RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • hdu nyaya 6
  • Kupedza Kuvaka COVID-19 Isati Yatanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupedza Kuvaka COVID-19 Isati Yatanga
  • Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mabasa Ekuvaka muGore Rebasa ra2021
  • Dhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nokuvaka Pasi Rose
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Zvivakwa Zvinotibatsira Pakuparidza
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Unogona Kupawo Nguva Nesimba Rako Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
Ona Zvimwe
Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
hdu nyaya 6
Vashandi vari kuisa chikwangwani pabazi idzva rekuCameroon.

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kupedza Kuvaka COVID-19 Isati Yatanga

1 NOVEMBER 2020

Sezvo nhamba yevanhu vari kubhabhatidzwa gore negore iri kuramba ichiwedzera, pari kudiwawo zvimwe zvivakwa zvekunamatira zvakawanda. Nemhaka yekuwedzera uku, madhipatimendi anoona nezvekuvaka, eLDC pasi rese akanga akaronga kuvaka kana kuti kugadziridza zvivakwa zvekunamatira zvinopfuura 2 700 mugore rebasa ra2020.a

Asi zvavakanga vakaronga zvakakanganiswa nechirwere cheCOVID-19. Kuti vadzivirire hama dzedu pachirwere ichi uye kuti vatevedzere mitemo yehurumende, Komiti Inoona Nezvekubudiswa Kwemabhuku yeDare Rinotungamirira yakambomisa mabasa ekuvaka akawanda aiitwa pasi rese. Pasinei naizvozvo, mugore rebasa ra2020 takavaka uye takagadziridza zvivakwa zvekunamatira zvinopfuura 1 700, chirwere ichi chisati chatanga. Uyewo, mabasa akakura aida kuitwa pamapazi anopfuura 100 akapedzwa. Onai kuti basa rekuvaka rakaitwa riri kubatsira sei hama dzedu.

Bazi rekuCameroon. Bazi ravaimbova naro rakanga riri kuDouala rakanga riri diki uye raida kugadziriswa zvinhu zvakawanda. Komiti Inoona Nezvekubudiswa Kwemabhuku yakafunga nezvekugadziridza zvivakwa izvi, asi mari yaizodiwa pakuzvigadziridza yakanga yakawanda kupfuura mutengo wezvivakwa zvacho. Vakaongororawo kana zvaiita kutenga nzvimbo yekuvakira kana kuti kutenga zvimwe zvivakwa vobva vazozvigaridzisa, asi zvese izvi hazvina kubudirira.

Izvi pazvaiitika, hama dzakanzwa kuti hurumende yakanga iri kuronga kugadzira mugwagwa nechekuchamhembe kweDouala, waizopfuura pedyo neimwe Imba Yemagungano. Mugwagwa wacho waizoita kuti zvive nyore kusvika panzvimbo iyi uye kuendesa zvinhu zvinodiwa. Izvi ndizvo chaizvo zvaidiwa panzvimbo yaizovakirwa bazi. Saka Dare Rinotungamirira rakapa mvumo yekuti pane chimwe chikamu chenzvimbo yakanga yakavakwa Imba Yemagungano pavakwe bazi idzva.

Mapikicha: 1. Hama dziri kutorwa pikicha padziri kuvaka. 2. Hama nhatu dziri kugadzirira kudira dhaka pavaivaka.

Hama nehanzvadzi dzichibatsira kuvaka bazi idzva rekuCameroon

Zvapupu zvakashanda pamwe chete nemakambani anoita zvekuvaka, izvo zvakaita kuti basa racho rikurumidze kupera uye zvakachengetedza mari. Mari yakashandiswa pabasa iri yakanga iri shoma chaizvo pane yavaitarisira kushandisa. Vakachengetedza mari inopfuura US$2 miriyoni! Mhuri yeBheteri yakakwanisa kutamira kubazi idzva COVID-19 isati yatanga.

Pikicha yebazi rekuCameroon rapera kuvakwa.

Bazi rekuCameroon rakapera kuvakwa COVID-19 isati yatanga

Mhuri yeBheteri yekuCameroon iri kubatsirwa chaizvo nekuti vava nepekugara uye pekushandira pakanaka, uye vanoona bazi ravo idzva sechipo chavakapiwa naJehovha. Mumwe murume nemudzimai vakati: “Tiri kuda kuwedzera kushanda nesimba uye kuti tisatambisa chipo ichi chatakapiwa.”

Hama nehanzvadzi dziri kushandira muhofisi yavo itsva chirwere cheCOVID-19 chisati chatanga

Hofisi Yeshanduro Yemutauro weTojolabal (RTO), Iri kuMexico. Kwemakore akawanda, hama dzaishandurira muchiTojolabal dzaishanda dziri pabazi rekuCentral America, riri pedyo neMexico City. Asi chiTojolabal chinonyanya kutaurwa muAltamirano nemuLas Margaritas anenge makiromita 1 000 kubva pabazi! Nemhaka yeizvi, zvaisava nyore kuti vashanduri vafambirane nekuchinja kwemutauro wavo. Uyewo zvakanga zvakaoma kuwana hama dzaigona kubatsira pakushandura chiTojolabal kana pakurekodha.

Hama nehanzvadzi dziri kugadzirira kudyara uswa paHofisi Yeshanduro.

Hama nehanzvadzi dzichabatsira pabasa raiitwa paHofisi Yeshanduro

Izvi zvakaita kuti Komiti Yekunyora yeDare Rinotungamirira isarudze kuti vashanduri vechiTojolabal vatamire kunzvimbo inotaurwa mutauro wacho. Kuti vaite izvi, bazi rakasarudza kutenga uye kugadziridza chimwe chivakwa. Izvi zvaizochengetedza mari pane kuvaka kana kushandisa zvivakwa zvinoda kubhadharwa rendi mwedzi wega wega.

Hofisi Yeshanduro yechiTojolabal iri kuMexico yapera kuvakwa.

Mumwe wevashanduri anotsanangura kubatsirwa kwaakaitwa achiti: “Mumakore 10 andakashanda semushanduri ndiri pabazi, handina kana kumbosangana nemhuri imwe chete zvayo yaitaura mutauro wangu. Iye zvino mahofisi edu ava munzvimbo inotaurwa chiTojolabal. Zuva rega rega ndinoonana nevanhu vanotaura chiTojolabal. Izvi zvaita kuti ndiwedzere kuziva mutauro wacho uye zviri kubatsira chaizvo pabasa rangu rekushandura.”

Hofisi yeshanduro yechiTojolabal payakanga isati yagadziridzwa uye payakanga yazogadziridzwa

Mabasa Ekuvaka muGore Rebasa ra2021

Zvichienderana nemamiriro ezvinhu, mugore rebasa ra2021 pari kurongwa kuvakwa mahofisi eshanduro 75 uye nzvimbo dzinoitirwa zvikoro zvesangano. Basa richaenderera mberi pakuvakwa kwemapazi 8 kusanganisira mahofisi matsva kuRamapo muNew York uye kuvakwa kwebazi rekuArgentina nerekuItaly. Uyewo pachada kuvakwa Dzimba dzeUmambo dzinopfuura 1 000, nzvimbo dzinopindirwa misangano dzinodarika 6 000 hadzina kukodzera uye dzinoda kugadziridzwa, uyewo Dzimba dzeUmambo 4 000 dziri kuda kugadziridzwa.

Mapikicha: Pikicha inoratidza Dzimba dzeUmambo dziri kudiwa iye zvino uye dzinodiwa kuti dzienderane nekuwanda kuri kuita vanhu musangano. 1. Dzimba dzeUmambo Dziri Kudiwa: 1 179; Nzvimbo Dzekupindira misangano dziri kuda kugadziridzwa: 1 367; Dzimba dzeUmambo dziri kuda kugadziridzwa: 4 672; Dzese Pamwe Chete: 7 218. 2. Mabasa ekuvaka Dzimba dzeUmambo Pagore: 699; Mabasa ekugadziridza Dzimba dzeUmambo Pagore:2 028.

Mari yekuita mabasa ese aya ekuvaka uye ekugadziridza inombobva kupi? Hama Lázaro González, mumwe wevari muDare reBazi rekuCentral America, vakapindura mubvunzo iwoyo pavaikurukura nezvebasa raiitwa rekuvaka Hofisi Yeshanduro yechiTojolabal. Vakati, “Mundima yebazi redu hatina zvinhu zvakawanda zvekurarama nazvo. Saka kudai pasina rubatsiro runobva kuhama dziri pasi rese, tingadai tisingambokwanisi kuvaka mahofisi eshanduro. Mari inopiwa nehama dzedu pasi rese inoita kuti vashanduri vakwanise kunoshanda vari munzvimbo dzinotaurwa mutauro wacho. Tinotenda chaizvo kubatsirwa kwatinoitwa nehama dziri pasi rese.” Ichokwadi kuti tinokwanisa kuita mabasa ese aya ekuvaka nemhaka yemipiro yamuri kupa kuti mutsigire basa remunyika yese, vakawanda venyu muchishandisa donate.jw.org.

a Madhipatimendi anoona nezvekuvaka, eLDC anoronga nezvekuvakwa kweDzimba dzeUmambo mundima dzemapazi awo. Worldwide Design/Construction Department, iri kumahofisi makuru inoronga kuti ndezvipi zvivakwa zvinofanira kutanga kuvakwa uye kuti zvichavakwa sei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe