RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g23 nha. 1 pp. 3-5
  • Mvura Yekunwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mvura Yekunwa
  • Mukai!—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukanganiswa Kuri Kuitwa Mvura Yekunwa
  • Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi
  • Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu
  • Bhaibheri Rinotii?
  • Nyika iri Kupererwa Nemvura Here?
    Mukai!—2001
  • Bhaibheri Rinomboti Kudii Nezvekunetsa Kuri Kuita Mvura Pasi Rese?
    Dzimwe Nyaya
  • Uko Nhamo Yacho Yakakura Zvikuru
    Mukai!—1997
  • Mvura Yose Yakaenda Kupi?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2023
g23 nha. 1 pp. 3-5
Mukadzi ari kuchera mvura yakachena nemaoko ake murwizi.

VANHU VACHAPARADZA NYIKA HERE?

MVURA YEKUNWA

KUDAI panyika pasina mvura, kunyanya mvura yekunwa, paisazoraramika. Zvinhu zvese zvipenyu zviri panyika zvakagadzirwa pachishandiswa zvinhu zvakawandawanda, asi mvura ndiyo inoumba chikamu chakakura. Mvura yekunwa uye yekudiridzisa zvirimwa inobva mumadhamu, munzizi, mumapani uyewo pasi pevhu.

Kukanganiswa Kuri Kuitwa Mvura Yekunwa

Chikamu chakakura chenyika yedu imvura. Asi maererano nezvakataurwa nerimwe sangano rinoona nezvemvura uye mamiriro ekunze rinonzi World Meteorological Organization, “chikamu chidikidiki chemvura yepanyika ndicho chinonwika.” Kunyange zvazvo chikamu ichi chemvura chichifanira kukwanira zvinhu zvese zvipenyu zviri panyika, yakawanda yacho iri kusvibiswa uye yava kuita shoma nemhaka yekuwandirwa uye kuchinja kwemamiriro ekunze. Vaongorori vanofungidzira kuti mumakore 30 anotevera, vanhu vanopfuura 5 bhiriyoni vachange vasisakwanisi kuwana mvura inovakwanira.

Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi

Nyika yedu yakasikwa nenzira inoita kuti panyika pagare paine mvura inokwanira zvinhu zvese zvipenyu. Uyewo ivhu, zvisikwa zvemumvura nezuva zvinoshanda pamwe chete kuti zvichenese mvura. Ona humwe uchapupu hunoratidza kuti nyika yedu yakasikwa kuti irambe iripo nekusingaperi.

  • Vaongorori vakaona kuti ivhu rinokwanisa kubvisa zvinhu zvakawanda zvinosvibisa mvura. Panewo zvimwe zvinhu zvinomera mumapani zvinonzi zvinotora mumvura makemikari akadai senitrogen, phosphorus, uye mishonga inouraya zvipembenene.

  • Nyanzvi dzesainzi dzakaongorora kuti zvimwe zvinhu zvakasikwa zvinoita sei kuti mvura igare yakachena. Zvinhu zvinosvibisa mvura zvinosangana nemvura inenge ichiyerera uye zvinobva zvanyungudutswa nemabhakitiriya.

  • Zvimwe zvisikwa zvemumvura zvakaita sehozhwa zvinonzi maclam uye mamussel zvinodya makemikari anenge ari mumvura mumazuva mashomanana. Mashandiro azvinoita anogona kutopfuura nekure mashandiro anoita michina inochenesa mvura.

  • Mvura iri panyika ndiyo inoenda mudenga yogadzira makore yobva yazonaya. Izvi nezvimwewo zvinoitika panyika ndizvo zvinoita kuti mvura irambe iripo.

    WAIZVIZIVA HERE?

    Ivhu Rinochenesa Mvura

    Mvura painenge ichinyura muvhu, ivhu rinokwanisa kubvisa zvinhu zvakadai semakemikari ane muchetura, tsvina nezvimwewo. Mvura painozosvika pasipasi pevhu inenge yatochena zvekuti inokwanisa kunwika.

    Pikicha iri kuratidza kuti ivhu rinochenesa sei mvura yakasviba. Mvura inonaya inopfuura nemuvhu nemumatombo kusvika yasvika pasi pevhu.

    Jecha Nematombo

    Jecha netumatombo zvinoita sesefa inobata tsvina mvura painenge ichinyura pasi.

    Mabhakitiriya

    Mamwe mabhakitiriya ari muvhu anoita kuti zvimwe zvinhu zvinenge zviri mumvura zvinogona kurwarisa vanhu zvisakuvadza. Mamwe mabhakitiriya anogona kutochinja maoiri anokuvadza kuti ave carbon dioxide nemvura.

    Kubviswa Kwemakemikari

    Mvura painenge ichinyura pasi, rimwe ivhu rinokwanisa kubata makemikari anokuvadza anenge ari mumvura. Semuenzaniso, rimwe ivhu rinokwanisa kubvisa kemikari inokuvadza inonzi ammonia.

Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu

Mapikicha: 1. Murume ari kugadzira mota yake kuti isadonhedza oiri. Aisa mudziyo nechepazasi pacho kuti oiri idonhere imomo. 2. Murume ari kuendesa zvigaba zvemishonga kune vanozozvigadzira kuti zvishandiswe zvakare.

Kana tikagadzira zvinhu kuti zvisadonhedza oiri uye tikarasa michetura nenzira yakakodzera, tinoita kuti mvura yedu yekunwa irambe yakachena

Vamwe vaongorori vari kukurudzira vanhu kuti vaedze kuchengetedza mvura. Vari kukurudzira vanhu kuti vagadzire motokari dzavo kuitira kuti dzisarasa oiri uye vasarasire mapiritsi nemishonga inouraya muchimbuzi kana mumadhireni anofamba nemvura.

Mainjiniya akatsvaga dzimwe nzira dzekubvisa sauti mumvura yemumakungwa. Vari kuita izvi kuitira kuti pave nemvura yakawanda yekunwa.

Asi izvi handizvo zvega zvichagadzirisa dambudziko racho nekuti kubvisa sauti mumvura kunodhura uye kunoda magetsi akawanda. Mushumo wakapiwa muna 2021 neSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese, (United Nations) panyaya yekuchengetedza mvura yekunwa wakati: “Pasi rese, tiri kufanira kushanda zvakapetwa kaviri kupfuura zvatiri kuita iye zvino.”

Bhaibheri Rinotii?

“Mwari . . . anokwidza madonhwe emvura kumusoro; madonhwe acho anochinja kubva mumhute yake, ova mvura; makore anobva aidurura pasi; oinayisa pasi pane vanhu.” —Jobho 36:​26-28.

Maitikiro anoita zvinhu zvakasikwa naMwari panyika anoita kuti mvura irambe iripo uye icheneswe kana yasvibiswa.—Muparidzi 1:7.

Funga izvi: Kana Musiki akagadzira nyika ichikwanisa kuita kuti mvura irambe yakachena, angatadza here kugadzirisa dambudziko rekusvibiswa kwemvura riri kukonzerwa nevanhu? Ona nyaya yakanzi “Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa,” iri papeji 15.

DZIDZA ZVIMWE

Madonhwe emvura.

Mvura inoita kuti zvinhu zvipenyu zvikwanise kurarama. Ona vhidhiyo inonzi The Wonders of Creation Reveal God’s Glory—Water iri pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe