Mibvunzo Inobva Kuvaravi
VaKristu vanofanira kukoshesa zvakadini vimbiso yokuroorana?
Vimbiso yokuroorana chikonzero chokufara, asi inhau inokoshawo. Hapana muKristu akakura mumudzimu anofanira kurerutsa vimbiso, achifunga kuti chero nguva anogona kungoigumisa nechikonzero chero chipi zvacho. Nguva yokuvimbisana inguvawo yokuti vaviri vacho vajairane zviri nani vasati varoorana.
Pakukurukura musoro uyu, tinofanira kuziva kuti tsika dzomunharaunda dzine chokuita nokuroora, nematanho okuita kudaro, zvinosiyana zvikuru munzvimbo dzakasiyana nemunguva. Bhaibheri rinoenzanisira izvi.
Vanasikana vaviri vaRoti, vakanga “vasina kumboziva murume,” vakanga vakavimbisana nevarume vaviri vomunharaunda yacho munzira yakati. ‘Vakuwasha vaRoti vakanga vachazowana vakunda vake,’ asi Bhaibheri haritiudzi kuti kuvimbisana kwacho kwakaitirwei uye kwakaitwa sei. Vanasikana vacho vakanga vari vanhu vakuru here? Vaiva nezvikuru zvavaigona kuita here pakusarudza kuti voroorwa naani? Vakavimbisana vachishandisa matanho aiitwa nevanhu vose here? Hatizivi. (Genesi 19:8-14) Tinoziva kuti Jakobho akaita chibvumirano chake oga nababa vaRakeri kuti aroore Rakeri kana avashandira kwemakore manomwe. Nyange zvazvo Jakobho akataura nezvaRakeri se“mukadzi wangu,” havana kumborara vose mumakore iwayo. (Genesi 29:18-21) Somumwe muenzaniso, asati agona kuroora mwanasikana waSauro, Dhavhidhi aifanira kukunda vaFiristia. Aita zvaakanga arayirwa naSauro, Dhavhidhi aigona kuroora mwanasikana wacho, Mikari. (1 Samueri 18:20-28) “Kuvimbisana” ikoko kwakanga kwakasiyana uye kwakasiyana nekunonyanya kuitwa munyika dzakawanda nhasi.
Mutemo waMosesi waiva nemirayiro pamusoro pokuroorana nokuvimbisana. Somuenzaniso, murume aigona kuva nemadzimai akawanda; aigona kuvarambira zvikonzero zvakasiyana-siyana, nepo zviri pachena kuti mudzimai aisagona kuzviita. (Eksodho 22:16, 17; Dheuteronomio 24:1-4) Murume aibata mhandara inenge isina kuvimbiswa aifanira kuiroora kana baba vacho vaibvuma, uye akanga asingagoni kuzomboiramba. (Dheuteronomio 22:28, 29) Mimwe mitemo yaishandiswa pakuroorana, yakadai sokuti ndirini pavaisafanira kurara vose. (Revhitiko 12:2, 5; 15:24; 18:19) Mirayiro ipi yaiva nechokuita nokuvimbisana?
Nomutemo mukadzi wechiIsraeri akanga akavimbiswa aionekwa zvakasiyana nouya akanga asina kuvimbiswa; dzimwe nhambo aionekwa seakaroorwa. (Dheuteronomio 22:23-29; Mateo 1:18, 19) VaIsraeri vaisagona kuvimbisana kana kuroorana nedzimwe hama. Kazhinji kacho idzi dzaiva hama dzomumba, asi kumwe kuvimbisana nokuroorana kwairambidzwa pamusana pekodzero dzokugara nhaka. (Revhitiko 18:6-20; ona Nharireyomurindi yaMarch 15, 1978, mapeji 25-28.) Zviri pachena kuti vashumiri vaMwari vakanga vasingafaniri kurerutsa kuvimbisana.
VaIsraeri vaiva pasi pemirayiro yose yakadaro yoMutemo, asi vaKristu havasi pasi poMutemo iwowo, kubatanidza mirayiro yayo pamusoro pokuvimbisana kana kuroorana. (VaRoma 7:4, 6; VaEfeso 2:15; VaHebheru 8:6, 13) Chokwadi, Jesu akadzidzisa kuti maitiro echiKristu ane chokuita nokuroorana anosiyana neoMutemo. (Mateo 19:3-9) Zvisinei, haana kudukupisa kukosha kwokuroorana, nyange kwokuvimbisana. Saka, zvakadini nomusoro uri kutaurwa nezvawo, kuvimbisana kwevaKristu?
Munyika dzakawanda vanhu vanozvisarudzira kuti ndiani wavacharoorana naye. Kana murume nomukadzi vangopana chitsidzo chokuroorana, vanotonzi vavimbisana. Kazhinji kacho, hapanazve chimwe chinhu chaicho chinofanira kuitwa kuti varatidze kuvimbisana kwacho. Chokwadi, mune dzimwe nzvimbo kazhinji murume anopa achazova mudzimai wake mhete inoratidza kuvimbisana kwavo. Kana kuti anowanzozivisa hama neshamwari nezvekuvimbisana kwacho, zvakadai sepanguva yemhuri yokudya kana kuti pavanomboungana vari vashoma. Munhu anozvisarudzira izvi, hazvinzi neMagwaro zvinofanira kuitwa. Chinoita kuti pave nokuvimbisana kubvumirana kwevaviri vacho.a
MuKristu haafaniri kumhanyira kudanana nomunhu, kuvimbisana, kana kuti kuroorana. Tinobudisa mashoko anobva muBhaibheri angabatsira vanhu vasina kuroora kana kuroorwa kusarudza kana kuri kuchenjera kuti vatange kudanana nomumwe munhu kana kuti kutora matanho okuvimbisana kana kuti kuroorana.b Chinhu chinokosha chezano racho ndechokuti kuroorana kwechiKristu ndekwechigarire.—Genesi 2:24; Marko 10:6-9.
VaKristu vaviri vanofanira kunyatsozivana vasati vatanga kufunga nezvekuvimbisana. Mumwe nomumwe angabvunza kuti, ‘Ndine chokwadi chaizvo nezveumudzimu nokuzvipira kwake kuna Mwari here? Ndinogona kufungidzira ndichinamata Mwari ndinaye kwoupenyu hwose here? Tava kuzivana unhu hwedu zvakakwana here? Ndine chokwadi chokuti tichanyatsopindirana kwoupenyu hwose here? Tinozivana zvakakwana nezvezvatakamboita kare nemamiriro ezvinhu edu tose epanguva ino here?’
Kana vaKristu vaviri vangovimbisana chete, zvakarurama kuti ivo uye vamwe vatarisire kuti vacharoorana. Jesu akarayira kuti: “Shoko renyu rive: Hungu, hungu; kwete, kwete.” (Mateo 5:37) VaKristu vanovimbisana vanofanira kurevesa. Zvisinei, kashoma kuti muKristu akavimbisana nomumwe azive kuti chimwe chinhu chakakomba hachina kududzwa kana kuti chakavanzwa vasati vavimbisana. Chingava chinhu chinokosha chakaitwa nomumwe kare, nyange utsotsi kana unzenza. MuKristu achaziva izvi anofanira kusarudza zvokuita. Zvimwe vaviri vacho vachanyatsokurukurirana nyaya yacho vobvumirana kuramba vakavimbisana. Kana kuti vose vangasarudza kugumisa kuvimbisana kwacho. Nepo kuita kudaro ingava nhau yavo voga—kwete chimwe chinhu icho vamwewo vanofanira kupindira, kuedza kufungidzira, kana kuti kutonga—chisarudzo chinorema zvikuru. Ukuwo, mumwe wacho achaziva nezvekuoma kwenyaya yacho anganzwa achifanira kugumisa kuvimbisana kwacho, nyange zvazvo mumwe wacho achida kuti kupfuurire.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaJune 15, 1975.
Pane chikonzero chakanaka chokupedza nhau idzodzo musati maroorana. Jesu akati chikonzero chete chepaMagwaro chokurambana chinosunungura munhu kuti aroorezve ipor·neiʹa, unzenza hwakanyanyisa hunoitwa nomumwe wevakaroorana. (Mateo 5:32; 19:9) Haana kuti muchato wapamutemo unogona kugumiswa nokurambana kana munhu akaziva nezvechinetso chikuru kana kuti chikanganiso chakaitwa muchato usati waitwa.
Somuenzaniso, muzuva raJesu kubata maperembudzi kwaigona kuitika chaizvo. Kana murume wechiJudha aiziva kuti mumwe wake akanga ane maperembudzi (achiziva kana kuti asingazivi) paakaroorana naye, aizova nechikonzero chokuti varambane here? MuJudha aiva pasi poMutemo aigona kuramba kana zvakadaro, asi Jesu haana kutaura kuti izvi zvakanga zvakakodzera vateveri vake. Funga nezvezvimwe zvingaitika mazuva ano. Murume ane njovhera, genital herpes, HIV, kana kuti zvimwe zvirwere zvikuru zvinotapuriranwa angaroora asina kutaura izvi. Zvimwe akawana chirwere chake nounzenza kuvimbisana kusati kwaitwa kana kuti munguva yokuvimbisana. Kuzoziva kwomudzimai nezvechirwere chake kana kuti unzenza hwomunguva yakapfuura (nyange kusabereka) hakuchinji chokwadi chokuti vakatoroorana. Zvinhu zvisingafadzi zvakaitwa kare musati maroorana hazvisi chikonzero chepaMagwaro chokugumisa muchato kungofanana nokuti kudai akanga awana chimwe chirwere nyange kana akanga achivanza pamuviri paakapiwa nomumwe murume paakanga achiroorwa. Zvino varoorana uye vazvipira kune mumwe nomumwe.
Chokwadi, kashoma kuti zvinhu zvakadaro zviitike, asi mienzaniso iyi inofanira kuwedzera kusimbisa chokwadi chikuru ichi: Kuvimbisana hakufaniri kurerutswa. VaKristu vasati vavimbisana uye vavimbisana, vanofanira kuedza kuzivana zvakanaka. Vanofanira kuva vakatendeka pane zvinenge zvichida kuzivikanwa nomumwe wavo kana kuti zvaanenge ane kodzero yokuziva. (Mune dzimwe nyika vanoda kuroorana vanonzi nomutemo vanofanira kunoongororwa navanachiremba vasati varoorana. Vamwe vanoda kuongororwa kwakadaro kuti vagare vachiziva zvavari.) Saka kufadza nokukosha kwekuvimbisana kuchaita chinangwa chinokudzwa sezvo vaviri vacho vanonanga kumuchato unotofadza zvikuru uye unokosha.—Zvirevo 5:18, 19; VaEfeso 5:33.
[Mashoko Omuzasi]
a Mune dzimwe nzanga vabereki vachiri kurongera vana vavo kuti vavimbisane. Izvi zvingaitwa pachine nguva yakawanda vaviri vacho vasati vagadzirira kuroorana. Panguva ino vanozivikanwa sevakavimbisana, kana kuti vakatsidzirana, asi havasati varoorana.
b Ona Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, zvitsauko 28-32, uye Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, chitsauko 2, akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.