RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 4 p. 8
  • Kushamisa Kunoita Shiri Inonzi Arctic Tern

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushamisa Kunoita Shiri Inonzi Arctic Tern
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Kushamisa Kunoita Uchenjeri Hwokusikwa Nahwo
    Mukai!—2007
  • Pfungwa dzeTsindi Dzekunzvimbo Dzine Chando
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2017
Mukai!—2017
g17 nha. 4 p. 8
MaArctic tern

Kushamisa Kunoita Shiri Inonzi Arctic Tern

KWEMAKORE akawanda zvaifungidzirwa kuti shiri dzinonzi maarctic tern dzinobhururuka kwemakiromita anenge 35 200 kubva kuArctic (kumusoro kwenyika) kuenda kuAntarctica (kuzasi zasi kwenyika) nekudzokera. Asi ongororo ichangobva kuitwa yakaratidza kuti shiri idzi dzinobhururuka kutopfuura ipapo.

Maarctic tern anobhururuka nepamusoro peAtlantic Ocean

Paanenge achitama, maarctic tern anobhururuka achiita seasiri kunanga kwaari kuenda, sezviri kuratidzwa papikicha

Tumwe tumichina tune huremu hunenge hwetsono tunonzi tumageolocators twakasungirirwa pamakumbo edzimwe shiri dzacho. Tumichina utwu twakaratidza kuti mamwe maarctic tern akabhururuka kweavhareji yemakiromita 90 000 kubva kuArctic kuenda kuAntarctica nekudzoka, uye hakuna mhuka yati yambofamba rwendo rwakareba kudaro. Imwe yeshiri dzacho yakabhururuka kweanenge makiromita 96 000! Nei makiromita acho asiyana nezvaifungidzirwa kare?

Pasinei nekuti dzatangira kubhururukira kupi, shiri idzi dzinobhururuka dzichiita sekuti hadzisi kunanga kwadziri kuenda. Kakawanda padzinopfuura nepamusoro peAtlantic Ocean, dzinobhururuka dzichibhenda-bhenda, sezviri kuratidzwa pamufananidzo. Nei dzichidaro? Nekuti dzinobhururuka dzichitevedza mhepo.

Shiri idzi dzinowanzorarama kwemakore 30 uye paupenyu hwadzo hwese dzinogona kubhururuka kwemakiromita anopfuura mamiriyoni 2,4. Izvi zvakafanana nekuenda kumwedzi nekudzoka ka3 kana kuti ka4! Mumwe muongorori akati: “Zvinoitwa neshiri diki iyi inorema 100g chete zvinokanga mate mukanwa.” Chimwewo ndechekuti sezvo dzichisvika kuAntarctica uye kuArctic panguva yechirimo, dzinokwanisa kuona “chiedza chezuva chakawanda pagore kupfuura zvisikwa zvese,” rinodaro bhuku rinonzi Life on Earth: A Natural History.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe