Mwari
Tsanangudzo: Munhu Mukuru zvikuru, ane zita rinomusiyanisa nevamwe rokuti Jehovha. Pakutaura nezva“Mwari,” mutauro wechiHebheru unoshandisa mashoko anopa pfungwa yesimba, uyewo ukuru, kukudzwa uye kunaka. Kusiyana naMwari wechokwadi, kune vanamwari venhema. Vamwe vavo vanozviita vanamwari; vamwe vave vachinamatwa nevaya vanovashumira.
Pane zvikonzero zvine musoro here zvokutenda muna Mwari?
Pis. 19:1: “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari; nzvimbo huru yokudenga inozivisa basa remaoko ake.”
Pis. 104:24: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Ose zvawo makaaita nouchenjeri. Nyika izere nezvinhu zvamakaita.”
VaR. 1:20: “Zvaari zvisingaoneki, . . . zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.”
Magazini inonzi New Scientist yakati: “Maonero evanhuwo zvavo anoramba aripo ndeokuti masayendisiti ‘anopikisa’ chitendero. Mafungiro acho anowanzotarisira masayendisiti kuti ave vanhu vasiri vatendi; kuti Darwin akaisa zvipikiri zvokupedzisira pabhokisi raMwari; uye kuti kubva ipapo zvave zvichiitwa musayenzi uye kubudirira kweruzivo rwokugadzira zvinhu zvaita kuti pasambova netariro yokuti achazomuka. Kuva nemaonero akadai kubaya dondo chaiko.”—May 26, 1977, peji 478.
Nhengo yeFrench Academy of Sciences yakati: “Kurongeka kwezvinhu zvakasikwa hakuna kutangwa nepfungwa dzevanhu kana kuti kurongwa nemamwe masimba avo okunzwisisa. . . . Kurongeka kwezvinhu kunoratidza kuti pane uchenjeri hwakazvironga. Uchenjeri ihwohwo hahugoni kuva mumwe munhu kunze kwaMwari.”—Dieu existe? Oui (Paris, 1979), Christian Chabanis, achitora mashoko aPierre-Paul Grassé, peji 94.
Masayendisiti akaona zvinhu zvinoumba makemikari zvinopfuura 100. Zvakaita maatomu zvinoratidza kupindirana kwezvinhu zvacho kwakaoma kunzwisisa. Periodic table inoratidza pachena kuti zvinhu izvi zvakarongwa. Kurongeka kwezvinhu kunoshamisa zvakadaro kwaisagona kungoerekana kwavapo.
Kuenzanisira: Patinoona kamera, redhiyo, kana kuti kombiyuta, tinotongobvuma kuti zvinofanira kunge zvakagadzirwa nomunhu ane uchenjeri. Saka zvine musoro here kutaura kuti zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvikuru—ziso, nzeve, uropi hwomunhu—hazvina kuitwa nomunhu akachenjera?
Onawo mapeji 163-165, pasi pomusoro unoti “Kusika.”
Kuvapo kweuipi uye kutambura kunoratidza here kuti Mwari haako?
Ona mienzaniso: Kuti mapanga ave achishandiswa kuuraya vanhu kunoratidza here kuti hapana munhu akaagadzira? Kushandiswa kwendege kudonhedza mabhomba munguva yehondo kunoratidza here kuti hadzina mugadziri? Kana kuti kushandiswa kwezvinhu izvi ndiko kuri kukonzera nhamo kuvanhu?
Hachisi chokwadi here kuti zvirwere zvakawanda zvinokonzerwa nemararamiro asina kunaka evanhu uye kukanganisa kwavanoita zvakatipoteredza? Hondo dzinorwiwa nevanhu handidzo here dzinokonzera kutambura kwevanhu? Hachisi chokwadiwo here kuti, kunyange zvazvo mamiriyoni evanhu achitambura nokushayiwa zvokudya, kune dzimwe nyika vane mafashafasha, zvokuti chimwe chinokonzera matambudziko aya kukara kwevanhu? Zvinhu zvose izvi hazvipupuriri kuti Mwari haako asi kuti vanhu havasi kushandisa zvakanaka mano avo avakapiwa naMwari uye nyika pachayo.
Mwari ane hanya zvechokwadi here nezviri kuitika kwatiri isu vanhu?
