RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g24 nha. 1 pp. 13-15
  • Vanhu Vachiri Kuzviremekedza Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vachiri Kuzviremekedza Here?
  • Mukai!—2024
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI KUZVIREMEKEDZA KUCHIKOSHA?
  • ZVAUNGAITA
  • ZVIRI KUITWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA
  • Rubatsiro Ruripo
    Mukai!—2020
  • Vanhu Vachiri Kuremekedzana Mumhuri Here?
    Mukai!—2024
  • Neiko Ndisingazvidi Ini Ndimene?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—2024
g24 nha. 1 pp. 13-15
Mukadzi akasuruvara akazvitarisa pagirazi.

Vanhu Vachiri Kuzviremekedza Here?

NEI KUZVIREMEKEDZA KUCHIKOSHA?

Vanhu vanozviremekedza vanoramba vaine ushingi pavanosangana nematambudziko. Havakurumidzi kukanda mapfumo pasi.

  • Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vaya vanozvitarisira pasi vanowanzova nematambudziko akadai sekuzvidya mwoyo, kurwara nedepression, uye vanova nedambudziko panyaya yekudya. Uye kakawanda kacho vanotanga kunwisa doro uye kuita zvemadrugs.

  • Vanhu vanozviremekedza havazvienzanisi nevamwe, saka zvinovaitira nyore kuti vawirirane nevamwe vova neushamwari hwakasimba navo. Asi vaya vasingazviremekedzi, kakawanda kacho vanotsoropodza vamwe, izvo zvinozoita kuti vapedzisire vasisina shamwari.

  • Vanhu vanozviremekedza vanoramba vaine ushingi pavanosangana nematambudziko; havatadziswi kuita zvavanenge vakaronga kana paine zvinenge zvambovavhiringa. Asi vaya vanozvitarisira pasi kakawanda kacho vanoona sekuti zvinhu zvidiki zvavanenge vakanganisa hazvichatombogadzirisiki. Izvozvo zvinogona kuvanetesa.

ZVAUNGAITA

Sarudza shamwari dzinovaka. Shamwaridzana nevanhu vanoremekedza vamwe, vane hanya newe, uye vanokuvaka.

“Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Batsira vamwe. Kana uine mutsa uye uchibatsira vamwe, kusanganisira vaya vasingakwanisi kuzokubatsirawo, unowana mufaro wechokwadi unobva pakupa. Ichocho ichokwadi kunyange kana vamwe vakasaziva zvaunenge waita.

“Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Batsira vana vako kuti vadzidze kuzviremekedza. Imwe nzira ndeyekumbovasiya vachigadzirisa vega zvinhu zvinenge zvichivanetsa, kusvikira pavanokwanisa. Izvozvo zvinovabatsira kuti vadzidze kukunda matambudziko avanosangana nawo. Kana vakadzidza kuita izvi, vachawedzera kuzviremekedza iye zvino uye pavanenge vakura.

“Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo; kunyange kana akwegura haazobvi pairi.”—Zvirevo 22:6.

Mumwe weZvapupu zvaJehovha ari kudzidza Bhaibheri nemumwe mukadzi muresitorendi.
Mumwe weZvapupu zvaJehovha ari kudzidza Bhaibheri nemumwe mukadzi muresitorendi.

ZVIRI KUITWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA

Misangano yeZvapupu zvaJehovha uye zvidzidzo zveBhaibheri zvavanoita nevanhu zvinobatsira vanhu kuti vachinje upenyu hwavo vorega kuzviona sevanhu vasingabatsiri.

MISANGANO YATINOITA VHIKI NEVHIKI

Pamisangano yatinoita vhiki nevhiki, tinonakidzwa nekunzwa mharidzo dzeBhaibheri dzinowanzonge dziine mazano ezvatingaita kuti tisazviona sevanhu vasingabatsiri. Pamisangano iyi kupinda hakubhadhariswi, uye munhu wese akasununguka kuuya. Zvimwe zvinhu zvauchadzidza pamisangano yacho ndeizvi:

  • Nei uchikosha kuna Mwari?

  • Zvaungaita kuti uzive chinangwa cheupenyu

  • Zvaungaita kuti uve neshamwari dzinogara nekusingaperi

Uchawanawo shamwari dzechokwadi dzinoda ‘kuchengetana.’—1 VaKorinde 12:​25, 26.

Kuti uzive zvakawanda nezvemisangano yedu, tsvaga pajw.org kavhidhiyo kanonzi Chii Chinoitwa paImba yeUmambo?

KOSI YEBHAIBHERI YATINOITA NEVANHU

Tinoita kosi yeBhaibheri nevanhu pasina mari yavanobhadhara tichishandisa bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi uchifara! Bhuku iri rine mavhesi anokosha, pfungwa nemibvunzo zvinobatsira munhu kuti afunge, mavhidhiyo anobaya mwoyo uye mapikicha akanaka. Kosi iyi yeBhabheri inobatsira vanhu kuti vaone kuti vanokosha uye inoita kuti upenyu hwavo huvandudzike.

Kuti uone kuti kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kunokubatsira sei, tsvaga pajw.org kavhidhiyo kanonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhabheri?

Israel Martínez.

DZIDZA ZVIMWE

Israel Martínez aizvitarisira pasi nekuti aiva murombo uye ainge akangoenda kuchikoro kwemakore mashoma. Pajw.org tsvaga nyaya yakanzi “Handichazvitarisiri Pasi” kuti uone kuti kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha uye kudzidza Bhaibheri kwakamubatsira sei kuti asazvitarisire pasi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe