Kushandisa Vana Zvisina Kunaka Kwava Kuzoguma!
“MUUNIVERSAL Declaration of Human Rights, United Nations yakataura kuti vana vanofanira kutarisirwa zvakanaka uye kubatsirwa,” anodaro mashoko okutanga eConvention on the Rights of the Child. Maererano nokukosha kwemhuri, anowedzera kuti: “Mwana, kuti akure zvakanaka uye kuti ave nounhu, anofanira kukurira mumhuri, mune mufaro, rudo nokunzwisisa.” Asi, vavariro yakanaka iyi haisi kana kumboitika zvayo.
Kungotaura nezvenyika iri nani nokuda kwevana hakuna kukwana. Kuparara kwetsika kwanyanya, uye vanhu vazhinji vanoti hapana chakaipa. Kudzvinyirira kwakapararira nemakaro hakukwanisi kudzorwa nemitemo. Kunyange vabereki, pane kuratidza rudo nokudzivirira vana vavo, kazhinji ndivo vanobvumira madiro. Naizvozvo, tine tariro ipi yokupedza upfambi hwevana?
Kunyange zvazvo nyika ino yakaipa yatadza kuita kuti vana vose vawane musha une rudo uye remangwana rine chiedza, nokukurumidza Musiki wedu achabvisa marudzi ose ouipi nounzenza, kusanganisira upfambi hwevana. Munguva pfupi, nyika isingambozvifungiri, Jehovha Mwari achapindira munhau dzevanhu kuburikidza noUmambo hwake. Mabhinya nevane udyire vachatongwa naMwari. Vanhu chete vanoda vamwe vavo ndivo vachapona kuti vararame munyika itsva yaMwari. “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”—Zvirevo 2:21, 22.
Fungidzira kuzorora kuchavapo kana vose vana nevakuru vava kukwanisa kurarama pasina kudzikisirana pasi uye kushinha! Kunyange kukuvara mupfungwa nomumuviri kunokonzerwa nokushandiswa uye kurwiswa zvichava zvinhu zvekare. Vaya vakambobhinywa vachakwanisa kurarama vasingafungi zvakaitika kare kana kurwadziwa kwavakaramba vachiita. “Zvinhu zvekare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.”—Isaya 65:17.
Ipapo, hapana mwana achaberekwa kuti abatwe noutsinye kana kubhinywa. Mufaro, rudo nokunzwisisa zvichange zvava zvechokwadi. Nezvevachagara munyika itsva yaMwari, Isaya 11:9 inozivisa kuti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza.”
Zvechokwadi, pachava nomufaro usingatauriki apo urombo, kushandisa zvinodhaka, mhuri dzisingafari, uye unzenza zvinenge zvisisipo! Rugare, kururama, uye kuchengeteka zvichange zvava kutonga. “Vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.”—Isaya 32:18.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]
Rudo Rwevabereki Runogona Kudzivisa Kuparara Kwemhuri
● “Vabereki vangu vaindikurudzira kudzidza nesimba kuchikoro kwava kutora kosi. Havana kuda kundiudza zvavaida ivo, asi vakandibatsira kusarudza zvikoro zvaiva nekosi yandaida.”—Tais.
● “Ini nomunun’una wangu pataienda kunotenga, amai vaienda nesu. Kunze kwokutibatsira kutenga zvakachipa, vakatibatsirawo kurega kutenga mbatya dzinoshamisira kana dzinosiya dzimwe nhengo dzakashama.”—Bianca.
● “Pataienda kumapati, nguva dzose vabereki vangu vaibvunza kuti kunenge kuina ani, kunenge kuine nziyo dzakaita sei, uye kuti pati yaizotanga nokupera nguvai. Kumapati mazhinji mhuri yedu yose yainge iripo.”—Priscila.
● “Ndichiri mucheche uye ndava kuyaruka, ini nevabereki vangu taigara tichikurukurirana zvakanaka. Mumwe aidzidza kuchikoro kwedu akazviona akati: ‘Ndinoti dai hangu ndichikwanisa kukurukura nevabereki vangu sezvaunoita nevako maererano nechinhu chipi nechipi. Handitokwanisi kunyange kutaura naamai vangu, uye kazhinji zvandinenge ndichida kuziva ndinozvidzidza kune vamwe vanhu.’”—Samara.
● “Ndiri munhu akakura achifara. Ndaivimba nevanhu vose uye ndaigara ndichiseka. Ndainzwa ndakasununguka kana ndiine shamwari dzangu uye ndaifarira kuvaudza tunyaya tunonakidza. Vabereki vangu vainzwisisa kuti ndihwo unhu hwangu, uye havana kuedza kundichinja. Asi vakandibatsira nomutsa kuti ndione kuti ndinofanira kungwarira kana ndichitamba nevakomana.”—Tais.
● “Kufanana nevamwe vechiduku vakawanda, ndakatanga kufarira zvevakomana. Baba vangu vakandiudza makore andaifanira kuzotanga kudanana nevakomana. Izvi hazvina kundigumbura. Pane kudaro, ndakaona kuti vabereki vangu vakanga vaine hanya neni uye vaida kuti ndisakuvadzwa mune remangwana.”—Bianca.
● “Ndaiona kuti kuroorwa chinhu chinofadza, kunyanya nemhaka yomuenzaniso wevabereki vangu. Nguva dzose vaigara zvakanaka uye vaikurukura zvakanaka. Ndinoyeuka kuti pandakanga ndiri kudanana nomukomana wangu, amai vangu vakandipa mazano okuti ndinofanira kuita sei kana zvinhu zvadai uye vakatsanangura kuti izvi zvaizobatsira sei kana ndaroorwa.”—Priscila.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Munyika itsva yaMwari, hapana mwana achazombotambura kushandiswa zvisina kunaka