Panoitika matambudziko, simbisa ushamwari hwako nevamwe nekuita zvinhu izvi
SIMBISA WANANO YAKO
Simbisa wanano yako
Bhaibheri rinoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete . . . Nekuti kana mumwe akawa, mumwe wacho anobatsira mumwe wake kusimuka.” (Muparidzi 4:9, 10) Murume nemudzimai vanofanira kuita zvinhu zvavo pamwe chete, kwete kudhonzerana.
Kana uine zviri kukunetsa, usapedzera shungu pane mumwe wako. Edza kuva nemwoyo murefu.
Edzai kuti kamwe chete pavhiki, mukurukure matambudziko anenge amuka. Isai pfungwa pakugadzirisa dambudziko racho, kwete pakupomerana mhosva.
Wanai nguva yekuva pamwe chete muchiita zvinhu zvamunofarira.
Taurai nezvezvinhu zvinofadza zvakaitika muupenyu hwenyu. Pamwe pacho, munogona kutarisa mapikicha amakatorwa pamuchato wenyu kana pane chimwe chiitiko chinofadza.
“Murume nemudzimai vanogona kusabvumirana pane imwe nyaya, asi izvozvo hazvirevi kuti havagoni kushanda pamwe chete vakabatana. Vanogona kuisa musoro pamwe chete pakuita chisarudzo, voshanda nesimba kuti zvavanenge vasarudza zvibudirire.”—David.
RAMBA UCHIKURUKURA NESHAMWARI DZAKO
Ramba uchikurukura neshamwari dzako
Kunze kwekungotsvaga rubatsiro kubva kushamwari dzako, fungawo nezvenzira dzaungavabatsira nadzo. Kana ukasimbisa vamwe, unenge uchitozvisimbisawo.
Zuva rega rega, edza kutaura nedzimwe shamwari dzako kuti unzwe kuti dziri sei.
Bvunza shamwari dzako kuti zvii zvavakaita kuti vatsungirire matambudziko akafanana neauri kusangana nawo.
“Paunosangana nematambudziko, shamwari dzinogona kukupa mazano anobatsira. Dzinogona kukuyeuchidza zvimwe zvinhu zvinogona kukubatsira kuti uite zvisarudzo zvakanaka. Shamwari dzechokwadi dzinokuda, uye dzinoziva kuti newe unodzidawo.”—Nicole.
WANIRA VANA VAKO NGUVA
Wanira vana vako nguva
Bhaibheri rinoti: ‘Tinofanira kukurumidza kuteerera, tononoka kutaura.’ (Jakobho 1:19) Pakutanga, vana venyu vanogona kuzeza kutaura zviri kuvanetsa asi kana mukanyatsovateerera, vachakuudzai zviri pamwoyo pavo.
Itai kuti vana venyu vanzwe vakasununguka kutaura zviri pamwoyo pavo. Vamwe vana vanobudisa zviri pamwoyo pavo pavanenge vachinzwa vakasununguka, zvakadai sepaya pamunenge muchifamba zvenyu kana kuti muri mumota pane kunge makagara makaita zvekutarisana.
Edzai kuita kuti vana venyu vasanyanya kuona nhau dzezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika.
Udzai vana venyu zvamakaronga kuita kuti mudzivirire mhuri yenyu.
Garai makaronga zvamuchaita kana mukangoerekana mawirwa nenjodzi uye potai muchiedzesera zvacho zvamuchaita nevana venyu.
“Taurai nevana venyu, uye itai kuti vanzwe vakasununguka kutaura manzwiro avo. Vanogona kunge vari kuzeza kutaura zvavari kutya, zviri kuvanetsa, kana kuti zviri kuvarwadza. Vaudzei kuti nemiwo munombonzwawo saizvozvo, uye vaudzei zvamuri kuita kuti musanyanya kunetseka.”—Bethany