Kutenda Kunoedzwa muPoland
YAKATAURWA NAJAN FERENC
NDAINGOVA kakomana paipisa Hondo Yenyika II. Ndinonyatsoyeuka vamwe babamukuru vaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vaiwanzoshanyira musha wedu uye vaitiverengera Bhaibheri. Vabereki vangu vaisafarira, asi mukoma wangu Józef, hanzvadzi yangu Janina, neni taifarira chaizvoizvo. Nenguva isipi tose takaratidza kuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa. Pandakabhabhatidzwa, ndaingova nemakore 14 chete.
Vachiona kuti kudzidza Bhaibheri kwakanga kwachinja upenyu hwedu zvakanaka, vabereki vedu vakatanga kuteerera. Apo baba vangu vakaziva kuti Bhaibheri rinoshora kunamata zvidhori, vakati: “Kana izvi zvirizvo zvinotaurwa neShoko raMwari, vapristi vave vachitirega tisingazivi. Mwanakomana wangu, bvisa zvifananidzo zvose pamadziro uzvirase!” Anenge makore maviri gare gare, vabereki vangu vakabhabhatidzwa. Vakashumira Jehovha nokutendeka kusvikira vafa.
Zvinetso Zvatakatarisana Nazvo
Zvapupu zvaJehovha zvakatarisana nenguva yakaoma hondo yapera. Somuenzaniso, pakava nokurwisa pahofisi muLodz neveOffice of Security, uye vaishandapo vakasungwa. Kumabvazuva kwePoland magandanga eNational Armed Forces, achipesvedzerwa nevafundisi veKaturike, akarwisa Zvapupu zvaJehovha zvoutsinye.a
Uyewo panenge panguva iyi, vakuru vakuru vechiKomonisiti vakabvisa mvumo yavakanga vatipa yokuita magungano edu, uye vakaedza kudzongonyedza magungano akanga achitoitwa. Asi, kushorwa kwairamba kuchikura kwakangowedzera kutsunga kwedu kupfuurira nokuparidza Umambo hwaMwari. Muna 1949 takashuma Zvapupu zvinopfuura 14 000 muPoland.
Nenguva isipi, ndakava piyona, mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Mugove wangu wokutanga waiva makiromita 500 kubva kumusha. Zvisinei, nokufamba kwenguva, ndakagadzwa kushanda somutariri anofambira munharaunda iri kumabvazuva kweLublin, kusiri kure nekwaigara vabereki vangu.
Kusungwa Nokutambudzwa
Muna June 1950, ndakasungwa uye ndakapomerwa nevakuru vakuru vechiKomonisiti kuti ndiri musori weUnited States, uye ndakakandirwa muchitokisi chakanyorova. Manheru ndakabudiswa kuti ndibvunzurudzwe nomutikitivha. “Sangano rako kapoka kechitendero uye muvengi weHurumende yedu,” akadaro kwandiri. “Hofisi yenyu inoshandira mapurisa eHurumende yeAmerica. Tinogona kuzvitsigira! Hama dzako dzakatobvuma kuti dzakabvongodza nyika yose uye dzakaunganidza mashoko nezvezvivako zvemauto nemafekitari.”
Zviri pachena kuti pomero idzi dzose dzaiva dzenhema. Kunyange zvakadaro, mukuru mukuru wacho akandikurudzira kusaina gwaro ndichiramba raaiti “sangano rako rinonyadzisa.” Nguva nenguva, akaedza kundiita kuti ndisaine. Akatoedza kundiita kuti ndinyore pasi mazita nekero zveZvapupu zvose zvandaiziva uye nzvimbo dzaibva mabhuku edu achiparadzirwa. Kuedza kwake hakuna kubudirira.
Pashure paizvozvo, vakuru vakuru vacho vakandirova netsvimbo kusvikira ndafenda. Ipapo, vakandidira mvura kuti ndimuke, vakabva vatangazve kundibvunzurudza. Usiku hwakatevera hwacho, ndakarohwa zvakakasharara pazvitsitsinho zvangu. Ndakakumbira Mwari zvinonzwika kuti andipe simba rokutsungirira. Ndinofunga kuti akadaro. Kubvunzurudzwa kwenguva dzousiku uku kwakaitika nguva dzose kwerinenge gore.
Ndakabudiswa mujeri muna April 1951, asi Zvapupu zvakawanda zvakanga zvichiri mujeri. Ndakaenda kune chimwe Chapupu chaitarisira uye ndakakumbira mugove mutsva. “Hautyi kusungwazve here?” akandibvunza kudaro. “Ndakatotsunga kushanda kunodiwa vaparidzi zvikuru,” ndakapindura. Ndakatangazve basa rangu somutariri anofambira, uye gare gare ndakakumbirwa kuronga kudhindwa uye kuparadzirwa kwemabhuku edu muPoland.
Shure panguva iyoyo, taishandisa michina yekare uye mastencils enamo kunyorazve Nharireyomurindi. Kudhinda kwedu kwakanga kusina kunyanyonaka, uye taifanira kubhadhara mari yakawanda kutenga mapepa, ayo panguva iyoyo aisawanikwa nyore. Kudhinda kwacho kwaifanira kuitirwa munzvimbo dzakahwanda, dzakadai somumatura, makamuri apasi, uye mumatenga edzimba. Kune avo vaionekwa, mutongo wacho waiva kuiswa mujeri.
Ndinonyatsoyeuka rimwe tsime rakaoma rataishandisa. Mumadziro maro, mafiti 35 kudzika, paiva nehwangwadza yaienda kukamuri duku kwataidhindira magazini. Kuti tisvike ikoko, taifanira kudzikiswa netambo. Rimwe zuva ndakanga ndichidzikiswa mutsime racho ndiri mumugomo mukuru womuti, tambo yakabva yangodambuka. Ndakadonhera pasi ndikatyoka gumbo. Pashure pokugara kwakati muchipatara, ndakadzokera kunoshandisa muchina wokudhinda.
Panenge panguva iyoyo ndakasangana naDanuta, mushumiri piyona anoshingaira. Muna 1956 takaroorana, uye kwemakore mana akatevera, takashanda tose muushumiri pakati pePoland. Pakazosvika 1960 takanga tava nevana vaviri, uye takasarudza kuti Danuta aizorega ushumiri hwenguva yakazara kuti avatarisire. Pasina nguva refu, ndakasungwazve, uye panguva ino ndakaiswa muchitokisi chaive chakazara nemakonzo. Mwedzi minomwe gare gare, ndakatongerwa makore maviri mujeri.
Kupinda Nokubuda Mujeri
Maiva nevasungwa vanopfuura 300 mujeri reBydgoszcz, uye ndakanyengetera kuna Jehovha kuti ndiudze vane mwoyo yakatendeseka mashoko oUmambo. Ndakataura kumukuru wejeri racho, ndichiti ndaigona kushanda somugeri. Ndakashamisika kuti akabvuma. Nenguva isipi ndakanga ndava kuveura ndebvu dzevasungwa, ndichigera bvudzi ravo, uye ndichipupurira vairatidzika sevanofarira.
Musungwa aishanda neni somugeri akafarira zvataikurukura. Akatotanga kuudza vamwe zvinhu zvaaidzidza muBhaibheri. Munguva pfupi, mukuru wejeri akatirayira kurega kuparadzira zvaakadana kuti “mashoko anoparadzirwa anoparadza.” Wandaigera naye akaramba akashinga. Akatsanangura kuti: “Ndaimboba, asi zvino handichabi. Ndakanga ndambopindwa muropa nechikakananda, asi zvino ndakarega kusvuta. Ndakawana chinangwa muupenyu hwangu, uye ndinoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.”
Pandakabudiswa mujeri, ndakatumirwa kuPoznan kunotarisira “bhekari,” sokudana kwataiita dzimba dzedu dzepachivande dzokudhindira. Pakazopera ma1950, kudhinda kwedu kwakanga kwafambira mberi zvikuru. Takadzidza nzira yokuderedza nayo ukuru hwemapeji nomuchina—kufambira mberi kukuru mune zvemichina yedu—uye kushandisa muchina wokudhinda unonzi Rotaprint. Muna 1960 takatangawo kudhinda nokubhainda mabhuku.
Nguva pfupi gare gare, mumwe muvakidzani akamhan’ara basa redu, uye ndakasungwazve. Pandakabudiswa muna 1962, ndakagamuchira mugove wokushanda muSzczecin pamwe nevamwe vanoverengeka. Asi tisati tasimuka takagamuchira nhungamiro yatakafunga kuti yaibva kuhama dzechiKristu dzakavimbika kuti tiende kuKielce. Zvisinei, ikoko takasungwa, uye ndakatongerwa rimwe gore nehafu mujeri. Takanga tatengeswa nevanyengeri vaiva pakati pedu. Nokufamba kwenguva vakazozivikanwa uye vakabviswa pakati pedu.
Pakupedzisira pandakazobudiswa mujeri, ndakagadzwa kuti nditarisire mabasa edu okudhinda muPoland yose. Muna 1974, pashure pemakore gumi okunzvenga kusungwa, ndakarondwa uye ndakasungwa muOpole. Nguva pfupi pashure pacho ndakaendeswa kujeri muZabrze. “Mabasa ako oubhishopi apera,” ndakaudzwa kudaro nomukuru wejeri. “Kana ukaramba uchiparadzira mashoko ako, uchaenda kwauchanogara woga.”
Kuparidza Mujeri
Chokwadi, basa rangu somushumiri rakanga risati rapera. Ndakatotanga kudzidza Bhaibheri nevasungwa vaviri. Pakupedzisira, vakafambira mberi kusvika padanho rokuti ndakavabhabhatidza mubhavhu hombe rokugezera raiva mujeri racho.
Vamwe vasungwa vakafarirawo kuparidza kwedu, uye muna April 1977, takasangana pamwe chete kuti tichengete Chirangaridzo chorufu rwaKristu. (Ruka 22:19) Mwedzi miviri gare gare, muna June 1977, ndakabudiswa, uye handina kuzosungwazve.
Zviremera zvakanga zvava kubvumira basa redu panguva ino. Pasina mubvunzo kushanya kwenhengo dzeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha kwakabatsira zvikuru. Muna 1977, vatatu vaava vakataura nevatariri, mapiyona, uye vave vari Zvapupu kwenguva refu mumaguta akasiyana-siyana. Gore rakatevera racho, vaviri vavo vakashanyira Office for Religious Affairs. Zvisinei, kurambidzwa kwebasa redu hakuna kubviswa kutozosvikira muna 1989. Iye zvino, Zvapupu 124 000 zviri kushingaira muPoland.
Nemhaka youtano husina kunaka, Danuta ave asingakwanisi kufamba neni mumakore achangopfuura, asi anondikurudzira uye anoda kuti ndirambe ndichishanyira ungano. Ndichaonga nokusingaperi kutsigira kwake kunosimbisa panguva yokugara kwangu mujeri kwakawanda.
Chisarudzo chandakaita makore 50 apfuura kushumira Jehovha Mwari zvechokwadi ndicho chakanga chakarurama. Ndave ndichiwana mufaro mukuru mukumushumira nomwoyo wose. Ini nomudzimai wangu takaona mashoko ari pana Isaya 40:29 kuva echokwadi anoti: “Vanoziya [Jehovha] unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba rake.”
[Mashoko Omuzasi]
a Ona 1994 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 213-22.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Taishandisa muchina unonzi “mimeograph” uye gare gare unonzi “Rotaprint” kudhinda mabhuku
[Mufananidzo uri papeji 30]
Mudzimai wangu, Danuta, neni