RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 2/8 p. 32
  • Rakauya Nemhepo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakauya Nemhepo
  • Mukai!—2003
Mukai!—2003
g03 2/8 p. 32

Rakauya Nemhepo

Mumwe murume akanga achifamba mumugwagwa muMumbai, India, apo mhepo yaivhuvhuta yakadonhedza pepa rakanyorwa patsoka dzake. Rakanga riri Mashoko oUmambo Nha. 36, raiti “Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?” Nyaya yacho akaifarira. Asingapambadzi nguva, akarinhonga ndokuriverenga rose. Kufarira kwake kwakawedzerwa, uye achida kuziva zvakawanda, akakumbira Bhaibheri nemamwe mabhuku.

Pepa racho, rakanyorwa neZvapupu zvaJehovha, rine pfungwa dzinosimbisa kutenda. Rinonyatsotsanangura kuti matambudziko atinosangana nawo, akadai sokurwara, urombo, nehondo, anokonzerwa ne“makaro, kusavimbana, uye udyire—unhu husingagoni kungobviswa nokuongorora kwesayenzi, unyanzvi hwokugadzira zvinhu, kana kuti zvematongerwe enyika.” Turakiti racho rinoratidzawo kuti munguva pfupi iri kutevera, Mwari achabvisa uipi hwose panyika.

Ungada kudzidza zvakawanda nezvezvipikirwa zvaMwari nezvenguva yemberi here? Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa Bhaibheri mumisha yemamiriyoni evanhu, zvichishandisa mabhuku eBhaibheri, kusanganisira bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Bhurocha iri rinopindura mibvunzo yakadai seyokuti: Mwari Ndiani? Ndechipi chiri chinangwa chaMwari nokuda kwepasi? Umambo hwaMwari chii? Bhaibheri ringavandudza sei upenyu hwenyu hwemhuri?

Kana uchida kuti Zvapupu zvaJehovha zviuye pamba pako kuzokubatsira kunzwisisa zvichaitwa naMwari munguva yemberi iri pedyo, zvichafara kuita kudaro uye zvichakupa mashoko akawanda nezvoUmambo hwaMwari. Tapota nyora kopani riri pazasi apa kuitira kuti zvigone kukubatsira.

□ Nditumirei bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?

□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe