“Ndapota Ndibatsirei! Ndinongotarirawo Kwamuri Bedzi”
MASHOKO ARI PAMUSORO APA ndiwo akagumiswa nawo tsamba nomumwe chiremba wepaKaunas Medical University muLithuania yaakanyorera hofisi yeZvapupu zvaJehovha munyika iyoyo. Chiremba wacho akatsanangura kuti:
“Ndiri kubasa ndakatanga kuverenga bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Ndakaronga kushandisa mashoko anobva mariri mune dzimwe nyaya dzangu, asi pane chakaitika bhuku racho rikabva ranyangarika. Pane akaritora chete. Izvi zvakandishatirisa chaizvo—nokuti ndakanga ndarasikirwa nechinhu chinokosha zvakadaro. Ndapota ndiitirei mutsa wokunditumira rimwe bhuku.
“Ndinoda bhuku iri chaizvo nokuti ndinoshanyira zvikoro uye ndinoshanda nevechiduku, uye bhuku iri rinondibatsira kupindura mibvunzo yavo yakawanda. Kana ndikawana rimwe, richagara riri kumba uye ndicharichengeta zvakanaka. Bhuku iri rine chimwe chinhu chinokosha zvikuru, uye ndinofunga kuti ndokusaka rakatorwa. Munguva dzino dzakaoma, zvinokosha kuwana simba kubva kune chimwe chinhu. Ndapota ndibatsirei! Ndinongotarirawo kwamuri bedzi.”
Bhuku raVechiduku rinopindura mibvunzo yakawanda iyo vechiduku vanonetseka nayo, yakadai seyokuti: “Ndinogona Sei Kuita Kuti Vabereki Vangu Vandipe Rusununguko Rukuru?,” “Ndinofanira Kubva Pamba Here?,” “Ndinogona Sei Kuita Shamwari Chaidzoidzo?,” “Ibasai Randinofanira Kusarudza?,” “Zvakadiniko Nevatano Pamberi Peroorano?,” uye “Ndinoziva Sei Kana Ruri Rudo Chairwoirwo?” Iri pamusoro apa inongova misoro mishoma yezvitsauko zvacho. Kana uchida kukumbira bhuku iri, zadza uye tumira kopani iri pasi apa pakero yakaratidzwa pakopani kana kukero yakakodzera iri papeji 5 yemagazini ino.
□ Nditumirei bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.
□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.