RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 6 pp. 4-5
  • Kutsvaga Mhinduro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaga Mhinduro
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vanogona Kuunza Rugare Runogara Narini Nokuchengeteka Here?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Hondo Yenyukireya—Ndivanaani Vangangoimutsa?
    Mukai!—2004
  • Kutyisidzira Kwenyukireya Hakusati Kwambopera
    Mukai!—1999
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvehondo Yenyukireya?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 6 pp. 4-5

NYAYA IRI PAKAVHA | NYIKA YAKANANGEPI?

Kutsvaga Mhinduro

KUWANDA kuri kuita nhau dzinosuruvarisa kuri kuita kuti vakawanda vatye. Muna 2014, Barack Obama, uyo aimbova purezidhendi weUnited States, akati zvinhu zvinosuruvarisa zviri kutaurwa munhau zviri kuita kuti vakawanda vati “nyika iri kuchinja zvisingaiti uye hapana ari kukwanisa kuidzora.”

Asi akabva azotaura zviri kuitwa kugadzirisa matambudziko akawanda ari panyika. Zvimwe zvaiitwa nehurumende akatozviti “mashoko akanaka” uye akati aiva “netarisiro yakasimba yekuti zvinhu zvichanaka.” Zvaaireva ndezvekuti vanhu vanokwanisa kugadzirisa matambudziko ari panyika zvoita kuti isaparara.

Vakawanda vanobvumiranawo nazvo. Vamwe vanoti kufambira mberi mune zvesainzi kuchabatsira pakugadzirisa matambudziko ari munyika. Imwe nyanzvi munyaya dzekugadzirwa kwezvinhu zvemazuva ano yakati panozosvika gore ra2030, “unyanzvi hwatava nahwo huchange hwava kumberi kanopetwa ka1 000 uye panozosvika 2045, tinenge tatova kumberi kanopetwa ka1 miriyoni.” Akawedzera kuti: “Tinodada nezvatiri kuita. Kunyange hedu tisati tambosangana nematambudziko akakura seizvi, tinokwanisa kukurumidza kuagadzirisa.”

Asi zvinhu zvanyanya kuipa zvakadii munyika? Ichokwadi here kuti nyika yava kuda kuparara? Dzimwe nyanzvi dzesainzi uye vezvematongerwo enyika vari kuti zvinhu zvichanaka, asi vakawanda vari kutya. Nemhaka yei?

Pane dzimwe njodzi dzinogona kukonzera kufa kwevanhu dzaunoziva. Asi kuongorora njodzi dziri kuitika hakusi iko kuchaita kuti uwane mhinduro dzinogutsa dzine chekuita neramangwana. Vamwewo vanoti mhinduro dzacho haumbodziwani kunyange ukateerera zvinotaurwa nevezvematongerwo enyika kana kuti vezvesainzi. Sezvambotaurwa munyaya yekutanga, kune vanhu vakawanda vakawana mhinduro dzinogutsa nezvezvichange zvakaita ramangwana. Mhinduro dzacho vakadziwana kupi?

Kuputika kwenyukiriya

ZVOMBO ZVINOPARADZA. Sangano reUnited Nations nemamwe masangano vakamboedza kuisa mitemo yekuti nyika dzisagadzira zvombo zvenyukiriya, asi hapana chakachinja. Vamwe vatungamiriri venyika vanotoseka mitemo iyoyo. Nyika dzinogadzira zvombo izvi dziri kutovandudza mabhomba adzaiva nawo kare uye dziri kutogadzira mamwe matsva anoparadza zvakanyanya. Dzimwe nyika dzakanga dzisina zvombo izvi dzava nazvo.

Zvombo izvi zvenyukiriya zviri kuramba zvichigadzirwa zviri kuita kuti nyika ityise kunyange pakunenge kusina hondo. “Chimwe chiri kutyisa inyaya yekugadzirwa kwezvombo zvinosarudza zvega kuti zvoparadza papi uye ani,” inodaro Bulletin of the Atomic Scientists.

Murume ari muchipatara

ZVIRWERE. Sainzi haikwanisi kubva yaita kuti vanhu vasatomborwara. Zvinhu zvinokonzera kuti vanhu varware zvakadai seBP, kufuta, kusvibiswa kwemhepo uye kushandiswa zvisizvo kwemadrugs zviri kuramba zvichiwedzera. Vanhu vakawanda vari kufa nezvirwere zvemwoyo, kenza, uye shuga. Nhamba yevanhu vari kuremadzwa nezvimwe zvirwere uye vari kurwara nepfungwa, iri kuwedzera. Uye makore achangopfuura, kune zvirwere zvinotyisa zvakangonyuka zvakadai seEbola uye Zika virus. Izvi zviri kuratidza kuti vanhu vari kutadza kupedza zvirwere, uye hazvisi kuzombopera!

Kusvibiswa kwemhepo nemvura

KUSVIBISWA KWENHARAUNDA. Mafekitari ari kuramba achisvibisa mhepo. Gore negore, mamiriyoni evanhu ari kufa nekufema mhepo yakasviba.

Vanhu vari kuramba vachirasira mumakungwa zvinhu zvakadai sesuweji, marara, makemikari, uye mapurasitiki. “Zvinhu izvi zviri kuuraya zvipuka zvemugungwa uye vanhu vanenge vadya zvipuka izvozvo,” inodaro Encyclopedia of Marine Science.

Uyewo mvura yakachena iri kupera. Mumwe munyori wezvesainzi wekuBritain anonzi Robin McKie akati: “Dambudziko remvura richakanganisa upenyu hwevanhu pasi rese.” Vezvematongerwo enyika vanobvumawo kuti vanhu ndivo vari kunyanya kukonzera kushomeka kwemvura uye izvi zvichaita kuti zvinhu zviwedzere kuipa.

Tornado

NJODZI DZINONGOEREKANA DZAITIKA. Madutu, mahurricane, matornado, matyphoon uye kudengenyeka kwenyika zviri kukonzera mafashamo, nedzimwewo njodzi. Zvinhu izvi zviri kuita kuti vanhu vakawanda vafe kana kuti vaparadzirwe zvinhu zvavo. Ongororo yakabudiswa nesangano rekuUnited States rinonzi National Aeronautics and Space Administration (NASA) inoratidza kuti kungangoita “madutu ane simba, kupisa kwakanyanya, mafashamo uye kusanaya kwemvura.” Saka zvinhu izvi zvichatoita kuti nyika iparare here?

Pane dzimwe njodzi dzinogona kukonzera kufa kwevanhu dzaunoziva. Asi kuongorora njodzi dziri kuitika hakusi iko kuchaita kuti uwane mhinduro dzinogutsa dzine chekuita neramangwana. Vamwewo vanoti mhinduro dzacho haumbodziwani kunyange ukateerera zvinotaurwa nevezvematongerwo enyika kana kuti vezvesainzi. Sezvambotaurwa munyaya yekutanga, kune vanhu vakawanda vakawana mhinduro dzinogutsa nezvezvichange zvakaita ramangwana. Mhinduro dzacho vakadziwana kupi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe