Vana Vane Unhu—Vangarerwa Sei?
“Vana vanodzidza kuzviremekedza uye kuzvidzora nokugamuchira rudo nechirango kubva kuvabereki,” unodaro mushumo uri muThe Gazette, pepanhau rokuMontreal, kuCanada. Izvi zvinosanganisirei? Maererano nenyanzvi yesayenzi yepfungwa yokuMontreal Constance Lalinec, zvinokosha kuva nezvakajeka pane zvatinorambidza mwana patsika dzake.
Lalinec, uyo anoshanda nevana uye nemhuri, anotiwo “patinodzivisa vana kuti vazvionere migumisiro yezviito zvavo, tinodzivisawo kudzidza kwavo zvakawanda.” Kutunhira kunogona kuvhiringidza kukura kwemwana.
Zano rouchenjeri rokurera mwana rakaedzwa kwenguva refu rinobva muBhaibheri rinokodzera kwazvo. Rinoti: “Regai shoko renyu rokuti Hungu rireve Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.” (Mateu 5:37) Mitemo yakakodzera painenge yangoitwa chete uye vana vava kuinzwisisa, ita kuti vaishandise pakarepo uye nguva dzose. Tsigira mashoko ako nechiito chinoshanda. Izvi zvinopa vana mashoko akajeka emitemo yevabereki nezvavanotarisira—kuti ‘vanhu vachakohwa zvavanodyara.’ (VaGaratiya 6:7; VaRoma 2:6) Vavariro inodiwa pachirango chorudo uye chinoshanda ndeyokuti vana vadzidze kushandisa mitemo uye kuti vakunde kuodzwa mwoyo nokugutsikana kusingaitiki pakarepo kuti vagone kuva nounhu hwavanoda kuitira kuti vakure kuva vakuru vane unhu, vanoziva zvavanoita.
Rimwe zano maererano nezvinotaurwa naMwari kuvabereki nezvokuranga vana vavo norudo rinowanikwa mubhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Unogona kuwana bhuku iri rine mapeji 192 nokuzadza ndokutumira kopani riri pano, kukero yakagoverwa kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
◻ Nditumirei bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Tiudze mutauro waunoda
◻ Ndapota ndionei nokuda kwechidzidzo cheBhaibheri chapamusha chepachena.