinhu yakaiswa naMwari. Pasina mitemo iyoyo, vanhu vaisakwanisa kutsvakurudza kana kugadzira chinhu. (Job 38:34-38; Pis 104:24; Zvi 3:19; Jer 10:12, 13) Uyewo, mitemo yake yekuzvibata inobatsira chaizvo pakuita zvisarudzo zvakanaka uye kuitevedzera kunoita kuti munhu ararame upenyu hwakanaka. (Dhe 32:4-6; ona JEHOVHA [Mwari wemitemo yekuzvibata].) Hapana chinhu chaasinganzwisisi. (Isa 40:13, 14) Kunyange zvazvo dzimwe nguva achisiya vanhu vachiita zvinhu zvisingaenderani nemitemo yake yakarurama uye vachibudirira kwekanguva pavanenge vachizviita, Mwari ndiye anoziva zvichaitika mune ramangwana uye zvese zvichaitika maererano nekuda kwake. Zvinhu zvaakataura ‘zvichatobudirira.’—Isa 55:8-11; 46:9-11.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w08 8/1 11 ¶5

Kukurukura Nevana Vari Kuyaruka

▪ ‘Ndinonzwisisa here zvaari kureva kubvawo pamanzwiro ake kwete kubva pamashoko ake chete?’ Jobho 12:11 inoti: “Nzeve haiedzi mashoko sokuravira kunoita rurimi zvokudya here?” Kupfuura zvawaimboita, iye zvino unofanira ‘kuedza’ zvinenge zvichitaurwa nomwana wako. Kazhinji vana vari kuyaruka vanotaura pamusoro pezvinhu sokunge kuti ndizvo zvazvagara zviri. Somuenzaniso, mwana wako angati, “Munogara muchindibata somucheche!” kana kuti “Hapana pamunombonditeerera!” Pane kuda kumururamisa mashoko okuti “munogara” uye “hapana,” ziva kuti mwana wako handizvo zvaanenge achireva. Somuenzaniso, paanoti, “Munogara muchindibata somucheche!” zvimwe anenge achireva kuti, “Ndinoona sokuti hamuvimbi neni,” uye paanoti, “Hapana pamunombonditeerera!” zvimwe anenge achireva kuti, “Ndinoda kukuudzai manzwiro chaiwo andinoita.” Edza kunzwisisa zvaanenge achireva kubva pamanzwiro ake kwete kubva pamashoko ake chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe