Utsinye Hwakanyanya Hwomunhu—Huchazomboguma Here?
Magazini yeMukai! yaMarch 8, 2000, yaitaura nezvedambudziko guru rouranda, iro rakatekeshera mumativi enyika, yakapiwa kuGurukota reSocial Solidarity muItaly, Livia Turco. Mutsamba kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muItaly, akati:
“Uranda hwamazuva ano, hunonyanya kunanga vakadzi nevana, hunoumba dambudziko rakakura zvikuru apo mamiriyoni evanhu anotambura mamiriro ezvinhu outsinye hwakanyanya.” Akagumisa achiti: “Inzwi rimwe nerimwe rinodanidzira richishora zviri kuitika izvi zvisingadiwi rinenge richitobatsira zvikuru, uye kana zvava kutaurwa nevakawanda sevanoverenga [Mukai!], zvava nezvazvinoreva.”
Nemhaka yokuparadzirwa kwemakopi anopfuura mamiriyoni 20 emagazini imwe neimwe yeMukai! mumitauro 82, vaverengi vane mamiriyoni havangoziviswi bedzi mamiriro ezvinetso zvanhasi asiwo vanogoverwa mhinduro dziri muBhaibheri.
Asi, mubvunzo unoramba uripo wokuti, Kana kuna Mwari chaizvoizvo, nei achibvumira kutambura kwakanyanya kwevanhu vasina mhaka? Vakawanda vanoshamisika kuti, ‘Ndingada sei Musiki ane uchenjeri huri pachena muzvishamiso zvechisiko asi anoita seasingaratidzi tsitsi nokuda kwevanhu nhasi?’ Mibvunzo yakadai inopindurwa nenzira inogutsa mubhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Ungakumbira bhurocha iri nokunyora ndokutumira kopani riri pasi apa kukero iri pakopani kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
◻ Nditumirei bhurocha rinonzi Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here? Tiudze mutauro waunoda
◻ Ndapota ndionei nokuda kwechidzidzo cheBhaibheri chapamusha chepachena.