RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr23 November pp. 1-16
  • Mabhuku Achashandiswa “paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa “paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu”
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2023
  • Misoro Midiki
  • NOVEMBER 6-12
  • NOVEMBER 13-19
  • NOVEMBER 20-26
  • NOVEMBER 27–DECEMBER 3
  • DECEMBER 4-10
  • DECEMBER 11-17
  • DECEMBER 18-24
  • DECEMBER 25-31
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2023
mwbr23 November pp. 1-16

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

© 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania

NOVEMBER 6-12

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 13-14

“Kana Munhu Akafa, Angararamazve Here?”

w99 10/15 3 ¶1-3

Kutsvaga Kwedu Upenyu Hurefu

KUNYANGE zvazvo mashoko anoratidza kuti upenyu hupfupi akanyorwa makore 3500 adarika, vanhu vakawanda mazuva ano vanobvumirana nawo. Kubvira kare vanhu havagutsikani nekungorarama kwenguva pfupi, vokwegura vofa. Saka vanhu vakaedza zvinhu zvakasiyana-siyana kuti varebese upenyu.

Mumazuva aJobho, vaIjipiti vaidya mabhora emhuka hono vachiedza kuti vadzokere pakuva vadiki. Asi izvozvo hazvina zvazvaibatsira. Nekufamba kwaiita nguva, vamwe vanhu vakaedza kugadzira mushonga waizoita kuti vanhu vararame kwenguva refu. Vanhu ivavo vaifunga kuti goridhe rakaita zvekugadzirwa raigona kuita kuti vanhu vasafa uye kuti kudyira mundiro dzegoridhe kwaizoita kuti vararame kwenguva yakareba. Vanhu vechimwe chitendero chekuChina chinonzi Taoism vaifunga kuti vaigona kuchinja makemikari ari mumuviri wemunhu vachishandisa nzira dzakadai sekufungisisa, kuita maekisesaizi ekufema, uye kudya zvimwe zvinhu. Vaifunga kuti zvinhu izvozvo zvaizoita kuti vasafa.

Mumwe murume wekuSpain aifamba achienda kunzvimbo dzakanga dzisati dzava kuzivikanwa ainzi Juan Ponce de León anozivikanwa nekutsvaga chimwe chitubu chaifungidzirwa kuti kana munhu akanwa mvura yacho kana kugeza nayo zvaizoita kuti adzokere pakuva mudiki. Mumwe chiremba wekumakore ekuma1700 akanyora mubhuku rake rinonzi Hermippus Redivivus kuti mhandara dzichengetwe mukamuri diki munguva yechirimo uye kuti mweya wadzinofema uiswe mumabhodhoro, wozoshandiswa semushonga wekuita kuti munhu ararame kwenguva refu. Hazvishamisi kuti hapana kana chimwe chete chezvinhu izvi chakabudirira.

w15 4/15 32 ¶1-2

Kana Muti Ukatemwa, Ungatungirazve Here?

MITI yemiorivhi iyo inokura ichimonereka-monereka, hainakidzi kutarisa kana ichienzaniswa nemisidhari inoyevedza yokuLebanon. Asi miorivhi inokwanisa kuramba iri mipenyu kunyange mamiriro okunze asina kumira zvakanaka. Mimwe yacho inofungidzirwa kuti yava nemakore 1 000. Midzi yemuorivhi inodzika pasi pasi zvokuti kunyange hunde yacho ikatemwa, muti wacho unogona kutungirazve chero bedzi midzi yacho iri mipenyu.

Jobho aiva nechivimbo chokuti kunyange akafa, aizoraramazve. (Job. 14:​13-15) Akataura achishandisa mufananidzo wemuti kuti aratidze chivimbo chaaiva nacho chokuti Mwari aikwanisa kuzomumutsa. Zvimwe Jobho aifunga nezvemuti wemuorivhi paakati: “Tariro iripo kunyange nokuda kwomuti. Kana ukatemwa, iwo uchatungirazve.” Mvura painozonaya pashure penguva yakareba isinganayi, nhungirwa dzinotanga kubuda pamidzi yemuti wemuorivhi wakatemwa, wobudisa mapazi “somuti mutsva.”—Job. 14:​7-9.

w11 3/1 22 ¶5

“Muchasuwa”

Mashoko aJobho anotidzidzisa chimwe chidzidzo chinoratidza rudo runa Jehovha chokuti: Anoda chaizvo vanhu vakadai saJobho avo vanozviisa mumaoko ake vachimubvumira kuti avaumbe kuva vanhu vaanoda. (Isaya 64:8) Jehovha anokoshesa chaizvo vanamati vake vakatendeka. Jehovha ‘anosuwa’ vaya vanofa vakavimbika kwaari. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti shoko rechiHebheru rakashandurwa pano “rinonyatsotsanangura chaizvo mashoko okuti kusuwa uye chido.” Jehovha haangoyeuki vanamati vake chete asi anoda chaizvo kuvamutsa.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-1-E 191

Madota

Madota aishandiswawo kufananidzira chinhu chisina zvachinobatsira kana kuti chisingakoshi. Semuenzaniso Abrahamu akaudza Jehovha kuti, “Ini ndiri guruva nemadota.” (Ge 18:27; onawo Isa 44:20; Job 30:19.) Uyewo Jobho akafananidza zvaitaurwa nevanyaradzi vake venhema ‘nezvirevo zvemadota.’—Job 13:12.

NOVEMBER 13-19

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 15-17

“Usatevedzera Erifazi Paunenge Uchinyaradza Vamwe”

w05 9/15 26 ¶4-5

Ramba Kufunga Kwakaipa!

Pakutaura kwake kwose kutatu, Erifazi akaratidza pfungwa yokuti Mwari anoomesera vashumiri vake chaizvo zvokuti hapana chavanoita chinomufadza. Erifazi akaudza Jobho kuti: “Tarirai! Iye haatendi muvashumiri vake, uye anopa nhume dzake mhosva.” (Jobho 4:18) Erifazi akazotizve nezvaMwari: “Iye haatendi muvatsvene vake, uye matenga pachawo haana kuchena pamberi pake.” (Jobho 15:15) Uye akabvunza kuti: “Wemasimbaose anofara nokuti iwe wakarurama here?” (Jobho 22:3) Bhiridhadhi akabvumirana nepfungwa iyi, nokuti akati: “Kune mwedzi, asi hauna kujeka; uye nyeredzi hadzina kuchena pamberi pa[Mwari].”—Jobho 25:5.

Tinofanira kuchenjerera kuti tisakanganiswa nokufunga kwakadaro. Kunogona kuita kuti tione sokuti Mwari anonyanya kuda zvakawanda kwatiri. Maonero aya anokanganisa ukama hwedu chaihwo naJehovha. Uyezve, kana tikanyengerwa nemafungiro aya, tinozoita sei patinopiwa chirango chinenge chichidiwa? Pane kuti tibvume nokuzvininipisa kugadziriswa, mwoyo wedu unga“tsamwira Jehovha,” uye tingagara takamutsamwira. (Zvirevo 19:3) Izvozvo zvingava nengozi zvikuru pakunamata!

w15 2/15 9 ¶16

Tevedzera Kuzvininipisa Uye Unyoro hwaJesu

16 Mashoko edu. Kunzwira vamwe tsitsi kunoita kuti titaure ‘zvinonyaradza vaya vakaora mwoyo.’ (1 VaT. 5:14) Zvii zvatingataura kuti tikurudzire vanhu vakadaro? Tinogona kuita kuti vanzwe zviri nani kana tikaratidza kuti tine hanya navo chaizvo. Tinogona kuvarumbidza nemwoyo wose uye izvozvo zvichaita kuti vaone kuti vane unhu hwakanaka uye vane unyanzvi. Tingavayeuchidza kuti Jehovha ndiye akaita kuti vauye kuMwanakomana wake, saka anovakoshesa chaizvo. (Joh. 6:44) Tinogona kuvaudza kuti Jehovha ane hanya chaizvo nevashumiri vake “vakaora mwoyo” kana kuti “vakadzvinyirirwa.” (Pis. 34:18) Mashoko edu anogona kuporesa vaya vanoda kunyaradzwa.—Zvir. 16:24.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w06 3/15 14 ¶11

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJobho

7:​9, 10; 10:21; 16:22—Mashoko ari mundima idzi anoratidza here kuti Jobho akanga asingadaviri kuti kune kumuka? Aya aiva mashoko aiva nechokuita nezveramangwana raJobho kwenguva pfupi. Saka airevei? Zvimwe zvaangadaro aireva ndezvokuti kudai aizofa, hapana vanhu vairarama panguva yake vaizomuona. Pamaonero avo, akanga asingachakwanisi kudzoka kumba kwake kana kuzivikanwazve kutozosvikira panguva yaMwari yakatarwa. Jobho angadarowo aireva kuti hakuna munhu anogona kuzvidzosa oga achibva kuSheori. Kuti Jobho aitarisira kumutswa munguva yemberi zvinooneka pachena pana Jobho 14:​13-15.

NOVEMBER 20-26

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 18-19

“Usambofa Wakarasa Vaunonamata Navo”

w22.01 16 ¶9

Zvatinodzidza Pamisodzi yaJesu

9 Unogona kunyaradza vaya vakafirwa. Jesu haana kungogumira pakuchema naMarita naMariya, asiwo akavateerera uye akavanyaradza. Izvi ndizvo zvatinogona kuitawo kune vaya vanenge vafirwa. Mumwe mukuru wekuAustralia anonzi Dan anoti: “Pandakafirwa nemudzimai wangu, ndaida kunyaradzwa. Nguva dzese hama dzakawanda nemadzimai adzo vainge vakagadzirira kunditeerera. Vaindirega ndichitaura nezvekurwadziwa kwandaiita uye vaisanyara pandaichema. Pandaisakwanisa kuita zvinhu zvakadai sekugeza mota, kunotenga zvekudya uye kubika, vaindibatsira. Uye vaigara vachinyengetera neni. Vakaratidza kuti vaiva shamwari dzechokwadi uye hama ‘dzakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.’”—Zvir. 17:17.   

w21.09 30 ¶16

Kana Munhu Watinoda Akasiya Jehovha

16 Ramba uchitsigira vemumhuri vakatendeka. Iye zvino ndipo pavava kuda kutonyanya kuratidzwa rudo uye kukurudzirwa. (VaH. 10:​24, 25) Dzimwe nguva, vaya vane hama yavo yakadzingwa, vanogona kuona kuti vamwe vari muungano haachatauri navo, zvoita sekuti naivowo vakadzingwa. Usaita kuti vanzwe saizvozvo! Vechidiki vane vabereki vakasiya chokwadi ndivo vanotonyanya kuda kurumbidzwa uye kukurudzirwa. Maria uyo ane murume akadzingwa achibva asiya mhuri anoti: “Dzimwe shamwari dzangu dzaiuya kumba uye dzaibika zvekudya dzichindibatsira kudzidza nevana vangu. Dzainzwa kurwadziwa kwandaiita uye dzaichema neni. Dzaindimiririra vamwe pavaitaura mashoko asiri echokwadi nezvangu. Dzaindikurudzira chaizvo!”—VaR. 12:​13, 15.

w90 9/1 22 ¶20

Uri Kuvavarira Kushumira Muungano Here?

20 Dare revakuru rinofanira kuyeuka kuti kana munhu asisiri mukuru kana mushumiri weungano anogona kunetseka, kunyange kana akasarudza ega kumbomira. Kana munhu wacho asina kudzingwa uye vakuru vachiona kuti akaora mwoyo, vanofanira kumukurudzira. (1 VaTesaronika 5:14) Vanofanira kumubatsira kuona kuti anokosha muungano. Kunyange kana akatombopiwa zano, kazhinji munhu anozvininipisa uye anokoshesa mazano aanopiwa haawanzotora nguva yakareba asati apiwa mamwe mabasa ekuita muungano.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w94 10/1 32

Mashoko Emutsa Ane Simba

Asi Jobho wacho paaida kukurudzirwa, Erifazi neshamwari dzake havana kutaura mashoko akanaka. Vakatoti kutambura kwaiita Jobho yaiva mhosva yake, vachiti aiva nezvakaipa zvaainge aita pachivande. (Jobho 4:8) The Interpreter’s Bible rinoratidza kuti panguva iyi, Jobho aida kunzwirwa tsitsi asi vaingoramba vachidzokorora kutaura mashoko asina zvaaimubatsira. Jobho akashungurudzika chaizvo nemashoko akataurwa naErifazi neshamwari dzake zvekuti akasvika pakutaura kuti: “Mucharamba muchishungurudza mweya wangu kusvikira riini, muchindipwanya nemashoko?”—Jobho 19:2.

Hatitombofaniri kuita kuti mumwe mushumiri waMwari ashungurudzike nemashoko edu atinotaura tisina kufunga uye asina mutsa. (Enzanisa naDheuteronomi 24:15.) Chimwe chirevo chemuBhaibheri chinotiyambira kuti: “Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.”—Zvirevo 18:​21, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.   

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Kurudzira Mudzidzi Kuti Atsvage Shamwari Muungano”

w20.10 17 ¶10-11

Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2

10 Vadzidzisi vanofanira kuva nehanya nevadzidzi vavo. Vaone sevanhu vachazova hama kana hanzvadzi dzako dzechiKristu. (Verenga 1 VaTesaronika 2:​7, 8.) Hazvisi nyore kuti vasiyane neshamwari dzavo dziri munyika vochinja kuitira kuti vashumire Jehovha. Tinofanira kuvabatsira kuti vawane shamwari dzechokwadi muungano. Wana nguva yekumbotaura nemudzidzi wako, isiri iya yamunodzidza. Kumufonera, kumutumira meseji, kana kumushanyira kwenguva pfupi kunoratidza kuti une hanya naye.

11 Pane chirevo chinoti: “Mwana ndewemunhu wese.” Isu tinogonawo kuti: “Zvinotoda ungano yese kuti munhu ave mudzidzi.” Ndosaka vadzidzisi veBhaibheri vanobudirira vachiita kuti vadzidzi vavo vazivane nevamwe vari muungano vanogona kuvabatsira kuti vave pedyo naJehovha. Izvi zvinoita kuti vadzidzi vakwanise kushamwaridzana nevanhu vaMwari, avo vanogona kuvabatsira kuti vave shamwari dzaJehovha uye vanovakurudzira pavanosangana nematambudziko. Tinoda kuti mudzidzi mumwe nemumwe aone kuti tinofara kuva naye muungano, uye kuti anzwe ari mumwe wevanhu vemumhuri yedu yechiKristu. Tinoda kuti aone rudo rwunoratidzwa mumhuri yedu yehama nehanzvadzi. Zvinobva zvava nyore kwaari kuti arege kushamwaridzana nevanhu vasingamubatsiri kuda Jehovha. (Zvir. 13:20) Kana vanhu vaimbova shamwari dzake vakarega kushamwaridzana naye, achaziva kuti anogona kuwana shamwari dzechokwadi musangano raJehovha.—Mako 10:​29, 30; 1 Pet. 4:4.

NOVEMBER 27–DECEMBER 3

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 20-21

“Upfumi Handihwo Hunoratidza Kuti Munhu Akarurama”

w07 8/1 29 ¶12

‘Wakapfuma Kuna Mwari’ Here?

12 Mumashoko aJesu, kupfuma kuna Mwari kunosiyaniswa nokuzviunganidzira pfuma, kana kuti kuzvipfumisa. Saka Jesu akanga ari kuti muupenyu hatifaniri kunyanya kukoshesa kuunganidza zvinhu kana kuti kunakidzwa nezvinhu zvatingava nazvo. Pane kudaro, tinofanira kushandisa pfuma yedu nenzira yokuti tinonatsiridza, kana kuti kusimbisa ukama hwedu naJehovha. Kuita izvozvo chokwadi kuchaita kuti tive vakapfuma kuna Mwari. Nei? Nokuti kunoita kuti tive nemikana yakawanda yokukomborerwa naye. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”—Zvirevo 10:22.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w95 1/1 9 ¶19

Kukurira Satani Namabasa Ake

19 Mushumiri waMwari Jobho aifanira kurwisa kuti asakanganiswa nemashoko aSatani anoshungurudza ayo akataurwa naErifazi naZofari. (Jobho 4:​13-18; 20:​2, 3) Jobho ‘akatambudzika,’ zvekuti akapedzisira ava kutaura ‘mashoko ekuvhurumuka’ nemhaka yezvinhu ‘zvinotyisa’ zvaaifunga. (Jobho 6:​2-4; 30:​15, 16) Erihu akanyatsoteerera zvaitaurwa naJobho uye akamubatsira kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha. Mazuvano, ndizvowo zvinoitwa nevakuru vanonzwisisa. Vanoratidza kuti vane hanya nevaya vanenge vari mumatambudziko kuburikidza nekusawedzera kuvaremedza. Kungofanana naErihu, vanovateerera nemwoyo murefu, vovazorodza vachishandisa Shoko raMwari. (Jobho 33:​1-3, 7; Jakobho 5:​13-15) Saka chero munhu anenge achishushikana nezvinhu zvakaitika kwaari kana kuti zvekufungidzira, kana kuti anenge ‘achirota zvinhu zvinotyisa kana kuti achivhundutswa nezviratidzo’ sezvaiita Jobho, anogona kunyaradzwa nevanhu vari muungano vachishandisa Magwaro.—Jobho 7:14; Jakobho 4:7.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Mwari Anoda Kuti Upfume Here?”

g-E 5/09 12-13

Mwari Anoda Kuti Upfume Here?

“Apa Mwari apindira! Pasina nguva ndinenge ndatovawo nemamiriyoni!”

“Ndiri kuda kutoita zvinhu zvikuru nekuti ndizvo zviri kudiwa nedenga.”

“Mwari ndiye anotipfumisa.”

“Ndiri kubudirira nekuti ndinotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri.”

MASHOKO aya anoratidza maonero anoita zvimwe zvitendero zvinoti Mwari anokomborera vanhu nekuvapa upfumi. Vanoparidza kuti kana uchiita zvinhu zvinodiwa naMwari, achaita kuti uwane zvese zvaunoda iye zvino, ozokukomborerawo mune ramangwana. Dzidziso iyi inofarirwa nevakawanda uye mabhuku anodzidzisa izvozvo anotengwa chaizvo. Asi inoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri here?

Ichokwadi kuti Musiki wedu, uyo anonzi neBhaibheri ‘ndiMwari anofara,’ anoda kuti tifare uye tibudirire muupenyu. (1 Timoti 1:11; Pisarema 1:​1-3) Uyewo anokomborera vaya vanomufadza. (Zvirevo 10:22) Asi zvinoreva here kuti mazuva ano Mwari anotikomborera nekutipa upfumi? Tinowana mhinduro yacho kana tikanzwisisa nguva yatava pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari.

Nguva Yatiri Ndeyekuti Tipfume Here?

Kare, Jehovha Mwari akakomborera vamwe vashumiri vake nekuita kuti vave vapfumi. Vamwe vacho ndiJobho naMambo Soromoni. (1 Madzimambo 10:23; Jobho 42:12) Asi vamwe vakawanda vaitya Mwari vakadai saJohani Mubhabhatidzi naJesu Kristu vainge vasiri vapfumi. (Mako 1:6; Ruka 9:58) Izvi zvinotidzidzisei? Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anobata vashumiri vake maererano nekuti anoda kuvashandisa sei pakuzadziswa kwechinangwa chake. (Muparidzi 3:1) Izvozvo zvinoshanda sei kwatiri mazuva ano?

Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti tiri kurarama panguva ‘yekuguma kwenyika,’ kana kuti “mumazuva ekupedzisira” enyika ino. Munguva iyi maizova nehondo, zvirwere, nzara, kudengenyeka kwenyika, uye zvinhu zvaizenge zvisina kugadzikana. Kubvira muna 1914, zvinhu izvi zviri kuwedzera kuitika. (Mateu 24:3; 2 Timoti 3:​1-5; Ruka 21:​10, 11; Zvakazarurwa 6:​3-8) Tingatoti, nyika ino yakafanana nengarava iri kunyura! Tichifunga nezvezvinhu izvi, zvine musoro here kuti Mwari akomborere mushumiri wake mumwe nemumwe neupfumi kana kuti ane zvimwe zvaanoda kuti tikoshese muupenyu?

Jesu Kristu akafananidza nguva yatiri kurarama nemazuva aNoa. Akati: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu. Nekuti sezvavaiita mumazuva iwayo Mafashamo asati auya, vaidya nekunwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, vasingacherechedzi kusvikira Mafashamo auya akavakukura vese, ndizvo zvichaitikawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu.” (Mateu 24:​37-39) Jesu akafananidzawo nguva yatiri kurarama nemazuva aRoti. Vavakidzani vaRoti muSodhomu neGomora “vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidyara, uye vaivaka. Asi zuva rakabuda Roti muSodhomu, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga zvikavaparadza vese.” Jesu akazoti: “Zvichavawo saizvozvo pazuva iroro pacharatidzwa Mwanakomana wemunhu.”—Ruka 17:​28-30.

Hapana hapo chakaipa nekudya, kunwa, kuroora, kutenga uye kutengesa. Asi ngozi iripo ndeyekuti tinogona kubatikana zvakanyanya nezvinhu izvozvo zvekuti tinotadza kuona kuti nguva yapera. Saka zvibvunze kuti, ‘Kana Mwari akatikomborera nekutipa zvinhu zvinogona kutitsausa, anenge achitiitira zvakanaka here?’ Chokwadi ndechekuti anenge achitotikanganisa. Mwari ane rudo haangamboiti zvinhu zvakadaro!—1 Timoti 6:17; 1 Johani 4:8.

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Gutsikana Nezvinenge Zviripo”

g 11/15 10

Kuona Mari Neziso Rakanaka

Kuzviongorora kunogona kukubatsira kuti uone kana uchifanira kuona mari neziso rakanaka. Semuenzaniso, zvibvunze mibvunzo inotevera.

◻ Ndinotorwa mwoyo here nezvirongwa zvinonzi zvinoita kuti munhu apfume nekukurumidza?

◻ Ndinoomerwa nekubatsira vamwe nemari yangu here?

◻ Ndinongoshamwaridzana nevanhu vanogara vachitaura nezvemari uye zvinhu zvavainazvo here?

◻ Ndinopedzisira ndanyepa kana kuita zvimwe zvinhu zvisina kunaka kuti ndiite mari here?

◻ Mari inoita kuti ndinzwe sekuti ndinokosha here?

◻ Ndinogara ndichifunga nezvemari here?

◻ Maonero andinoita mari ari kukanganisa utano hwangu uye mhuri yangu here?

Kana wati hongu pane mumwe wemibvunzo iyi, edza nepaunogona napo kuramba mafungiro nemiedzo zvekuda kupfuma. Rega kushamwaridzana nevanhu vanonyanya kukoshesa mari nezvinhu. Asi shamwaridzana nevanhu vanokoshesa kuva netsika dzakanaka kupfuura zvinhu.

Usambofa wakarega kuda mari kuchidzika midzi mumwoyo mako. Pane kudaro ita kuti mari irambe iri panzvimbo yayo, usingaikoshesi kupfuura shamwari, mhuri, utano hwako uye kugadzikana mupfungwa. Paunoita izvozvo unenge uchiratidza kuti unoona mari neziso rakanaka.

w16.07 7 ¶1-2

Tsvaka Umambo, Kwete Zvinhu

1 ZVINHU zvinokosha zvinodiwa pakurarama kwemunhu zvishoma, asi zvaanongodawo hake hazviperi. Zvinoita sekuti vakawanda havaoni musiyano uri pakati pezvinhu zvinokosha pakurarama nezvinhu zvinongodiwawo hazvo. Zvakasiyana papi? “Zvinhu zvinokosha pakurarama” ndezviya zvekuti haugoni kurarama usina. Zvinhu zvakadai sezvekudya, zvekupfeka, uye pekugara zvinokosha muupenyu. “Zvinhu zvinongodiwawo hazvo” ndezviya zvekuti unofarira kuva nazvo asi zvisingakoshi pakurarama kwezuva nezuva.

2 Zvinhu zvinongodiwawo hazvo nevanhu zvinosiyana-siyana chaizvo zvichienderana nekwavanogara. Mune dzimwe nyika vakawanda vanongodawo havo kuwana mari inokwana kutenga foni, mudhudhudhu, kana kuti sitendi. Munyika dzakabudirira, vanhu vangava nechishuwo chekuva nehembe dzemaoresa, imba yakakura, kana kuti motokari inodhura. Chero zvazvingava, ngozi iripo ndeyekuti tinopedzisira tava kunyanya kuda zvinhu, tichida kuramba tichiwedzera zvinhu zvatiinazvo pasinei nekuti zvinokosha here pakurarama kana kuti kwete uye kuti tinokwanisa kuzvitenga here kana kuti hatikwanisi.

w14 4/15 21 ¶17

Hapana Munhu Anogona Kushandira Vanatenzi Vaviri

17 Baba vedu Jehovha vakazvipira kutibatsira kuti tiwane zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu kana tikatanga kutsvaka Umambo nokururama kwavo. (Mat. 6:33) Kunyange tikasangana nedambudziko rakaita sei, Jehovha anovimbisawo kuti achatipa “nzira yokubuda nayo” isingaiti kuti tityore mitemo yake. (Verenga 1 VaKorinde 10:13.) Jehovha achatibatsira kana ‘tikamumirira,’ uye kana ‘tikavimba naye.’ Tinoratidza kuti tinovimba naye kana tikanyengetera kuti atipe uchenjeri nokutitungamirira uye kana tikaita zvaanotaura muShoko rake Bhaibheri. (Pis. 37:​5, 7) Achakomborera zvatinoita pakumushumira saTenzi wedu mumwe chete wechokwadi. Kana tikamuisa pokutanga muupenyu, achaita kuti ‘tibudirire.’—Enzanisa naGenesisi 39:3

DECEMBER 4-10

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 22-24

“Munhu Ane Zvaanobatsira Here Kuna Mwari?”

w05 9/15 27 ¶1-3

Ramba Kufunga Kwakaipa!

Pfungwa yokuti Mwari anotiomesera yakafanana nepfungwa yokuti anoona vanhu sevasingabatsiri. Kutaura kwaErifazi kwechitatu kune mubvunzo unoti: “Murume akagwinya angabatsira Mwari here, uye ani naani ane njere angamubatsira here?” (Jobho 22:2) Erifazi akanga ari kuti munhu haabatsiri kuna Mwari. Nenzira yakafanana, Bhiridhadhi akati: “Munhuwo zvake angava akarurama pamberi paMwari sei, kana kuti munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?” (Jobho 25:4) Maererano nepfungwa iyoyo, Jobho munhuwo zvake, aizoedza sei kuva akarurama pamberi paMwari?

Vamwe vanhu mazuva ano vakamomoterwa nemanzwiro asina kunaka. Mamiriro ezvinhu akadai semarererwo avakaitwa, kutarisana nezvinetso zvakawanda zvoupenyu, kana kuti kusarurwa rudzi kana kuti kuvengwa nedzinza zvingakonzera izvi. Asi Satani nemadhimoni ake vanofarirawo kuodza mwoyo womunhu. Kana vachigona kufurira munhu kufunga kuti hapana chaanoita chinofadza Mwari Wemasimbaose, zvinova nyore kuti munhu wacho azvidye mwoyo. Kwapera nguva yakati, munhu akadaro angatsauka, kunyange kubva pana Mwari mupenyu.—VaHebheru 2:1; 3:12.

Kukwegura uye zvinetso zvoutano zvingatitadzisa kuita zvakawanda. Zvatinoita mubasa roUmambo zvingaita sezviduku kana toenzanisa nezvatakaita pataiva vaduku, takagwinya, uye tiine simba. Zvinokosha kwazvo kuti tizive kuti Satani nemadhimoni ake vanoda kuti tinzwe sokuti Mwari haambofadzwi nezvatinoita! Tinofanira kuramba kufunga kwakadaro.

w95 2/15 27 ¶6

Kudzidza Kuti Tingagadzirisa Sei Matambudziko

Shamwari dzaJobho nhatu dzakawedzera kumuodza mwoyo nekutaura zvavaifunga panzvimbo pekutaura uchenjeri hwaMwari. Erifazi akatosvika pakutaura kuti Mwari “haatendi muvashumiri vake” uye kuti zvaisava nebasa kuna Jehovha kuti Jobho akarurama here kana kuti kwete. (Jobho 4:18; 22:​2, 3) Mashoko iwayo aiva enhema uye aiodza mwoyo kusvika pekupedzisira! Ndosaka Jehovha akazotsiura Erifazi nevamwe vake nekumhura kwavakanga vaita. Akati: “Imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu.” (Jobho 42:7) Asi vakatozotaura zvinhu zvinorwadza kupfuura ipapo.

w03 4/15 14-15 ¶10-12

Vechiduku Vanofadza Mwoyo waJehovha

10 Sezvinoratidzwa munyaya yeBhaibheri iyi, Satani haana kugutsikana kwete nokuvimbika kwaJobho chete asiwo kwevamwe vose vanoshumira Mwari—kusanganisira iwe. Kutaura zvazviri, achitaura nezvevanhu vose zvavo, Satani akati kuna Jehovha: “Zvose zvaanazvo munhu [kwete Jobho chete asi chero ani zvake] ungazviisira upenyu hwake.” (Jobho 2:4) Unoona zvaunofanira kuita here munyaya iyi inokosha? Sezvinoratidzwa pana Zvirevo 27:​11, Jehovha ari kuti pane chimwe chinhu chaunogona kumupa—chikonzero chokuti ape mushori wake Satani mhinduro. Pafunge—Changamire Wezvose ari kukukumbira kubatanidzwa mukupindura nyaya huru kwazvo kupfuura dzose. Une mutoro unotyisa uye ropafadzo yakakura kwazvo! Unogona kuita zvauri kukumbirwa naJehovha here? Jobho akagona. (Jobho 2:​9, 10) Ndizvo zvakaitawo Jesu nevamwe vasingaverengeki munhoroondo yose youpenyu, kusanganisira vechiduku vakawanda. (VaFiripi 2:8; Zvakazarurwa 6:9) Unogona kuitawo izvozvo. Asi chaunofanira kuziva ndechokuti haugoni kushaya kwawakarerekera munyaya iyi. Nezvaunoita, ucharatidza kuti unotsigira zvichida kushora kwaSatani kana kuti mhinduro yaJehovha. Uchasarudza kutsigira chipi?

Jehovha Ane Hanya Newe!

11 Jehovha ane basa nokuti unosarudza zvipi here? Vanhu vakaramba vakatendeka kuti ape Satani mhinduro yakakwana havasati vakwana here? Chokwadi, Dhiyabhorosi akati hapana anoshumira Jehovha norudo, pomero yakatoratidzwa kare kuti ndeyenhema. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kuti iwe utsigire divi rake panyaya youchangamire nokuti ane hanya newe pachako. Jesu akati: “Hachisi chinhu chinodiwa naBaba vangu vari kudenga kuti mumwe wevaduku ava aparare.”—Mateu 18:14.

12 Sezviri pachena, Jehovha anoda kuziva nzira yaunosarudza. Kupfuura izvozvo, ine zvainoita kwaari. Bhaibheri rinojekesa kuti Jehovha ane pfungwa dzakadzama dzaanonzwa dzinokonzerwa nezviito zvakanaka kana zvakashata zvevanhu. Somuenzaniso, vaIsraeri pavakaramba vachipandukira, Jehovha ‘akarwadziwa.’ (Pisarema 78:​40, 41) Mafashamo ezuva raNoa asati aitika, apo “kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru,” Jehovha “akava neshungu pamwoyo pake.” (Genesi 6:​5, 6) Funga kuti izvi zvinorevei. Kana ukatora nzira isiriyo, ungaita kuti Musiki wako arwadziwe. Izvi hazvirevi kuti Mwari haana simba kana kuti munhu asingatani kushatirwa. Asi chokwadi ndechokuti, anokuda uye anoda kuti zvikufambire zvakanaka. Ukuwo, paunoita zvakarurama, mwoyo waJehovha unofara. Anofara kwete chete nokuti ane zvimwe zvokupindura Satani asiwo nokuti iye zvino anogona kukupa mubayiro. Uye izvozvo ndizvo zvaanoda kuita. (VaHebheru 11:6) Chokwadi Jehovha Mwari ndiBaba vako vane rudo!

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w04 7/15 21-22

Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako

Chimbofunga kuti Jehovha akasika sei zvinhu zvose. Nemashoko okuti “madeko akavapo, namangwanani akavapo,” Jehovha akasiyanisa nguva inotevedzana yokusika. (Genesi 1:​5, 8, 13, 19, 23, 31) Pakutanga kwenguva imwe neimwe yokusika, ainyatsoziva chinangwa chake, kana kuti vavariro, yezuva racho. Uye Mwari akaita chinangwa chake kuti asike zvinhu. (Zvakazarurwa 4:11) “Zvinoda mwoyo wake [Jehovha], ndizvo zvaanoita,” akadaro tateguru Jobho. (Jobho 23:13) Zvinofanira kunge zvakafadza sei kuna Jehovha kuona “zvose zvaakaita” ndokuzviti zvakanga “zvakanaka kwazvo”!—Genesi 1:31.

Kuti zvinangwa zvedu zvive chaizvoizvo, isuwo tinofanira kuva nechido chakasimba chokuzvizadzika. Chii chichatibatsira kukudziridza chishuwo chikuru chakadaro? Kunyange pasi parakanga risina kugadzirwa uye risina chinhu, Jehovha aigona kufanoona chaizoguma chavapo—pasi rakaisvonaka, rinoita kuti arumbidzwe uye akudzwe. Saizvozvowo, chido chedu chokuita zvatinenge taronga kuti tiite chinogona kukudziridzwa nokufungisisa migumisiro nezvinobatsira kuzadzika chinangwa chacho. Ndizvo zvakaitika kuna Tony ane makore 19. Haana kumbokanganwa kufara kwaakaita paakashanya kokutanga kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuWestern Europe. Kubvira ipapo, Tony akaramba achifunga mubvunzo wokuti, ‘Zvaizova zvakaita sei kugara uye kushanda panzvimbo yakaita seiyi?’ Tony haana kumborega kufunga nezvomukana wacho, uye akaramba achivavarira chinangwa ichocho. Akafara sei makore anoverengeka apo chikumbiro chake chokushanda pabazi chakazotenderwa!

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Kuva Netariro Kunotibatsira Kuti Tirambe Tichishandira Jehovha”

w21.05 18-19 ¶17-20

Ramba Uine Tariro Muushumiri Hwako

17 Jesu akaramba aine tariro uye achiparidza kunyange zvazvo vamwe vaisafarira mashoko ake. Nei akadaro? Aiziva kuti vanhu vaifanira kudzidza chokwadi, uye aida kupa vakawanda mukana wekuti vanzwe mashoko eUmambo. Aiziva kuti vamwe vanhu avo vaisamuteerera panguva iyoyo vaizomuteerera pane imwe nguva. Funga zvakaitika mumhuri make. Jesu paakaita ushumiri hwake kwemakore matatu nehafu, hapana kana munin’ina wake akava mudzidzi wake. (Joh. 7:5) Asi pashure pekunge amutswa vakazova vaKristu.—Mab. 1:14.

18 Hatizivi kuti ndiani achagamuchira chokwadi chatinodzidzisa chiri muBhaibheri. Vamwe vanhu vanotora nguva yakareba kupfuura vamwe kuti vazogamuchira chokwadi. Kunyange vaya vasingadi kutiteerera vanoona zvakanaka zvatinoita uye kuti tinoramba tichifara, zvoita kuti vatange ‘kukudza Mwari.’—1 Pet. 2:12.

19 Kunyange zvazvo tichidyara uye tichidiridza, tinofanira kuziva kuti Mwari ndiye anoita kuti zvikure. (Verenga 1 VaKorinde 3:​6, 7.) Imwe hama yekuEthiopia inonzi Getahun, inoti: “Kwemakore anodarika 20, ndini ndega ndaingova Chapupu mundima isingawanzoshandwi. Asi iye zvino kuno kwava nevaparidzi 14. Pavaparidzi ava, 13 vavo vakabhabhatidzwa, kusanganisira mudzimai wangu nevana vangu vatatu. Tinowanzopinda misangano tiri 32.” Getahun anofara kuti akaramba achiparidza achimirira Jehovha kuti abatsire vanhu kuva vashumiri vake.—Joh. 6:44.

20 Jehovha anokoshesa upenyu hwemunhu wese. Anotipa ropafadzo yekushanda pamwe chete neMwanakomana wake pakuunganidza vanhu vanobva kumarudzi ese, mugumo wenyika ino usati wauya. (Hag. 2:7) Basa redu rekuparidza rinogona kufananidzwa nebasa rekununura vanhu. Uye takafanana neboka revanhu vanonunura vanhu rinenge ratumwa kunonunura vashandi vadhirikirwa nemugodhi. Kunyange zvazvo pangawanika vashandi vashoma vanenge vachiri vapenyu, basa rinoitwa nevanunuri vese rinokosha chaizvo. Izvi ndizvo zvakangoitawo basa ratinoita muushumiri hwedu. Hatizivi kuti vanhu vangani vasati vanunurwa kubva munyika yaSatani. Asi Jehovha anogona kushandisa chero munhu pakati pedu kuvabatsira. Andreas, uyo anogara kuBolivia, anoti: “Ndinoziva kuti mumwe munhu paanodzidza chokwadi obhabhatidzwa, anenge abatsirwa nevanhu vakawanda vanenge vashanda pamwe chete.” Ngatirambei tiine maonero akadaro patinoita ushumiri hwedu. Kana tikadaro, Jehovha achatikomborera uye ushumiri hwedu huchaita kuti tifare.

DECEMBER 11-17

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 25-27

“Tinogona Kuramba Takaperera Kuna Jehovha Kunyange Zvazvo Tichimbokanganisa”

it-1-E 1210 ¶4

Kuperera

Jobho. Jobho, uyo anofanira kunge akararama pashure pekufa kwaJosefa uye Mozisi asati aberekwa, anonzi aiva murume “akarurama uye asina chaanopomerwa [ChiHeb., tam]; aitya Mwari uye aisiyana nezvakaipa.” (Job 1:1) Kubvunzwa kwakaitwa Muvengi waMwari, Satani, nezvaJobho paakasvika paiva pakaungana ngirozi pamberi paJehovha kunoratidza kuti nyaya yekuperera kwevanhu yakabatana nenyaya yeuchangamire hwaMwari. Satani akati Jobho aisava nevavariro dzakanaka dzekunamata Mwari. Akati ainamata Mwari nemhaka yekuti aiva nezvaaiitirwa kwete nekuti aida Mwari. Paakadaro, aitoti Jobho akanga asina kuperera kuna Mwari. Satani akapiwa mukana wekuparadza zvinhu zvese zvaiva naJobho, kusanganisira vana vake, asi haana kukwanisa kuparadza kuperera kwake. (Job 1:6–2:3) Satani akabva azoti Jobho aigona kutsungirira kurasikirwa nezvinhu uye kufirwa nevana chero bedzi iye aiva neutano hwakanaka. (Job 2:​4, 5) Jobho akarohwa nechirwere chinorwadza, akakurudzirwa nemudzimai wake kuti atuke Mwari uye akashorwa nekupomerwa zvenhema neshamwari dzake idzo dzakataura zvisiri izvo nezvemitemo uye zvinangwa zvaMwari. (Job 2:​6-13; 22:​1, 5-11) Asi pasinei naizvozvo Jobho akaramba akaperera kuna Mwari. Akati: “Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari! Ndicharamba ndichiita zvakarurama uye handizoregi kuzviita; mwoyo wangu hauzondipi mhosva chero ndichiri mupenyu.” (Job 27:​5, 6) Kuperera kwaJobho kwakaratidza kuti Muvengi waMwari murevi wenhema.

w19.02 3 ¶3-5

Ramba Wakaperera Kuna Mwari!

3 Parinoshandiswa kwatiri isu vashumiri vaMwari, shoko rekuti kuperera rinoreva kuda Jehovha nemwoyo wese uye kuzvipira kwaari zvizere, zvichiita kuti titange tafunga nezvake pese patinoita zvisarudzo. Chimbofunga nezvekushandiswa kunoitwa shoko racho. Rinogona kushandiswa pachinhu chakazara, chakanaka kana kuti chisina kukanganisika. VaIsraeri vaipa zvibayiro zvemhuka kuna Jehovha uye Mutemo waiti mhuka dzacho dzaifanira kunge dzakanaka. (Revh. 22:​21, 22) Vanhu vaMwari vaisabvumirwa kupa mhuka isina rimwe gumbo, ziso kana nzeve; uyewo vaisafanira kupa mhuka inorwara. Zvaikosha chaizvo kuna Jehovha kuti mhuka dzacho dzinge dzakanaka kana kuti dzisina kukanganisika. (Mar. 1:​6-9) Tinogona kunzwisisa kuti nei Jehovha achikoshesa zvinhu zvakanaka kana kuti zvakakwana. Patinotenga chimwe chinhu chakadai sebhuku, hatidi rinenge risina mamwe mapeji. Tinoda rinenge rakakwana, kana kuti risina kukanganisika. Jehovha anodawo kuti kuda kwatinomuita uye kuvimbika kwedu kunge kwakadaro. Tinofanira kumuda uye kuvimbika kwaari zvizere.

4 Tinofanira kuva vanhu vasina chivi here kuti tive vakaperera kuna Mwari? Tinogonawo kunge tichiona sekuti tinokanganisa kakawanda chaizvo. Funga zvikonzero zviviri zvinoratidza kuti hatifaniri kunetseka. Chekutanga, Jehovha haati nangananga nezvatinokanganisa. Shoko rake rinotiudza kuti: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pis. 130:3) Jehovha anoziva kuti tine chivi uye anotikanganwira nemwoyo wese. (Pis. 86:5) Chechipiri, Jehovha anoziva zvatisingakwanisi, uye haatarisiri kuti tiite zvinopfuura zvatinokwanisa. (Verenga Pisarema 103:​12-14.) Saka tingava sei vanhu vakaperera kuna Mwari?

5 Rudo ndirwo rwunoita kuti vashumiri vaJehovha vaperere kwaari. Tinofanira kuramba tichida Mwari uye takazvipira kwaari zvizere saBaba vedu vekudenga. Kana tikaramba tichimuda saizvozvo kunyange patinoedzwa, tinenge tiri vanhu vakaperera. (1 Mak. 28:9; Mat. 22:37) Funga zvakare vanhu vatatu vataurwa patangira nyaya ino. Nei vachiita saizvozvo? Kungava here kuti musikana wacho haadi kufara nevamwe kuchikoro, kana kuti mukomana wacho anoda zvekunyadziswa pasuo, kana kuti murume wacho anoda kurasikirwa nebasa rake? Aiwa. Vese vanoziva kuti Jehovha anoda zvinhu zvakarurama uye pfungwa dzavo dziri pakufadza Baba vavo vekudenga. Kuda kwavanoita Jehovha kunoita kuti vafunge nezvake vasati vaita zvisarudzo. Nekuita izvi vanoratidza kuti vakaperera kwaari.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w16.11 9 ¶3

Takarongwa Maererano Nezviri muBhuku raMwari

3 Zvinhu zvakasikwa zvinoratidza kuti Mwari ndiye murongi asina waakaenzana naye. Bhaibheri rinoti, “Jehovha akavaka nheyo dzenyika achishandisa uchenjeri. Akasimbisa matenga achishandisa ungwaru.” (Zvir. 3:19) Tinongoziva “kachikamu kadukuduku kenzira [dzaMwari],” uye “tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake.” (Job. 26:14) Asi zvishoma zvatinoziva nezvemapuraneti, nyeredzi uye mapoka enyeredzi anonzi magalaxy zvinoita kuti tibvume kuti zvinhu izvi zviri muchadenga zvakanyatsorongeka. (Pis. 8:​3, 4) Magalaxy ane mamiriyoni enyeredzi, uye dzose dzinofamba zvakarongeka muchadenga. Mapuraneti ari pedyo nezuva anofamba munzira dzawo achitenderera zuva sekunge kuti anotevedzera mitemo yemumugwagwa. Uchapupu hunoshamisa hwekurongeka kwezvinhu zvemuchadenga hunotibatsira kuona kuti Jehovha, uyo ‘akaita matenga nenyika nokunzwisisa,’ akakodzera kuti timurumbidze, tivimbike kwaari uye timunamate.—Pis. 136:​1, 5-9.

DECEMBER 18-24

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 28-29

“Une Mukurumbira Wakanaka Sewaiva naJobho Here?”

w02 5/15 22 ¶19

Ratidza Mutsa Une Rudo Kune Vaya Vanoda Kubatsirwa

19 Nhoroondo dzeBhaibheri dzatakurukura dzinoratidzawo kuti mutsa une rudo unofanira kuratidzwa kune vaya vane zvavanoda zvavasingagoni kuzviitira pachavo. Kuitira kuti dzinza rake rienderere mberi, Abrahamu aida kubatsirwa naBhetueri. Kuti mutumbi wake uendeswe kuKanani, Jakobho aida kuti Josefa amubatsire. Uye kuti ave nomudyi wenhaka, Naomi aida kuyamurwa naRute. Abrahamu, Jakobho, kana Naomi vaisagona kuita zvinhu izvozvo vasingabatsirwi. Saizvozvowo nhasi, mutsa une rudo unofanira kunyanya kuratidzwa kune vaya vanoda kubatsirwa. (Zvirevo 19:17) Tinofanira kutevedzera tateguru Jobho, uyo airwira “varombo vaichema, nenhererawo, nowaishayiwa mubatsiri” kusanganisira “waikarofa.” Jobho ‘aiitawo kuti mwoyo wechirikadzi ufare’ uye akava “meso amapofu, netsoka dzavanokamhina.”—Jobho 29:​12-15.

it-1-E 655 ¶10

Chipfeko

Pane pakawanda panotaurwawo nezvezvipfeko zvichifananidzira zvimwe zvinhu. Yunifomu kana zvimwe zvipfeko zvinowanzoratidza kuti munhu ndewesangano ripi kana kuti anotsigira zvinhu zvipi. Saizvozvowo, muBhaibheri, zvipfeko zvinofananidzira kuti munhu ari kutaurwa munhu akaita sei uye kuti anoita nezvei, sezvakataurwa naJesu mumufananidzo wenguo yemuchato. (Mt 22:​11, 12) Pana Zvakazarurwa 16:​14, 15, Ishe Jesu Kristu akayambira kuti vaKristu vasarara pane zvekunamata vorasikirwa nezvinhu zvinoita kuti vazivikanwe kuti zvapupu zvakatendeka zvaMwari wechokwadi. Izvi zvinogona kuva nengozi sezvo ‘hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose’ yava pedyo.

w09 2/1 15 ¶3-4

Zita Rako Rinomborevei?

Hatina kusarudza mazita atakapiwa patakaberekwa. Zvisinei, ndisu pachedu tinosarudza kuti zita racho richarevei. (Zvirevo 20:11) Wadii kuzvibvunza kuti: ‘Kudai Jesu kana kuti vaapostora vaizowana mukana, vaizonditumidza kuti ani? Nderipi zita raizova rakakodzera kutsanangura unhu hwangu kana kuti hwandinonyanya kuratidza?

Mubvunzo uyu unoda kuti tinyatsofungisisa. Nei? Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti, “Zita rakanaka rinofanira kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji.” (Zvirevo 22:1) Chokwadi, kana tikazviitira zita kana kuti mukurumbira wakanaka kwatinogara, tinenge tiine chinhu chinokosha. Zvisinei, chinonyanya kukosha ndechokuti kana tikaita zita rakanaka naMwari, tinowana pfuma isingaperi. Sei? Mwari akavimbisa kuti achanyora mazita evaya vanomutya ‘mubhuku rake rokuyeuchidza,’ uye achaita kuti vazorarama upenyu husingaperi.—Maraki 3:16; Zvakazarurwa 3:5; 20:​12-15.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

g00 7/8 29 ¶3

Kunyemwerera Kunokubatsira!

Kunyemwerera kune zvakunobatsira here? Unoyeuka here pawakambonyemwererwa nemumwe munhu zvikaita kuti unzwe kugadzikana uye kuzorodzwa? Kana kuti unoyeuka here mumwe munhu paasina kukunyemwerera zvikaita kuti unetseke kana kunzwa kuti hausi kufarirwa? Kunyemwerera kune zvakunobatsira. Kunobatsira ari kunyemwererwa uye ari kunyemwerera wacho. Jobho akataura nezvevavengi vake achiti: “Pandaivanyemwerera, vaisazvibvuma; kujeka kwechiso changu kwaivasimbisa.” (Job 29:24) “Kujeka kwechiso” chaJobho kunofanira kunge kuchireva kusununguka kana kuti kufara kwaaiita.

DECEMBER 25-31

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 30-31

“Zvakaitwa naJobho Kuti Arambe Akachena”

w10 4/15 21 ¶8

Rega Kutarira Zvinhu Zvisina Zvazvinobatsira!

8 VaKristu vechokwadi vanokanganiswawo nechishuvo chemaziso uye chenyama, sezvinongoita vamwe vanhu vose. Naizvozvo Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tizvidzore pane zvatinoona nezvatinoda. (1 VaK. 9:​25, 27; verenga 1 Johani 2:​15-17.) Murume akarurama Jobho aiziva kubatana kwakaita kuona chinhu nokuchida. Akati: “Ndakaita sungano nemaziso angu. Saka ndingaramba sei ndakatarira mhandara?” (Job. 31:1) Jobho haana kungoramba kubata mukadzi zvounzenza asiwo akatoti aisazomborega pfungwa dzake dzichifunga zvakadaro. Jesu akati pfungwa hadzifaniri kufunga zvisina kuchena paakati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mat. 5:28.

w08 9/1 11 ¶4

Funga “Nezvokuguma” Kwacho

Usati watanga kufamba nenzira younzenza, zvibvunze kuti, ‘Nzira iyi ichandisvitsa kupi?’ Kumbomira wofunga “nezvokuguma” kwacho kungakubatsira kuti urege kufamba nenzira inopedzisira yakupinza mungozi. AIDS nezvirwere zvinopomeranwa pabonde, nhumbu dzisingatarisirwi, kubvisa pamuviri, kusanyatsodanana, uye kunzwa uine mhosva ndizvo zvinhu zvakazara munzira yevaya vanosarudza kusatevedzera zvikwangwani. Magumiro achaita nzira yevaya vanoita unzenza anonyatsotsanangurwa nomuapostora Pauro. “Havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:​9, 10.

w10 11/15 5-6 ¶15-16

Vechiduku—Tungamirirwai Neshoko raMwari

15 Unofunga kuti ndepapi panonyanya kuedzwa kuvimbika kwako kuna Mwari, paunenge uine vamwe kana kuti uri woga? Kana uri kuchikoro kana kuti kubasa unenge wakagadzirira kudzivirira kutenda kwako. Unenge wakangwarira zvinhu zvinogona kukanganisa ukama hwako naMwari. Paunenge wakapombonoka zvako usina kungwarira ndipo pari nyore kuti ukama hwako naJehovha hukanganiswe.

16 Sei uchifanira kuteerera Jehovha kunyange uri woga? Yeuka izvi: Unogona kurwadzisa Jehovha kana kuti kumufadza. (Gen. 6:​5, 6; Zvir. 27:11) Zvaunoita zvinogona kurwadzisa kana kuti kufadza Jehovha nokuti ‘ane hanya newe.’ (1 Pet. 5:7) Anoda kuti umuteerere kuti zvikunakire. (Isa. 48:​17, 18) Vamwe vashumiri vaJehovha muIsraeri pavakaisa zvimiti munzeve achivapa zano, vakaita kuti arwadziwe. (Pis. 78:​40, 41) Ukuwo Jehovha aida Dhanieri zvikuru, zvokuti imwe ngirozi yakamuudza kuti “murume anodiwa kwazvo.” (Dhan. 10:11) Aimudirei? Dhanieri akaramba akavimbika kuna Mwari kwete pane vanhu chete asiwo ari oga.—Verenga Dhanieri 6:10.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 11/15 11 ¶3

Unyanzvi Hwokuteerera Norudo

Shamwari dzaJobho dzakanzwa hurukuro dzake dzinenge gumi. Kunyange zvakadaro, Jobho akati: “Haiwa, kudai ndaiva nomumwe munhu anonditeerera!” (Jobho 31:35) Nei? Nokuti kuteerera kwavaiita hakuna kumunyaradza. Vakanga vasina hanya naJobho uyewo vakanga vasingadi kunzwisisa manzwiro aaiita. Zvechokwadi vakanga vasiri vateereri vainzwira mumwe wavo ngoni. Asi muapostora Petro anopa zano rokuti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchizvininipisa.” (1 Petro 3:8) Tinganzwira sei vamwe ngoni? Imwe nzira ndeyokuva nehanya nemanzwiro anoita mumwe munhu uye kuedza kuanzwisisa. Kutaura mashoko okunzwira tsitsi akadai sokuti “ndofunga makashatirwa” kana kuti “ndofunga makaona sokuti havana kukunzwisisai” ndeimwe nzira yokuratidza kuti tine hanya. Imwe nzira ndeyokudzokorora zviri kutaurwa nomunhu wacho nemashoko edu, tichiratidza kuti tanzwisisa zvaataura. Kuteerera norudo hazvirevi kungoteerera mashoko ari kutaurwa asiwo kunzwisisa manzwiro anoita munhu ayo aangave asiri kubudisa pachena.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

“Ndingatsanangurira Sei Mumwe Munhu Zvinotaurwa neBhaibheri Nezveungochani?”

g16.4 8-9

Bhaibheri Rinotii Nezveungochani?

Kune vanhu vanonzwa vachida kuita zvechingochani. Vakazvarwa vakadaro here? Kana vakazvarwa vakadaro, hausi utsinye here kuvati zvavanoita zvakaipa?

Kunyange zvazvo Bhaibheri richiti kune vamwe vanhu vane maitiro akadzika midzi, harina zvarinotaura nezvekuti munhu anogona kuberekwa achida zvechingochani. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoti kana tichida kufadza Mwari pane zvimwe zvinhu zvatisingafaniri kuita kusanganisira chingochani.—2 VaKorinde 10:​4, 5.

Vamwe vanogona kuti zvinotaurwa neBhaibheri utsinye. Vanoti munhu anofanira kuita zvinoda mwoyo wake uye kuti zvido zvedu panyaya dzebonde zvinokosha uye hazvidzoreki. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti takasiyana nemhuka pakuti tinogona kuzvidzora. Mhuka hadzikwanisi kuzvidzora.—VaKorose 3:5.

Funga nezvemuenzaniso uyu: Vamwe vanoongorora vanoti munhu anogona kuzvarwa aine unhu hwakadai sehasha. Bhaibheri harina zvarinotaura panyaya iyoyo, asi rinoti vamwe vanhu ‘havatani kutsamwa’ uye ‘vane hasha.’ (Zvirevo 22:24; 29:22) Kunyange zvakadaro rinotiwo: “Rega kutsamwa, usiye hasha.”—Pisarema 37:8; VaEfeso 4:31.

Vanhu vakawanda vanobvumirana nezano iri reBhaibheri uye vanoti hakusi kuomesera vanhu vasingatani kutsamwa. Kunyange vamwe vaongorori vachitaura kuti munhu anogona kuzvarwa aine hasha, vanotoshanda nesimba kuti vabatsire vanhu vakadaro kuti vadzore hasha dzavo.

Ndizvo zvinoitwawo neZvapupu zvaJehovha pamaitiro ose anopesana neBhaibheri, akadai sekuita bonde kwemunhurume nemunhukadzi vasina kuroorana. Vanoshandisa zano reBhaibheri rinoti: ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaazive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete pakuda kurara nomumwe munhu kworuchiva.’—1 VaTesaronika 4:​4, 5.

“Vamwe Venyu Ndizvo Zvamakanga Makaita”

Vanhu vaida kutendeuka panguva yakatanga chiKristu vaibva kwakasiyana-siyana uye mararamiro avo ainge akatosiyana. Vane zvinhu zvavaitofanira kuchinja muupenyu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura ‘nezvevanonamata zvidhori, zvifeve, mhombwe, varume vanorara nevarume,’ asi rinobva rati: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.”—1 VaKorinde 6:​9-11.

Bhaibheri parinoti “vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita,” zvinoreva here kuti vaya vakarega zvechingochani havana kuzova nechido ichocho zvekare? Aiwa, nekuti Bhaibheri rinotikurudzirawo kuti: “Rambai muchifamba maererano nomudzimu uye hamuzomboiti zvinodiwa nenyama.”—VaGaratiya 5:16.

Bhaibheri hariti muKristu haazombovi nechido chisina kunaka. Asi rinoti achasarudza kurega kuita zvido zvakaipa. VaKristu vanodzidzira kuti vazvidzore, vorega kuramba vachifunga nezvazvo kuti vasazozviita.—Jakobho 1:​14, 15.

Bhaibheri rinoratidza kuti kunzwa kuda kuita chimwe chinhu kwakasiyana nokuchiita. (VaRoma 7:​16-25) Munhu anonzwa achida zvechingochani anogona kuzvidzora kuti asanyanya kufunga nezvazvo kungofanana nezvaaizoita kana akanzwa achida kuita hasha, upombwe kana kuchiva.—1 VaKorinde 9:27; 2 Petro 2:​14, 15.

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi, havamanikidzi vamwe kuti vabvume maonero avo. Uye vanoremekedza kodzero dzinodzivirira vanhu vane mararamiro akasiyana neavo. Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira kuparidza mashoko akanaka kune vose vanoda kuteerera.—Mabasa 20:20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe