RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • foa nyaya 4
  • Vakapa Zvakanakisisa Zvavaiva Nazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakapa Zvakanakisisa Zvavaiva Nazvo
  • Kubva Mudura Renhoroondo Yedu
  • Misoro Midiki
  • Zvapupu Zvekune Dzimwe Nyika Zvakakurumidza Kubatsira
  • Zvakazoitika Zvinoshamisa
  • ‘Ivai Nerudo Pakati Penyu’
Kubva Mudura Renhoroondo Yedu
foa nyaya 4
Zvapupu zvaJehovha zviri kuisa zvinhu zvekuyamura muchitima chichaenda kuGermany.

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Vakapa Zvakanakisisa Zvavaiva Nazvo

Pakapera Hondo Yenyika II muna 1945, nzvimbo dzakawanda muGermany dzakanga dzava matongo. Maguta akanga aparara, zvikoro zvisisina vana, zvipatara zvisisashandisiki, uye mabhomba asina kuputitswa aiva pese pese. Uye zvekudya zvaiva zvishoma, saka zvakanga zvava kudhura. Semuenzaniso, vanhu vanotengesa zvinhu zvisiri pamutemo vaitengesa magiramu 500 emajarini nemari yaishandirwa nemunhu kwemavhiki 6.

Vamwe vanhu vaitamburawo vaiva Zvapupu zvaJehovha, avo vakanga vaita makore vari mumajeri nemumisasa yevasungwa nemhaka yezvavanotenda. Muna 1945, vakasunungurwa vasina kana chinhu kunze kwehembe dzaingova pamuviri. Zvimwe Zvapupu zvakanga zvakarasikirwa nedzimba uye zvinhu zvavo. Vamwe vaikuvara nenzara zvekuti vaifenda misangano yechiKristu iri pakati.

Zvapupu Zvekune Dzimwe Nyika Zvakakurumidza Kubatsira

Zvapupu zvaJehovha zvekune dzimwe nyika zvakakurumidza kubatsira nezvekudya uye zvekupfeka. Hama dzekumahofisi makuru kuUnited States dzakakumbira hofisi yebazi iri muBern, kuSwitzerland, kuti ibatsire hama dzekuGermany. Nathan H. Knorr, mumiririri wemahofisi makuru, akaenda kuEurope kuti abatsire kuronga uye kuona kuti zvinhu zvekuyamura zvakurumidza kuendeswa.

Nathan H. Knorr achikurukura nehama muWiesbaden, Germany, muna 1947. Nechekumashure kwake kune rugwaro rwegore muchiGerman: “Rumbidzai Jehovha, Marudzi Ese”

Zvapupu zvemuSwitzerland zvakapa chikafu, hembe, nemari. Zvinhu zvakatanga zvatumirwa kuBern kwazvainorongedzwa zvisati zvatumirwa kuGermany. Zvapupu zvekune dzimwe nyika dzakadai seSweden, Canada, uye United States zvakayamurawo, uye izvi zvakabatsira vanhu vaJehovha vemuGermany nemune dzimwe nyika dzakawanda dzemuEurope nemuAsia dzakanga dzasakadzwa nehondo.

Zvakazoitika Zvinoshamisa

Mumwedzi mishomanana, hofisi yebazi yemuSwitzerland yakatumira kofi, mukaka, shuga, michero yakaomeswa, miriwo, uye nyama nehove zvemumagaba. Vakatumirawo mari.

Zvapupu zvemuSwitzerland zvakatumirawo matani 5 ehembe dzaisanganisira majasi, hembe dzevakadzi uye masutu evarume. Nharireyomurindi yeChirungu yaJanuary 15, 1946, yakati: “Hama hadzina kupa zvinhu zvadzakanga dzisingachadi, asi dzakapa zvainge zvakanakisisa. Vakazvipira zvikuru kuti vabatsire hama dzavo dzekuGermany.”

Zvapupu zvemuSwitzerland zvakapawo mapeya ebhutsu anoda kusvika 1 000, uye dzakatanga dzatariswa kuti dzichakanaka here dzisati dzatumirwa. Hama nehanzvadzi dzakavhura zvinhu zvacho muWiesbaden, Germany, dzakashamiswa nekunaka uye kusiyana-siyana kwezvinhu zvacho. Chimwe Chapupu chakati: “MuGermany hamuwaniki shopu ine zvinhu zvemhando yepamusoro seizvi.”

Zvinhu zvekuyamura zvakaramba zvichitumirwa kusvika muna August 1948. Zvinhu zvese zvakatumirwa kuGermany neZvapupu zvemuSwitzerland zvairema matani 25. Sezvambotaurwa, Zvapupu zvemuSwitzerland handizvo zvega zvakatumira zvinhu zvekuyamura. Asi pane vanhu vese vakabatsira, ndivo vaiva vashoma. Panguva iyoyo muSwitzerland maingova neZvapupu 1 600 chete!

‘Ivai Nerudo Pakati Penyu’

Jesu Kristu akati: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Rudo rwakaita kuti vanhu vaJehovha vape zvinhu zvakanakisisa zvavaiva nazvo, kwete zviya zvavainge vasisadi. (2 VaKorinde 8:1-4) Tsamba yakabva kuguta reZurich yakataura kuti “hama dzakawanda dzaidawo kubatsira kunyange idzo pachadzo dzaiva varombo. Saka dzakapawo mari yadzaiva nayo.”

Vanhu vaJehovha muGermany vakakurumidza kugadzikana kubva pakutambudzwa kwavakaitwa uye pamatambudziko akakonzerwa nehondo. Chimwe chakaita kuti zvidaro ndechekuti vakapiwa rubatsiro rwakanaka nehama dzavo idzo dzakaratidza rudo rwekuzvipira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe