RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 3 pp. 6-7
  • Unhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unhu
  • Mukai!—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • HASHA
  • KUONGA
  • ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
  • Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • “Njere Dzomunhu Dzinodzora Kutsamwa Kwake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Ndinogona Sei Kudzora Kutsamwa Kwangu?
    Mukai!—1988
  • Ndinogona Sei Kudzora Manzwiro Angu?
    Mukai!—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 3 pp. 6-7
Vanhu vari kuratidza kushungurudzika vakamira mumutsetse, asi mumwe mukadzi nemwana wake vanoramba vakadzikama

Unhu

Bhaibheri rinotikurudzira kuva neunhu hwakanaka, uye rinotiyambira kuti tisava neunhu hwakaipa.

HASHA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu anononoka kutsamwa anopfuura murume ane simba.”​—Zvirevo 16:32.

ZVAZVINOREVA: Kana tikashanda nesimba kuti tive vanhu vanozvidzora zvichatibatsira muupenyu. Tese tinombotsamwa dzimwe nguva, asi kutadza kuzvidzora kunogona kukanganisa zvakawanda. Dzimwe ongororo dzinoti vanhu vane hasha vanogona kutaura kana kuita zvimwe zvinhu zvavanozodemba.

ZVAUNOGONA KUITA: Dzidza kuzvidzora pane kungorega hasha dzako dzichikutonga. Vamwe vanhu vanofunga kuti hasha dzinoratidza kuti hausi gwara, asi ichocho hachisi chokwadi. Bhaibheri rinoti, “Munhu asingadzori hasha dzake akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.” (Zvirevo 25:28) Chinhu chingakubatsira kuti uzvidzore kutanga wanyatsonzwisisa zvinenge zvaitika usati waita zvauri kufunga. Bhaibheri rinoti: “Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake.” (Zvirevo 19:11) Kana tikatanga tanzwisisa nyaya yacho yese zvichatibatsira kuti tidzikame.

KUONGA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.”​—VaKorose 3:15.

ZVAZVINOREVA: Zvinonzi vanhu vanotenda zvavanoitirwa ndivo vanofara muupenyu. Ndizvo zvinotaurwawo nevanhu vakambosangana nematambudziko akakura muupenyu hwavo. Vanoti kuisa pfungwa pazvinhu zvavainazvo pane kungofunga zvinhu zvavakarasikirwa nazvo ndiko kwakavabatsira.

ZVAUNOGONA KUITA: Zuva rega rega, nyora pasi zvinhu zvaunotenda. Izvi hazvifaniri hazvo kuva zvinhu zvakakura. Funga kunyange zvinhu zvinoita sezvidiki, zvakadai sekukwanisa kuona kunaka kwakaita denga panobuda zuva, kutaura nehama neshamwari, uye kuti wamuka uri mupenyu zuva iroro. Kana ukawana nguva yekufunga zvinhu izvi, zvichakubatsira kuti ufare muupenyu.

Zvakakoshawo kuti uratidze kuti unotenda hama neshamwari dzauinadzo. Paunoona zvinhu zvakanaka zvavanokuitira, ibva wavatenda, kana kuvanyorera tsamba chero kuvatumira meseji. Izvi zvichaita kuti muwedzere kuwirirana uye uchafara nekuti unenge wavaitira zvakanaka.​—Mabasa 20:35.

ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Amai vari kupeta hembe dzemwanasikana wavo vachiteerera Bhaibheri rakarekodhwa

Unogona kuenda paIndaneti wodhaunirodha Bhaibheri rakarekodhwa. Rinowanikwa mumitauro 40 pawebsite yedu inonzi jw.org

IBVA MUSATI MAPOPOTEDZANA.

“Kutanga nharo kwakaita sekuvhurira mapopoma; ibva kupopotedzana kusati kwatanga.”​—ZVIREVO 17:14.

USANYANYA KUZVINETSA NEZVERAMANGWANA.

“Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nematambudziko aro.”​—MATEU 6:34.

TANGA WANYATSOFUNGA.

“Kukwanisa kunyatsofunga kucharamba kuchikurinda, uye ungwaru huchakuchengetedza.”​—ZVIREVO 2:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe