Panoitika matambudziko, chengetedza zvinhu zvako nekuita zvinhu izvi
DEREDZA ZVINHU ZVAUNOTENGA
Deredza zvinhu zvaunotenga
Usashandisa mari kutenga zvinhu zvisingakoshi zvausiri kunyanya kuda panguva yacho. Zvibvunze kuti: ‘Handikwanisi kurarama ndisina mota here? Ndinokwanisa kurima gadheni here?’
Usati watenga chimwe chinhu, zvibvunze kuti: ‘Chinhu ichi chinokosha here? Ndine mari yacho here?’
Kana zvichiita, kumbira kubatsirwa nehurumende kana nemamwe masangano anobatsira vanhu.
“Takagara pasi semhuri tichibva tanyatsotarisa mashandisiro ataiita mari. Takaronga kushandisa mari shoma pazvinhu zvekuzvivaraidza nazvo. Takatangawo kutenga zvekudya zvisingadhuri.”—Gift.
RONGA KUTI UCHASHANDISA SEI MARI YAKO
Ronga kuti uchashandisa sei mari yako
Bhaibheri rinoti: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire, asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.” (Zvirevo 21:5 ) Kuronga kuti uchashandisa sei mari yako kunokubatsira kuti usashandisa mari yakawanda kupfuura yaunowana.
Chekutanga, nyora pasi mari yaunowana pamwedzi.
Chechipiri, nyora zvinhu zvaunoda pamwedzi wonyorawo kuti zvinoita marii.
Chechitatu, enzanisa mari yaunowana nemari yauchada kutenga zvinhu zvese zvawanyora. Kana ukaona kuti mari yako haisi kukwana, bvisa zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha.
“Mwedzi wega wega, tinonyora pasi mari yatichawana uyewo zvinhu zvatinoda. Tinochengeta mari yekuzotenga zvimwe zvinhu zvinokosha uyewo yekuzoshandisa kana pakangoerekana paitika chimwe chinhu. Kuita izvi kunoita kuti tisanyanya kunetseka nekuti tinenge tichitoziva kuti tichashandisa sei mari yedu.”—Carlos.
USAPINDA MUZVIKWERETI / CHENGETEDZA MARI
Usapinda muzvikwereti / chengetedza mari
Kana uine chikwereti, ronga kuti uchachibhadhara sei. Kana zvichiita, dzivisa kutora chikwereti. Kana uine chauri kuda kutenga gara uchichengeta mari kusvikira yakwana.
Mwedzi nemwedzi gara uchichengeta mari yekuzoshandisa pane zvimwe zvinhu zvauchada kana kuti zviya zvinongoerekana zvamuka.
SHANDA NESIMBA / CHENGETEDZA BASA RAKO
Bhaibheri rinoti: “Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira.”—Zvirevo 14:23 .
Shanda nesimba / chengetedza basa rako
Iva nemaonero akanaka nezvebasa raunoita. Kunyange kana risiri iro rawaida, yeuka kuti basa rauri kuita riri kukuwanisa chekurarama nacho.
Shanda nesimba uye iva munhu anovimbwa naye. Kuita izvi kunogona kukubatsira kuti urambe uri pabasa, asi kana kuri kuti warasikirwa nebasa rako zvichakuitirawo nyore kuti uwane rimwe.
“Ndinobvuma mabasa andinenge ndawana, kunyange kana risiri iro randinoda kana kuti ndisiri kuzotambiriswa mari yandinenge ndichida. Ndinoshanda nesimba ndichinyatsoita basa rangu nemazvo sekunge kuti zvinhu zvandiri kushanda ndezvangu.”—Dmitriy.
Kana uri kutsvaga basa . . .
Usangogara uchimirira kuti uchariwana. Enda unobvunza kumakambani akasiyana-siyana kunyange vasina kutaura kuti vari kuda munhu webasa. Udza hama neshamwari kuti uri kutsvaga basa.
Usaomerera pane zvaunenge uchida. Kashoma kuti uwane basa rine zvese zvaunoda.