Nzira Yokuva Noupenyu Hwemhuri Hunofadza
“NDAVE ndichirava magazini eNharireyomurindi neMukai! kwemakore 40,” anonyora kudaro Graciela anobva kuArgentina, South America. “Nhasi, kwapera makore akawanda kudaro, ndinogona kutaura kuti akagutsa zvandinoda. Akandibatsira muuduku, mukuyaruka kwangu, mukudanana nokuroorwa, uye mukurera vana vangu vatanhatu.
“Magazini acho anobatsira ini nomurume wangu mukurera vana vedu vana vachiri kugara pamba. Ndinoshandisa zvakanaka magazini acho nokutaura navana vangu uye navadzidzisi vavo kuchikoro. Ndakarava zvakananga kubva muMukai! pakutaura navanachiremba nezvezvinetso zvoutano. Tichibatsirwa nenyaya dzinotevedzana dzaive nemusoro wepabutiro unoti “Kubatsira Vana Vane Zvinetso Zvokudzidza” (February 22, 1997, yechiNgezi), takaziva kuti mumwe wevanasikana vedu akanga ane chinetso chokudzidza.”
Mabhuku eWatch Tower Society anogona kubatsira mhuri kuti dzikunde zvinetso zvadzinotarisana nazvo uye kuti dzive noupenyu hunofadza pamwe chete. Somuenzaniso, bhuku rine mapeji 192 rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri rinogona kubatsira varume, vakadzi, vabereki, vana, vanambuya navanasekuru—hungu, nhengo dzose dzemhuri. Pazvimwe zvezvitsauko zvaro zvinorayiridza pane izvi: “Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche,” “Betserai Wechiduku Wenyu Kubudirira,” “Dzivirirai Mhuri Yenyu Papesvedzero Dzinoparadza,” uye “Munogona Kukurira Zvinetso Zvinoparadza Mhuri.”
Kana uchida rako, tapota zadza uye tumira kopani riri pasi apa, uchishandisa kero yakagoverwa kana kuti kero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino. Uchagamuchira mazano akananga anogona kukubatsira kuti upedze zvinetso uye anogona kuita kuti upenyu hwemhuri hufadze sezvaidiwa noMusiki.
[Mufananidzo uri papeji 32]
Graciela nemhuri yake