Chokwadi ane hanya nesu! Chimbofunga uchapupu hunotevera: Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akasika vanhu vakakwana. (Gen. 1:27, 31; Dheut. 32:4) Zvisinei, vanhu vaizoramba vachifarirwa naMwari kana vaizoteerera Muiti wavo. (Gen. 2:16, 17) Kudai munhu aizoteerera, aizoramba akakwana—asingarwari, asingatamburi uye asingafi. Musiki aizotungamirira vanhu uye aizoshandisa simba rake kuvadzivirira panjodzi ipi neipi. Asi vanhu vakaramba kutungamirirwa naMwari; vakasarudza kuzvitonga. Vachiedza kuita chimwe chinhu chavasina kumborongerwa kuti vaite, vakazviunzira dambudziko. (Jer. 10:23; Mup. 8:9; VaR. 5:12) Asi kwemazana emakore Mwari ave achitsvaka nokushivirira vaya vanoda kumushumira nokuti vanomuda uye vanoda nzira dzake. Anovapa mukana wokuti vave nezvikomborero zvose zvavasina kugona kuwana nemhaka yokusakwana kwevanhu uye yokutadza kutonga. (Zvak. 21:3-5) Urongwa hwakaitwa naMwari kuburikidza noMwanakomana wake kuti adzikinure vanhu kubva pachivi norufu uchapupu hunoshamisa hwokuti Mwari anoda vanhu zvikuru. (Joh. 3:16) Mwari akarongawo nguva yaachaparadza vaya vanoparadza pasi uye yaachaita kuti vanhu vanoda kururama vanakidzwe noupenyu maererano nechinangwa chake chokutanga.—Zvak. 11:18; Pis. 37:10, 11; onawo misoro mikuru inoti “Kutambura” uye “Uipi.”
Mwari munhu chaiye here?
VaH. 9:24: ‘Kristu akapinda mudenga chaimo, zvino kuti aoneke pamberi paiye Mwari nokuda kwedu.’
Joh. 4:24:“Mwari Mudzimu.”
Joh. 7:28: “Iye akandituma aripo zvechokwadi,” akadaro Jesu.
1 VaK. 15:44: “Kana kuine muviri wenyama, kunewo womudzimu.”
Mwari ane manzwiro akafanana neevanhu vapenyu here?
Joh. 16:27: “Baba vanokudai kwazvo, nokuti mave muchindida kwazvo uye makatenda kuti ndakauya somumiririri waBaba.”
Isa. 63:9: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika. . . . Akavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza.”
1 Tim. 1:11: “Mwari anofara.”
Mwari ane paakatangira here?
Pis. 90:2: “Makomo asati aberekwa, kana kuti musati mabereka pasi nenyika inobereka zvibereko sokunge nemarwadzo okusununguka, muri Mwari kubvira narini kusvikira narini.”
Izvozvo zvine musoro here? Pfungwa dzedu hadzigoni kunyatsozvinzwisisa. Asi ichocho hachisi chikonzero chakanaka chokuzviramba. Chimbofunga mienzaniso inotevera: (1) Nguva. Hapana munhu anogona kutaura kuti nguva inotangira papi. Uye ichokwadi kuti kunyange upenyu hwedu huchiguma, nguva haigumi. Hatirambi pfungwa iyoyo nokuti pane zvimwe zvatisinganyatsonzwisisi. Asi zvatinoita muupenyu hwedu zvinochinja maererano nenguva. (2) Chadenga. Vanoongorora nyeredzi vanoti chadenga hapana kwachinotangira uye hapana kwachinogumira. Pavanoramba vachiongorora zvakasikwa vanoona kuti kunotova nezvakawandisa. Havarambi zvinoratidzwa nouchapupu; vakawanda vanoti chadenga ziendanakuenda. Izvi zvinoshandawo nezvokuvapo kwaMwari.
Mimwe mienzaniso: (1) Vanoongorora nyeredzi vanotiudza kuti nechepakati zuva rinopisa 15 000 000° C. Tinoramba pfungwa iyoyo nokuti hatigoni kunyatsonzwisisa mapisiro akadaro here? (2) Vanotiudza kuti boka renyeredzi rinonzi Milky Way rakakura zvokuti chiedza chinenge chichifamba makiromita 300 000 pasekondi imwe chete chaizotora makore 100- 000 kuti chibve kune rimwe divi kusvika kune rimwe divi. Pfungwa dzedu dzinonzwisisa here daro rakadaro? Asi tinozvibvuma nokuti uchapupu hwesayenzi hunozvitsigira.
Ndezvipi zvine musoro—kuti zvose zviripo zvakagadzirwa noMusiki mupenyu, akachenjera here? kana kuti zvakangoerekana zvavapo zvichibva kuchinhu chisina upenyu chisina uchenjeri? Vamwe vanhu vanobvuma zvapedzisira kutaurwa nokuti kana vakadavira zviri pamusoro vanenge vava kufanira kubvuma kuti kune Musiki ane unhu hwavasingagoni kunyatsonzwisisa. Asi zvinozivikanwa zvikuru kuti masayendisiti haanyatsonzwisisi kushanda kwemajini ari mumasero mapenyu uye anotema kuti masero aya achakura sei. Uyewo haanyatsonzwisisi kushanda kunoita uropi hwomunhu. Asi ndiani angaramba kuti izvi zviripo? Tinofanira kutarisira kunzwisisa zvinhu zvose here nezvoMunhu mukuru zvikuru zvokuti anogona kuita kuti zvinhu zvose zvivepo, nemagadzirirwo azvakaitwa akaoma kunzwisisa uye nokukura kwazvakaita?
Zvinokosha here kushandisa zita raMwari?
VaR. 10:13: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”
Ezek. 39:6: “Vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Jesu akati kuna Baba vake: “Ndakavazivisa [vateveri vake vechokwadi] zita renyu uye ndicharizivisa.”—Joh. 17:26.
Onawo mapeji 90, 91, pasi pomusoro unoti “Jehovha.”
Zvine basa here kuti tinoshumira Mwari upi, chero bedzi tiine chitendero chatinopinda?
1 VaK. 10:20: “Zvinhu zvinobayirwa nemarudzi, anozvibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari.”
2 VaK. 4:4: “Vasingatendi, vaya vakapofumadzwa pfungwa namwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino, kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka anokudzwa ane chokuita naKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.” (Pano Dhiyabhorosi anonzi ndi“mwari.” Ona 1 Johani 5:19; Zvakazarurwa 12:9.)
Mat. 7:22, 23: “Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri [Jesu Kristu], ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?’ Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.” (Kunyange kuzviti muKristu hakuvimbisi kuti tiri kushumira Mwari wechokwadi nenzira yaanofarira.)
Onawo mapeji 51, 52, pasi pemusoro unoti “Chitendero.”
Kana Jehovha ari “Mwari wechokwadi chete,” Jesu ndi“Mwari” akaita sei?
Jesu pachake akataura nezvaBaba vake sa“Mwari wechokwadi chete.” (Joh. 17:3) Jehovha pachake akati: “Kunze kwangu hakuna mumwe Mwari.” (Isa. 44:6) Muapostora Pauro akanyora kuti, kuvaKristu vechokwadi, “kuna Mwari mumwe chete ivo Baba.” (1 VaK. 8:5, 6) Saka Jehovha akasiyana nevamwe; hapana mumwe munhu ane nzvimbo yakaita seyake. Jehovha akasiyana nezvimwe zvinhu zvinonamatwa zvakaita sezvidhori, vanhu vanonamatwa uye Satani. Zvose izvi ndivanamwari venhema.
Jesu anotaurwa nezvake muMagwaro sa“mwari,” kunyange sa“Mwari Ane Simba.” (Joh. 1:1; Isa. 9:6) Asi hapana paanotaurwa seWemasimbaose, sezvakaita Jehovha. (Gen. 17:1) Jesu anonzi “kuratidzwa kwokubwinya kwaMwari,” asi kubwinya ikoko kunobva kuna Baba. (VaH. 1:3) Jesu haambotsvaki kuva panzvimbo yaBaba vake. Akati: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Ruka 4:8) Aripo “saMwari,” uye Baba vakarayira kuti “muzita raJesu mabvi ose apfugame,” asi zvose izvi zvinoitwa “kuti Mwari Baba vakudzwe.”—VaF. 2:5-11; onawo mapeji 96-100.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Handitendi muna Mwari’
Ungapindura kuti: ‘Makagara muchifunga saizvozvo here? . . . Musati mava nemafungiro iwayo, makamboongorora here uchapupu hwakaita kuti muzova nemafungiro iwayo?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Iyi inyaya inondinakidza zvikuru uye ndakafungisisa nezvayo. Pfungwa dzandakaona kuti dzinobatsira zvikuru ndeidzi: . . . (Papeji 258, ona musoro muduku unoti “Pane zvikonzero zvine musoro here zvokutenda muna Mwari?” onawo mapeji 163-165, pasi pomusoro unoti “Kusika.”)’
Kana kuti ungati: ‘Munoreva here kuti hamutendi kuti kune Musiki, kana kuti makaona unyengeri hwakawanda mumachechi zvokuti hamutendi zvaanodzidzisa here?’ Kana zvapedzisira kutaurwa zviri izvo, ungawedzera kuti: ‘Machechi echiKristudhomu akasiyana zvikuru nechiKristu chechokwadi. Ichokwadi kuti chiKristudhomu chave chichidzvinyirira vanhu, asi chiKristu hachidaro. ChiKristudhomu chakamutsa hondo, asi chiKristu hachina kudaro. ChiKristudhomu chakundikana kudzidzisa vanhu kuva netsika dzakanaka, asi chiKristu hachina kukundikana. Shoko raMwari, Bhaibheri, haritsigiri chiKristudhomu. Asi rinoshora chiKristudhomu.’
Zvimwe zvaungataura ndezvokuti: ‘Ndakanakidzwa nokukurukurirana nevamwe vane mafungiro akaita seenyu. Vamwe vavo vakati havakwanisi kudavira muna Mwari nemhaka yokutambura kwose uye uipi zviri munyika. Ndiwo mafungiro enyu here? (Kana zvakadaro, shandisa mashoko ari pamapeji 259, 260, pasi pemusoro muduku unoti “Kuvapo kweuipi uye kutambura kunoratidza here kuti Mwari haako?”)’
‘Ndinongotenda chete zvinhu zvandinogona kuona, uye handina kumboona Mwari’
Ungapindura kuti: ‘Mafungiro iwayo akakurumbira mazuva ano. Uye pane chikonzero chokufunga saizvozvo. Tiri kurarama munyika inonyanya kusimbisa zvinhu zvokurarama nazvo. Asi muri munhu anoda kuona zvinhu sezvazviri, handiti?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Pane zvinhu here zvatisingagoni kuona nemaziso edu asi zvatinotenda kuti zviriko nokuti pane zvikonzero zvine musoro zvokuti tidaro? Ko mweya watinofema? Tinounzwa kana kuchiita kakufefetera. Tinogona kutaura kuti unozadza mapapu edu, kunyange zvazvo tisingagoni kuuona. Pane chikonzero chakanaka chokudavira kuti uriko nokuti tinoona zvinoitika, handiti?’ (2) ‘Uye hatigoni kuona simba rinokwevera zvinhu pasi. Asi patinodonhedza chimwe chinhu tinoona uchapupu hwokuti pane simba rinokwevera zvinhu pasi. Uyewo hationi munhuhwi, asi mhino dzedu dzinounzwa. Hatigoni kuona ruzha, asi nzeve dzedu dzinorunzwa. Saka tinotenda zvinhu zvatisingagoni kuona—chero bedzi paine chikonzero chakanaka chokuti tidaro, handizvo here?’ (3) ‘Pane uchapupu here hwokuti Mwari asingaoneki aripo zvechokwadi? (Shandisa mashoko ari pamapeji 258, 259, pasi pomusoro muduku unoti “Pane zvikonzero zvine musoro here zvokutenda muna Mwari?”)’
‘Ndine mafungiro anguwo pamusoro paMwari’
Ungapindura kuti: ‘Ndinofara kunzwa kuti muri munhu anokoshesa zvikuru nyaya iyi uye kuti munotenda muna Mwari. Ndingabvunzawo here, Munofungei nezvaMwari?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Ndinofunga kuti munonzwisisa kuti zvinokosha kuva nechokwadi chokuti chero zvatinotenda zvinoenderana nezvinotaurwa naMwari pachake. Ndingakuratidzai here pfungwa imwe chete iri muBhaibheri nezvenyaya iyi? (Pis. 83:18)’