Nhau dzomuTV—Nhau Chaidzo Dzakawanda Sei?
Pashure pokuongorora purogiramu dzenhau dzomuTV 102 dzomunharaunda yenzvimbo dzomumaguta 52 muUnited States nokuda kwokuona kuwanda kwezvinobudiswa uye mabudisirwe azvinoitwa, chimwe chikwata chinoongorora zvinobudisa nhau chakawana kuti 41,3 muzana chete yepurogiramu dzacho ndoyakanga ine nhau. Purogiramu yenhau yose yasara inei?
Paavhareji, 30,4 muzana yenguva inobudiswa nhau dzomuTV yomunharaunda inenge ine zvokushambadza. Kutaura zvazviri, dzimwe nhepfenyuro dzakaongororwa dzaipa nguva yakawanda kune zvokushambadza pane nhau. Uyezve, nguva yokubudisa nhau kakawanda inenge yakazara nezvinhu zvisina basa, unodaro mushumo wacho uchipfupisa zvawakawana mukunzvera kwacho.a Pasi pomusoro unoti “Zvinhu Zvisina Basa,” mushumo wacho unoronga “kuwanda kwenguva inenge yabatanidzwa yokutaura zvisina basa pakati pavashamarari, kushambadza, kufanozivisa nhau dzichauya, ‘nhau dzinodekadza’ kana dzisina musoro uye zvinhu zvevane mukurumbira.” Iyi ndiyo mimwe mienzaniso yenhau dzisina basa: “Makwikwi Evaimbi Asinganakidzi,” “Mutori Wenhau Anotaura Nezvokukwira Chitima Chomupaka Chinotyisa, Chinovhundutsa, uye Chinoshamisa,” uye “Vanhu Vakawanda Vanotenga Zvokuzora Pamasangweji Kuzvitoro.”
Inyaya dzipi dzinoumba nhau chaidzo? Nyaya dzoutsotsi ndodzakawanda panhau dzomuTV, dzichipedza 26,9 muzana yenguva yokubudisa nhau. “‘Kana iri yokudeura ropa, inenge iri pamberi’ ndochinoramba chiri chokwadi chenhau dzomuTV yomunharaunda . . . Utsotsi hunogona kunge hwaiva hushoma muUnited States yose mumakore mashoma adarika, asi kwete munhau dzomuterevhizheni yomunharaunda.” Nei? Maererano nevanyori vokunzvera kwacho, “zviitiko zvoutsotsi zvinoshamisa uye vanhu vanofarira kuzviona.”
Kubva pautsotsi panouya mishumo yenjodzi, dzakadai semoto, kubonderana kwemotokari, mafashamo, uye kuputika (12,2 muzana yenhau), zvichiteverwa nenhau dzemitambo (11,4 muzana). Pozouya mishumo yezvoutano (10,1 muzana), hurumende (8,7 muzana), uye zvoupfumi (8,5 muzana). Dzimwe nhau dzakadai sedzidzo, zvakatipoteredza, unyanzvi, uye sayenzi dzinobudiswa kashoma (kubva pa1,3 kusvika pa3,6 muzana). Ukuwo, mishumo yamamiriro okunze inowanzova 10 muzana yenhau dzose dzinobudiswa. “Munhu wose anoda kutaura nezvemamiriro okunze uye TV haisari ipapo,” vanodaro vatsvakurudzi vacho. Vanowedzera kuti: “Rudzi rwose rwamamiriro okunze, akanaka kana akaipa, anopisa kana anotonhora, anonaya kana akaoma, anogona kupedza nguva yeTV yakareba yokutaura nhau.”
Uchitaura zvakanakawo, mushumo wacho unoti vatapi venhau vakawanda uye vanoona vari kuona kudiwa kwokuchinja. Zvisinei, zvakanzverwa zvacho zvinobvuma kuti kuchinja kwakadaro hakungauyi zviri nyore nokuti “zvokutengeserana namakaro zvingatyisidzira kutapa nhau kwakanaka nguva dzose.”
[Mashoko Omuzasi]
a Not in the Public Interest—Local TV News in America ndiwo mushumo wechina munyika mukuongorora kuti munhau munei. Unonyorwa naDr. Paul Klite, Dr. Robert A. Bardwell, naJason Salzman, veRocky Mountain Media Watch.