RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 7/8 pp. 8-10
  • Kubatsira Vechiduku Kunzvenga “Kufarira Zvoumhondi”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatsira Vechiduku Kunzvenga “Kufarira Zvoumhondi”
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinogona Kuitwa Nevabereki
  • Apo ‘Rufu Runenge Rwusisipo’
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 2
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Vabereki Nevana, Kurukurai Zvine Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 7/8 pp. 8-10

Kubatsira Vechiduku Kunzvenga “Kufarira Zvoumhondi”

Chii chinoita kuti nhau yorufu ive inokwezva pakati pevanhu vaduku nhasi? Mumiriri woruwa rweIllinois, U.S.A., Henry Hyde, akati: “Pane nzvimbo isina chinhu yomudzimu muvanhu vaduku ava yakazadzwa nezvokuuraya nechisimba.”

MUMWE muravi weTime akanyora kuti: “Vabereki vane usimbe, varaidzo ine chisimba uye kushayikwa kwerovedzo yetsika uye yomudzimu zvinoparira kufarira zvoumhondi kunowanikwa mupwere dzedu nhasi.”

Kusurukirwa ndicho chimwe chinetso chiri kutambudza vachiri kuyaruka. Vamwe vanogara mumisha ine vabereki vose vanoshanda uye vanenge vasipo nguva yakawanda yezuva; vamwe vane mubereki mumwe bedzi. Maererano nerimwe bhuku, vachiri kuyaruka muUnited States vanopedza maawa anenge 3,5 zuva nezuva vari voga uye vhiki imwe neimwe vanopedza nguva inopfuurwa nemaawa 11 neyaipedzwa nevaduku nevabereki vavo kuma1960. Kutaura zvazviri, vamwe vechiduku havana zvachose ushamwari kana kutsigira mupfungwa kwevabereki vavo.

Zvinogona Kuitwa Nevabereki

Nemhaka ye“nzvimbo isina chinhu yomudzimu” iyo vanhu vaduku vanorwisana nayo, basa revabereki rinokosha sei? Vabereki vakachenjera vanonzwisisa kuti kune rumwe rutivi, vana vavo vanoda varaidzo inovaka uye ukuwo, vanoda tsigiro yenguva dzose yomunhu oga. Vachikurudzirwa nokufarira kworudo, vabereki vanogona kutaura navo zvavanofarira mumimhanzi, mapurogiramu eterevhizheni, mavhidhiyo, mabhuku enganonyorwa, mitambo yemavhidhiyo, nemabhaisikopu. Kunyange zvazvo vanhu vaduku vangasazvitaura, vakawanda vavo vanopanga kudiwa uye nhungamiro yorudo yavabereki vavo. Vanoda mhinduro dzakananga nokuti vanorarama munyika yakazara nezvinhu zvisina chokwadi. Vakura vanofanira kunzwisisa kuti vana vari kutarisana nenyika yakaoma kudarika zvavakaita vachiri pwere.

Vabereki vanoda kudzivirira vana vavo vachakurukurirana navo nguva dzose, kuvateerera chaizvoizvo, uye kuvanyevera nezvengozi dzinobatanidzwa mutsika yazvino uno. Vabereki pavanoisa mitemo yakasimba uye vasingachinji-chinji nokunzwisisa pamwe chete nokuda vana vavo, kazhinji vachava nemigumisiro yakanaka.—Mateu 5:37.

Vabereki vari Zvapupu zvaJehovha vanoedza kuva nokukurukurirana kwenguva dzose nevana vavo, vachishandisa Bhaibheri uye mabhuku nemavhidhiyo anotsanangura Bhaibheri.a Vanoshandisa nguva dzakadaro, kwete kuti vatongese vana vavo, asi kurangarira nhau dzinovaka mumudzimu. Mukuungana kwemhuri kwakadai, vanoteerera kuzvinetso kana zvinhu zvakaoma zvinonetsa mumwe nomumwe wevana vavo kuitira kuti vana vacho vave nomukana wokugamuchira tarisiro yomunhu oga.

Vechiduku vasingawani nhungamiro yomudzimu kubva kuvabereki vavo vanogona kuwana simba kubva muPisarema 27:10, rinoti: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” Jehovha, Baba vengoni zhinji, vanobatsira sei vechiduku? Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzave dziri utiziro uko vakawanda vakawana rudo rwevamwe vanhu uye vakagadzirisa kusava nechokwadi kwavo. Josías, rimwe jaya rakawana izvozvo kuva zvechokwadi, rakati: “Sangano raJehovha rinoita basa rinokosha. Ndainzwa kuti upenyu hwakanga husina kukodzera kurarama. Ndairarama ndisina chinangwa, ndisina tariro. Kuziva kuti handisi ndoga kwakachinja zvachose upenyu hwangu. Ndakaona muhama dzaiva muungano mhuri yandakanga ndarasikirwa nayo. Vakuru nemhuri dziri muungano vakaita sechibatiso chengarava mupfungwa yokuzorodza.”

Kutaura zvazviri, vaduku nevakura vakawanda vakavandudza utano hwavo hwepfungwa uye mumudzimu nokupinda misangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha nguva dzose. Nyanzvi yezvemagariro evanhu Patricia Fortuny yakataura nezvemugumisiro wechokwadi uyu murondedzero yake inonzi Los Testigos de Jehová: una alternativa religiosa para enfrentar el fin del milenio (Zvapupu zvaJehovha: Chitendero Chaungasarudza Kuti Utarisane Nomugumo Wemireniyumu) ichiti: “Zvapupu zvaJehovha zvinogovera gadziriro yakarongeka yakajeka uye inoenderana yokushandisa muupenyu hwezuva nezuva, nheyo nemitemo chaiyo inoshanda senhungamiro yokufunga nokuita.” “Gadziriro yakarongeka” uye “nheyo nemitemo chaiyo” iri kutaurwa nezvayo pano inotorwa muBhaibheri. Nokudaro, kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichitarisana nezvinetso nedzvinyiriro sevavakidzani vazvo, vanosimbiswa nouchenjeri hwakasiyana hweiri bhuku rekare. Hungu, Zvapupu zvinowana utiziro muzvitendero zvakajeka nenheyo zvinowanikwa muBhaibheri.

Apo ‘Rufu Runenge Rwusisipo’

Kudzidzisa kunoitwa muHoro dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha kunosimbisa kwasimbisazve chipikirwa chaMwari chenyika itsva ichatanga munguva pfupi iri kutevera, umo “kururama kuchagara” uye musina “ungazovatyisa.” (2 Petro 3:13; Mika 4:4) Uyezve, muprofita Isaya akanyora kuti ipapo Mwari ucha“paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose.” Rufu rwakawira vanhu nemhaka yokudarika kwomunhu wokutanga, Adhamu, asi chipikirwa chaMwari ndechokuti munguva pfupi iri kutevera “rufu haruchazovipo.”—Isaya 25:8; Zvakazarurwa 21:3, 4; VaRoma 5:12.

Kana uri pwere iri kutsvaka kubatsirwa, tinokukoka kuti uwane tariro uye chikonzero chokurarama, kubva mumapeji eBhaibheri. Uchibatsirwa neZvapupu zvaJehovha, unogona kuva netariro yokuti nguva dzakanakisisa dzichiri mberi kwedu—munyika itsva iyo Mwari anopikira.

[Mashoko Omuzasi]

a Vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? inobudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. Iri muchiNgezi pari zvino uye inogovera zano rinoshanda kuvanhu vaduku.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vabereki vanofanira kuva nenguva yokunyatsoteerera vana vavo nokunzwisisa zvinetso zvavo

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Zvapupu zvaJehovha zvinopa gadziriro yakarongeka yakajeka yokushandisa muupenyu hwezuva nezuva”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe