RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 8/8 pp. 27-30
  • Nzimbe—Uswa Hukuru Kwazvo Pane Humwe Uswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzimbe—Uswa Hukuru Kwazvo Pane Humwe Uswa
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushanya Kunyika Yenzimbe
  • Mavambo Nokurimwa Kwadzo
  • Unopisa Usati Wakohwa?
  • Kupfuura Nokuchigayo
  • “Mwanasikana Wenyu ane Chirwere cheShuga!”
    Mukai!—1999
Mukai!—2000
g00 8/8 pp. 27-30

Nzimbe—Uswa Hukuru Kwazvo Pane Humwe Uswa

NOMUNYORI WEMUKAI! MUAUSTRALIA

TAIZOITEI pasina shuga? Kwaizova kupamhidzira kutaura kuti nyika yaizomira kushanda—asi zvokudya zvakawanda zvaizoda kuchinjwa nokukurumidza kudai shuga yaisazowanikwa. Hungu, nhasi mumativi akawanda enyika, kushandisa shuga kwava rutivi rwoupenyu hwezuva nezuva, zvichiita kuti kugadzirwa kweshuga kuve indasitiri inowanikwa munyika yose.

Mamiriyoni avanhu, kubva kuCuba kusvika kuIndia uye kubva kuBrazil kusvika kuAfrica, anorima nokukohwa nzimbe. Kutaura zvazviri, pane imwe nguva kugadzirwa kweshuga kwakava indasitiri huru padzose uye inopa mari yakawanda munyika yose. Zvinogona kutaurwa kuti nzimbe dzakashandura nyika munzira iyo zvirimwa zvishomanana zvakaita.

Ungada kudzidza zvakawanda nezvechirimwa ichi chinoshamisa here? Kana zvakadaro tiperekedze sezvatinoshanyira ruwa rweQueensland, Australia, kunorimwa nzimbe. Kunyange zvazvo nharaunda iyi inorimwa nzimbe isina kunyanya kukura, nzira dzokurima uye dzokugadzira dzakanaka dzakaita kuti ive imwe yenzvimbo dzinotengesa shuga yakawanda kunze kwenyika.

Kushanya Kunyika Yenzimbe

Mhepo iri kupisa uye ine unyoro. Zuva rinopisa zvikuru riri kurova pamunda wenzimbe dzatoibva. Muchina muhombe wakaita somuchina wokukohwa gorosi uri kufamba zvishoma nezvishoma nomunzimbe dzakareba, uchitema madzinde nokuisa nzimbe dzakatemwa mungoro iri kufamba nechapadivi. Munguva pfupi muto weshuga unotanga kusininika uchibva munzimbe dzatemwa, uye kamunhuwi kanonaka, kanyoro kanofamba zvinyoro-nyoro nomumhepo. Muto unokosha unobva muuswa hunoshamisa uhwu watanga rwendo rwawo kubva mumunda kusvika mugaba reshuga patafura yako.

Kasiri kare zvikuru, nzimbe dzacho dzakanga dzichitemwa nesimba nemaoko muno muAustralia sezvazvichakangoitawo munyika dzakawanda kunokohwewa nzimbe. Fungidzira zviri kuitika. Vashandi vari kutema nzimbe nemaoko. Mudungwe wevatemi venzimbe vari kudikitira unofambira mberi nomumunda wenzimbe zvishoma nezvishoma. Nounyanzvi hunenge hwemauto, vashandi vanounganidza svinga remadzinde enzimbe rakamira noruoko rumwe uye vodzitsveyamisira kurutivi rumwe chete kuti vaone panobva madzinde acho. Shwa, cha! Shwa, cha! Vachizamurira mabhemba avo vashandi vanotemera madzinde pasi-pasi. Vachiakandira kurutivi akaungana zvakanaka, vanofamba kuenda pasvinga rinotevera renzimbe. Munyika yose, mamiriro ezvinhu aya ari kuchinja zvishoma nezvishoma, sezvo nyika dzakawanda dzava kushandisa michina.

Ruwa runorimwa nzimbe muAustralia inzvimbo iri mumhenderekedzo dzegungwa yakareba makiromita 2 100 zvokuti, chikamu chayo chikuru, chakatarisana neGreat Barrier Reef yakakurumbira. (Ona nyaya inoti, “A Visit to the Great Barrier Reef,” muMukai! yechiNgezi yaJune 8, 1991.) Mamiriro okunze egore rose anodziya, akanyorova anobvumira nzimbe kukura, uye varimi vanenge 6 500 vanorarama zvikurukuru muminda midiki yemhuri iyo yakangomwararika pedyo nemhenderekedzo samasumbu emazambiringa ari pamuti wawo.

Tatyaira kwenguva refu, tinoona nechokure guta reshuga rinonzi Bundaberg, pamhenderekedzo iri pakati peQueensland. Sezvatinodzika mukachikomo, tinoona zvinoomesa mate mukanwa—kusvika kunogona kuonekwa namaziso edu tinoona gungwa renzimbe dzichingozunguzika semafungu! Dzine ruvara rwakasiyana-siyana! Minda yakasiyana-siyana yenzimbe dzine mimera yakasiyana-siyana, saka zvinobva zvaita zvigamba zvine ruvara rwakanaka kwazvo rwakasvibira uye rwakaita serwendarama, nezvigamba zviduku zvishava munzvimbo dzakanga dzisina kurimwa gore rino kana kuti dzakatemwa munguva pfupi yapfuura.

July ndiwo mwedzi unotonhora zvikuru wegore, uye mwaka wokukohwa nokugaya uchangotanga. Izvi zvichapfuurira kusvikira muna December sezvo mimera yechirimwa chacho ichiibva munguva yakasiyana-siyana. Zvino tinoda kushanyira chigayo cheshuga kuti tione kuti chii chinoitika kunzimbe dzinenge dzakohwewa. Asi zvinonzi tisati tadaro, tidzidze chimwe chinhu nezvenzimbe pachadzo. Saka tinosarudza kutanga tamira panzvimbo inoongororwa shuga yakavakirwa muruwa rwacho. Pano vasayendisiti vanouchika mamwe marudzi enzimbe uye vanoongorora kuti vanatsiridze kurimwa kwenzimbe.

Mavambo Nokurimwa Kwadzo

Panzvimbo inoongororwa shuga, muongorori wezvirimwa anofarira zvikuru kutidzidzisa chimwe chinhu nezvenzimbe pachadzo uye kutsanangura kuti dzinorimwa sei. Dzakatanga kuwanikwa mumasango anonaya mvura okumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAsia nokuNew Guinea, nzimbe imhando huru kwazvo mumhuri youswa, ine uswa hwakasiyana-siyana hwakadai setsangadzi, zviyo, uye mashenjere. Uswa hwose uhwu hunogadzira shuga mumashizha ahwo huchishandisa simba rinobva muzuva. Asi nzimbe inosiyana mukuti inoita izvi mumwero wakakura zvikuru uye yozochengeta shuga yacho somuto unotapira mumadzinde ayo.

Kurimwa kwenzimbe kwaizivikanwa zvikuru muIndia yekare. Ikoko, muna 327 B.C.E., vanyori vaiva mumauto aipinda nechisimba aAlexander Mukuru vakacherechedza kuti vagari veikoko “vaitsenga imwe tsanga inoshamisa, iyo yaibudisa rumwe rudzi rwouchi pasina kubatsira kwenyuchi.” Sezvo kushanyira nzvimbo itsva nokubudirira zvakawedzera muzana remakore rechi15, kurimwa kwenzimbe kwakapararira semoto womusango. Nhasi marudzi enzimbe ava kusvika zviuru, uye nyika dzinodarika 80 dzinobatsira kubudisa mukohwe wegore negore wamatani anoda kusvika bhiriyoni.

Mumativi akawanda enyika, kudyara ibasa rakaoma zvikuru. Madzinde enzimbe dzakura anotemwa muzvidimbu zvinenge masendimita 40 uye zvinodyarwa mumigero yakaparadzana mamita 1,5. Chidimbu chimwe, chinoita dzinde rine madzinde anenge 8 kusvikira ku12 enzimbe, idzo dzinoibva munguva iri pakati pemwedzi 12 ne16. Kufamba nomubvokocho romunda wenzimbe dzatokura kunogona kuva chinhu chinotyisa. Madzinde enzimbe uye ukatakata hwemashizha zvinoreba kusvika mamita mana. Ushwaka-shwaka uhwu hungangova mhepowo zvayo here, kana kuti zvimwe inyoka kana kuti tsenzi? Zvimwe, zvichida inguva yokuti titizire kusina chinhu kwakachengeteka!

Kuongorora kuri kuitwa kuedza kutsvaka nzira yokupedza nayo tupuka nezvirwere zvenzimbe. Kwakawanda kwokuedza uku kwakabudirira, kunyange zvazvo kusiri kwose. Somuenzaniso, muna 1935, mukuedza kuparadza zvachose chimwe chipembenene chomunzimbe chinonetsa, zviremera zvakaisa mamwe matatya omunzimbe akabva kuHawaii nechokumusoro kweQueensland. Sezvineiwo, matatya omunzimbe aya aida hawo zvimwe zvokudya zvakanga zvakawanda pane zvipembenene zvomunzimbe, aiberekana nokukurumidza, uye iwo pachawo avawo kuparadza nzimbe zvikuru kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAustralia kwose.

Unopisa Usati Wakohwa?

Gare gare, atova manheru, tinotarisa tichishamisika sezvo murimi womunharaunda iyoyo anobatidza moto munzimbe dzake dzaibva. Nenguva isipi munda mudiki wazara nemoto nemarimi anonganduma achienda mudenga-denga muusiku ihwohwo. Kupisa nzimbe dzacho kunobatsira kubvisa mashizha asingadiwi uye nezvimwe zvinhu zvingavhiringidza kukohwa nemabasa okugaya. Zvisinei, munguva pfupi yapfuura, kune muitiro uri kuramba uchiwedzera wokukohwa pasina kutanga kupisa. Nzira iyi inonzi kukohwa nzimbe nyoro. Haivandudzi mukohwe weshuga bedzi asiwo inosiya mashizha anofukidza pasi, ayo anozobatsira kurwisa gukuravhu nemasora.

Kunyange zvazvo munyika dzakawanda dzinorimwa nzimbe nhasi dzichiri kukohwewa nemaoko, nyika dzakawanda dzava kukohwa nemichina mihombe yokutema nzimbe. Michina mihombe iyi inofamba nomunzimbe dzakareba, ichibvisa zvokumusoro zvacho nemashizha asingadiwe pamadzinde uye inodzidimbura, kana kuti kudziita zvidimbu zvipfupi, zvamirira kunogayiwa. Nepo munhu anotema nzimbe achikwanisa kukohwa avhareji yematani 5 pazuva achishandisa kutema nemaoko kunorwadza, michina inotema nzimbe ingakohwa kuanosvika matani 300 pazuva nyore nyore. Minda inogona kutemwa gore negore kwemakore anoverengeka mukohwe weshuga wacho usati waderera uye zvirimwa zvacho zvoda kutsiviwa.

Kana nzimbe dzacho dzangotemwa, zvinokosha kukurumidza nadzo, nokuti shuga iri munzimbe dzakohwewa inoshata nokukurumidza. Kuti dzitakurwe nokukurumidza dzichienda kuzvigayo, pane tunjanji tudiki twakareba makiromita 4 100 tunofamba zvitima zviduku tunosvika kunzvimbo dzinorimwa nzimbe muQueensland. Twuzvitima twacho twunofamba patunjanji utwu twunonakidza kuona sezvatwunofamba nomumaruwa, twuchidhonza zvingoro zvakati pamu-pamu nenzimbe.

Kupfuura Nokuchigayo

Kutenderera uchiona panogayirwa shuga chinhu chinonakidza. Chaunotanga kuona midungwe yezvingoro zvine nzimbe dziri kuda kuburutswa. Michina yokudimbura-dimbura neyokugaya yakakura inogaya nzimbe dzacho, ichibvisa muto weshuga kubva mumafufu. Mafufu anosara, kana kuti masvisvinwa anoomeswa uye anoveswa kuti ape simba rokufambisa chigayo chacho chose. Anozosara acho anotengeserwawo kuvagadziri vezvokuvakisa uye vemapepa kuti vashandise muzvigadzirwa zvavo.

Marara ari mumuto weshuga anobviswa zvino, kwosara muto wakachena. Marara abviswa, anonzi mud, anoshandiswa somupfudze. Chimwezve chinowanikwa, manyuchi, anoshandiswa sezvokudya zvezvipfuwo kana kushandiswa mukugadzira doro remuto wenzimbe uye spirit inoshandiswa mumaindasitiri. Kuwanda kwemabasa enzimbe uye kushanda zvakanaka kwebasa rokugaya zvinoorora zvechokwadi.

Muto wacho unoitwa kuti ukore nokufashaidza kuti mvura inenge iri mumuto wacho ibve uye unoiswa tutsanga tudiki-diki tweshuga. Twutsanga tweshuga utwu twunokura kusvikira twasvika paukuru hunodiwa. Zvadaro tsanga idzi dzinozobviswa mumusanganiswa wacho dzoomeswa. Mugumisiro wacho ishuga tsvuku. Uyezve kunatsa iyi shuga kunoita kuti pave neshuga chena yakatsetseka inozivikanwa iyo inowanikwa nevakawanda patafura dzavo dzezvokudya.

Zvimwe svutugadzike kana kofi yako ichati nakei pashure pouku kutsanangura kunonakidza uye kunopa nzwisiso munyika yenzimbe. Chokwadi, kana uine chirwere cheshuga, ungatofanira kurega shuga zvimwe woshandisa chimwe chinotsiva.

Zvechokwadi, taororwa nounyanzvi uye mano oUyo akaita uye akasakisa kuti ichi chirimwa chinoshamisa zvakadai chimere chakawanda zvakadai, nzimbe—uswa hukuru kwazvo pane humwe uswa zvechokwadi!

[Bhokisi riri papeji 28]

Ibeet Here Kana Kuti Inzimbe?

Shuga inogadzirwa kubva muzvirimwa zviviri zvikuru munyika yose. Nzimbe dzinonyanya kurimwa munzvimbo dzinopisa uye inenge 65 muzana yeshuga yose inowanikwa munyika yose inogadzirwa nenzimbe. Imwe 35 muzana yasara inogadzirwa kubva mumasugar beet, ayo anorimwa munzvimbo dzinotonhora, sokuEastern neWestern Europe uye kuNorth America. Shuga yacho yakangofanana pakugadzirwa kwayo.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Muchina wokukohwa nzimbe. Tarakita iri kudhonza ngoro

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nzimbe dziri kupiswa dzisati dzakohwewa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 27]

Mifananidzo yose iri pamapeji 27-30: Queensland Sugar Corporation

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe